Mumhanzi
Mwari Baba Vokusingaperi


34

Mwari Baba Vokusingaperi

Nemunamato

1. Mwari, wokusingaperi,

Mugere kudenga,

Muna Jesu tomukumbirai

Kuti mutsvenese,

Kana tiri vatsvene,

Chingwa newaini,

Kuti tose tiyeuke

Kuzvipira kutsvene—

2. Kuzvipira, kutsvene,

Kusinganzwisiswe,

Kuripira zvivi zvedu

Kutora chirairo,

Kuti tizopupura

Dambudziko Rake,

Mweya wake uve nesu

Kuti tiba tane.

3. Apo Jesu, akazodzwa,

Paakabva kudenga

Akapa tsikinuro

Kumweya yedu nerudo —

Pasina nerunako,

Rwekukwezva vanhu —

Muponesi akavimbiswa,

Kuchenesa nemoto.

4. Ruzivo rusingaperi,

Chirongwa choutsvene,

Charuramisa ruponeso

She akave nyama,

Kuti afambe panyika

Uye ave semunhu,

Muchigaro chohumwari,

Agofa zvisarasike.

Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872

Mumhanzi: Felix Mendelssohn, 1809–1847

Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79

Isaya 53:2–5