“Chikunguru 27–Nyamavhuvhu 2. ‘Ndinobata Basa Guru’: Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Chikunguru 27–Nyamavhuvhu 2. ‘Ndinobata Basa Guru,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
I Have a Great Work to Do [Ndine Basa Guru Rekuita], naTyson Snow
Chikunguru 27–Nyamavhuvhu 2: “Ndinobata Basa Guru”
Ezra 1; 3–7; Nehemia 2; 4–6; 8
Vanhu vechiJuda vakanga vakabatwa muutapwa muBabironi kwemakore angangoita makumi manomwe. Vakanga varashikirwa neJerusarema uye netemberi, uye vazhinji vakanga vakanganwa kuzvipira kwavo kumutemo waMwari. Asi Mwari vakanga vasina kuvakanganwa. Chokwadi ndechekuti, Vakanga vazivisa pachena kuburikidza nemuporofita Wavo kuti, “Ndichakushanyirai nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino” (Muporofita Jeremia 29:10). Sezvakanga zvavimbiswa muhuporofita uhwu, Ishe vakagadzira nzira yokuti vanhu Vavo vadzokere—zvose kuJerusarema uye, zvakanyanya kukosha, kuzvibvumirano zvavo. Uye Vakamutsa varanda avo vakazadzikisa “basa guru” (Nehemia 6:3): Gavhuna ainzi Zerubaberi akatungamirira kuvakwazve kweimba yaIshe. Ezra, mupirisita uye munyori, akabatsira vanhu kutendeutsira mwoyo yavo zvakare kumutemo waIshe. Uye Nehemia akatungamirira kuvakwazve kwemasvingo edziviriro aikomberedza Jerusarema. Vakasangana nerupikiso, asiwo vakawana rubatsiro kubva kunzvimbo dzaiva dzisingatarisirwi. Zviitiko zvavo zvinokwanisa kudzidzisa uye kukurudzira zviitiko zvedu, nokuda kwokuti isuwo tiri kuita basa guru. Uye seravo, basa redu rine chekuita zvikuru neimba yaIshe, mutemo waIshe, uye dziviriro yezvepamweya yatinowana maVari.
Kuti uwane pfupiso yemabhuku aEzra naNehemia, ona “Ezra” uye “Nehemia” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Ezra 1
Ishe vanokurudzira vanhu kuti vazadzikise zvinangwa Zvavo.
Mushure mokunge Persia yakurira Babironi, Ishe vakafemera mambo wePersia, Koreshi, kuti atumire boka revaJuda kuJerusarema kuno vakazve temberi. Apo paunoverenga Ezra 1, cherechedza izvo Koreshi zvaakaita kuti atsigire vaJuda mubasa rakakosha iri. Unoona sei Ishe vachishanda kuburikidza navarume navakadzi vakakukomberedza, kusanganisira avo vasiri nhengo dzeChechi Yavo? Izvi zvinotaurei kwauri pamusoro paIshe nebasa Ravo?
Onawo Muporofita Isaya 44:24–28.
Ezra 3:8–13; 6:16–22
Imba yaIshe inzvimbo yemufaro.
Apo vaBabironi pavakapinda nechisimba muJerusarema, vakapamba zvinhu zvakakosha zvaiva mutemberi uye vakaiparadza zvachose nemoto (ona 2 Madzimambo 25:1–10; 2 Makoronike 36:17–19). Unofunga kuti ungadai wakanzwa sei dai wakanga uri mumwe wavaJuda vakaona izvi? (ona Mapisarema 137). Cherechedza kuti vaJuda vakanzwa sei, makumi emakore pashure, apo pavakabvumirwa kuti vadzokere uye vavakezve temberi (ona Ezra 3:8–13; 6:16–22). Izvozvo zvingangokukurudzira kufungisisa nezve manzwiro ako pachako pamusoro paIshe neimba Yavo. Sei kuvaka temberi kuri chikonzero chekupembera?
