“Chikumi 1–7. ‘Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe’: Rute 1; 1 Samueri 1–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chikumi 1–7. ‘Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Whither Thou Goest (Uko Kwamunoenda), naSandy Freckleton Gagon
Chikumi 1–7: “Mwoyo Wangu Unofara muna Ishe”
Rute; 1 Samueri 1–7
Dzimwe nguva tinofungidzira kuti upenyu hwedu hwunofanira kutevera gwara rakajeka kubva kumavambo kusvikira kumagumo. Nhambwe yakanyanyisa kupfupika pakati penzvimbo mbiri mutsetse wakatwasanuka, mushure mazvose. Asi zvakadaro upenyu kazhinji hwuzere nezvinonotso uye nezvitsauso izvo zvinotiendesa nokumativi atanga tisingatarisiri.
Rute naHana zvirokwazvo vainzwisisa izvi. Rute aiva asiri muIsraeri, asi akachata nemuIsraeri, uye apo murume wake paakafa, akanga ane sarudzo yokuita. Aizodzokera here kumhuri yake neupenyu hwake hwakare, uhwo hwaaiziva, kana kuti aizotambira chitendero chechiIsraeri nemusha mutsva navamwene vake? (ona Ruth 1:4–18). Chirongwa chaHana choupenyu hwake chaiva chokuzvara vana, asi haana kukwanisa, uye izvozvo zvakamusiya “ane shungu pamweya” (ona 1 Samueri 1:1–10). Apo paunoverenga pamusoro paRute naHana, funga rutendo rwavanofanira kunge vaiva narwo kufamba makwara avo avakanga vasina kutarisira. Zvino funga pamusoro perwendo rwako pachako. Rwakasiyana kubva kune rwaRute nerwaHana—uye rwemumwe munhu upi zvake. Asi nomuzviedzo nezvishamiso pakati paiyezvino uye nokumagumo kwokusingaperi kwako, unokwanisa kudzidza kuti naHana, “Mwoyo wangu unofara muna Ishe” (1 Samueri 2:1).
Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene kuti uwane pfupiso yamabhuku aRute uye 1 Samueri.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Rute
Kristu anokwanisa kushandura njodzi kuita chikundo.
Upenyu hwakaoma kushirikadzi munguva ipi zvayo. Asi apo murume waRute paakafa, mamiriro ezvinhu ake aiva akaoma zvakanyanyisa. Mutsika yechiIsraeri panguva iyoyo, mudzimai aiva asina murume kana vanakomana akanga asina kodzero kupfuma uye aiva nenzira shomanana dzokushandira zvokurarama nazvo. Apo paunoverenga nyaya yaRute, cherechedza mashanduriro akaita Ishe njodzi kuiita maropafadzo makuru. Chii chaunocherechedza pamusoro paRute icho chingange chakamubatsira? Boazi akanunura sei Rute kubva mumamiriro ezvinhu ake aiva akaipa zvikuru? (ona Rute 4:4–10). Vose Rute naBoazi vaiva vakafanana sei naJesu Kristu?
Onawo “Be Still, My Soul,” Hymns, nhamba 124.
Rute; 1 Samueri 1
Ndinokwanisa kuvimba kuti Mwari vanozonditungamirira nokundibatsira zvisinei nemamiriro ezvinhu angu.
Pamwe wakava nokurashikirwa kukuru, sezvakaitwa naRute naNaome, (ona Rute 1:1–5). Kana pamwe, saHana, unoshuvira maropafadzo ausati wagamuchira (ona 1 Samueri 1:1–10). Madzimai aya akataridza sei rutendo rwavo muna Mwari? Chii chaunodzidza kubva mumuenzaniso wavo?
