“Nyamavhuvhu 24–30. ‘Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu’: Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78; 85–86,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Nyamavhuvhu 24–30. ‘Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Saving That Which Was Lost [Kuchengetedza Izvo Zvakanga Zvakarasika], naMichael T. Malm
Nyamavhuvhu 24–30: “Ndichakududzirai Zvaakaitira Mweya Wangu”
Mapisarema 49–51; 61–66; 69–72; 77–78; 85–86
Vanyori vaMapisarema vakagovera manzwiro akadzama emunhu pachake munhetembo dzavo. Vakanyora pamusoro pokunzwa kuora mwoyo, kutya, uye kuzvidemba. Pane dzimwe nguva, vakanzwa kusiiwa naMwari, uye mamwe mapisarema ane manzwiro okushungurudzika kana kupererwa. Kana wakambonzwa zvakafanana neizvi, kuverenga Mapisarema kunokwanisa kukubatsira kuziva kuti waiva usiri iwe chete. Asi unozowanawo mapisarema ayo anokwanisa kukukurudzira apo paunenge uine manzwiro akadaro, nokuda kwokuti vanyori vemapisarema vakarumbidzawo Ishe nokuda kwerunako Rwavo, vakakahadzika pasimba Ravo, uye vakafara mungoni Dzavo. Vaiziva kuti tinoremerwa nezvakaipa uye nezvivi asi kuti Ishe “vakanaka, uye vakagadzirira kukanganwira” (Pisarema 86:5). Vainzwisisa kuti kuva norutendo muna Ishe hazvirevi kuti hauzombofi wakatambura nekushushikana, chivi, kana kutya. Zvinoreva kuti unoziva uyo wokutendeukira kwaari apo paunotambura nazvo.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Mapisarema 49; 62:5–12
Rununuro runouya chete kuburikidza naJesu Kristu.
Pisarema 49 rine shoko “ravaduku navanokudzwa, vapfumi navarombo pamwechete” (ndima 2). Ungazoti shoko iri chii? Unonzwa kuti Pisarema 62:5–12 rinowedzera chii kushoko iroro?
Kuverenga mapisarema aya kunokwanisa kukukurudzira kufungisisa nzira idzo dzatinoedzwa nadzo kuisa ruvimbo mune chimwe chinhu kunze kwaMwari mukutsvaka rununuro (ona Pisarema 49:6–7). Upenyu hwako hwunoshandurwa sei neuchapupu hwako hwokuti “Mwari vachadzikinura mweya [wako] pasimba reguva”? (Pisarema 49:15).
Mapisarema 51; 85–86
Nokuda kwengoni dzeMuponesi, ndinokwanisa kuregererwa.
Mambo Davidi akanyora Pisarema 51 mushure mokunge aona kudisisa kwake kukuru kukanganwirwa—icho chinhu chatinoda tose. Ndedzipi ndima idzo dzinotsanangura manzwiro awakambova nawo? Chii chaunowana muPisarema iri icho chinokupa tariro yokuregererwa?
Unokwanisawo kutsvakurudza Pisarema 51 kuti uwane zvinongedzo pamusoro pezvazvinoreva kutendeuka. Ita mudorongodzwa wezvaunowana. Ona kana uchikwanisa kuwedzera kumudorongodzwa wako kuburikidza nokutsvakurudza mashoko oMutungamiri Russell M. Nelson “We Can Do Better and Be Better” (Liahona, May 2019, 67–69).
Ungazorondedzera sei manzwiro azvinoita kugamuchira ruregerero kuburikidza naKristu? Kana uchida rubatsiro kurondedzera manzwiro ako, unokwanisa kutarira muna Mapisarema 51:1–2, 7–12; 85:2–9. Vamwe vanhu vanofarira kudhirowa kana kuwana mifananidzo kuti varatidze manzwiro avo; unogona kuedza izvozvo. .
Kuti titendeuke, tinoda rutendo kwete chete rwokuti Jesu Kristu anokwanisa kutishanangura asiwo kuti Iye anozozviita. Chii chaunowana muna Pisarema 86:5, 13, 15 icho chinokubatsira kuziva kuti Muponesi anokwanisa uye anoda kuregerera?
