Mumhanzi
Huyayi, Huyayi Vatendi


2

Huyayi, Huyayi Vatendi

Nerutendo

[Chorus]

Huyai vatendi, Huyai musambotya;

endai nerufaro.

Zvowomasei parwendo irworwu,

Yamuro muchapiwa.

Zvakanaka sei kushingirira

Kubvisa twunotinetsa;

Itai izvi, muchafara—

Zvose zvakanaka!

1. Tinochemei tichiti taomerwa?

Handizvo; zvose zvakanaka.

Tofungirei kuwana mubairo

Kana tichitya hondo?

Sungai dzisimbe; musambotya.

Mwari havambotisiya;

Tozotaura mazwi aya—

Zvose zvakanaka!

2. Tichawana patakagadzirirwa,

Kure kumadokero,

Kusingasvikwe nemhandu dzedu;

Koropafadzwa Vatendi.

Mumhepomuungire nemumhanzi,

Pakurumbidza MwarinaShe;

Todaidzira mazwi aya—

Zvose zvakanaka!

3. Kana tikafa tisati tasvika,

Farai! Zvose zvakanaka!

Tasununguka kubva munhamo;

Nevatsvene togara!

Asi kana tikaramiswa

Kuwona zororo reVatendi,

kuimba kwatingaite—

Zvose zvakanaka!

Manzwi: William Clayton, 1814–1879

Mumhanzi: Rumbo rwevanhu vechilngirishi

Dzidziso neZvibvumirano 61:36–39

Dzidziso neZvibvumirano 59:1–4