“Chivabvu 11–17. ‘Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe’: Deuteronomio 6–8; 15; 18; 29–30; 34,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chivabvu 11–17. ‘Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Moses on Mount Nebo (Mosesi paGomo reNebo), naJohn Steel, © Providence Collection/licensed from goodsalt.com
Chivabvu 11–17: “Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe”
Deuteronomio 6–8; 15; 18; 29–30; 34
Hushumiri hwaMosesi hwepanyika hwakatanga pagomo, apo Mwari pavakataura naye kubva mugwenzi raipfuta (ona Eksodo 3:1–10). Hwakagumirawo pagomo, makore anopfuura makumi mana pashure, apo Mwari pavakataridza Mosesi chidimbu chenyika yechipikirwa kubva pamusoro peGomo reNebo (ona Deuteronomio 34:1–4 Mosesi akanga apedza upenyu hwake hwose achigadzirira vana vaIsraeri kupinda munyika yechipikirwa, uye bhuku raDeuteronomio rinopa mirairidzo, zviyeuchidzo, kurudziro, uye teterero dzake dzokupedzisira navaIsraeri. Kuverenga mashoko ake kunojekesa kuti chinangwa chaicho chehushumiri hwaMosesi—gadziriro yaidikanwa navanhu—chakanga chisiri pamusoro pokupona murenje, kukunda vavengi, kana kuvaka rudzi. Chakanga chiri pamusoro pokudzidza kuda Mwari, kuVateerera, uye nokuramba vakatendeka kwaVari. Ndiyo gadziriro yatinoda tose kuti tipinde munyika yechipikirwa yeupenyu hwokusingaperi. Saka kunyangwe zvazvo Mosesi asina kuzombopinda “munyika inoyerera mukaka neuchi” (Eksodo 3:8), nokuda kwerutendo norutendeseko rwake, akapinda munyika yechipikirwa iyo Mwari yavakagadzirira avo vose vanoVatevera.
Kuti uwane pfupiso yaDeuteronomio, ona “Deuteronomio” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Deuteronomio 6:4–7; 8:2–5, 11–17; 29:18–20; 30:6–10, 14–20
“Ida Ishe Mwari vako nemwoyo wako wose.”
Mutemo waMosesi waisanganisira mhemberero netsika dzokunze dzakawanda. Sezvaunozoona murairo yaMosesi muna Deuteronomio, Ishe vainetsekanawo pamusoro pamamiriro ezvomukati avanhu Vavo—mamiriro ezvepamweya emwoyo yavo.
Mundima dziri pazasi, tsvaka shoko rokuti mwoyo, uye wofungisisa nezve izvo zvaringangomirira. Ungangofunga nezve ndima idzi serudzi rwekuwongorora zvepamweya pamwoyo wako. Chii chinonetsa chaunozoti wachiwana pauri kubva kuwongororo yacho? Mushonga upi waunozozvipa kuitira kuti unatsurudze utano hwezvepamweya hwemwoyo wako? Nyora pasi manzwiro ako:
-
Deuteronomio 6:4–7:
-
Deuteronomio 8:2–5:
-
Deuteronomio 8:11–17:
-
Deuteronomio 29:18–20:
-
Deuteronomio 30:6–10:
-
Deuteronomio 30:14–20:
Imwe nzira yokuronga nayo pfungwa dzako inokwanisa kuva yokudhirowa mwoyo uye wonyora mukati mawo zvinhu izvo Ishe zvavanoti unofanira kuva nazvo mumwoyo mako. Zvino unokwanisa kunyora kunze kwawo zvinhu izvo zvaunofanira kuchengeta kunze kwemwoyo wako.
Unoratidza sei kuti unoda Mwari neMwoyo wako wose? Kuti uwane mazano, ona “Love God, love your neighbor” muna For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices, 10–12.
Onawo M. Russell Ballard, “Lovest Thou Me More Than These?,” Liahona, Mbudzi 2021, 51–53.
Tsvaka nzwisiso dzezvepamweya dzako pachako. Huyai, Munditevere rinopa ndima uye misimboti yokunangisisa pairi mumagwaro matsvene, asi usarega izvozvo zvichikudzivirira kunzvera zvimwewo. Apo paunoverenga Deuteronomio, ungangowana musimboti uyo usina kusimbisiswa pano. Rega Mweya ukutungamirire kune izvo zvaunofanira kudzidza.
Deuteronomio 6:4–12, 20–25
“Chenjera Kuti Urege Kukanganwa Ishe.”
Vakawanda vavaIsraeri avo vaizopinda munyika yechipikirwa vakanga vasina kuona matambudziko muEgipita kana kuyambuka Gungwa Dzvuku. Mosesi aiziva kuti ivo—uye nezvizvarwa zvaizotevera—vaizofanira kurangarira zvishamiso zvaMwari uye mitemo yaMwari kuti varambe vari vanhu vaMwari.
Irairo ipi yaunowana muna Deuteronomio 6:4–12, 20–25 iyo inokwanisa kukubatsira kurangarira zvinhu zvikuru Mwari zvavakakuitira? Chii chaunofemerwa kuita kuitira kuti shoko raIshe “rizova mumwoyo mako”? zuva nezuva (ndima 6).
Ungangonzverawo shoko raBhuratha Jan E. Newman “Preserving the Voice of the Covenant People in the Rising Generation” (Liahona, Mbudzi 2023, 36–38) uye wofunga pamusoro pokuti unozopfuudza sei rutendo rwako muna Kristu kuzvizvarwa zvinotevera.
Onawo Deuteronomio 11:18–21; Dale G. Renlund, “Consider the Goodness and Greatness of God,” Liahona, Chivabvu 2020, 41–44; Bible Dictionary, “Frontlets or phylacteries.”
