Huyai, Munditevere
Chivabvu 25–31. “Ishe Vakamutsa Mununuri”: Vatongi 2–4; 6–8; 13–16


“Chivabvu 25–31. ‘Ishe Vakamutsa Mununuri’: Vatongi 2–4; 6–8; 13–16” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chivabvu 25–31. ‘Ishe Vakamutsa Mununuri,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Debora Muporofitakadzi

“I Will Surely Go with Thee”—Deborah the Prophetess [“Zvirokwazvo Ndinozoenda Nemi”—Deborah Muporofitakadzi], naDes Leavitt

Chivabvu 25–31:“Ishe Vakamutsa Mununuri”

Vatongi 2–4; 6–8; 13–16

Tose tinoziva kuti zvakaita sei kuita chivi, haunzwi zvakanaka pamusoro pacho, uye zvino wotendeuka uye wotsidzira kushandura nzira dzako. Asi kazhinjisa tinokanganwa tsidziro dzatakamboita, uye, apo panouya muedzo, tinozviwana tichiita chivi chimwechetecho. Mutoo uyu unoonekwa kakawanda mubhuku raVatongi. Vachinyengerwa nezvitendo uye tsika dzokunamata dzavaKanani—avo vavaifanira kutandanisa kubva munyika—vaIsraeri vakatyora zvibvumirano zvavo naIshe uye vakafuratira kubva mukuVanamata. Somugumisiro, vakarasikirwa nedziviriro Yavo uye vakawira muutapwa. Uye asi nguva yoga yoga izvi yazvaiitika, Ishe vaipa vanhu Vavo vechibvumirano mukana wokutendeuka uye vomutsa mununuri, mutungamiri wamauto aidaidzwa kuti “mutongi.” Havasi vatongi vose vemubhuku raVatongi vaiva vakarurama, asi vamwe vavo vaishandisa rutendo rukuru mukusunungura vana vaIsraeri uye nokuvadzorera kuukama hwechibvumirano hwavo naIshe. Nyaya idzi dzinotiyeuchidza kuti zvisinei nokuti chii chatitungamirira kubva pana Jesu Kristu, Ndiye Mununuri waIsraeri uye nguva dzose anoda kutinunura uye kutitambira zvakare apo patinodzokera kwaAri.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raVatongi, ona “Vatongi, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Vatongi 2:1–19; 3:5–12

Ishe vanoregerera apo pose pandinotendeuka.

Bhuku raVatongi rinokwanisa kuva zvose yambiro uye kurudziro. Tsvaka yambiro nekurudziro iyi apo paunoverenga Vatongi 2:1–19; 3:5–12. Unonzwa kuti yambiro nekurudziro yacho inoshanda kwauri sei?

Somuenzaniso, kana Vatongi 2:19 yaiva pamusoro pako nemiedzo yako pane kuva pamusoro pavaIsraeri vechinyakare, yaizotii? Kana Vatongi 3:9 yaiva pamusoro peizvo Ishe zvavakanga vaita kukununura, yaizotii?

Funga pamusoro pokuverenga mubvunzo nemhinduro ­papeji 9 yeFor the Strength of Youth: A Guide for Making. Unonzwa kuti izvi zvinoenderana sei nechiitiko chavaIsraeri chiri mubhuku raVatongi? Izvi zvinokudzidzisei pamusoro paJesu Kristu?

Vatongi 4:1–15

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kukurudzira vamwe kuti vave nerutendo muna Ishe.

Dzimwe nguva rutendo rwemunhu mumwechete runokwanisa kukurudzira rutendo muna vamwe vakawanda. Muna Vatongi 4, munhu mumwechete iyeye aiva Debora. Verenga pamusoro pake muna Vatongi 4:1–15, uye cherechedza hurudziro yaakanga ainayo pavanhu vaiva vakamukomberedza. Heino mimwe mibvunzo yokukubatsira kufunga pamusoro pokuti chiitiko chake chingashanda sei muupenyu hwako.

  • Ungazotsanangura sei mamiriro ezvinhu ayo vaIsraeri avaiva vari panguva yacho? (ona ndima 1–3). Ndedzipi fanano dzaunoona nemamiriro ezvinhu anhasi—muvanhu pachavo uye nemunzanga?

  • Ndeapi mashoko kana zviito zvaDebora zvinokutaridza kuti akanga ane rutendo muna Ishe? Rutendo rwake rwakakurudzira vamwe sei? Chii chimwe chaunoyemura pamusoro pake?

