Huyai, Munditevere
Chikumi 22–28. “Inzwai Henyu iko Kudenga Kunyengetera Kwavo”: 2 Samueri 11–12; 1 Madzimambo 3; 6–9; 11


“Chikumi 22–28. ‘Inzwai Henyu iko Kudenga Kunyengetera Kwavo’: 2 Samueri 11–12; 1 Madzimambo 3; 6–9; 11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chikumi 22–28. ‘‘Inzwai Henyu iko Kudenga Kunyengetera Kwavo,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Soromoni achikumikidza temberi

Solomon Dedicates the Temple at Jerusalem [Soromoni Anokumikidza Temberi paJerusarema], naJames Tissot nevamwe

Chikumi 22–28: “Inzwai Henyu iko Kudenga Kunyengetera Kwavo”

2 Samueri 11–12; 1 Madzimambo 3; 6–9;11

Sauro, Davidi, naSoromoni, madzimambo matatu okutanga eIsraeri, vose vakatanga vaine vimbiso yebudiriro hurusa. Vakaninipa, vakashinga, uye vakangwara, mumwe nemumwe wavo akawana kudiwa naIshe—pakutanga. Zvinosuwisa ndezvokuti, mambo woga woga akakurirwawo neutera nemiedzo zvevanhu. Vakaisa zvido zvavo pamberi pezvaIshe. Uye sezvatinoona kazhinji mumagwaro matsvene—uye nomuupenyu hwedu—izvi zvakatungamirira kunjodzi.

Asi chimwe chinhu chakakosha chakaitika panguva yehutongi hwaSoromoni icho chakapa imwe tariro yerudzikamo muupenyu hwavanhu vechibvumirano. Soromoni akavaka temberi. Yaifanira kuva imba yaIshe yezvachose kupfuura zvakanga zvakaita tabernakeri. Uye yaizomiririra huvepo hwaIshe hwezvachose pakati pavanhu vavo. Soromoni aiziva kuti vanhu vazoiramba vachisangana neutera uye nezviedzo zvemhando dzakaziyana siyana. Mukukumikidza imba tsvene itsva yacho, Soromoni akateterera kuna Ishe kuti, “Kana … vakadzokera kwamuri nemwoyo wavo wose … zvino inzwai henyu kunyengetera kwavo” (1 Madzimambo 8:47–49). Izvo ndizvo chikamu chezvinoitwa nezvibvumirano zvemutemberi kwatiri—zvinoumba batanidzo naMwari. Zvinotipa vimbiso yokuti kuburikidza nerutendeuko rwedu uye ngoni Dzavo, Vanokwanisa “kugara pakati [pedu]” uye havazombotirashi (1 Madzimambo 6:13).

Kuti uwane pfupiso yebhuku ra1 Madzimambo, ona “Madzimambo” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Samueri 11; 12:1–14

mufananidzo weseminari
Ishe vanokwanisa kundibatsira kuita sarudzo dzakanaka apo pandinoedzwa kuita zvivi.

Dzimwe nguva tinotarisa vanhu vanoratidzika sevakasimba murutendo rwavo, uye tofungidzira kuti havasangani nemiedzo. Sarudzo dzaDavidi dzakaipisisa dzakatsanangurwa muna 2 Samueri 11 dzinoratidza zviri pachena kuti izvi handizvo. Funga pamusoro pekuti ndezvipi zvidzidzo zvaunokwanisa kudzidza kubva muzviitiko zvake. Mibvunzo yakaita seiyi ingangokubatsira kunzvera 2 Samueri 11–12:

  • Ndedzipi sarudzo Davidi dzaakaita idzo dzakamutungamira kugwara rairamba richiwedzera kuzara nezvivi? Ndedzipi sarudzo dzakarurama dzaangadai akaita pachinzvimbo chedzaakaita? (Onawo vhidhiyo, “To Look Upon,” Gospel Library.)

    4:15

    To Look Upon

    Kushandisa mavhidhiyo. Mavhidhiyo anokwanisa kukubatsira kufungidzira mupfungwa nyaya dzemumagwaro matsvene uye nokufunga pamusoro pokuti dzinoshanda sei kwauri. Funga pamusoro pokuti ungakwanisa sei kuashandisa kunatsurudza kudzidzisa uye kudzidza. Somuenzaniso, apo pamunenge muchiona “To Look Upon” (Gospel Library), funga pamusoro pokumbomisa vhidhiyo yacho panzvimbo dzakasiyana siyana kuitira kufungisisa kana kukurukura mimwe yemibvunzo yakapuwa muchiitwa chino.

