98
Mbiri Kumunhu
Zvakasimba
1. Rukudzo kuna akataura naJehova!
Jesu akamuzodza Muprofita.
Wekutanga wenguva yekupedzisira,
Madzishe nemarudzi achamukudza.
[Chorus]
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
2. Timurangarire akafira vhangeri;
Zita rake tikudze nguva dzose!
Ropa rake rakadeurwa nemhondi,
Ropupura vanhu vachimukudza.
[Chorus]
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
3. Mbiri yake ihuru hufundisi narinhi.
Achange ane makiyi narinhi.
Nerutendo achapinda muhushe hwake,
Ogadzwa pakati pevaprofita.
[Chorus]
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
4. Kuzvipira kounza ropafadzo dzedenga;
Nyika iripire ropa raiye,
Mutsai nyika kuuyipi hwakaitwa.
Vazhinji vachaziva Josefa zve.
[Chorus]
Rukudzo kumuprofita akakwira denga!
Vavengi nemhondi zvino havachamukurira
Pamwe navaMwari, ogadzirira hama;
Rufu haruchakundi gamba zvakare.
Manzwi: William W. Phelps, 1792–1872
Mumhanzi: Rwiyo rwechi Scottish