Mumhanzi
Hwaro Hwakasimba


10

Hwaro Hwakasimba

Nemutsigo

1. Hwaro hwakasimba, imi Vatendi vaShe,

Hwaisirwa ruvimbo rwenyu mushoko rake!

Chii chimwe chingarehwa kupinda izvi,

Kune Muponesi wenyu, kune Muponesi wenyu,

Kune Muponesi wenyu kwamunopotera?

2. Muzvese mukurwara nemuhutano,

Muhurombo mose kana muhupfumi,

Kumusha, kunyika kure kana mugungwa

Sekuda kwamazuva enyu, sekuda kwamazuva enyu,

Nekuda kwamazuva enyu, yamuro mopihwa.

3. Musatye ndinemi; regai kunetseka,

Ndiri Mwari wenyu ndichakuyamurai.

Ndichakusimbisai, ndigokutsigirai,

Neruoko rutsvene, neruoko rutsvene,

Neruoko rutsvene, rwangu runesimba.

4. Ndokudanai nemumvura dzakadzika,

Nzizi dzerusuwo hadzizokuyeredzei,

Nokuti ndichava nemi, mukuedza kwenyu,

Uye ndokucheneserai, uye ndokucheneserai,

Uye ndokucheneserai matambudzo.

5. Kana nzira dzopinda nemumoto wenhamo,

Vimbai nerubatsiro rwangu rusingaperi.

Moto haukurwadzei, ndakauitira

Kupisa uyipi hwenyu, Kupisa uyipi hwenyu,

Kupisa uyipi kunatsa zvakanaka.

6. Nyange kumagumo vanhu vacharatidza

Rudo rwangu rukuru, rusingaperi;

Nyange bvudzi ravo rachena nekuchembera,

Vachamuka sehwayana, Vachamuka sehwayana,

Vachamuka vogara muchipfuva changu.

7. Mweya wazembera pana Jesu kuzorora

Handizo, handinga, usiire kumhandu;

Nyange gehena rikaedza kuzunguza,

Handimbousiya wega, Handimbousiya wega,

Handimbousiya ndichautsigira!

Manzwi: Akanyorwa na Robert Keen, ca. 1787

Mumhanzi: Akanyorwa na J. Ellis, ca. 1889

Isaya 41:10

Isaya 43:2–5

Hiramani 5:12