  • Muvengi arikuedza sei kukutungamirira nemumakwara ezvivi? Ndedzipi sarudzo dzaunokwanisa kuita iyezvino kuti ugare wakachengetedzeka pane zvepamweya?

  • Cherechedza zvakaitwa naDavidi panyaya yaNatani muna 2 Samueri 12:1–6. Maitiro ake anoratidza chii pamusoro pokuti Davidi aizviona pachake sei? Chii chakaitwa naIshe kukubatsira kuzviona iwe pachako zvakanyatsonaka?

  • Unozopfupisa sei zviitiko zvemuna 2 Samueri 11–12 mumutsetse mumwechete weyambiro?

Kuverenga pamusoro pesarudzo dzakaipa dzaDavidi kunokwanisa kukutungamirira kudzidza pamusoro penjodzi dzeponogirafi uye zvivi zvezvepabonde. Chinyorwa chakanaka pamusoro peizvi iFor the Strength of Youth: A Guide for Making Choices, kunyanya zvikamu zvine misoro yenyaya inoti “What to do in the moment” uye “Your body is sacred” (peji 21–28). Pamwe unokwanisa kutarisa muchinyorwaichocho kuti uwane rairo ingadai yakabatsira Davidi kuita sarudzo dzirinani. Kana kuti unokwanisa kuverenga “Jesus Christ will help you” (peji 6–9), uchitsvaka chimwe chinhu chingadai chakabatsira Davidi kudzokera kuna Ishe.

­Funga pamusoro pokuimba rwiyo rwakaita serwokuti “Ndinokudai Nguva Dzose” (Nziyo neDzeVana Vadiki, nhamba 98) uye nokufungisisa masimbisirwo awakaitwa neMuponesi apo pawakatarisana nemiedzo.

Onawo 2 Nifai 28:20–24; Ulisses Soares, “Seek Christ in Every Thought,” Liahona, Mbudzi 2020, 82–85; “Taking Charge of Technology,” Gospel Library; “Watch Your Step” (vhidhiyo), Gospel Library.

2:36

Watch Your Step

1 Madzimambo 3:1–15

Chipo chekwaniso yokunzwisisa chinondibatsira kuziva pakati pezvakanaka nezvakaipa.

Kana Ishe vakati kwauri, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe” (1 Madzimambo 3:5), chii chaunozokumbira? Chii chaunoyemura pamusoro pechikumbiro chaSoromoni? Fungisisa kuti sei “mwoyo unonzwisisa” kuti “uzive pakati pezvakanaka nezvakaipa” (ndima 9) uri chipo chakakosha. Chii chaunokwanisa kuita kuti utsvake chipo ichi?

Onawo Moronai 7:12–19.

1 Madzimambo 6–8; 9:1–9

Kuburikidza nezvibvumirano zvinoitwa muimba yaIshe, Ishe vanogara neni.

Muna 1 Madzimambo 6–7 unozowana tsananguro yakazara yeimba inoera iyo Soromoni yaakavakira Ishe. Ruzivo urwu rwunogona kuratidzika serwusina kukosha kwauri semakoshero arwakanga rwakaita kuvaIsraeri vechinyakare. Asi kuverenga zvitsauko izvi kungangokupa nzwisiso yokuti zvaiva zvakakosha sei kwavari kuva neimba yaIshe. Sei zvakakosha kwauri?

Ungangofungisisa kuti zvikamu zvakasiyana-siyana zvetemberi yaSoromoni zvingangomiririra chii. Somuenzaniso, funga kuti kerubi, miti, uye maruva muna 1 Madzimambo 6:35 zvingangomiririrei. (Onawo Genesi 3:24.)

