Huyai, Munditevere
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Mabhuku eNhoroondo Ari muTestamente Yekare


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Mabhuku eNhoroondo Ari muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Mabhuku eNhoroondo Ari muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Mabhuku eNhoroondo Ari muTestamente Yekare

Mabhuku aJoshua kusvika kuna Estere anozivikanwa kubvira kare “samabhuku enhoroondo” eTestamente Yekare. Izvi hazvirevi kuti mamwe mabhuku muTestamente Yekare haana ukoshi hwenhoroondo. Panokudaro, mabhuku enhoroondo anodaidzwa saizvozvo nokuti vavariro huru yavanyori vawo yaiva yekuratidza ruoko rwaMwari munhoroondo yevanhu vaIsraeri. Chinangwa chakanga chisiri chokutsanangura mutemo waMosesi, sezvinoita Revitiko uye Deuteronomio. Chakanga chisiri chokuratidza rumbidzo kana kuchema nemutoo wedetembo, sezvinoita Mapisarema uye Mariro aJeremia. Uye chakanga chisiri chekunyora mashoko evaporofita, sezvinoita mabhuku aMuporofita Isaya uye Muporofita Ezekieri. Panekudaro mabhuku enhoroondo anotaura nyaya.

Nyaya yeMaonero eZvinhu

Kazhinji, nyaya idzi dzinotaurwa kubva pane mamwe maonero ezvinhu. Sezvazvisingabviri kutarisa ruva, ibwe, kana muti kubva kudivi rinopfuura rimwechete panguva imwechete, zvinotongoitika chete kuti tsananguro yenhoroondo inozoratidza maonero ezvinhu emunhu kana boka revanhu vari kuinyora. Maonero ezvinhu aya anosanganisira rudzi kana dzinza rinobva vanyori uye tsika nezvitendo zvavo. Kuziva izvi kunokwanisa kutibatsira kunzwisisa kuti vanyori uye navaunganidzi vemabhuku enhoroondo aya vakanangisa pfungwa pane rumwe ruzivo apo vachisiya rumwe. Vakaita fungidziro idzo dzingangova dzisina kuitwa nevamwe. Uye vakasvika pamhedzisiro maererano neruzivo urwu uye nefungidziro idzi. Tinotokwanisa kunyangwe kuoona maonero ezvinhu akasiyana-siyana nemumabhuku ose eBhaibheri (uye dzimwe nguva mukati mebhuku rimwechetero). Apo patinoziva zvakawanda nezve maonero ezvinhu aya, tinokwanisawo kunzwisisa zvirinani mabhuku enhoroondo.

Mamwe maonero ezvinhu anowanikwa mumabhuku ose enhoroondo yechinyakare eTestamente Yekare ndeayo maonero ezvinhu evana vaIsraeri, vanhu vechibvumirano vaMwari. Rutendo rwavo muna Ishe rwakavabatsira kuona ruoko Rwavo muupenyu hwavo uye munyaya dzenyika yavo. Apo mabhuku enhoroondo epanyama asingawanzoona zvinhu nenzira iyi, maonero ezvinhu epamweya aya chikamu cheizvo zvinoita kuti mabhuku enhoroondo eTestamente Yekare ave akakosha zvikuru kudaro kuvanhu avo vari kutsvaga kuvaka rutendo rwavo pachavo muna Mwari.

Mamiriro eZvinhu eChimwe Chikamu Chose cheTestamente Yekare

Mabhuku enhoroondo anotangira apo bhuku raDeuteronomio parinoperera, nemakore ekunhendereka murenje kwavaIsraeri ava kuda kuguma. Bhuku raJoshua rinoratidza vana vaIsraeri vagadzirira kupinda muKanani, nyika yavo yechipikirwa, uye rinotsanangura matorero avakaiita. Mabhuku anotevera, Vatongi kusvika kuna 2 Makoronike anoratidza chiitiko cheIsraeri munyika yechipikirwa, kubva panguva yavakagaramo kusvikira panguva yavakakundwa neAsiria uye Babironi. Mabhuku aEzra uye Nehemia anotaura nezve kudzoka kwemapoka akati wandei evaIsraeri kuguta ravo guru, Jerusarema, makumi emakore pashure. Pokupedzisira, bhuku raEstere rinorondedzera nyaya yevaIsraeri vachigara muutapwa pasi pehutongi hwePersia.

