Mumhanzi
Mweya waMwari


54

Mweya waMwari

Nemufaro

1. Mweya waMwari urikupisa semoto!

Kubwinya kwemazuva ano kotanga kuuya;

Zviratidzo nemakomborero zvakare zvodzoka,

Ngirozi dzouya kuzoshanya panyika.

[Chorus]

Toimba todaidzira nemawuto edenga,

Hozana, hozana MwarineGwayana!

Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,

Zvino nekusingaperi Ameni ameni!

2. She vopamhidzira kunzwisisa kwe

Vatendi,Vodzorera vatongi nezvose sepakutanga.

Ruzivo nesimba raMwari zvirikukura;

Kuputirwa kwepanyika kwave kupera.

[Chorus]

Toimba todaidzira nemawuto edenga,

Hozana, hozana MwarineGwayana!

Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,

Zvino nekusingaperi Ameni ameni!

3. Toungana mumapoka edu emweya,

Kuti hushe hwekudenga huparidzwe kwese.

Kuti neruvimbo rwedu titange kutambira

Zviratidzo nezvikomborero zvavo Mwari.

[Chorus]

Toimba todaidzira nemawuto edenga,

Hozana, hozana MwarineGwayana!

Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,

Zvino nekusingaperi Ameni ameni!

4. Maropafadzo kuzuva shumba negwayana

Zvicharara pamwechete pasina hasha

Apo Efuremu ogadzwa muZioni,

Jesu achidzika nengoro yemoto.

[Chorus]

Toimba todaidzira nemawuto edenga,

Hozana, hozana MwarineGwayana!

Kurumbidzwa kwepamusoro kupihwe pavari,

Zvino nekusingaperi Ameni ameni!

Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872. Rwakaimbwa Pakutsaurwa kweTemberi yeku Kirtland muna 1836.

Mumhanzi: Anon., ca. 1844

Dzidziso neZvibvumirano 109:79–80

Dzidziso neZvibvumirano 110