“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro
Kuverenga Nhetembo muTestamente Yekare
Mumabhuku eTestamente Yekare aGenesi kusvika kuna Estere, tinonyanyowana nyaya—tsananguro dzinorondedzera zviitiko zvekare kubva mumumaonero ezvepamweya. Noa akavaka areka, Mosesi akasunungura Israeri, Hana akanamata kuti ave nemwanakomana, uye zvichingodaro. Tichitanga naJobo, tinowana mhando yemanyorero yakasiyana. Mumabhuku aya, vanyori veTestamente Yekare vakashandisa mutauro wenhetembo kuitira kuratidza manzwiro akadzama kana huporofita hwakakosha zvikurusa nenzira isingakanganwikwi.
Takatoona kare mienzaniso mishoma yenhetembo yakanyorwa pano nepapo nemumabhuku enhoroondo eTestamente Yekare. Kubva mubhuku raJobo zvichienda mberi, tinozoona yakanyanya kuwanda yayo. Mabhuku aJobo, Mapisarema, uye Zvirevo inhetembo chete kunyanya, sezvakaitawo zvikamu zvemabhuku avaporofita akaita saMuporofita Isaya, Muporofita Jeremia, naMuporofita Amosi. Nokuda kwokuti kuverenga nhetembo kwakasiyana kubva mukuverenga nyaya, kudzinzwisisa kazhinji kunoda maverengerwo akasiyana. Heano mamwe mazano anokwanisa kukubatsira kuwana revo huru munhetembo dzemuTestamente Yekare.
Kunzwisisa Nhetembo dzechiHeberu
Chokutanga, zvingangova zvinokubatsira kuziva kuti nhetembo dzechiHeberu dziri muTestamente Yekare hadzina kumisirwa pamashoko anonzwika zvakafanana , sezvakaita mamwe marudzi enhetembo. Uye kunyangwe zvazvo mutoo wekududzwa kwamashoko, madimikira, uye kudzokororwa kwemutinhimira zviri zvinhu zvinowanikwa kazhinji munhetembo dzechiHeberu dzechinyakare, dzimwe revo dzinorashika padudziro mune mimwe mitauro. Chimwe chinhu chaunozocherechedza, zvisinei, ndeche kudzokororwa kwepfungwa kana mazano, uko dzimwe nguva kunonzi “wirirano.” Heuno muenzaniso uri nyore kubva kuna Muporofita Isaya:
Zvifukidze nesimba rako, Iwe Zioni;
fuka nguo dzako dzakaisvonaka, Iwe Jerusarema. (Muporofita Isaya 52:1)
Pisarema 29 rine mitsetse mizhinji inowirirana—somuenzaniso:
Inzwi raIshe rinesimba;
Inzwi raIshe rizere noumambo. (Pisarema 29:4)
Uye heuno muenzaniso umo kuziva kuti mutsetse wechipiri unowirirana nowokutanga kunoita kuti ndima ive nyore kunzwisisa:
Ndakakupaivo meno akachena pamaguta enyu ose,
uye nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose. (Muporofita Amosi 4:6)
Mumienzaniso iyi, mudetembi akadzokorora pfungwa nemutsauko mushomanana. Nzira iyi inokwanisa kusimbisisa pfungwa yakadzokororwa uye nokushandisa mitsauko yacho kutsanangura zvakanyanya kuzara pfungwa yacho kana kuikudziridza.
Mune dzimwe nzvimbo, ndevo mbiri dzinowirirana dzacho dzinoshandisa mutauro wakafanana kutaura pfungwa dzakasiyana, somumuenzaniso uyu:
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa:
asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha. (Zvirevo 15:1)
Rudzi rwewirirano iyi haruna kungoerekana rwaitika. Vanyori vakaiita nevavariro. Yakavabatsira kuti vataure manzwiro ezvepamweya kana zvokwadi nezvose simba uye runako. Saka apo paunocherechedza wirirano muzvinyorwa zveTestamente Yekare, zvibvunze mabatsiriro azvinokuita kunzwisisa shoko romunyori. Somuenzaniso, chii chingange chaiedzwa kutaurwa naMuporofita Isaya paaifananidza “simba” “nenguvo dzakaisvonaka” uye “Zioni” “neJerusarema”? (Muporofita Isaya 52:1). Chii chatinganzwisisa pamusoro pendevo inoti “mhinduro nyoro” kana tichiziva kuti “shoko rinorwadza mwoyo” ndiyo mhesano yayo? (Zvirevo 15:1).
