Huyai, Munditevere
Chikumi 29–Chikunguru 5. “Kana Ishe Vari Mwari, Muvatevere”: 1 Madzimambo 12–13; 17–22


“Chikumi 29–Chikunguru 5. ‘Kana Ishe Vari Mwari, Muvatevere’: 1 Madzimambo 12–13; 17–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chikumi 29–Chikunguru 5. ‘Kana Ishe Vari Mwari, Muvatevere,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Eria ari pamberi pearitari irikubvira

Elijah Contends against the Priests of Baal [Eria Anokakavadzana naVapirisita vaBaari], naJerry Harston

Chikumi 29–Chikunguru 5: “Kana Ishe Vari Mwari, Muvatevere”

1 Madzimambo 12–13; 17–22

Imba yaIsraeri yaiva iri munyonganyonga. Humambo hwakanga hwaparadzana, nemadzinza gumi achiumba Humambo hweKuchamhembe hweIsraeri uye madzinza maviri achiumba Humambo hweKumaodzanyemba hweJuda. Asi chaiva chakaipisisa kupfuura kuparadzana kwahwo chaiva chokuparadzana kwehumambo huviri uhwu kubva kuzvibvumirano zvahwo. Madzimambo akaipa aitungamirira vanhu kubva panaIshe, uye vanhu vazhinji vakazungunuka murutendo rwavo.

Mumamiriro ezvinhu aya, Ishe vakadana Eria kuti ave muporofita. Upenyu hwake hwunoratidza kuti munhu anokwanisa kuva nerutendo rukurusa munaIshe kunyangwe mumamiriro ezvinhu akaipa. Dzimwe nguva Ishe vanodavira kurutendo rwakadaro nezvishamiso zvinokahadzisa, uye zvinoonekwa neruzhinji, semoto unodonha kubva kudenga. Asi Vanoitawo zvishamiso zvechinyararire, zvakavanzika, sokupa chikafu kushirikadzi yakatendeka uye nemwanakomana wayo. Uye kazhinjisa zvishamiso Zvavo zvakanangana nemunhu pachezvake zvokuti zvinozivikanwa chete nemunhu mumwechete—somuenzaniso, apo Ishe pavanozviratidza Ivo pachavo kwauri kuburikidza “neinzwi diki rakapfava” (1 Madzimambo 19:12).

Kuti uwane zvimwe zvakawanda pamusoro paEria, ona “Eria” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

1 Madzimambo 12:1–20

Vatungamiri vakaita saKristu vanoshandira vanhu vavanotungamira.

Ungatsanangura sei chikanganiso icho mambo Rehoboami, mwanakomana waSoromoni, chaakaita muna 1 Madzimambo 12:1–14? Ndehwupi hunhu sehwaKristu hwungadai hwakabatsira Rehoboami kuponesa humambo hwake? (ona ndima 7; Mateo 20:25–28; Mosaya 2:10–21). Ungashandisa sei hunhu uhwu semutungamiri—kungave mudaidzo yeChechi kana semutungamiri weupenyu hwako pachako?

1 Madzimambo 17:8–16; 19:19–21

mufananidzo weseminari
Kukokwa kuti ndizvipire ndiwo mukana wokushandisa rutendo rwangu muna Jesu Kristu.

Muporofita Eria akakumbira shirikadzi kuti imupe zvokudya nemvura iye nemwanakomana wake uyo aiva ari kuziya nenzara vasati vadya. Sei akaita izvozvo? Chikumbiro chaEria chaikwanisawo kuonekwa seropafadzo kumhuri diki iyi. Vaida maropafadzo aIshe, uye kuzvipira kunounza maropafadzo—kusanganisira ropafadzo rerutendo rwakanyanya kusimba.

Apo paunoverenga 1 Madzimambo 17:8–16, fungidzira kuti ndiwe waiva shirikadzi iyi. Chii chaunoyemura pamusoro payo? Unokwanisawo kuita mudorongodzwa wesarudzo dzinoda rutendo muna Jesu Kristu (kuti uwane mienzaniso, ona For the Strength of Youth: A Guide to Making Choices [2022]). Chii chaunodzidza kubva pachirikadzi iyi pamusoro pekushandisa rutendo?

