“Chivabvu 4–10. ‘Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya: Numeri 11–14; 20–24; 27,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chivabvu 4–10. ‘Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026
Gwenga riripedyo neChitsuwa cheSinai
Chivabvu 4–10: “Regai Kumukira Ishe, Uye Musatya”
Numeri 11–14; 20–24; 27
Kunyangwe munhu achifamba netsoka, hazvizotori makore makumi mana kufamba kubva murenje reSinai kuenda kunyika yechipikirwa muKanani. Asi ndihwo hurefu hwenguva iyo yaidikanwa nevana vaIsraeri—kwete yokufamba chinhambwe cherwendo rwacho chairwo asi yokufamba chinhambwe chorwendo rwezvepamweya: chinhambwe pakati pevanhu vaiva vari nevanhu vavaikwanisa kuva sevanhu vechibvumirano vaMwari.
Bhuku raNumeri rinotsanangura zvimwe zvezvinhu zvakaitika munguva yamakore makumi mana iwayo, kusanganisira zvidzidzo izvo vana vaIsraeri zvavaifanira kudzidza vasati vapinda munyika yechipikirwa. Vakadzidza pamusoro pokuva vakatendeka kuvaranda vaIshe (ona Numeri 12). Vakadzidza pamusoro pokuvimba nesimba raIshe, kunyangwe apo ramangwana parairatidzika kuva risina tarisiro (ona Numeri 13–14). Uye vakadzidza kuti kusava nerutendo kunounza njodzi kune zvepamweya, asi kuti vaikwanisa kutendeuka uye votarisa kuMuponesi kuti vawane kuporeswa (ona Numeri 21:4–9).
Tose takafanana navaIsraeri nedzimwe nzira. Tose tinoziva zvazvakaita kuva murenje rezvepamweya, uye zvidzidzo zvavakadzidza zvinokwanisa kutibatsira kugadzirira kupinda munyika yedu yechipikirwa: upenyu hwokusingaperi naBaba vedu Vokudenga.
Kuti uone pfupiso yebhuku raNumeri, ona “Numeri” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Numeri 11:11–17, 24–29; 12
Zvakazarurwa zvinowanikwa nemunhu wose, asi Mwari vanotungamirira Chechi Yavo kuburikidza nemuporofita Wavo.
Muna Numeri 11:11–17, 24–29, cherechedza dambudziko iro Mosesi raakatarisana naro uye gadziriso Mwari yavakapa kwaari. Unofunga kuti Mosesi aireva chii apo paakati aishuvira “kuti dai vanhu vose vaIshe vaiva vaporofita”? (ndima 29). Paunofungisisa nezve mubvunzo uyu, tsvaga mhinduro mushoko raMutungamiri Russell M. Nelson “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu” (Liahona, Chivabvu 2018, 93–96).
Kutaura kuti tose tinokwanisa kuwana zvakazarurwa, zvisinei, hazvirevi kuti tose tinokwanisa kutungamirira vanhu vaMwari nenzira yakaitwa naMosesi. Chiitiko chakanyorwa muna Numeri 12 chinojekesa izvi. Ndedzipi yambiro dzaunowana muchitsauko ichi? Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti unzwisise pamusoro pezvakazarurwa zvako pachako uye nokutevera muporofita Wavo?
Onawo 1 Nifai 10:17; Dzidziso neZvibvumirano 28:1–7; Dallin H. Oaks, “Two Lines of Communication,” Liahona, Mbudzi. 2010, 83–86.
Nangisa pazvinhu zvakanyanya kukosha. Vamwe vanhu vanoremerwa nemazano ekunzvera evhiki yoga yoga ari muna Huyai, Munditevere. Apo paunoverenga zvidzidzo zvacho, tevera nhungamiro yeMweya. Funga pamusoro pazvidikanwi zvako pachako uye zvidikanwi zvevanhu vaungange uchidzidzisa. Kunzwisisa uye kushandisa zvakazara musimboti mumwechete pavhiki kunokwanisa kunyanya kubatsira kupfuura kungoverenga zvitsauko zvakawanda usingadzamisi pfungwa.
Numeri 12:3
“Mosesi aiva munhu munyoro kwazvo.”