Chitsauko 8 chakanyorwa munamato waSoromoni mushure mokunge apedza kuvaka temberi (ona ndima 22–61). Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wemaropafadzo akakumbirwa naSoromoni. Chii chaunoyemura pamusoro pemaropafadzo aya? (Cherechedzawo vimbiso dzaIshe muna 1 Madzimambo 6:11–13; 9:1–9.) Kana wakamboenda kuimba yaIshe, funga pamusoro pezviitiko zvako uchinamata imomo. Kuchengeta zvibvumirano zvemutemberi kwakakubatsira sei kuwana maropafadzo aIshe?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 109; Henry B. Eyring, “I Love to See the Temple,” Liahona, Chivabvu 2021, 28–31.

Temberi yeBarranquilla Colombia

Temberi yeBarranquilla Colombia

1 Madzimambo 8:61; 11:1–11

“Mwoyo wake waiva usina kururama kuna Ishe.”

Zvinorevei “kuita kuti mwoyo wako … uve wakarurama kuna Ishe”? (1 Madzimambo 8:61). Izvozvo zvakasiyana here nokuva kwedu nezviito zvakarurama? Zvakasiyana sei? Verenga 1 Madzimambo 11:1–11, uye wocherechedza izvo zvakataurwa naIshe pamusoro pemwoyo waSoromoni. Ungangofungisisa kana paine pesvedzero muupenyu hwako dzingangotendeutsa mwoyo wako kubva panaIshe uye kuenda “kune vamwe vanamwari.”

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Samueri 11

Ishe vanokwanisa kundibatsira apo pandinoyedzwa.

  • Mambo DavidimuNyaya dzemuTestamente Yekare, 117–20, inokwanisa kukubatsira kutaurira vana vako nyaya iri muna 2 Samuel 11. Ungangokumbira vana vako kuti vadome sarudzo dzakaipa dzakaitwa naDavidi uye vopa pfungwa dzavo dzesarudzo dzaangadai akaita. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinokwanisa kuita patinenge tichiedzwa izvo zvinokwanisa kutibatsira kuita sarudzo yakanaka?

    2:11

    King David

  • Kuverenga pamusoro pezvivi zvinosuwisa zvaDavidi kungangova mukana wakanaka wokukurukura njodzi dzeponogirafi. Vhidhiyo yokuti “What Should I Do When I See Pornography?” (Gospel Library) ine nhungamiro inobatsira. Batsira vana vako kuita chirongwa pamusoro pezvavanozoita apo pavanosangana neponogirafi.

    5:46

    What should I do when I see pornography?

1 Madzimambo 8:22–61

Kuita zvibvumirano muimba yaIshe—uye kuzvichengeta—kunondibatsira kufamba munzira Dzavo.

  • Apo iwe nevana vako pamunodzidza pamusoro pekukumikidzwa kwetemberi muna 1 Madzimambo 8, munokwanisa kutarisa mifananidzo yematemberi iri muchidzidzo chevhiki rino. Ita kuti vana vako vataure pamusoro pezvavarikuona mumifananidzo yacho. Ungangosimbisa ndima 57–58. Zvinorevei “kufamba munzira dzose [dzaIshe]”? (1 Madzimambo 8:58). Pamwe vana vako vanokwanisa kufamba nhanho imwechete pamhinduro yoga yoga yavanopa.

  • Taurira vana vako kuti kuchengeta zvibvumirano zvaunoita mutemberi kunokubatsira sei kufamba munzira dzaIshe. Ungangovaudza kuti zvibvumirano izvi ndezvipi (ona General Handbook, 27.2, Gospel Library). Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwakaita serwokuti “­Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 120).

Temberi yaSoromoni

Mufananidzo wetemberi yaSoromoni, naSam Lawlor

1 Madzimambo 11:1–11

Ndinokwanisa kuisa Ishe pekutanga muupenyu hwangu.

  • Kuverenga pamusoro pokuti vakadzi vaSoromoni vakamurunzira sei kunokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pemienzaniso “yevamwe vanamwari”—kana zvinhu izvo vanhu zvavanonamata kana kuda pachinzvombo chaIshe. Tinoratidza sei kuti tinoVada kudarika chipi zvacho chinhu muupenyu hwedu?

­

Temberi yaSoromoni

Dedication of the Temple of Solomon in Jerusalem [Kumikidzo yeTemberi yaSoromoni muJerusarema], naWilliam Hole

Peji yechiitwa chePuraimari: Kuita zvibvumirano muimba yaIshe kunondibatsira kufamba munzira Dzavo