Zviito zvaErisha muna 1 Madzimambo 19:19–21 zvakafanana sei nezviito zvechirikadzi iyi?

Funga pamusoro pekuzvipira kwawakaita kuti utevere Muponesi Chii icho 1 Madzimambo 17:8–16; 19:19–21 chainodzidzisa pamusoro pekuzvipira uku? Ruzivo rwako rweMuponesi rwunokubatsira sei apo paanokukumbira kuti uzvipire? Akakuropafadza sei?

Onawo Mateo 4:18–22; 6:25–33; Ruka 4:24–26; “Eria nechirikadzi yepaZarefati” (vhidhiyo), Gospel Library; “When Faith Endures,” Hymns, nhamba. 128.

10:13

Elijah and the Widow of Zarephath

1 Madzimambo 18

“Kana Ishe vari Mwari, muvatevere.”

VaIsraeri vanogona kunge vakanzwa kuti vakanga vaine zvikonzero zvakanaka zvokunamata Baari, uyo aizivikanwa samwari wemadutu nemvura inonaya. Mushure memakore matatu ekusanaya kwemvura vaida mvura zvikurusa. Uye kunamatwa kwaBaari kwakagamuchirwa munzanga yavanhu uye kwakatsigirwa namambo uye namambokadzi. Apo paunoverenga 1 Madzimambo 18, funga pamusoro pokuti sei mumwe munhu muzuva redu angangova achinetseka nokuita sarudzo yokutevera Ishe. Muchitsauko ichi, chii chaunofunga kuti Ishe vaiedza kudzidzisa pamusoro Pavo Ivo pachavo? Zviitiko zvipi zvakakubatsira kuti usvike pakuzvipira kutevera Muponesi?

Onawo D. Todd Christofferson, “Choice and Commitment” (Munamato wevhangeri wepasi rose wevakuru vechidiki, Ndira 12, 2020), Gospel Library.

Eria paGomo reHorebi

Mufananidzo waEria, naWilson Ong

1 Madzimambo 19:1–18

Ishe vanowanzotaura nenzira dzakanyarara, dziri nyore.

Zvinosuwisa ndezvokuti, chishamiso paGomo reKarimeri hachina kuita kuti basa raEria rive nyore. Chokwadi ndechokuti, upenyu hwake hwaiva munjodzi, uye akatohwanda mubako mukati merenje. Ari ikoko, achinetsekana nokusurukirwa uye nokuora mwoyo, akava nechiitiko naIshe chakanga chakasiyana zvikuru nechiitiko chepaGomo reKarimeri. Zvakaitika kuna Eria muna 1 Madzimambo 19:1–18 zvinokudzidzisei pamusoro pamatauriro anoita Ishe newe munguva dzako dzokuda rubatsiro?

Fungisisa nguva idzo dzaunonzwa kuti Ishe vataura newe. Ungatsanangura sei nzira yaVanotaura newe? Sei mashoko okuti “kupfava” uye “diki” ari nzira dzakanaka dzokutsanangura inzwi reMweya? Ndeapi mamwe mashoko aunowana muna Hiramani 5:30; Dzidziso neZvibvumirano 6:22–23; 11:12–14? Chii chaunofanira kuita kuti ugamuchire nhungamiro yaIshe nguva zhinji?

Onawo Mapisarema 46:10.

Shandisa kuona, kunzwa, kubata, kunhuwidza nekuravira kuitira kukudziridza kudzidza. Tose tinodzidza pamusoro penyika kuburikidza nekuona, kunzwa, kubata, kunhuwidza nekuravira. Kushandisa kuona, kunzwa, kubata, kunhuwidza, uye kuravira kunokwanisawo kukudziridza kudzidza vhangeri. Somuenzaniso, funga nezve mifananidzo kana ruzha rwaungashandisa kuratidza mashoko okuti “kupfava” uye “diki” paunodzidza kana kudzidzisa pamusoro peinzwi raIshe muna 1 Madzimambo 19.

­­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

1 Madzimambo 17

Ishe vanondiropafadza apo pandinova nerutendo kwaVari.

