“Chikunguru 6–12. ‘Muporofita Uripo Pakati paIsraeri’: 2 Madzimambo 2–7” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chikunguru 6–12. ‘Muporofita Uripo Pakati paIsraeri,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
At River’s Edge [Pamahombekombe eRwizi], naAnnie Henrie Nader
Chikunguru 6–12: “Muporofita Uripo Pakati paIsraeri”
2 Madzimambo 2–7
Basa guru remuporofita nderekudzidzisa nokupupura nezve Muponesi Jesu Kristu. Rondedzero yedu yamuporofita Erisha, zvisinei, haisanganisiri zvakawanda zvekudzidzisa kana kupupura kwake. Chinosanganisirwa nerondedzero zvishamiso izvo zvakaitwa naErisha, kusanganira kumutsa mwana kubva kuvakafa (ona 2 Madzimambo 4:18–37), kugutsa mhomho nezvokudya zvishomanana (ona 2 Madzimambo 4:42–44), uye kuporesa munhu aiva namaperembudzi (ona 2 Madzimambo 5:1–14). Saka apo tisina mashoko aErisha pamusoro paKristu, tine hushumuri nezvishamiso zvaErisha, izvo zvinopupura nezva Kristu. Izvi zviratidzo zvakasimba zvikurusa zvesimba raIshe rinopa upenyu, rinogutsa uye rinoporesa. Zvishamiso zvinoitika kakanyanya kuwanda muupenyu hwedu kupfuura zvatinoziva dzimwe nguva. Kuzviona, tinofanira kutsvaka rutendo urwo Erisha rwaaiva narwo apo paakanamata akamiririra muranda wechidiki wake uyo aiva azere nokutya achiti, “Ishe, ndinokukumbirai, svinudzai henyu meso ake, avone” (2 Madzimambo 6:17).
Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pa2 Madzimambo, ona “Madzimambo, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
2 Madzimambo 2–6
Mwari vanokwanisa kuita zvishamiso muupenyu hwangu.
Zvishamiso zvinotiratidza simba raMwari. Zvinokwanisa kutibatsira kukunda zvinetso zvoupenyu hwenyama hwuno—sezvakaita nyika isingabereki chinhu inoda mvura yakachena (ona 2 Madzimambo 2:19–22) kana demo rakarasika rinoda kuwanikwa (ona 2 Madzimambo 6:4–7). Asi chakanyanyisa kukosha ndechokuti zvishamiso zvinokwanisa kutitendeudzira kuna naIshe. Apo paunoverenga 2 Kings 2–6, funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wezvishamiso zvaunowana, uye fungisisa pamusoro pezvidzidzo zvepamweya zvaunodzidza kubva kune chimwe nechimwe chazvo.
Ungangoenzanisawo zvishamiso izvo Erisha zvaakaita nezvishamiso izvo Jesu Kristu zvaakaita (ona 2 Madzimambo 4:8–37 uye Ruka 7:11–16; 2 Madzimambo 4:42–44 uye Johane 6:1–13; 2 Madzimambo 5:1–15 uye Ruka 17:11–19). Zvishamiso izvi zvinokudzidzisa chii pamusoro peMuponesi navaporofita Vake?
Onawo 2 Nifai 26:12–13; 27:23; Moronai 7:35–37; chikamu “Seek and expect miracles” muna Russell M. Nelson, “The Power of Spiritual Momentum,” Liahona, Chivabvu 2022, 99–100.
Elisha Raising the Son of the Shunamite [Erisha Achimutsa Mwanakomana weShunemi], naFrederic Leighton
2 Madzimambo 4 8–17; 7:1–16
Ishe vanozozadzikisa mashoko Avo akapuwa kuburikidza nevaporofita Vavo.
Ishe vakafemera Erisha kuporofita nezve zvinhu zvaizouya—kazhinji, zvinhu izvo zvaitaridzika sezvisingakwanisiki kuitika. Apo paunoverenga 2 Madzimambo 4:8–17; 7:1–16, funga pamusoro pamadaviriro aunoita kushoko raIshe rinouya kuburikidza navaporofita Vavo nhasi. Ndezvipi zvidzidzo, huporofita, kana vimbiso dzawakanzwa kubva kuvaporofita vanorarama? Chii chauri kuita kuti uite zvinhu murutendo pamashoko avo?