Uye ipapo ndipo panogumira nhevedzano yeTestamente Yekare. Vamwe vaverengi vokutanga veBhaibheri vanoshamiswa kuwana kutivatopedza chaizvo kuverenga nyaya yeTestamente Yekare vasati vaverenga zvakawanda kupfuura hafu yemapeji ayo. Mushure maEstere hatiwani ruzivo rwakawanda pamusoro penhoroondo yevaIsraeri. Panzvimbo paizvozvo, mabhuku anotevera—kunyanya mabhuku evaporofita vacho—anoenderana nenguva yakapuwa nemabhuku enhoroondo yechinyakare. Hushumiri hwamuporofita Jeremia, semuenzaniso, hwakaitika munguva yezviitiko zvakanyorwa muna 2 Madzimambo 22–25 (uye tsananguro inoenderana iri muna 2 Makoronike 34–36). Kuziva izvi kunokwanisa kushandura maverengero aunoita zvose tsananguro dzenhoroondo uye nemabhuku ehuporofita.

Apo Chimwe Chinhu Pachinenge Chisingaenderani

Apo paunoverenga Testamente Yekare, sezvazvinoita neipi zvayo nhoroondo, unokwanisa kuverenga pamusoro pevanhu vachiita kana kutaura zvinhu izvo, kumaziso emazuva ano, zvinoratidzika sezvisingazivikanwi kana kunyangwe zvinotambudza pfungwa. Tinofanira kutarisira izvi—vanyori veTestamente Yekare vakaona nyika kubva pamaonero ezvinhu aiva, nedzimwe nzira, akasiyana zvakanyanya needu. Chisimba, hukama hwemarudzi, uye nezvinzvimbo zvemadzimai ndedzimwe dzenyaya idzo vanyori vechinyakare dzavangangova vakaona zvakasiyana nezvatinoita nhasi uno.

Saka chii chatinofanira kuita apo patinosangana nezvikamu mumagwaro matsvene zvinoratidzika sezvinotambudza pfungwa? Chokutanga, zvingangobatsira kufunga pamusoro pendima imwe neimwe mumamiriro ezvinhu ayakanyorwa nezvayo. Inoenderana sei nechirongwa chaMwari cheruponeso? Inoenderana sei nezvaunoziva pamusoro pehunhu hwaBaba Vokudenga naJesu Kristu? Inoenderana sei nezvokwadi zvakazarurwa muna mamwe magwaro matsvene kana nedzidziso dzevaporofita vanorarama? Uye inoenderana sei nezevezero dzeMweya kumwoyo wako pachako nekupfungwa dzako pachako?

Pane dzimwe nguva, ndima yacho inogona kusaratidzika kuenderana zvakanaka nezvipi zvazvo zveizvi. Dzimwe nguva ndima yacho inogona kuita sechidimbu chepazuru chisingaratidzike sokunge chine nzvimbo pakati pezvimwe zvidimbu zvawaronga kare. Kuedza kumanikidzira chidimbu kuti chikwane haisiyo nzira yakanakisisa. Asiwo kana kuora mwoyo nepazuru yose haisiwo nzira yakanakisisa. Panekudaro, ungangoda kuisa chidimbu chacho parutivi kwechinguva. Apo paunodzidza zvizhinji uye woisa pamwechete zvimwe zvidimbu zvizhinji zvepazuru, ungangogona kuona zvirinani mapindirano anoita zvidimbu zvacho pamwechete.

Zvinokwanisawo kubatsira kuyeuka kuti pamwepo nekuva nedivi rimwechete remaonero ezvinhu, nhoroondo dzemagwaro matsvene dzinokwanisa kushandurwa nezvikanganiso zvevanhu. Semuenzaniso, kwemazana emakore, “zvinhu zvizhinji zvakajeka uye zvakakosha [zvakabviswa] kubva [muBhaibheri],” kusanganisira zvokwadi zvakakosha pamusoro pedzidziso, zvisungo, uye zvibvumirano (1 Nifai 13:28; onawo ndima 26, 29, 40). Panguva imwecheteyo, tinofanira kuva tinoda kubvuma kuti maonero ezvinhu edu pachedu anemuganhuwo: panozogara paine zvinhu zvatisinganzwisisi zvakazara uye mibvunzo yatisati tokwanisa kupindura.

mumwe munhu achiisa pazuru pamwechete

Dzimwe ndima dzezvinyorwa zvitsvene dzinogona kuva sezvidimbu zvepazuru izvo zvatisingazivi mabatanadziro okuzvita neimwe pazuru yose.

