Mumhanzi
Kristu lshe Wamuka Nhasi


106

Kristu lshe Wamuka Nhasi

Nekukunda

1. Kristu Ishe amuka nhasi, Hareruya!

Vanhu nengirozi voti, Hareruya!

Chifarai makunda, Hareruya!

Imbai denga nyika ipindure, Hareruya!

2. Basa roruponiso raitwa, Hareruya!

Hondo yarwiwa, yakundwa, Hareruya!

Marwadzo aJesu apera, Hareruya!

Hakusisina rima munyika, Hareruya!

3. Mupenyu zve Ishe wedu, Hareruya!

Rufu, marwadzo aripi? Hareruya!

Akafa kutiponesa, Hareruya!

Guva, kukunda kwako kuripi? Hareruya!

Manzwi: Charles Wesley, 1707–1788

Mumhanzi: Anon., Lyra Davidica, 1708

Mateo 28:5–6

Ⅰ VaKorinte 15:20, 53–57