  • Chii chaunofunga kuti Debora aireva nomubvunzo wake mundima 14: “Jehova haana kukutungamira here?” Ishe “vanokutungamira” sei? (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:87–88).

vasikana vechidiki vachifamba pamwechete

Fungisisa pamusoro pokuti rutendo rwako muna Jesu Kristu rungaropafadza vamwe sei nenzira iyo rutendo rwaDebora yarwakaropafadza nayo vamwe vaIsraeri. Kukubatsira kufunga pamusoro peizvi, ungangonzvera shoko raGosa Neil L. Andersen ­“We Talk of Christ” (Liahona, Mbudzi 2020, 88–91). Tsvagurudza shoko racho kuti uwane (1) zvikonzero zvokutaura zviri pachena zvikuru pamusoro peMuponesi uye (2) nzira dzokuzviita.

Zvino ungangoita mudorongodzwa wezvinhu zvaunoziva pamusoro paJesu Kristu—kubva mumagwaro matsvene, kubva mumashoko avaporofita vanorarama, uye kubva kuzviitiko zvako pachako. Ndiani anofanira kuziva izvi? Unozozvigovera sei?

Onawo Mateo 5:14–16; 1 Petro 3:15; “Each Life That Touches Ours for Good,” Hymns, nhamba 293.

Koka kugovera. Kana uri mudzidzisi—kumba kana kuchechi—“ ipa vadzidzi mikana yokugoverana zvavari kudzidza pamusoro poMuponesi nevhangeri Rake. Kuita izvi kunozovabatsira kutora mavari zvokwadi zvavanodzidziswa uye kuzvitaura” (Teaching in the Savior’s Way,26). Somuenzaniso, apo pamunonzvera Vatongi 4 pamwechete, unokwanisa kupa mudzidzi woga woga chimwe chinhu chokutsvaka muchitsauko uye zvino wovakoka kuti vagoverane zvavawana.

Vatongi 6–8

Ishe vanokwanisa kuita zvishamiso apo pandinovimba nenzira Dzavo.

Apo paunoverenga Vatongi 6–8, nyora pasi nguva idzo Ishe dzavakakumbira Gideoni kuti atende chimwe chinhu icho chingange chairatidzika sechisingakwanisiki. Vakambokumbira here chimwe chinhu chakafanana naichocho?

Chii chaunonzwa kuti Ishe varikuedza kukudzidzisa nenyaya iyi? Wakaona sei Ishe vachiita basa Ravo nemunzira dzairatidzika sedzisingakwanisiki?

Vatongi 13–16

Mwari vanondisimbisa apo pandinenge ndakatendeka kuzvibvumirano zvangu.

Samsoni akarasikirwa zvose nesimba rake rapanyama uye nesimba rake rezvepamweya nokuda kwokuti akatyora zvibvumirano zvake naMwari, kusanganisira izvo zvaiva maererano navaNaziri (kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pavaNaziri, ona Numeri 6:1–6; Vatongi 13:7 Apo paunoverenga pamusoro paSamsoni muna Vatongi 13–16, cherechedza ndima dzinoratidza kuti Ishe vaiva naSamsoni, uyewo ndima dzinoratidza kuti Samsoni aiva asina kuzvipira zvakazara kuna Ishe.

Ungangofungisisa pamusoro pezvibvumirano zvawakaita naIshe. Zvibvumirano izvi zvakaunza simba Ravo sei muupenyu hwako? Chii chaunodzidza kubva muzviitiko zvaSamsoni icho chinokukurudzira kuramba uri muchokwadi kuzvibvumirano zvako naMwari?

Sisita Ann M. Dibb vakadzidzisa kuti: “Samson akazvarwa nekwaniso huru. Amai vake vakavimbiswa kuti, ‘Uchatanga kuponesa Israeri pamaoko avaFiristia’ [Vatongi 13:5]. Asi apo Samson paaikura, akatarisa zvakanyanya kumiedzo yenyika kupfuura kunhungamiro yaMwari. Akaita sarudzo nokuda kwokuti ‘dzaimufadza kwazvo’ [Vatongi 14:3] pane kudziita nokuda kwokuti ndidzo dzaiva dzakanaka. Kakawanda, magwaro matsvene anoshandisa ndevo yokuti ‘akaburuka’ [Vatongi 14:7] apo paanotaura nzendo, zviito, uye sarudzo dzaSamsoni. Pane kusimuka uye uvheneke mberi kuti azadzikise kwaniso yake huru, Samsoni akakurirwa nenyika, akarashikirwa nesimba rake raaiva apuwa naMwari, uye akafa zvinosiririsa achiri muduku ” (“Arise and Shine Forth,” Liahona, Chivabvu 2012, 118).