The temple of Zerubbabel [Temberi yaZerubaberi]; mufananidzo naSam Lawlor
Ezra 4–7; Nehemia 2; 4; 6
Mwari vane basa rakakosha rekuti ndiite.
Kashoma kuti basa raIshe risapikiswa. Izvi zvakava chokwadi pakuedza kwakatungamirirwa naZerubaberi naNehemia. Heino nzira iri nyore inokwanisa kukubatsira kudzidza kubva munyaya idzi uye kufunga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kuita basa raIshe zvisinei nerupikiso:
Basa raMwari rekuna Zerubaberi? (Ezra 4:3):
Basa raMwari rekuna Nehemia? (Nehemia 2:17–18):
Basa raMwari kwandiri:
Rupikiso urwo Zarabebura rwaakatarisana narwo (Ezra 4:4–24):
Rupikiso urwo Nehemia rwakaatarisana narwo (Nehemia 2:19; 4:1–3, 7–8; 6:1–13):
Rupikiso rwandinotarisana narwo:
Madaviriro akaita Zerubaberi (Ezra 5:1–2):
Madaviriro akaita Nehemia (Nehemia 2:20; 4:6, 9; 6:3–15):
Madaviriro andinokwanisa kuita:
Kuti uwane rubatsiro rwekuenzanisa chiitiko chaNehemia kuupenyu hwako, ungangonzvera shoko raMutungamiri Dieter F. Uchtdorf rinoti “We Are Doing a Great Work and Cannot Come Down” (Liahona, Chivabvu 2009, 59–62), kunyanya zvikamu zviviri zvekupedzisira. Apo paunofunga pamusoro pebasa rawakapuwa naMwari, unogona kunzvera “Young Women Theme” kana “Aaronic Priesthood Quorum Theme” (Gospel Library). Kana kuti unokwanisa kutarisa murwiyo rwakaita serwokuti “As Sisters in Zion” (Hymns, nhamba 309) kana kuti “Ye Elders of Israel” (Hymns, nhamba 319).
Unofunga kuti zvinorevei kuva “nepfungwa yekushanda” mumushando weMuponesi? (Nehemia 4:6). Zvingarevei kuva “noruoko rwakanaka … rwaMwari rwuri pamusoro [pako]” apo paunenge uchiita basa Ravo? (Nehemia 2:8; onawo Nehemia 2:18; Ezra 7:6, 9, 27–28). Wakaona sei ruoko Rwavo mukuedza kwako kuVashandira?
Nehemia 8
Ndinoropafadzwa apo pandinoverenga magwaro matsvene.
Kwezvizvarwa zvizhinji vari muutapwa, vaJuda vakanga vasingakwanisi kuwana “bhuku remutemo waMosesi ” nguva dzose (Nehemia 8:1). Muna Nehemia 8, Ezra akaverenga mutemo kuvanhu. Chii chaunowana muchitsauko chino chinoratidza manzwiro aiita Ezra nevanhu vake pamusoro paMwari neshoko Ravo? (ona kunyanya ndima 1–12). Chii muupenyu hwako chinoratidza manzwiro aunoita pamusoro paMwari neshoko Ravo?
Onawo Teachings of Presidents of the Church: Ezra Taft Benson (2014), 115–24.
Mazano eKudzidzisa Vana
Ezra 3:8–13; 6:16–22
Imba yaIshe inzvimbo yemufaro.
-
Kuti udzidzise vana vako pamusoro pemufaro wakanzwikwa nevaJuda apo temberi yavo payakavakwazve, unokwanisa kuvaratidza mufananidzo wakaita seuri pazasi. Taura pamusoro pekuti sei vanhu ava vangangova vachifara kuva paimba yaIshe. Unokwanisawo kutaurira vana vako pamusoro pekuti sei temberi iri nzvimbo yemufaro kwauri. Temberi yakakubatsira sei kunzwa kuva pedyosa naBaba Vokudenga neMuponesi?
