“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: ‘Jesu Anozoti kuIsraeri Yose,“Huyai Kumusha,”’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: ‘Jesu Anozoti kuIsraeri Yose,“Huyai Kumusha,”’” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro
“Jesu Anozoti kuIsraeri Yose, ‘Huyai Kumba’”
Mugwenga reSinai, Mosesi akaunganidza vana vaIsraeri pazasi pegomo. Ipapo Ishe vakazivisa pachena kuti vaida kushandura boka iri renhapwa dzakanga dzichangobva mukusunungurwa kuvaita vanhu vane simba. “Muchava kwandiri, ” Ishe vakadaro, “ushe hwavapirisita, norudzi rutsvene ” (Eksodo 19:6). Vakavimbisa kuti vaizowanda uye nokubudirira, kunyangwe apo pavanenge vakakomberedzwa nevavengi vakawanda zvikuru uye vane simba gurusa.
Zvose izvi zvaizoitika kwete nokuda kwokuti vaIsraeri vaiva vakawanda kana kuti vakasimba kana vaine unyanzvi. Ishe vakatsanangura kuti zvaizoitika, kana “vakazoteerera inzwi [Ravo] zvechokwadi, uye vakachengeta chibvumirano [Chavo]” (Eksodo 19:5). Simba raMwari, kwete ravo pachavo, ndiro raizovaita mhare.
Asi zvakadaro vaIsraeri vakanga vasingateereri nguva dzose kuinzwi raMwari, uye nokufamba kwenguva vakarega kuchengeta chibvumirano Chavo. Vazhinji vainamata vamwe vanamwari uye vakatora maitiro netsika dzamarudzi ainge akavapoteredza. Vakaramba chinhu icho chaicho chaivaita kuti vave rudzi rwakasiyana nemamwe ose—ukama hwavo hwechibvumirano naIshe. Pasina simba raMwari raivadzivirira, pakanga pasina chaimisa vavengi vavo.
Kuparadzirwa
Nguva dzakati wandei dzingangova pakati pa735 na720 Kristu Asati Azvarwa, vaAsiria vakatapa Umambo hweKuchamhembe hweIsraeri, uko kwaigara gumi ramadzinza gumi namaviri, uye vakatora zviuru zvavaIsraeri senhapwa kuenda navo munzvimbo dzakasiyana siyana dzeUmambo hweAsiria. VaIsraeri ava vakazozivikanwa “samadzinza akarashika,” muchikamu nokuda kwokuti vakabviswa munyika yavo uye vakapararadzirwa pakati pamamwe marudzi. Asi vaiva vakarashikawo nemunzira yakadzama: nokufamba kwenguva vakarashikirwa nokuzivikanwa kwavo savanhu vaMwari vechibvumirano.
Pokupedzisira vanhu vazhinji vaiva muUmambo hweKumaodzanyemba vakafuratirawo kubva pana Ishe. VaAsiria vakarwisa uye vakakurira nzvimbo zhinji dzeumambo ihwohwowo ; Jerusarema chete ndiyo yakachengetedzwa zvaishamisa. Pashure, pakati pa597 na580 Jesu Asati Azvarwa, vaBabironi vakaparadza Jerusarema, kusanganisira temberi uye vakatora vanhu vakawanda senhapwa. Angangoita makore makumi manomwe pashure, vakasara vavaJuda vakabvumirwa kudzokera kuJerusarema kunovaka zvakare temberi. Vazhinji, zvisinei, vakasara muBabironi.
The Destruction of Jerusalem by Nebuzar-adan [Kuparadzwa kweJerusarema naNebuzaradani], naWilliam Brassey Hole, © Providence Collection/licensed from goodsalt.com
Nokufamba kwenguva, vaIsraeri vaibva kumadzinza ose “vakaparadzirwa … nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi” (Muporofita Zekaria 7:14). Vamwe, Ishe vakavatungamirira kuenda kune dzimwe nyika. Vamwe vakabuda muIsraeri kuti vapukunyuke kutapwa kana nezvikonzero zvematongerwo enyika kana zveupfumi.
Tinodaidza zviitiko izvi kuti kuparadzirwa kweIsraeri. Uye zvakakosha kuziva pamusoro pokuparadzirwa nokuda kwezvikonzero zvakati wandei. Chokutanga, musoro wenyaya mukuru weTestamente Yekare—vaporofita vazhinji veTestamente Yekare vaiva zvapupu zvekuderera panezvepamweya ukokwakazotungamirira kukuparadzirwa. Vakafanokuona uye vakayambira pamusoro pako. Vamwe vavo vakararama nemakuri. Izvi zvinobatsira kuyeuka apo paunoverenga mabhuku aIsaya, Jeremia, Amosi, uye navamwe vaporofita muchikamu chokupedzisira cheTestamente Yekare. Uine mamiriro ezvinhu aya mupfungwa, apo paunoverenga huporofita hwavo pamusoro peAsiria neBabironi, kunamata zvifananidzo uye utapwa, ruparadzwo uye pokupedzisira kudzorerwa, unozoziva zvavari kutaura nezvazvo.
