Huyai, Munditevere
Chikunguru 13–19. “Akatenda kuna Ishe Mwari waIsraeri”: 2 Madzimambo 16–25


“Chikunguru 13–19. ‘Akatenda kuna Ishe Mwari waIsraeri’: 2 Madzimambo 16–25,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chikunguru 13–19. ‘Akatenda kuna Ishe Mwari waIsraeri,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

boka guru ravaJuda richifamba kuenda kuutapwa kuBabironi

The Flight of the Prisoners [Kutiza kweVasungwa], naJoseph Tissot nevamwe

Chikunguru 13–19: “Akatenda kuna Ishe Mwari waIsraeri”

2 Madzimambo 16–25

Zvisinei nehushumiri hunesimba hwemuporofita Erisha, vanhu weHumambo hweKuchamhembe hweIsraeri havana kutendeuka. Pakupedzisira, Umambo hweAsiriya hwakakurira uye hukaparadzira madzinza gumi eIsraeri. Panguva iyoyo, Umambo hweKumaodzanyemba hweJuda hwaiva hwusiri kuita zvirinani; kunamata zvifananidzo kwaiva kwakapararirawo zvikuru ikoko.

Asi pakati pehuori uhwu hwese hwezvepamweya, magwaro matsvene anatoura madzimambo maviri eJuda ayo, kwechinguva, akambotendeutsira vanhu vawo kuna Ishe. Mumwe wacho aiva Hezekia. Munguva yekutonga kwake, vaAsiriya vakakunda chikamu chikuru cheJuda. Asi Hezekia navanhu vake vakaratidza rutendo muna Ishe, avo vakaponesa Jerusarema nenzira inoshamisa. Pashure, mushure meimwezve nguva yerutsauko, Josia akava mambo. Achikurudzirwa muchikamu nekuwanikwa zvakare kwebhuku remutemo waMosesi, Josia akaunza shanduro idzo dzakamutsidzira upenyu hwechitendero hwevanhu vake.

SeIsraeri neJuda, tose tinoita dzose sarudzo dzakanaka nedzakaipa. Apo patinonzwa kuti upenyu hwedu hwunoda imwe shanduko, tinokwanisa kutora kurudziriro kubva munguva mbiri idzi dzakajeka mumakore akanga akaipa enhoroondo yeJuda. Pamwe mienzaniso yaHezekia naJosia inokwanisa kutikurudzira “kuvimba naIshe Mwari wedu” (2 Madzimambo 18:22).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Madzimambo 18–19

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuramba ndakatendeka kuna Ishe apo rutendo rwangu parunoedzwa.

Vazhinji vedu tine zviitiko zvinoedza rutendo rwedu. Kuna Hezekia navanhu vake, chimwe chezviedzo izvozvo chakauya apo mauto eAsiriya paakasvika kuJerusarema. Apo paunoverenga 2 Madzimambo 18–19, fungidzira kuti waigara muJerusarema munguva iyi. Ungadai wakanzwa sei, somuenzaniso, kunzwa kunyomba kwavaAsiriya muna 2 Madzimambo 18:28–37; uye 19:10–13? Chii chaungadai wakaita? Enzanisa zvikonzero zvevaAsiriya zvokuti vaIsraeri vasavimba naIshe nezvikonzero izvo Satani zvaanotipa kuti isu tishaye chokwadi nerutendo rwedu nhasi. Unokwanisawo kusiyanisa zvikonzero zvevaAsiriya nezvikonzero zvako zvokuti sei uchivimba naIshe.

Unodzidzei kubva pane zvakaitwa naHezekia mumamiriro ezvinhu aya? (ona 2 Madzimambo 19:1–7, 14–19). Ishe vakadavira sei? (ona 2 Madzimambo 19:35–37). Unofunga kuti sei Hezekia akaramba akatendeka? (ona 2 Madzimambo 18:5–7). Fungisisa kuti Ishe vakakutsigira sei munguva dzekuedzwa. Chii chaunonzwa kufemerwa kuti uite kuitira kuti uwedzere ruvimbo rwako maVari?