He Restoreth My Soul [Anodzorera Mweya Wangu], naWalter Rane
Nhetembo dzechiHeberu seShamwari Itsva
Vamwe vanhu vanoenzanisa kuverenga nhetembo nokusangana nemunhu mutsva. Kuverenga nhetembo dzeTestamente Yekare, zvino, kungangova kwakafanana nokusangana nemumwe munhu anobva kunyika yokure netsika yatisingazivi anotaura mutauro wakasiyana newatinotaura—uye uyo anenge ane makore anopfuura zviuru zviviri pazera. Munhu uyu pamwe anozotaura zvinhu zvatisinganzwisisi pokutanga, asi izvi hazvirevi kuti haana chakakosha chokutaura. Tinongofanira kupedza nguva tiri pamwechete naye, tichiedza kuona zvinhu nemumaonero ake iye. Tingangowana kuti mumwoyo yedu, tinonzwisisana zvakanaka zvikuru. Uye kana tikaratidza mwoyo murefu uye nemutsa, muzivikanwi wedu mutsva pokupedzisira anokwanisa kuva shamwari inodiwa.
Saka apo paunoverenga ndima kubva muna Muporofita Isaya, somuenzaniso, ifunge sechisumo chokutanga kumuzivikanwi mutsva. Zvibvunze kuti, “Ndeapi manzwiro andinawo?” Ndima yacho inoita kuti unzwe sei—kunyangwe kana usinganzwisisi shoko roga roga ririmo? Zvino iverenge zvakare, kakawanda kana zvichikwanisika. Funga kuiverenga uchidudza; vamwe vanhu vanowana revo yakawedzerwa nenzira iyi. Cherechedza mamwe mashoko akasarudzwa naIsaya, kunyanya mashoko ayo anoisa mufananidzo mupfungwa mako. Mifananidzo iyoyo inoita kuti unzwe sei? Inotaridza chii pamusoro pamanzwiro aIsaya? Kunzvera kakawanda mashoko avanyori ava veTestamente Yekare, kunozoita kuti unyanye kuona kuti vakasarudza nechinagwa mashoko avo uye nzira dzokutaura nadzo shoko remweya rakadzama.
Nhetembo dzinokwanisa kuva shamwari dzakanaka zvikuru nokuda kwokuti dzinotibatsira kunzwisisa manzwiro edu uye zviitiko zvedu. Nhetembo dzeTestamente Yekare dzakanyanya kukosha nokuda kwokuti dzinotibatsira kunzwisisa manzwiro edu uye zviitiko zvedu zvakakoshesesa—izvo zvine chokuita neukama hwedu naMwari.
Apo paunonzvera nhetembo muTestemante Yekare, rangarira kuti kunzvera magwaro matsvene kwakanyanya kukosha apo pakunotitungamirira kuna Jesu Kristu. Tsvaka zviratidzo, mifananidzo, uye zvokwadi izvo zvinovaka rutendo rwako maAri. Teerera kufemero dzinobva kuMweya Mutsvene apo paunenge uchinzvera.
Zvinyorwa zveUngwaru
Chimwe chikamu chenhetembo dzeTestamente Yekare ndeicho nyanzvi dzezvidzidzo chadzinodaidza kuti “zvinyorwa zveungwaru.” Jobo, Zvirevo, uye Muparidzi zvinyorwa zveungwaru zvinopinda muchikamu ichi. Apo mapisarema paanotaura manzwiro erumbidzo, kuchema, uye kunamata, zvinyorwa zveungwaru zvinonangisa parairo isina magumo kana mibvunzo yakadzama uye youzivi. Bhuku raJobo, somuenzaniso, rinowongorora ruenzaniso rwaMwari uye zvikonzero zvekutambudzika kwevanhu. Bhuku raZvirevo rinopa rairo yamararamiro akanaka, kusanganisira ndevo dzeungwaru dzakaunganidzwa uye dzikapfuudzwa kubva kuzvizvarwa zvokutanga. Uye bhuku raMuparidzi rinobvunza chinangwa choupenyu pachezvahwo—apo zvinhu zvose pazvinotaridzika kuva zvinopfuura nenguva dikidiki uye zvisina hurongwa, tinowana kupi revo yechokwadi? Ungangofunga nezve zvinyorwa zveungwaru sehurukuro dzakafungisiswa nevarairidzi vakafemerwa avo vanoda kugovera cherechedzo pamusoro paMwari uye nenyika yaVakasika—uye pamwe dzokubatsira kunzwisisa zvinhu izvi zvirinani kupfuura zvawaiita kare.