Mumhanzi
Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende


90

Ndichaenda Kwamunoda Kuti Ndiende

Neushingi

1. Pangasave pamusoro pegomo

Kana mudutu regungwa,

Pangasave mberi muhondo

Ishe wangu acha ndida.

Asi nekanzwi akadaidza,

Kunzira dzandisingazive,

Ndodaira, She, noruoko mamuri:

Ndichaenda kwamunoda.

[Chorus]

Ndichaenda kwamunoda, Ishe,

Mhiri kwegomo gungwa nerenje;

Ndichataura zvamu noda, Ishe,

Ndichave sezvamunoda.

2. Zvimwe nhasi kune mazwi erudo

Jesu aanoda nditaure;

Pamwe zvino munzira dzezvivi

Munde mutadzi wokutsvaga.

Muponesi, nditungamirei,

Kunyange nzira yakaipa,

Inzwi rangu richaungira shoko:

Ndichataura zvamunoda.

[Chorus]

Ndichaenda kwamunoda, Ishe,

Mhiri kwegomo gungwa nerenje;

Ndichataura zvamu noda, Ishe,

Ndichave sezvamunoda.

3. Kune nzvimbo yakapfava kumwe

Kune minda yakakura

Mandingashandire iyezvino

Jesu Akarovererwa.

Ndopa hupenyu hwangu kwamuri,

Nokuziva munondida,

Ndoita kuda kwenyu nemwoyo wose:

Ndichava sezvamunoda.

[Chorus]

Ndichaenda kwamunoda, Ishe,

Mhiri kwegomo gungwa nerenje;

Ndichataura zvamu noda, Ishe,

Ndichave sezvamunoda.

Manzwi: Mary Brown, 1856–1918

Mumhanzi: Carrie E. Rounsefell, 1861–1930

1 Nifai 3:7

Dzidziso neZvibvumirano 4:2