Kutsvaka Matombo Akakosha

Asi panguva ino, mibvunzo isina kupindurwa haifaniri kutidzivirira kubva kumatombo akakosha echokwadi chokusingaperi ayo anowanikwa muTestamente Yekare—kunyangwe kana matombo akakosha iwayo dzimwe nguva akavigwa parukangarabwe rwezviitiko zvinotambudza pfungwa uye musarudzo dzakaipa dzakaitwa nevanhu vanoita zvikanganiso. Pamwe akakoshesesa ematombo anokosha aya inyaya uye ndima dzinopupura nezverudo rwaMwari—kunyanya idzo dzinonongedzera pfungwa dzedu kukuzvipira kwaJesu Kristu. Achitariswa kubva kudivi ripi zvaro, matombo akakosha akaita seaya anopenya zvakangojeka nhasi sezvaaiita kare ikako. Uye nokuda kwokuti rondedzero idzi dzinotaura nezve vanhu vechibvumirano vaMwari—varume nemadzimai vakanga vane utera hwevanhu asi zvakadaro vaida uye vaishandira Ishe—matombo akakosha echokwadi azere mumabhuku enhoroondo yeTestamente Yekare.

dombo rakakosha

Manotsi

  1. Tsananguro dzenhoroondo dzeBhaibheri dzatiinadzo nhasi dzinonyanya kuva dzebasa revanyori uye nevaunganidzi vasina kudomwa nemazita, avo dzimwe nguva vakashanda makore mazhinji, kunyangwe mazana emakore, mushure menhambo dzenguva dzavanotsanangura. Vakavimba nemajerero enhoroondo akasiyana siyana uye vakaita sarudzo pamusoro peizvo zvekusanganisira murondedzero dzavo uye neizvo zvokusiya.

  2. Semuenzaniso, kunyangwe 1–2 Makoronike achitaura nezve nguva imwecheteyo sa1 Samueri 31 kusvika kumagumo kwa2 Madzimambo, rondedzero iri muna 1–2 Makoronike inosimbisisa ruzivo rwakasiyana uye inopa maonero ezvinhu akasiyana, ichinyanya chete kunangisa pfungwa paHumambo hweKumaodzanyemba hwaJuda uye kazhinji ichibvisa nyaya dzakaipa dzaDavidi naSoromoni, (enzanisa, semuenzaniso 2 Samueri 10–12 na1 Makoronike 19–20 uye 1 Madzimambo 10–11 na2 Makoronike 9). Huyai, Munditevere rinosimbisa kunzvera rondedzero iri mu1 ne2 Madzimambo, kunyangwe zvazvo zvakakosha kuenzanisa rondedzero iyoyo neiri mu1 ne2 Makoronike. Zvingangobatsira kuziva kuti basa rokunyora 1 Samueri–2 Madzimambo ringangodaro rakatanga umambo hweBabironi hwusati hwakunda Juda uye rakapedzwa panguva yeusungwa hwavo muBabironi. Rondedzero iyo yakazova 1–2 Makoronike, nerumwe rutivi, yakaunganidzwa mushure mokunge vaJuda vadzokera kuJerusarema vachibva muutapwa hwavo. Apo paunoverenga, ungangofunga pamusoro pokuti mamiriro ezvinhu akasiyana aya angava akashandura sei maonero ezvinhu evaunganidzi verondedzero dzakasiyana idzi.

  3. Nechekumavambo kwebhuku rino unozowana “Pfupiso yeTestamente Yekare,” nhevedzano yenguva yezviitiko inoratidza maenderano anoita hushumiri hwemuporofita woga woga nenhoroondo yeIsraeri (semazivirwo azvinokwanisa kuitwa). Unozoona kuti mazhinji amabhuku ehuporofita eTestamente Yekare anotora nzvimbo pedyo nekumagumo kwenhevedzano yenguva iyoyo—chinguva chipfupi vana vaIsraeri vasati uye vachangokundwa, vatapwa, uye vaparadzirwa navavengi vavo.

  4. Ona Misimboti yeChitendero 1:8.