Mumhanzi
Kunaka kweZviito


24

Kunaka kweZviito

Nechido Chikuru

1. Kunaka kwezviito, Mwari, Mambo,

Kumurumbidzai nokumutenda,

Kuratidza rudo rwenyu nhasi,

Nokutaura chokwadi chenyu.

2. Kunaka kwezuva reSabata.

Handifunge zvepanyika.

Ndiwanikwe ndichimurumbidza,

Sehwamanda yaDavidi!

3. Ndichakunda muna She wangu

Ndonatsa mabasa neshoko rake.

Mabasa enyu enyasha, openya!

Dzidziso dzenyu dzakadzama!

4. Kukunda kwangu kukuru

Muzita renyu nguva dzose,

Nokusingaperi, ndichaona

Chiso chenyu chine rufaro!

5. Chivi muvengi wangu mukuru,

Hachizondikanganisi.

Ndichakunda utera hwangu,

Satani haazoputsa rugare.

6. Zvino ndoona ndonzwa ndoziva

Zvose zvandaida pasi,

Ndichava nesimba rezvakanaka

Muupenyu husingaperi.

Manzwi: Isaac Watts, 1674–1748

Mumhanzi: John J. McClellan, 1874–1925

Mapisarema 92:1–5

Enosi 1:27