94
Wafunga Kunamata Here?
Nekufungisisa
1. Pawabuda mumba mako,
Wanamata here?
Muzita raKristu IShe,
Watsvaka ropafadzo here
Senhowo nhasi?
[Chorus]
Kunamata kozorodza!
Rima richava chiedza
Kana upenyu hwaoma,
Yeuka kunamata.
2. Pawange washatiriswa,
Wanamata here?
Wakumbira nyasha here, hama,
Kuti ugoregerera,
Akugumbura?
[Chorus]
Kunamata kozorodza!
Rima richava chiedza
Kana upenyu hwaoma,
Yeuka kunamata.
3. Pawanyanya kuomerwa,
Wanamata here?
Pawanga wasuruvara,
Wakumbira nyaradzo here
Patanga zuva?
[Chorus]
Kunamata kozorodza!
Rima richava chiedza
Kana upenyu hwaoma,
Yeuka kunamata.
Manzwi: Mary A. Pepper Kidder, 1820–1905
Mumhanzi: William O. Perkins, 1831–1902
Mapisarema 5:3, 12
Marko 11:24–25