Mumhanzi
Onai Mununuri Afa


30

Onai Mununuri Afa

Neruremekedzo

1. Onaimununuri afa,

Kuzadzisa murau wakatyorwa.

Anofa kuripira zvivi,

Anofa kuripira zvivi,

Kuti tiwane kubwinya kokusingaperi.

2. Vachiseka marwadzo ake,

Vanomubaya nezvipikiri;

Vachimutuka nekumushora,

Vachimutuka nekumushora,

Vano mupfekedza korona yeminzwa.

3. Nyangwe akarwadziwa zvikuru,

Haana kumbonyunyuta.

Basa rake akazadzikisa,

Basa rake akazadzikisa,

Akakudza kuda kwaBaba vake.

4. “Baba, bvisai mukombe kwandiri.

Asi, kuda kwe nyu ngakuitwe.

Ndaita basa ramakandipa,

Ndaita basa ramakandipa,

Chigamuchirai Mweya wangu kwamuri.”

5. Akafa, pakuona izvi

Zuva rakadzima nenyadzi!

Nyika yakadengenyeka,

Nyika yakadengenyeka

Mukudaira, “Mwari Afa!”

6. Mupenyu—mupenyu. Todaro

Pachirairo totsikitsira,

Totsvaka, seVatendi nhasi,

Totsvaka, seVatendi nhasi,

Kumuteerera nekumurumbidza.

Manzwi: Eliza R. Snow, 1804–1887

Mumhanzi: George Careless, 1839–1932

Dzidziso neZvibvumirano 18:11

Ruka 22:42

Ruka 23:46