Vamwe vanhu vanoshamiswa kudzidza kuti Mosesi, mutungamiri anoshamisa uyo akamira pamberi paFarao uye akaita zvishamiso zvinotyisa nesimba raIshe, aivawo “munyoro kwazvo” (Numeri 12:3). Zvinorevei kuva munyoro? Funga pamusoro pokunzvera tsananguro yaGosa David A. Bednar muna “Munyoro uye Ane Mwoyo Wakaninipa” (Liahona, Chivabvu 2018, 30–33) kana “Nyorova, Unyoro” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (Raibhurari yeVhangeri).
Chii chaunodzidza kubva kumienzaniso yaMosesi yeunyoro muna Eksodo 18:13–25; Numeri 11:26–29; Numeri12; VaHeberu 11:24–27; uye Mosesi 1:10–11? Unokwanisawo kufungisisa kuti muponesi akaratidza sei unyoro (ona Mateo 11:29; 27:11–14; Ruka 22:41–42; Johane 13:4–5). Mienzaniso iyi inokudzidzisei?
Numeri 13–14
Nerutendo muna Ishe, ndinokwanisa kuva netariro mune ramangwana.
Apo paunoverenga Numeri 13–14, edza kuzviisa munzvimbo yavaIsraeri. Unofunga kuti sei vakanga vachida “kudzokera kuEgipita” (Numeri 14:3). Ungatsanangura sei mumwe “mweya” uyo Karebi waakanga ainawo? (Numeri 14:24). Chii chaunoyemura pamusoro perutendo rwaKarebi naJoshua, uye ungashandisa mienzaniso yavo sei kumamiriro ezvinhu aunotarisana nawo?
Gumi pakati pevasori veIsraeri vaitya; Joshua naKarebi vaiva nerutendo. Joshua and Caleb: Obedient Spies [Joshua naKarebi: Vasori Vaiteerera], naDouglas Klauba. © Lifeway Collection/licensed from goodsalt.com
Numeri 21:4–9
Kana ndikatarisa kuna Jesu Kristu nerutendo, Anokwanisa kundiporesa pane zvepamweya.
Vaporofita veBhuku raMormoni vaiziva nyaya inowanikwa muna Numeri 21:4–9 uye vainzwisisa kukosha kwezvepamweya kwayo. Verenga dzidziso dzavo pamusoro penyaya iyi muna 1 Nifai 17:40–41; Aruma 33:18–22; uye Hiramani 8:13–15. Heino mimwe mibvunzo yekufungisisa apo paunoita izvi:
-
Nyoka yendarira ingava inomiririra chii?
-
Kurumwa nenyoka kungava kunomiririra chii?
-
VaIsraeri vaifanira “[kutarisa] kunyoka yendarira” (Numeri 21:9) kuti vaporeswe. Unofunga kuti sei vamwe vanhu vakaramba kutarisa? Chimwe chinhu chakafanana neichi chinomboitika here kwauri?
-
Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuita zvakanyanya kuzara kuti “utarise kuMwanakomana waMwari nerutendo” uye ugoporeswa? (Hiramani 8:15).
Kuverenga ndima idzi kungangokuyeuchidza nezve dzimwe nguva mumagwaro matsvene apo vanhu pavaifanira kuramba vakanangisa pfungwa dzavo panaKristu. Somuenzaniso, enzanisa mashoko ari muna Numeri 21:4–9 neari muna Mateo 14:25–31 uye 1 Nifai 8:24–28 (onawo mifananidzo iri kumagumo kwechidzidzo chevhiki ino). Chii chinowanzotibvisa panaKristu? Anoropafadza sei vanhu vanoramba vakanangisa pfungwa paAri?
-
Numeri 22–24
Ndinokwanisa kutevera chido chaMwari, kunyangwe kana vamwe vakaedza kundinyengetedza kuti ndisaita kudaro.
Apo Baraki, mambo weMoabi, paakaziva kuti vaIsraeri vaiva vavakusvika pedyo, akadaidza Barami, murume aizivikanwa nokuda kwokutaura kwake maropafadzo nezvituko. Baraki aida kuti atuke vaIsraeri. Cherechedza maedzero akaita Baraki kunyengetedza Barami (ona Numeri 22:5–7, 15–17), uye funga pamusoro pezviedzo zvaungangotarisana nazvo zvingaita kuti upikise chido chaMwari. Chii chaunoyemura pamusoro pemhinduro yaBarami muna Numeri 22:18, 38; 23:8, 12, 26; 24:13? Chinosuwisa ndechokuti, Barami mukufamba kwenguva akabvuma kumanikidzwa uye akapandukira vaIsraeri (ona Numeri 31:16; Judasi 1:11). Fungisisa zvaungaita kuti urambe wakatendeka kuna Ishe zvisinei nokumanikidzwa kunobva kuna vamwe.
