Huyai, Munditevere
Chikunguru 20–26. “Meso Edu Akatarira Kwamuri”: 2 Makoronike 14–20; 26; 30


“Chikunguru 20–26. ‘Meso Edu Akatarira Kwamuri’: 2 Makoronike 14–20; 26; 30,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Chikunguru 20–26. ‘Meso Edu Akatarira Kwamuri’”: Huyai, Munditevere: 2026

Mambo Jehoshafati achinamata

King Jehoshaphat’s Prayer [Munamato waMambo Jehoshafati], naKeeley Rae

Chikunguru 20–26: “Meso Edu Akatarira Kwamuri”

2 Makoronike 14–20; 2630

Umambo hwaJuda hwaiva hwakakomberedzwa. Mauto aibva kunyika nhatu dzinesimba guru dzavavengi aiva achiuuya ose pamwechete, akagadzirira hondo. Munguva yakaipa iyi yokuda rubatsiro, Jehoshafati, Mambo weJuda, akatendeukira kuna Mambo wokudenga napanyika. Jehoshafati akaunganidza vanhu vake patemberi uye akanamata. Akabvuma utera hwevanhu hwavo uye akateterera rununuro. Mumhinduro, Ishe vakavimbisa dziviriro Yavo: “Musatya, kana kuvhunduswa” (2 Makoronike 20:17).

Tingange tisina mauto arikupinda nechisimba pamukova wedu achityisidzira kutiparadza, asi dzimwe nguva tinonzwa kukomberedzwa nematambudziko nehuipi. Gwara redu kurununuro nderimwechetero Jehoshafati raakatsvaka, uye munamato wedu unokwanisa kuva sewakewo: “Haiwa Mwari wedu, … hatina simba rokurwa navazhinji ava vanovuya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri” (2 Makoronike 20:12).

Muna Mokoronike 14–30, unozoverenga pamusoro paJehoshafati namamwe madzimambo muJuda. Funga pamusoro pokuti gadziriso dzaitungamirirwa nerutendo rwavo, kundo, nezvinetso zvinokwanisa kushanda sei kuupenyu hwako pachako .

Kuti uwane pfupiso yebhuku ra2 Makoronike, ona “Makoronike” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Makoronike 14–16

Kuvimba muna Mwari kunozondiunzira runyararo.

Apo Asa paaiva mambo weJuda, akatarisana nezvinetso zvakawanda—sezvatinongoita isu tose nhasi. Apo paunoverenga pamusoro pezviedzo zvaakatarisana nazvo, cherechedza uko kwaakaisa ruvimbo rwake uye kuti izvozvo zvakashanduka sei nokufamba kwenguva.

Jerero

Zvinetso zvakatarisana naAsa

Uko kwakaisa Asa ruvimbo rwake

Jerero

2 Makoronike 14:9–12

Jerero

2 Makoronike 15:1–8

Jerero

2 Makoronike 16:1–10

Sei dzimwe nguva tichirega kuvimba naIshe? Chii chimwe chaunodzidza kubva kuupenyu hwaAsa?

Onawo Gosa D. Todd Christofferson “Our Relationship with God,” Liahona, Chivabvu 2022, 78–80).

2 Makoronike 18

Ndinokwanisa kurwira chokwadi, kunyangwe apo pazvinenge zvisiri zvinofarirwa navamwe vose.

Muporofita Mikaya anofanira kunge akanzwa kumanikidzwa kukuru kuti afembere budiriro yemadzimambo Jehoshafati naAhabi muhondo yavo neSiria. Tsvaga umboo hwekumanikidzwa ikoko muna 2 Makoronike 18:1–12. Umboo hwupi hwaunowana hweushingi nokuvimbika kwaMikaya mundima 13–27? (Cherechedza kuti mundima 14, Mikaya anopa mhinduro yokunyomba, mhinduro yake chaiyo iri mundima 16.) Mashoko aMikaya akazadzikiswa sei mundima 28–34?

Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu umo maungangotarisana nekumanikidzwa seuko Mikaya kwaakatarisana nako. Chii chinokupa ushingi hwokurwira Ishe nedzidziso Dzavo?

mepu yeJuda

Mumazuva aMambo Jehoshafati, nyika nhatu dzakarwisa Jerusarema.

