42
Ndinoshamiswa Kwazvo
Nekufungisisa
1. Ndinoshamiswa kwazvo nerudo rwaJesu,
Tsitsi dzake dzinondishamisa zvikuru.
Ndodedera kuti akandirovererwa,
Akanditambudzikira, akandifira.
[Chorus]
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!
2. Ndoshama akabva pachigaro chitsvene
Kununura mweya unozvikudza sewangu,
Kupa rudo rwake kumunhu anengeni,
Rwakakwana kunatsa nekundiponesa.
[Chorus]
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!
3. Maoko ake akaboorerwa zvivi!
Ndokanganwa here rudo netsitsi dzake?
Kwete ndichamurumbidza pachifunhiro,
Dakara ndapfugama paari kudenga.
[Chorus]
O, zvinondishamisa kuti anondida zvekundifira!
O, zvinoshamisa shamisa ini!
Manzwi nemumhanzi: Charles H. Gabriel, 1856–1932
Johane 15:13