Shoko raMutungamiri Jeffrey R. Holland rokuti“Fear Not: Believe Only!” (Liahona, Chivabvu 2022, 34–36) rine rairo inobatsira munguva dzokutya kana dzokushaya chokwadi. Rwiyo rwakaita serwokuti“Let Us All Press On” (Hymns, nhamba 243) rwunogonawo kuva nemashoko anokurudzira. Chii chaunowana muzvinyorwa izvi chinokubatsira?

Onawo 2 Makoronike 31–32; 3 Nifai 3–4; Jörg Klebingat, “Valiant Discipleship in the Latter Days,” Liahona, Chivabvu 2022, 107–10.

Shandisa zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene. Chechi inopa zvekushandisa zvizhinji zvekukubatsira kunzwisisa magwaro matsvene. Somuenzaniso, muRaibhurari yeVhangeri unokwanisa kuwana Nhungamiri Kumagwaro Matsvene, Topics and Questions, uye Church magazines. Pamusoro paizvozvo, apo paunoverenga Testamente Yekare, unokwanisa kuwana mamiriro ezvinhu aivapo uye nenzwisiso zvinobatsira “muPfungwa dzeKuchengeta muNdangariro” muHuyai, Munditevere. Chinyorwa chine musoro wenyaya wokuti “Jesu Achati kuIsraeri Yose, ‘Huyai Kumba’” chinokwanisa kukubatsira kunzvera 2 Madzimambo 16–25.

mhuri ichiverenga magwaro matsvene pamwechete

2 Madzimambo 19:20–37

Zvinhu zvose zviri mumaoko aIshe.

Sanheribi, mambo weAsiriya, akanga aine chikonzero chakanaka chokutenda kuti mauto ake aizokurira Jerusarema (ona 2 Madzimambo 17; 18:33–34; 19:11–13). Asi Ishe vaiva neshoko kuna Sanheribi, rakataurwa kuburikidza namuporofita Isaya. Rakanyorwa muna 2 Madzimambo 19:20–34. Ndezvipi zvokwadi zvaunowana mushoko raIshe zvinokubatsira kuti uve nerutendo maVari uye nemuchinangwa Chavo?

2 Madzimambo 21–23

Magwaro matsvene anokwanisa kutendeutsira mwoyo wangu kuna Ishe.

Wakambonzwa kuti unoshaiwa chimwe chinhu pane zvepamweya here? Zvimwe wakanzwa kuti ukama hwako naMwari hwunokwanisa kuva hwakanyanya kusimba. Chii chakakubatsira kuti udzokere kwaVari? Fungisisa mibvunzo iyi apo paunoverenga 2 Madzimambo 21–23, iyo inotsanangura kuti Humambo hweJuda hwakatsauka sei kubva kuna Ishe hwuri pasi paMambo Manase (ona 2 Madzimambo 21) uye kuti Mambo Josia akabatsira sei vanhu kutendeukira zvakare kwaVari (ona 2 Madzimambo 22–23). Josia nevanhu vake vakashanduka sei uye nokuda kwechikonzero chei? (ona 2 Madzimambo 22:8–11; 23:1–6, 21, 24).

Mutungamiri Spencer W. Kimball vakadaidza nyaya yaMambo Josia kuti “imwe yenyaya dzakanakisisa mumagwaro matsvene ose” (Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball [2006], 62). Verenga mashoko aMutungamiri Kimball pamusoro paMambo Josia (mapeji 62–64). Pamwe unokwanisa kufunga nezve chiitiko apo ndima yemumagwaro matsvene “payakashanda zvakasimba zvikuru” mauri. Chii chaungakwanisa kuita kuti ugamuchire zvimwe zviitiko zvakaita saizvozvo?

Onawo Aruma 31:5; “Josiah and the Book of the Law” (vhidhiyo), Gospel Library.

12:25

Josiah and the Book of the Law

2 Madzimambo 23:1–25

Chibvumirano kuzvipira nemwoyo wose pakati pangu naIshe

Chii chaunoyemura pamusoro pechibvumirano chakaitwa naJosia muna 2 Madzimambo 23:3? Apo paunoenderera mberi nokuverenga chitsauko 23, cherechedza izvo zvakaitwa naJosia kuratidza kuzvipira kwake kuna Ishe (onawo mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino). Unokwanisa kutaridza sei kuzvipira kwako kwaVari?