Deuteronomio 15:1–15
Kubatsira vanhu vanoshaya kunosanganisira maoko asina rutsuta uye mwoyo inoda.
Hatisati tasvika pazuva “apo pakuchange kusina varombo pakati penyu” (Deuteronomio 15:4), saka misimboti pamusoro pokubatsira varombo iri muna Deuteronomio 15 ichakakosha, kunyangwe kana tsika dzacho chaidzo dzakachinja. Cherechedza izvo ndima 15 zvainodzidzisa pamusoro pokuti sei tichibatsira vanhu vanoshaya uye kuti mafungiro edu anofanira kuva api pamusoro pazvo.
Zvinorevei “kutambanudzira ruoko rwako kwazvo” kuvanhu vanoshaya? (ndima 8, 11). Chii chaunodzidza kubva kumuenzaniso waIshe pamusoro pokubatsira vanhu vanoshaya? (ona mundima 15).
Onawo “Ita Zvakanaka; Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 223.
Deuteronomio 18:15–19
Mosesi aiva “akafanana” naJesu Kristu.
Petro, Nifai, Moronai, uye noMuponesi Pachake vose vakataura pamusoro pohuporofita huri muna Deuteronomio 18:15–19 (ona Mabasa aVaApositora 3:20–23; 1 Nifai 22:20–21; Joseph Smith—Nhoroondo 1:40; 3 Nifai 20:23). Chii chatinodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi? Funga pamusoro peizvo zvawaverenga pamusoro paMosesi mumavhiki mashoma apfuura. Mosesi “akafanana” sei naJesu Kristu?
Jesu Kristu akataurira vanhu Vake muAmerica yechinyakare kuti “Ndini uyo Mosesi waakataura nezvake” (3 Nifai 20:23).
Deuteronomio 29:9; 30:15–20
Ishe vanondikoka kuti ndisarudze pakati pezvakanaka nezvakaipa.
Zvingangova zvinonakidza kuenzanisa mashoko aMosesi ari muna Deutoronomio 29:0; 30:15–20; nedzimwe dzidziso dzaRihai kumhuri yake muna 2 Nifai 2:26–29; 4:4. Rihai akawedzera sei pane izvo Mosesi zvaakadzidzisa? Chii chaunowana mundima idzi icho chinokukurudzira “kusarudza upenyu”? (Deuteronomio 30:19).
Mazano eKudzidzisa Vana
Deuteronomio 6:5
Ndinokwanisa kuda Mwari nomwoyo wangu wose.
-
Kubatsira vana vako kunzwisisa Deuteronomio 6:5, unokwanisa kudhirowa mwoyo, muviri womunhu, uye ruoko rwakasimba. Vana vako vanokwanisa kunongedzera kumifananidzo yacho apo paunoverenga mashoko okuti “mwoyo,” “mweya,” uye “simba” mundima yacho. Tinoratidza sei Ishe kuti tinoVada nemwoyo wedu wose, nemweya wedu wose, uye nesimba redu rose?
Deuteronomio 6:6–15
Ndinokwanisa kuchengeta shoko raMwari mumwoyo mangu.
-
Verenga navana vako rairo yaIshe kuvaIsraeri yokuisa ndima dzemumagwaro matsvene apo pavanozodziona zuva roga roga (ona Deuteronomio 6:6–9). Izvi zvingangokukurudzira iwe navana vako kufunga nezve nzira dzokuita chokwadi chokuti “hamuzokanganwi Ishe” (ndima 12) uye kurangarira izvo zvaVakakuitirai.
-
Ungangotaura kuti Deuteronomio 6:13, 16 uye 8:3 dzakabatsira Muponesi panguva yakakosha muupenyu Hwake. Kuti muone mabatsiriro adzakamuita, verengai pamwechete ndima 4:1–10. Zvino munokwanisa kugoverana dzimwe ndima dzemumagwaro matsvene idzo dzakakubatsirai munguva dzematambudziko.
Deuteronomio 18:15–18
Vaporofita vanodzidzisa pamusoro paJesu Kristu.
-
Apo pamunoverenga Deuteronomio 18:18 pamwechete, batsira vana vako kunzwisisa kuti Muporofita akaita saMosesi mundima idzi ndiJesu Kristu. Pamwe munokwanisa kutarisa pamifananidzo yezvinhu izvo Mosesi zvaakaita uye yezvinhu izvo Jesu Kristu zvaakaita, uye woita kuti vana vako vaifananidze (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 15, 16, 38,39). Muporofita wedu nhasi akatidzidzisa chii pamusoro peMuponesi?
Deuteronomio 29:12–13; 30:8–10
Nokuda kwezvibvumirano zvangu, ndiri chikamu chavanhu vaMwari.
-
Kutaura pamusoro paDeuteronomio 29:12–13 kunopa mukana kwauri nevana vako wokutaura pamusoro pezvibvumirano zvavanozoita kana zvavakaita naBaba Vokudenga. Zvinorevei kuva vanhu vaMwari? Vimbiso dzedu dzinotiita vanhu vaMwari sei (ona ndima 13; onawo Mosaya 18:8–10).
-
Kana vana vako vachida rubatsiro kunzwisisa kuti chibvumirano chii, vataurire kuti vawane tsananguro muna “Chibvumirano” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (Raibhurari yeVhangeri). Ndedzipi vimbiso idzo Mwari navaIsraeri dzavakaitirana muna Deuteronomio 30:8–10? Ndedzipi vimbiso dzatakaita naMwari? (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 77). Vimbiso idzi dzinotibatanidza naVo sei? Fungai pamusoro pokuimba pamwechete rumbo pamusoro pezvibvumirano, sezvakaita rwokuti, “Standing on the Promises” (Gospel Library).