Onawo 3 Nifai 29:6; Dzidziso neZvibvumirano 1:37–38; “Teachings of Presidents” collection, Gospel Library.
2 Madzimambo 5
Kana ndichizvininipisa uye ndichiteerera, Jesu Kristu anokwanisa kundiporesa.
Apo paunoverenga 2 Madzimambo 5, funga pamusoro pokuenzanisa maperembudzi aNaamani nechinetso chezvepamweya chawakatarisana nacho.
Kune mumwe munhu here akaita “murandakadzi muduku” muupenyu hwako, anokukurudzira kutsvaka nhungamiro pamusoro pechinetso chako kubva kuvaporofita vaIshe? (ona ndima 2–3, 13).
Chii icho Ishe chavari kukukoka kuti uite icho chingangoratidzika sechakanyanya kureruka—chakaita “sokushamba, uve wakachena”? (ndima 13). Chii chingange chiri kukutadzisa kutambira kokero Dzavo dzakareruka?
Ungakwanisa sei kuratidza runinipo sezvakaita Naamani?
Cherechedza kuti chiitiko chaNaamani chakashandura sei rutendo rwake muna Mwari waIsraeri (ona ndima 15). Chii chaunodzidza kubva kune izvi?
Onawo Ruka 4:27; 1 Petro 5:5–7; Aruma 37:3–7; Eta 12:27; L. Whitney Clayton, “Whatsoever He Saith unto You, Do It,” Liahona, Chivabvu 2017, 97–99; “Naaman and Elisha” (vhidhiyo), Gospel Library.
Naaman and Elisha
Enzanisa magwaro matsvene kuupenyu hwako. Dzimwe nguva zvinonyanya kuva nyore kuwana zvakakosha zvako pachako mumagwaro matsvene apo paunoenzanisa zvinhu zvenyama zviri munyaya nezvinhu zvepamweya zviri muupenyu hwako. Somuenzaniso, apo paunoverenga 2 Madzimambo 2–7, unokwanisa kuenzanisa mamiriro ezvinhu muupenyu hwako nezvinhu zvakaita semaperembudzi, demo rakakweretwa, Rwizi rweJoridani, kana mauto makuru arikupinda munyika nechisimba. Zvidzidzo zvipi izvo Ishe zvavangava nazvo kwauri munyaya idzi?
2 Madzimambo 6:8–23
“Avo vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.”
Apo paunoedza kutevera Kristu, wakambonzwa here semuranda wechidiki waErisha—kukurirwa uye kutya? Fungidzira kuti uri muchinzvimbo chake apo paunoverenga 2 Madzimambo 6:8–23. Nyaya iyi inoshandura sei nzira yaunofunga nokunzwa nayo pamusoro pezviedzo zvako, mabasa ako, kana kuedza kwako kurarama vhangeri?
Apo paunofungisisa, funga pamusoro pemashoko aMutungamiri Henry B. Eyring okuti: “Semuranda iyeye waErisha, kuna vakawanda vanewe kupfuura avo vaunokwanisa kuona kuti vanokupikisa. Vamwe avo vanewe vanezenge vasingaonekwi namaziso ako enyama. Ishe vanozokutsigira uye pane dzimwe nguva vanozozviita nokudaidza vamwe kuti vamire newe” (“O Ye That Embark,” Liahona, Mbudzi 2008, 58).
Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa “weavo vari [kwauri]” (ndima 16)—vanhu Mwari vavakaisa muupenyu hwako kukutsigira. UngangoVakumbira kuti vakubatsire kuvaziva kuburikidza nokuvhura maziso ezvepamweya ako. Pamwe vakakuisawo muupenyu hwavamwe kuti uvabatsire. Munokwanisa kuwana simba nerutsigiro sei kubva kune mumwe nomumwe wenyu?
Ndiriini apo pawakanzwa rutsigiro urwo Ishe rwavanotsanangura muDzidziso neZvibvumirano 84:88?
Ungangonzverawo shoko raSisita Michelle D. Craig “Eyes to See” (Liahona, Mbudzi 2020, 15–17). Zvibvunze kuti, “Chii icho Mwari chavanoda kuti ndione?”