2 Makoronike 20:1–25

mufananidzo weseminari
Munguva dzakaoma, ndinokwanisa kutendeukira kuna Mwari navaporofita Vavo.

Apo paunoverenga 2 Makoronike 20:1–12, tsvaka izvo zvakaitwa naMambo Jehoshafati apo nyika zhinji padzakauya kuzorwisa Juda. Ungashandisa zviito zvake sei mumamiriro ezvinetso awakatarisana nawo?

Mhinduro yaIshe kumunamato waJehoshafati inowanikwa mundima 14–17. Ndedzipi dzevo dzaunowana imomo idzo dzinokwanisa kukunyaradza iwe kana mumwe munhu waunoziva munguva dzakaoma?

Zuva rakatevera, vanhu veJerusarema vakaenda kunosangana nemauto aiva auya kuzovarwisa. Apo paunoverenga 2 Makoronike 20:20, tsvaka shoko iro Johashafati raakapa kuvanhu veJerusarema. Mashoko ake akazadzikiswa sei? (ona ndima 22:23). Mwari vakakuropafadza sei nokutenda maVari uye nokutevera vaporofita Vavo?

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Ruzivo rwangu nderwekuti apo paunongorega kuisa turavhunzo kumagumo kwemashoko emuporofita uye panokudaro woisa zvikuwo, uye wozviita, maropafadzo anongodururirwa pauri. Ini handimbozvibvunzi kuti, ‘Ndiirinhi apo muporofita paanotaura semuporofita uye ndiriinhi paasingatauri semuporofita?’ Chandinoda ndechokuti, ‘Ndinokwanisa kunyanya kuva saiye sei?’” (muna Lane Johnson,Russell M. Nelson: A Study in Obedience,” Ensign, Nyamavhuvhu 1982, 24).

Onawo Dzidziso neZvibvumirano; “A Secure Anchor” (vhidhiyo), Gospel Library; “Make inspired choices,” For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (2022), 4–5.

3:37

A Secure Anchor

Doma mashoko akareruka echokwadi. Gosa Neal A. Maxwell vakadzidzisa kuti: “Magwaro matsvene anotipa madhaimondi edzidziso akawanda zvikurusa. Uye apo chiedza cheMweya pachinobata mativi awo akati wandei, anopenya nemanzwiro eseresitiyaro uye ovhenekera gwara ratinofanira kutevera” (“According to the Desire of [Our] Hearts,” Ensign, Mbudzi 1996, 21). Apo paunonzvera, funga pamusoro pokutora nguva yokudoma, kumaka, uye kufungisisa mashoko mapfupi asi ane simba guru. Mimwe mienzaniso inokwanisa kuwanikwa muna 2 Makoronike 14:11; 15:7; 18:13; 20:15; 26:5. Ndeapi mamwe “madhaimondi edzidziso” aunokwanisa kuwana?

2 Makoronike 26:3–21

Rudado runotungamira kuruparadzo.

Sezvazviri namamwe madzimambo akawanda eJuda, utongi hwaUzia hwakatanga nebudiriro hurusa asi hwakaguma nenjodzi. Tsvaka mutoo uyu muna 2 Makoronike 26. Chii chaungazoti ndicho chakakonzera rushanduko muupenyu hwaUzia?

Apo paunoverenga ndima 16–23, chengeta mupfungwa kuti panguva iyi, vapirisita chete ndivo vaibvumidzwa kupisa zvinonhuwira mutemberi. Unofunga kuti sei Mambo Uzia asina kuteerera Mwari? Chii chaunodzidza kubva kuchiitiko chine njodzi ichi?

Onawo: “Be Thou Humble,” Hymns, nhamba 130.

2 Makoronike 30

Ndinokwanisa kuva muyananisi.

Muna 2 Makoronike 30, Hezekia aiva mambo weJuda. Akakoka Umambo hweIsraeri hwavaipikisana nahwo kuti vaungane muJerusarema kupemberera Paseka—chinhu icho vaIsraeri chavakanga vasina kukwanisa kuita kwamakore mazhinji (ona ndima 1–12). Chii chinokufadza pamusoro pekokero yacho uye magamuchirwo ayakaitwa—zvose navaenzi vechiIsraeri uye naavo vakavakoka muJuda?