-
Apo paunoverenga Ezra 3:10–13 nevana vako, vabatsire kuwana mashoko anoratidza manzwiro akaita vaJuda apo temberi payaivakwazve. Apo pamunosvika kumagumo kwendima 13, pamwe munokwanisa kudaidzira nemufaro pamwechete. Batsira vana vako kufunga nezve zvikonzero zvekufara kuti Ishe vakatipa matemberi. Tinokwanisa kuratidza sei mufaro iwoyo?
-
Funga pamusoro pekuimba rumbo rwuri pamusoro petemberi nevana vako, rwakaita serwokuti “Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo neDzevana Vadiki nhamba 120). Mushure memutsetse woga woga, unokwanisa kumbomira kuti ukumbire mumwe mwana kuti agovere chimwe chinhu chaanoda pamusoro petemberi. Munogonawo kutarisa pamifananidzo yematemberi apo pamunenge muchiimba.
Nehemia 2:17–20; 6:1–9
Ishe vanozondibatsira kuita “basa guru” Ravo.
-
Goverana nevana vako nyaya yaNehemia (ona Nehemia 2:17–20; 6:1–9; kana “Nehemia” muNyaya dzeTestamente Yekare, 173–74). Apo pamunoverenga Nehemia 2:20, iwe nevana vako munokwanisa “kusimuka” uye monyepedzera kubatsira kuvaka masvingo eJerusarema. Kana kuti vana vako vangangonakidzwa nekuvaka rusvingo nemabhuroko kana nezvimwe zvinhu. Apo pavanodaro unokwanisa kuvabatsira kufunga nezve zvinhu izvo Baba Vokudenga zvavanoda kuti tiite.
1:38Nehemiah
-
Apo pamunoverenga Nehemia 6:9, koka vana vako kuti vasumudze maoko avo apo pavanokunzwa uchiti “simbisai maoko angu.” Taurira vana pamusoro penguva yawakanzwa Mwari vachisimbisa maoko ako kuti uite basa Ravo.
Nehemia 8:1–12
Magwaro matsvene iropafadzo.
-
Verenga uchidudza dzimwe ndevo kubva muna Nehemia 8:2–3, 5–6, 8–9, 12 dzinotsanangura izvo zvakaitwa nevanhu apo pavakanzwa Ezra achiverenga magwaro matsvene. Apo paunoverenga, vana vako vanokwanisa kuita mutambo wezviri mundevo idzi. Zvino munokwanisa kugoverana manzwiro amunoita apo pamunoverenga kana kunzwa magwaro matsvene.
-
Apo pamunoverenga pamwechete Nehemia 8:8, unokwanisa kubvunza vana vako kuti chii chinovabatsira kunzwisisa magwaro matsvene. Varatidze mashandisiro ekuita zvibatsiro zvekunzvera magwaro matsvene zvakaita seNhungamiro kuMagwaro Matsvene uye Topics and Questions (Gospel Library). Koka vana vako kuti vagovere chimwe chinhu chavakadzidza pamusoro peMuponesi kubva mumagwaro matsvene.
Tsvaka chokwadi chekusingaperi mumagwaro matsvene. Magwaro matsvene … akazara nezvokwadi zvevhangeri, asi dzimwe nguva zvinotora kuedza nechido kuzviwana. Apo pamunenge muri kudzidza pamwechete kubva mumagwaro matsvene, mira uye wobvunza avo vaunodzidzisa kuti ndezvipi zvokwadi zvevhangeri zvavanocherechedza. Vabatsire kuona kuti zvokwadi izvi zvinoenderana sei nechirongwa cheruponeso chaBaba Vokudenga. Dzimwe nguva zvokwadi zvokusingaperi zvakataurwa mumagwaro matsvene, uye dzimwe nguva zvakapuwa munyaya nemuupenyu hwavanhu vatinoverenga pamusoro pavo. Zvinokwanisawo kuva zvinobatsira kuwongorora pamwechete nhoroondo yekwakabva ndima dzamuri kuverenga, pamwepo nezvinorehwa nendima dzacho uye mashandiro adzinoita kwatiri nhasi. (Teaching in the Savior’s Way, 22).