Zvirokwazvo, haasi munhu wose anonamatira kuva nemwana anomugamuchira, uye haasi munhu wose anofirwa nomurume kana nomukadzi wake anozochata zvakare. Asi munhu wose anotendeukira kuna Muponesi anogamuchira rubatsiro nenhungamiro Yake. Funga pamusoro pokuti “wakasvika pakuvimba” naIshe sei (Rute 2:12) munguva dzakaoma dzako.
Onawo Amy A. Wright, “Abide the Day in Christ,” Liahona, Mbudzi 2023, 9–11.
For This Child I Prayed (Mwana Uyu Ndakamunamatira), naElspeth Young
1 Samueri 2; 4–7
Kuti ugamuchire rubatsiro rwaIshe, ndinofanira kuvimba Navo uye kuteerera mirairo Yavo.
Apo vavengi vavo pavakavarwisa, zvinoratidzika kuti vaIsraeri vakafunga kuti kungova neareka yechibvumirano kwaizovadzivirira. Apo paunoverenga 1 Samueri 4–6, funga pamusoro pokuti sei izvozvo zvisina kushanda. (Cherechedzawo zviito zvisina kururama zvevanakomana vaEri, avo vaishanda savapirisita mutabenakeri, muna 1 Samueri 2:12–25.) Chii chaunofunga kuti Ishe vaiedza kudzidzisa vanhu Vavo? Chii chaunodzidza kubva kune zvakaitika kuvaFiristia muchure mokutora areka? (ona chitsauko 5–6). Chii chaunodzidza kukuedza kwaIsraeri kuwana zvakare dziviriro yaIshe muna 1 Samueri 7?
Ungangokurudzirwa nokuverenga nhetembo yaHana yerumbidzo iri muna 1 Samueri 2:1–10. Chii chaunowana mumashoko ake icho chingange chakabatsira vanakomana vaEri uye navamwe vose vaIsraeri?
1 Samueri 3
Ndinokwanisa kunzwa nokuteerera inzwi raIshe.
Pane dzimwe nguva, ungangonzwa saSamueri, uyo akanzwa inzwi raIshe asi akasariziva. Sesu tose, Samueri akafanira kudzidza maziviro okuita inzwi raIshe. Apo paunonzvera 1 Samueri 3, chii chaunodzidza kubva kumukomana wechidiki uyu pamusoro pokunzwa nokuteerera inzwi raIshe? Ungangotsvagurudzawo mune zvimwe zvinyorwa zvitsvene izvi uye woita mudorongodzwa werairidzo idzo dzinokwanisa kubatsira munhu kuziva inzwi raIshe: 1 Vatongi 19:11–12; Ruka 24:15–32; 3 Nifai 11:3–7; Dzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 8:2–3; 9:7–9.
Pane dzimwe nguva, ungangonzwa kuti matenga akavharwa uye kuti Mwari havadi kutaurirana newe. Mutungamiri Russell°M. Nelson vakati: “Mwari zvirokwazvo vanoda here kutaura newe? Hongu!” Ona Russell M. Nelson, (“Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 93–96. Apo paunonzvera shoko raMutungamiri Nelson, chii chaunowana icho chinokukurudzira kunzwa uye kuteerera inzwi raIshe? Chii icho Mutungamiri Nelson chavanokukoka kuti uite, uye ndeapi maropafadzo avanovimbisa? Unokwanisawo kuwana kokero uye maropafadzo akavimbiswa pamusoro pezvakazarurwa muna “Walk in God’s light,” (For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices, 16–20. Funga pamusoro pokusarudza chinhu chimwechete chaunokwanisa kuita “kuwedzera kwaniso yezvepamweya yako yokugamuchira zvakazarurwa.”
Mazano eKudzidzisa Vana
Rute
Ndinokwanisa kutaridza rudo netsitsi kuvanhu vakandikomberedza.