  • Kuti ubatsire vana vako kudzidza nyaya dzerutendo muna 1 Madzimambo 17, unokwanisa kuvaratidza mifananidzo kana zvinhu kuti uratidze nyaya dzacho, zvakaita seshiri, chingwa, kana mukomana. Apo paunotaurira vana vako nyaya idzi, vakoke kuti vawane mufananidzo kana chinhu chinoenderana nenyaya imwe neimwe. “Eria Muporofita” (iri muNyaya dzeTestamente Yekare, 121–24) inokwanisa kukubatsira kutaura nyaya idzi. Nyaya imwe neimwe inotidzidzisei pamusoro pekuratidza rutendo munaJesu Kristu?

    1:58

    Elijah the Prophet

  • Batsira vana vako kufunga nezve nzira dzavanokwanisa kuratidza nadzo rutendo rwavo muna Jesu Kristu. Imba navo rumbo pamusoro perutendo, rwakaita serwokuti “I Have Faith in the Lord, Jesus Christ (Ndine Rutendo munaIshe, Jesu Kristu)” (Gospel Library), uye mogoverana zvamunodzidza pamusoro perutendo kubva murumbo urwu.

Eria, chirikadzi, nemwanakomana wayo

Mufananidzo waEria uye kuporeswa kwemwanakomana weshirikadzi, naCharles Edmund Brock

1 Madzimambo 17:8–16

Apo Ishe pavanondikumbira kuti ndizvipire, ndinokwanisa kuteerera murutendo.

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo weizvo Ishe zvavakakumbira shirikadzi kuti ipe kuna Eria (ona 1 Madzimambo 17:12–13) uye izvo shirikadzi zvayakagamuchira semubayiro(ona 1 Madzimambo 17:15–16). (Onawo peji yechiitwa yevhiki rino.) Vanokwanisawo kutsvaga mifananidzo yevamwe vanhu vakasiya chimwe chinhu chavaida kuti vawane chirinani. Koka vana vako kuti vawane mifananidzo muBhuku reMifananidzo yeVhangeri kana Huyai, Munditevere. Chii icho Ishe chavanotikumbira kuti tizvipire? Vanotiropafadza sei?

1 Madzimambo 18:17–39

Ndinokwanisa kusarudza kutevera Jesu Kristu.

  • Apo pamunoverenga 1 Madzimambo 18:17–39 pamwechete, vana vako vanokwanisa kusarudza ndima vodhirowa mufananidzo wezvainotsanangura. Vanokwanisa kushandisa mifananidzo yavo kutaura nyaya nemumashoko avo pachavo. (Onawo “Eria neVapirisita vaBaari,” muNyaya dzeTestamente Yekare, 125–28.)

    2:17

    Elijah and the Priests of Baal

  • Batsira vana vako kufunga nezve mamiriro ezvinhu umo mavangangoda kusarudza kutevera kana kusatevera Jesu Kristu. Pamwe vanokwanisa kudhirowa mifananidzo yavo ivo pachavo vachiita sarudzo yakanaka. Goveranai kuti sei muchisarudza kutevera Jesu.

1 Madzimambo 19:9–12

Ishe vanotaura neni kuburikidza nenzwi rakapfava, diki reMweya Mutsvene.

  • Apo paunopfupikisa 1 Madzimambo 19:9–12, koka vana vako kuti vaite zviito zvinomiririra mhepo ine simba, kudengenyeka kwenyika, uye moto. Zvino vakoke kuti vagare vakanyarara pamunotaura pamwechete, nenzwi rakadzikama, “mushure memoto kufefetera kwekudzikama” (ndima 12). (Onawo “Ishe Vanotaura kuna Eria,” muNyaya dzeTestamente Yekare, 129–31.) Taurira vana vako pamusoro penguva yawakambova nechiitiko cheinzwi rakadzikama , diki reMweya Mutsvene.

    1:48

    The Lord Speaks to Elijah

  • ­­­ Chii chingatikanganisa pakuziva Mweya? Chii chingatibatsire kuMunzwa?

­­

Shirikadzi yeZarefati nemwanakomana wayo

Widow of Zarephath [Shirikadzi yeZarefati], naRose Datoc Dall

Peji yechiitwa chePuraimari: Kana Ishe vakandikumbira kuti ndizvipire, ndinokwanisa kuteerera murutendo