Onawo Dallin H. Oaks, “Covenants and Responsibilities,” Liahona, Chivabvu 2024, 93–96; Ulisses Soares, “Covenant Confidence through Jesus Christ,” Liahona, Chivabvu 2024, 17–21.

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Nokuda kwokuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuramba Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

Vatongi 3:7–9, 12–15

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

  • Vatongi 3 chinotsanangura mutoo unodzidzisa pamusoro pesimba reMuponesi rokutinunura kubva kuchivi. Kubatsira vana vako kuziva mutoo uyu, unokwanisa kunyora pasi ndevo idzi “vakaita zvakaipa,” “vachichema kuna Ishe,” uye “akavamutsira muponesi.” Zvino vana vako vanokwanisa kutsvaka ndevo idzi muna Vatongi 3:7–9 uye Vatongi 3:12–15. Chii chatinodzidza pamusoro paIshe kubva kumutoo uyu?

  • Kuti usimbise kuti Jesu Kristu ndiye Mununuri wedu, unokwanisa kuunganidza mifananidzo yakati wandei yevanhu, kusanganisira mufananidzo waJesu, uye woitsveta pasi yakatirisa pasi. Ita kuti vana vako vatore mijana kupidigura mifananidzo yacho. ­Apo pavanowana mufananidzo waJesu, imbai rumbo pamusoro Pake, sezvakaita “Mununuri weIsraeri” (Nziyo neDzevana Vadiki, 34–35), uye woutaurira vana vako pamusoro pamanunuriro Aakakuita.

Vatongi 4:1–15

Ndinokwanisa kukurudzira vamwe kuva nerutendo muna Ishe.

  • Unokwanisa kushandisa “Debora muPorofitakadzimuNyaya dzeTestamente Yekare, 92–95, kutaurira vana vako nyaya iri muna Vatongi 4. Goveranai izvo zvamunoyemura pamusoro paDebora. Rutendo rwake muna Ishe rwakaropafadza sei vanhu vaiva vakamukomberedza? Chii chatingakwanisa kuita kuti tive norutendo rwakawedzera muna Jesu Kristu?

    2:9

    Deborah the Prophetess

Vatongi 7:1–21

Ishe vanokwanisa kushandisa zvinhu zvidiki kuita basa guru.

  • Shandisa Vatongi 7:4–7, peji yechiitwa yevhiki rino, kana “Mauto aGideonimuNyaya dzemuTestamente Yekare, 96–99, kudzidzisa vana vako pamusoro pokuti Ishe vakaita sei kuti mauto aIsraeri ave mashoma. Sei Ishe vaida kuti mauto aGideoni ave mashoma? (ona Vatongi 7:2).

    2:37

    The Army of Gideon

  • Vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yemunondo, nhovo, hwamanda, mwenje, nechirongo uye motaura pamusoro pokuti ndezvipi zvezvinhu izvi zvavanozoda muhondo. Zvino munokwanisa kuverenga Vatongi 7:16 kuti mudzidze izvo Ishe zvavakataurira mauto aGideoni kuti ashandise. Apo pamunoverenga pamusoro pehondo muna Vatongi 7:19–21, goveranai izvo zvamunodzidza pamusoro paIshe kubva kunyaya iyi.

Samsoni achisundira pasi mbiru dzechivako

Samson Puts Down the Pillars (Samsoni Anoputsira Pasi Mbiru,, naJames Tissot navamwe

Vatongi 13:5

Kuchengeta zvibvumirano kunondipa simba.

  • Zvibvumirano zvaSamsoni naIshe zvakamupa simba rapanyama, sokutipa simba rezvepamweya kunoita zvibvumirano zvedu. Vana vako vangangonakidzwa nokuita zviitwa zvokugwinyisa muviri uye vozokurukura kuti zviitwa izvozvo zvinokwanisa kubatsira sei kuita kuti miviri yedu ive yakasimba. Kuchengeta zvibvumirano zvedu kunoita kuti mweya yedu ive yakasimba sei? (ona Mosaya 18:8–10; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79).

­­

nhengo dzemauto aGideoni dzichiridza hwamanda dzadzo

Gideon’s Army (Mauto aGideoni),, naDaniel A. Lewis

Peji yechiitwa chePurairami: Ishe vanokwanisa kushandisa zvinhu zvidiki kuita basa guru