Nokuda kwokuti nguva yakareba zvikuru yakanga yapfuura, vamwe vashanyi kuJerusarema vakanga vasina ruzivo rwokuti vanotora chinhanho sei muPaseka. Apo paunoverenga 2 Makoronike 30:18–27, chii chaunodzidza kubva kumhinduro yaHezekia uye mhedzisiro dzemhinduro yake?

Onawo Russell M. Nelson, “Peacemakers Needed,” Liahona, Chivabvu 2023, 98–101.

­­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Makoronike 14–16;20

Ndinokwanisa kuvimba naMwari.

  • Kuti usume zano rokuvimba naIshe, ungangotaridza vana vako chimwe chinhu chaunovimba nacho kuti chinokuchengeta wakaoma apo pakunonaya, sezvakaita amburera kana bhachi. Ita kuti vataure pamusoro pokuti sei tichivimba nezvinhu izvi. Zvino vabatsire kuenzanisa izvozvo kuruvimbo rwedu muna Ishe. Sei tichivimba Navo kutichengeta pane zvepamweya?

  • Unokwanisa kubatsira vana vako kuziva madaviriro akaita Mambo Asa naMambo Jehoshafati kuzvinetso zvavo kuburikidza nokuvimba muna Ishe (ona 2 Makoronike 14:11; 20:3–5, 12). Goveranai nzira dzamunokwanisa kutaridza nadzo Ishe kuti munovimba Navo.

2 Makoronike 20:1–29

Mwari vanozonzwa nokupindura minamato yangu.

  • Peji yechiitwa yevhiki ino inokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa nyaya yemunamato waJehoshafati uye mhinduro yaIshe. Iwe nevana vako munokwanisa kugoverana nguva idzo Mwari dzavakanzwa nokupindura minamato yenyu. Funga pamusoro pokusanganisira nguva apo mhinduro dzacho padzakauya nenzira kana panguva idzo dzamaiva musingatarisiri. Rumbo pamusoro pemunamato, sezvakaita rwokuti ­“I Pray in Faith” (Children’s Songbook, 14), runokwanisa kubatsira kuvaka rutendo rwavana vako.

2 Makoronike 26:3–23

Ndinokwanisa kuva anozvininipisa.

  • Kuti vadzidze pamusoro penjodzi dzerudado, vana vako vanokwanisa kuvaka shongwe nemabhuroku kana zvikapu zvidiki. Apo pavanoisa bhuroku roga roga kana kapu yoga yoga pashongwe, vabatsire kudoma imwechete yebudiriro dzaUzia kubva muna 2 Makaronike 26:3–15. Mushure mokunge vapedza kuvaka shongwe yacho, kurukura navana vako kuti Uzia akakwanisa kuichengeta yakareba uye yakasimba sei? Chii chingaita kuti iputsike? Zvino, apo pamunoverenga ndima 16, munokwanisa kutaura pamusoro peizvo zvazvinoreva kuva nemwoyo yedu “ichizvikudza kuruparadzo [rwedu].” Goverana navana vako izvo zvakaitika kuna Uzia mundima 16–23. Ita kuti vaputsire pasi shongwe yavo. Taurai pamusoro peizvo zvatinokwanisa kuita kuti tigare tichizvininipisa.

Hezekia achirumbidza Mwari

King Hezekiah and the People Thank God [Mambo Hezekia neVanhu Vanovonga Mwari], © Lifeway Collection/licensed from goodsalt.com

2 Makoronike 30

Ndinokwanisa kuva muyananisi.

  • Mufananidzo uri pamusoro unotaridza apo Hezekia paakakoka vavakidzani veJuda kubva kuUmambo hweIsraeri kuti vazopemberera Paseka navo. Unokwanisa kutarisa pamufananidzo uyu navana vako uye moverenga 2 Makoronike 30:18–19, iyo inotsanangura kuti vamwe vevaenzi vakanga vasina kuzvishambidza maererano nemutemo waMosesi. Chii icho Hezekia chakaita? Izvi zvingadai zvakaita kuti vaenzi vanzwe sei? Batsira vana vako kufunga nezve kuti vanokwanisa kuva saHezekia sei munzira yavanobata vamwe nayo.

­­

Uzia achitandaniswa kubva mutemberi apo maperembudzi paanobuda pahuma yake.

Uzziah’s Pride and Punishment [Rudado neChirango zvaUzzia], naA.M. Boon

Peji yechiitwa chePuraimari: Mwari vanozonzwa nokupindura minamato yangu