Vachitaura nezve nyaya iri muna 2 Madzimambo 6:8–23, Gosa Ronald A. Rasband vakati: “Tinogona kunge tiine kana kuti tisina ngoro dzemoto dzakatumirwa kubvisa kutya kwedu uye kukunda madhimoni edu, asi chidzidzo chacho chakajeka. Ishe vanesu, vanotirangarira uye vanotiropafadza nenzira idzo Ivo chete dzavanokwanisa kuita. Munamato unokwanisa kuunza simba uye zvakazarurwa izvo zvatinoda kunangisa pfungwa dzedu pana Jesu Kristu nokuzvipira kwerudzikinuro Kwake. Ishe vaiziva kuti pane dzimwe nguva tinozonzwa kutya. Ndakanzwa saizvozvo uye iwewo wakanzwa saizvozvo. … Muchechi ino tingangova vashoma muhuwandu nenzira yemaverengero anoita nyika hurudziro, asi apo patinovhura maziso edu ezvepamweya, ‘avo vari kwatiri vanopfuura vari kwavari’ [2 Madzimambo 6:16]” (“Be Not Troubled,” Liahona, Mbudzi 2018, 18, 19). Unozoshandisa sei mashoko aya kubatsira mumwe munhu arikunzwa kusagadzikana kana kutya?
Onawo “Dearest Children, God Is Near You,” Hymns, nhamba 96.
Mazano eKudzidzisa Vana
2 Madzimambo 4
Mwari vanokwanisa kuita zvishamiso muupenyu hwangu.
-
Mushure mokubatsira vana vako kunzwisisa kuti chishamiso chii, vakoke kuti vaite mudorongodzwa wemienzaniso yezvishamiso yose yavanokwanisa. Mifananidzo iri muBhuku reMifananidzo yeVhangeri kana muHuyai, Munditevere inokwanisa kubatsira. Zvino vanokwanisa kutsvaka zvishamiso muna 2 Madzimambo 4:1–7, 14–17, 32–35, 38–44. Zvishamiso izvi zvinondidzidzisa chii pamusoro paBaba Vokudenga?
-
Iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pamataridziro akaita Mwari rudo Rwavo kuburikidza nezvishamiso. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwakaita serwokuti “God’s Gracious Love” (Gospel Library).
Stand as a Witness [Mira seChapupu], naKwani Povi Winder
2 Madzimambo 5:1–15
Ndinokwanisa kusarudza kuita izvo Mwari zvavanoraira kuburikidza navaporofita Vavo.
-
Batsira vana vako kudzidza nyaya iri muna 2 Madzimambo 5:1–3, 9–14). Funga pamusoro pokushandisa “Erisha Anoporesa Naamani” (muNyaya dzemuTestamente Yekare, 134–37) kana mufananidzo waNaamani uri muchidzidzo chevhiki rino. Sei Naamani aiva asingadi kushamba muRwizi rweJoridani, kunyangwe zvazvo Erisha akati izvi zvaizoporesa chirwere chake? Naamani akaropafadzwa sei apo paakatevera mirairidzo yaErisha? Mungangogoverana zvimwe zviitiko apo pamakateerera Ishe, kunyangwe apo pamaiva musina chokwadi chokuti munoda kuteerera.
1:52Elisha Heals Naaman
-
Ungangosimbisawo 2 Madzimambo 5:13, umo varanda vaNaamani mavakamubatsira kusarudza kuteerera muporofita Erisha. Vana vako vanokwanisa zvino kutaura pamusoro penzira dzavanokwanisa kubatsira nadzo shamwari dzavo kana nhengo dzemhuri dzavo kuteerera uye nokutevera muporofita.
2 Madzimambo 6:8–17
Handisi ndiri ndoga.
-
Iwe navana vako munokwanisa kufungidzira kuti makakomberedzwa nemauto ane minondo, mabhiza, uye nengoro. Munozonzwa sei? Chii chamunonozoita? Vana vako vanokwanisa zvino kuvhara maziso avo apo paunoverenga 2 Madzimambo 6:16–17 kwavari. (Onawo “Erisha neMauto aIshe,” muNyaya dzemuTestamente Yekare,138–39, kana mufananidzo kumagumo kwechidzidzo chino.) Apo paunosvika pamashoko anoti “svinudzai henyu meso ake” (ndima 17), kumbira vana kusvinudza meso avo. Taurai pamusoro peizvo muranda zvaakaona. Goverana navana vako nzira idzo dzawakanzwa kuti Ishe vaiva newe munguva yezvinetso zvako, kunyangwe apo pazvaitaridzika sokuti uri wega.
1:9Elisha and the Lord’s Army