Mumhanzi
Pamusoro Pegomo


58

Pamusoro Pegomo

Nekushinga

1. Pamusoro pegomo

Vhangeri radzikwa

Marudzi, tererai;

Nyika yonzwa chokwadi

Kubva Dhezereti kune runyara ro,

Pagomo reZioni onai radzikwa!

2. Mwari voyeuka

Chitsidzo chekare

Pagomo reZioni

Chokwadi chobuda!

Chiyedza chevhangeri chotora maziso

Epasi mazuva ekupedzisira.

3. Imba yake yovakwa,

Simba roratidzwa,

Vanhu vachanzwikwa

Kunyika dzekure:

Zvino toenda kunoshandira Ishe,

Kunoterera nekudzidza shoko rake.

4. Kwatichadzidziswa

Mirairo yaMwari,

Nechokwadi nenjere,

Kutonga pasirose.

Tichafamba nzira dzake kusingaperi,

Tigozviponesa nevakafa vedu.

Manzwi: Joel H. Johnson, 1802–1882

Mumhanzi: Ebenezer Beesley, 1840–1906

Isaya 2:2–3

Isaya 5:26