-
Apo paunoverenga navana vako nyaya yaRute (unokwanisa kushandisa “Rute naNaome” muNyaya dzeTestamente Yekare, 100–103), vakoke kusimudza maoko avo nguva yoga yoga yavanonzwa chiito chetsitsi munyaya yacho. Vanokwanisawo kugovera manzwiro avanoita apo vamwe pavanenge vane tsitsi kwavari, kana apo pavanenge vane tsitsi kuna vamwe. Muponesi akava netsitsi kwatiri sei? Tingakwanisa sei kutevera muenzaniso Wake? (ona “Tsitsi Dzinotanga Neni,” Nziyo neDzeVana Vadiki, 123).
2:0Ruth and Naomi
Rute; 1 Samueri 1
Ndinokwanisa kuva nerutendo muna Jesu Kristu.
-
Nyaya dzaRute naHana dzinokwanisa kukurudzira vana vako kuramba vakatendeka munguva dzakaoma. Funga pamusoro pokuvabatsira kugadzira chati rakareruka rine misoro yenyaya yokuti Zviedzo, Zviito, Maropafadzo. Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Rute 1:3–5, 8, 16; 2:1–3, 8–12; 4:13–17; 1 Samueri 1:1–18 uye monyora pasi pemisoro yenyaya yacho izvo zvavanowana mundima idzi. Ruth naHana vakataridza sei rutendo muna Ishe? Iwe kana vana vako munokwanisa zvino kugoverana mienzaniso yamaropafadzirwo amakaitwa naIshe munguva dzakaoma.
1 Samueri 1:1–18
Baba Vokudenga vanonzwa uye vanopindura minamato yangu.
-
Kuti vadzidze pamusoro paHana, vana vako vanokwanisa kuverenga 1 Samueri 1:1–18 kana “Hana” muNyaya dzemuTestamente Yekare (104–5) kana kuona “Hannah’s Faith” (vhidhiyo, Gospel Library). Zvingangonakidza kukandira bhora kumwana uye womukoka kuti ataure chikamu chenyaya yacho asati akandira bhora racho kune mumwe munhu. Chii chatinodzidza pamusoro pemunamato kubva kumuenzaniso waHana?
1:15Hannah
3:9Hannah's Faith
Samuel Tells Eli the Truth [Samueri Anotaurira Eri Chokwadi], naRobert T. Barrett
1 Samueri 3:1–10
Ndinokwanisa kunzwa nokuteerera inzwi raIshe.
-
Pamwe mutambo wakareruka unozobatsira vana vako kudzidza kubva kuchiito chaSamueri nezvakazarurwa. Mumwe mwana anokwanisa kunyepedzera kuva Samueri, uye mumwe anokwanisa kunyepedzera kuva Eri apo pamunoverenga 1 Samueri 3:1–10 (onawo “Samueri Muporofita” muNyaya dzemuTestamente Yekare, 106–9, kana vhidhiyo “Samuel and Eli,” Gospel Library). Chii chatinodzidza kubva kuna Samueri pamusoro pamanzwiro okuita inzwi raIshe? Tinoratidza sei kuti tinoda kunzwa apo Ishe pavanotaura kwatiri?
2:10Samuel the Prophet
1:58Samuel and Eli
-
Bvunza vana kuti vanozotsanangura sei kune mumwe munhu matauriro anoita Ishe kwavari. Unokwanisa kuvabatsira kutsvaka mhinduro muDzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 8:2–3; 9:7–9.
Batsira vana kuti vadzidze kuziva Mweya. Hazvisiri nyore kuziva musiyano pakati pamanzwiro edu pachedu neMweya Mutsvene. Munhu wose anonetseka neizvi nguva nenguva. Tora mukana wose waunokwanisa kubatsira vana vako kuziva apo pavanenge vachinzwa hurudziro yeMweya. Somuenzaniso, apo pamunoverenga 1 Samueri 3:1–10 uye nendima dzakapuwa muDzidziso neZvibvumirano, unokwanisa kugovera zviitiko umo Ishe mavakakudzidzisa mupfungwa dzako nemumwoyo mako.