Mazano eKudzidzisa Vana
Numeri 11:4–10
Ndinokwanisa kuva neruvongo pane izvo zvandakapuwa naIshe.
-
Bvunza vana vako kana vachiyeuka zvimwe zvishamiso zvakaitwa naIshe mukubatsira vaIsraeri (ona “Matambudziko eEgipita” uye “Paseka” muNyaya dzeTestamente Yekare, 67–74). Zvino unokwanisa kuvaitira pfupiso yeNumeri 11:4–10, uchisimbisa kuti vaIsraeri vaiva vakanganwa maropafadzo avo uye vaiva vava kugunun’una. Maropafadzo api atinokanganwa dzimwe nguva?
-
Apo pamunoimba kana kuteerera rumbo pamusoro peruvongo, rwakaita serwokuti “Verenga Zvikomborero Zvako” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 14), vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yemaropafadzo ayo Ishe avakavapa.
Numeri 12
Ishe vanoda kuti nditevere muporofita Wavo.
-
Kuti usume Numeri 12, unokwanisa kutaurira vana vako kuti Ishe havana kufara naAroni naMiriam, mukoma nehanzvadzi yaMosesi. Vakoke kuti vaverenge Numeri 12:1–8 kuti vaone kuti sei. Funga pamusoro pokushandisa Bhuku reMifananidzo yeVhangeri kuti ubatsire vana vako kuwana mienzaniso yevanhu mumagwaro matsvene avo vairemekedza muporofita waIshe uye vakaropafadzwa. Tinoropafadzwa sei apo patinotevera muporofita waIshe?
Numeri 21:6–9
Ndinokwanisa kutarisa kuna Jesu Kristu.
-
Unokwanisa kushandisa “Mosesi neNyoka yeNdarira” muNyaya dzeTestamente Yekare, 83–84, kuti ubatsire vana vako kudzidza zvakaitika muna Numeri 21:6–9. Nyoka yendarira yakafanana sei naJesu Kristu? (ona Johane 3:14–15). Vana vako vanokwanisa kunakidzwa nokugadzira nyoka kubva pabepa uye vonyora pairi zvinhu zvakareruka zvavanokwanisa kuita kuti “vatarise kumwanakomana waMwari nerutendo” (Hiramani 8:15).
1:2Moses and the Brass Serpent
-
Vana vati kurei vanokwanisa kusarudza chimwe chezvinyorwa zvitsvene zvinotevera uye vogovera izvo zvachinowedzera kunzwisiso yavo yenyaya iyi: 1 Nifai 17:41; Aruma 33:18–20; Hiramani 8:13–15; Dzidziso neZvibvumirano 6:36.
Bronze Serpent [Nyoka yendarira], naBrent Evans
Numeri 22–24
Ndinokwanisa kutevera chido chaMwari, kunyangwe kana vamwe vakaedza kundinyengetedza kuti ndisaita kudaro.
-
Taura muchidimbu Numeri 22:1–18 kuvana vako, uchisimbisa marambiro akaita Barami kuisa chituko pavanhu vaMwari, kunyangwe zvazvo Baraki, mambo weMoabi, akamuvimbisa rukudzo nepfuma. Zvino unokwanisa kubatsira vana vako kutsvagurudza ndevo mundima dzinotevera dzavanonzwa kuti dzinoratidza kuti Barami aida kutevera Mwari: Numeri 22:18; 23:26; 24:13. Pamwe vana vako vanokwanisa kusarudza ndevo imwechete yavanofarira uye voinyora pakadhi kuti izovabatsira kurangarira kuteerera Ishe.
Kumusoro kuruboshwe: The Crucifixion of Christ [Kuroverwa Pamuchinjikwa kwaJesu]. Kumusoro kurudyi: Moses and the Brass Serpent [Mosesi neNyoka yeNdarira], naJudith Mehr. Kuzasi kuruboshwe: Finisher of Faith [Mupedzisi weRutendo], naKelsy naJesse Lightweave Kuzasi kurudyi: Lehi’s Dream [Chiroto chaRihai], naJerry Thompson