Mumhanzi
Hungwaru neRudo Rukurusa


36

Hungwaru neRudo Rukurusa

Zvakadzikama

1. Hungwaru nerudo rukurusa

Rwakazadza matare edenga

Muponesi akabva kudenga

Kuzotambura nekufa!

2. Ropa rake akadeura nekuda;

Akapa hupenyu hwake,

Mutsvene okodzera kuripira,

Kuponesa nyika yofa.

3. Nekuteerera Jesu akawana

Mubairo unobwinya:

“Kudakwenyu, Mwari, ngakuitwe,”

kwakanatsa hupenyu hwake.

4. Akatara nzira akatungamira,

Ndokuisa zvese pachena

Kuchiedza nehupenyu husingaperi

Kune kubwinya kwaMwari.

5. Mukurangarira muviri wake

Todya chingwa chakamedurwa,

Topupura neMukombe, patsva,

Ruvimbo munaKristu, She wedu.

6. Chikuru, chinobwinya, chakakwana,

Chirongwa cherudzikinuro,

Panosangana rudo netsitsi

Muruyanano rutsvene!

Mavhesi 1, 2, 5, ne 6 ndiwo akanyanya kufanira pachirairo.

Manzwi: Eliza R. Snow, 1804–1887

Mumhanzi: Thomas McIntyre, 1833–1914

Mosesi 4:1–2

Aruma 42:14–15