Kunzwisisa kuparadzirwa kweIsraeri kunozokubatsira kuti unzwisise Bhuku raMormoni zvirinaniwo, nokuda kwokuti Bhuku raMormoni irondedzero yebazi ravaIsraeri vakaparadzirwa. Rondedzero iyi inotanga nemhuri yaRihai ichitiza Jerusarema mungangova muna 600 Kristu Asati Azvarwa, chinguva chipfupi vaBabironi vasati varwisa. Rihai aiva mumwe wavaporofita avo vakaporofita pamusoro pokuparadzirwa kweIsraeri. Uye mhuri yake yakabatsira kuzadzikisa huporofita ihwohwo, vachitora bazi ravo reimba yaIsraeri uye vachinoridyara kune rimwe divi renyika, mumaAmerica.
Kuunganidzwa
Kuparadzirwa kweIsrael, zvisinei, chingori chikamu chepakati nepakati chete chenyaya yacho. Ishe havakanganwi vanhu Vavo, kana kuvasiya zvachose, kunyangwe apo ivo pavanenge vaVasiya. Huporofita huzhinji hwokuti Israeri yaizoparadzirwa hwakaitwa pamwechete nevimbiso zhinji dzokuti Mwari nerimwe zuva vaizovaunganidza.
Zuva iroro ndinhasi—zuva redu. Kuunganidzwa ikoko kwakatotanga kare. Muna 1836, zviuru zvemakore mushure mokunge Mosesi aunganidza vana vaIsraeri pazasi peGomo reSinai, Mosesi akazviratidza muTemberi yeKirtland kuti ape kuna Joseph Smith “kiyi dzokuunganidzwa kweIsraeri kubva kumativi mana epanyika” (Dzidziso neZvibvumirano 110:11). Iyezvino, nenhungamiro yevanhu vane makiyi aya, madzinza eIsraeri ari kuunganidzwa kubva kunyika dzose idzo varanda vaIshe dzavanokwanisa kuenda.
Moses, Elias, and Elijah Appear in the Kirtland Temple, [Mosesi, Eria, naErija Vanozviratidza Mutemberi yeKirtland], naGary E. Smith
Mutungamiri Russell M. Nelson vakadaidza kuunganidzwa uku kuti “chinhu chakakoshesesa chiri kutora nzvimbo pasi pano nhasi. Hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako muhukuru, hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako muukoshi, hapana chimwe chinhu chinofananidzwa nako mukuremerera. Uye kana ukasarudza, kana uchida, unokwanisa kuva chikamu chikuru chako.”
Tinokwanisa kubatsira sei? Zvinorevei kuunganidza Israeri? Zvinoreva here kudzorera madzinza gumi nemaviri kunyika yavaimbogara? Chokwadi chaicho ndechokuti, zvinoreva chimwe chinhu chikurusa, chakanyanyisa kuva chokusingaperi. Sokutsanangura kwakaita Mutungamiri Nelson:
“Apo patinotaura nezve kuunganidzwa,, tiri kungotaura chokwadi chakakosha ichi: mumwe nemumwe wavana vaBaba vedu Vokudenga, kumativi ose echidzitiro, anokodzera kunzwa shoko revhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. …
“Nguva ipi neipi yaunoita chinhu chipi nechipi zvacho chinobatsira mumwe munhu upi zvake—kumativi ose echidzitiro—kutora danho rokuita zvibvumirano naMwari nokutambira zvisungo zvavo zvakakosha zverubhabhatidzo uye zvemutemberi, uri kubatsira kuunganidza Israeri. Zviri nyore saizvozvo.”
Izvi zvinoitika, sekutaura kwakaita Isaya, “mumwe nemumwe” (Isaya 27:12) kana kuti, sezvakafanotaurwa naJeremia, “mumwe paguta rimwe, navaviri parudzi rumwe ” (Jeremia 3:14).
Kuunganidza Israeri kunoreva kuunza vana vaMwari zvakare kwaVari. Zvinoreva kuvadzorera kuukama hwavo hwechibvumirano Navo. Zvinoreva kumisa zvakare “rudzi rutsvene” rwaVakaronga kumisa kare kareko (Eksodo 19:6).
Huyai Kumba
Semumwe akaita chibvumirano naMwari, iwe uri chikamu cheimba yaIsraeri. Wakaunganidzwa, uye uri muunganidzi. Nyaya inoshamisa yamazana amakore yevanhu vechibvumirano yava kusvika pakuzadzikiswa kwayo, uye iwe uri munhu anokosha mairi. Iyezvino ndiyo nguva apo “Jesu paanozoti kuIsraeri yose, ‘Huyai kumba.’”
Iri ndiro shoko ravaunganidzi: Huyai kumba kuchibvumirano. Huyai kumba kuZioni. Huyai kumba kuna Jesu Kristu, Mutsvene waIsraeri, uye Anozokuunzai kumba kuna Mwari, Baba venyu.