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Madzimambo 18:3–6; 19:14–19

Ndinokwanisa kuvimba naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Muna 2 Madzimambo 18:3, 5–6, batsira vana vako kuona izvo zvakaita kuti Hezekia ave mambo akanaka. Zvino apo pamunoverenga pamwechete 2 Madzimambo 19:14–19, vanokwanisa kuona kuti akaratidza sei kuti aivimba naIshe. Munokwanisa kutarisa mufananidzo waJesu Kritsu uye motaura kuti sei tichikwanisa kuvimba Naye. Tinokwanisa kuratidza sei kuti tinovimba naIshe?

2 Madzimambo 22:1–7

Baba Vokudenga naJesu Kristu vanokwanisa kuvimba neni.

  • Muna 2 Madzimambo 22:1, batsira vana vako kuona kuti Josia akanga akura zvakadini apo paakava mambo. Chii chatinodzidza pamusoro paJosia mundima 2? Funga chiitwa chinokwanisa kuratidza kutevera Ishe uye usingatendeukiri “kurutivi kuruoko rwekurudyi kana rweruboshwe.”

  • Vashandi vakatsanangurwa muna 2 Madzimambo 22:3–7 vakavimbwa navo nemari yaizoshandiswa kuvaka zvakare temberi “nokuti vaibata vakatendeka” (ndima 7). Mushure mokuverenga ndima idzi, iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezvimwe zvinhu zvamakavimbwa nazvo. Tingava sei vanhu vakavimbika sevashandi vari mundima idzi?

munyori aina Mambo Josia

A scribe bringing a scroll of scripture to King Josia [Munyori achiunza mupumburu wemagwaro matsvene kuna Mambo Josia], mufananidzo naRobert T. Barrett

2 Madzimambo 22:8–11; 23:2–3

Magwaro matsvene anodzidzisa kutevera Jesu Kristu.

  • Kusuma nyaya yaMambo Josia muna 2 Madzimambo 22–23, unokwanisa kuviga kopi yemagwaro matsvene pane imwe nzvimbo mumupanda. Koka vana vako kutsvaga kopi iyoyo. Zvino unokwanisa kugovera zvakaitika apo mumwe wavapirisita vaJosia paakawana magwaro matsvene mutemberi (ona 2 Madzimambo 22:8–11; onawo “Mambo JosiamuNyaya dzemuTestamente Yekare, 148–49). Chii chingaitika kwatiri dai taiva tisina magwaro matsvene? Goveranai pamwechete kuti sei muchifara kuti tine magwaro matsvene nhasi.

    1:36

    King Josiah

  • Mushure mokuverenga 2 Madzimambo 23:2–3, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemagwaro matsvene ayo akakukurudzirai “kutevera Ishe” (ndima 3). ­

2 Madzimambo 23:1–3

Ndichachengeta zvibvumirano zvangu naMwari.

  • Apo Josia navanhu vake pavakadzidza mitemo yaMwari, vakaita chibvumirano chokuirarama. Verenga pamusoro peizvi navana vako muna 2 Madzimambo 23:1–3, uye vabatsire kuwana mashoko kana ndevo dzinoratidza kuti vanhu vakanzwa sei pamusoro pemirairo yaIshe. Pamwe vana vako vanokwanisa kusimuka uye votaura pamusoro pezvazvingangoreva “[kumira] kuchibvumirano.” Zvino vanokwanisa kufamba panzvimbo uye votaura pamusoro pezvazvingangoreva “kutevera Ishe.” Mushure mezvo, vanokwanisa kuisa maoko avo pamwoyo yavo uye votaura nzira dzatinokwanisa kuchengeta nadzo zvibvumirano zvedu “nemwoyo [yedu] yose.”

­

vanhu varikuputsira pasi chivezwa netambo

Josiah’s people removing idols from the city [Vanhu vaJosia vachibvisa zvifananidzo kubva muguta]; mufananidzo naWilliam Hole

Peji yechiitwa chePuraimari: Magwaro matsvene anondidzidzisa kutevera Jesu Kristu