Onawo Aruma 36; Peter F. Meurs, “He Could Heal Me!,” Liahona, Chivabvu 2023, 39–41.
Mapisarema 51:13–15; 66:5–20; 71:15–24
Uchapupu hwangu hwaJesu Kristu hwunokwanisa kubatsira vamwe kuuya kwaAri.
Fungisisa mawaniro awakaita uchapupu hwako hwaJesu Kristu uye simba rinodzikinura Rake. Zvino, apo paunonzvera Mapisarema 51:13–15; 66:5–20; 71:15–24, funga pamusoro pamakokero aungaita vamwe kuti “vauye uye vaone mabasa aMwari” (Pisarema 66:5). Kana iwe “waizodudzira izvo [Ishe] zvavakaitira mweya [wako]” (Pisarema 66:16), chii chawaizodudzira?
Zvinorevei kwauri “kutaura zuva rose zvokururama [Kwake]”? (Pisarema 71:24).
Onawo Aruma 26.
“Huyai uye munzwe, … uye ndichakududzirai izvo [Mwari] zvavakaitira mweya wangu” (Pisarema 66:16).
Mapisarema 63; 69; 77–78
Ishe vanozondibatsira munguva yangu yokuda rubatsiro.
Mapisarema mazhinji anotsanangura izvo zvazvinoita kunzwa uri kure naMwari uye uchida zvikurusa rubatsiro Rwavo (ona Mapisarema 63:1, 8; 69:1–8, 18–21; 77:1–9). Muna Mapisarema 63; 69; 77–78, chii chaunowana icho chakapa vanyori vamapisarema vimbiso?
Apo paunenge uchishungurudzika, zvinokubatsira sei “kurangarira mabasa aIshe” uye “zvishamiso zvakare” Zvavo? (Pisarema 77:11). Zvimwe zvezvishamiso izvozvo zvakatsanangurwa muPisarema 78. Apo paunoverenga pamusoro pazvo, fungisisa pamusoro peizvo zvinokubatsira “kumisira tariro [yako] kuna Mwari” (ndima 7).
Mazano eKudzidzisa Vana
Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuti Varambe Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”
Mapisarema 51; 86:5, 13, 15
Apo pandinoita sarudzo isiri kwayo, Jesu anokwanisa kundibatsira kushanduka.
-
Kuti ubatsire vana vako kuwana zvokwadi zviri pamusoro perutendeuko muPisarema 51, unokwanisa kudhirowa mwoyo mukuru. Zvino unokwanisa kubatsira vana vako kunyora mukati memwoyo uyu zvinhu zvakaipa izvo Satani zvaanotiedza kuti tiite. Tinobvisa sei zvinhu izvi mumwoyo yedu? Kumbira vana vako kuti vawane shoko rokuti “mwoyo” muPisarema 51:10, 17. Taura pamusoro pekuti ndima idzi dzinodzidzisa chii pamusoro perutendeuko. Ita kuti vana vako vadzime mashoko ari mukati memwoyo wacho uye vonyora mashoko matsva anotsanangura nzira idzo Jesu dzaanokwanisa kutishandura nadzo apo patinotendeuka.
-
Ungangoda kubatsira vana vako kudzidza zvazvinoreva kuva “nemwoyo wakaputsika nowakapwanyika” (Pisarema 51:17). Vanokwanisa kutora mijana kupwanya kuti vavhure chimwe chinhu chine demhe rakaomarara, sezvakaita zai kana nzungu. Unokwanisa kuvabatsira kuenzanisa demhe nezvinhu zvinotitadzisa kunzwa rudo rwaBaba Vokudenga. Tingakwanisa kuzarura sei mwoyo wedu kwaVari?
-
Munokwanisawo kutarira pamufananidzo weMuponesi pamwechete uye wobvunza vana vako kuti ndeapi mashoko avangashandisa kuMurondedzera. Vakoke kuti vawane mashoko anoMutsanangura muPisarema 86:5, 13, 15. Sei zvakakosha kuti tizive zvinhu izvi pamusoro Pake?
Pisarema 61:2–3
Jesu Kristu idombo rangu.
-
Vana vako vangangonakidzwa nekudhirowa mifananidzo yezviratidzo zviri muPisarema 61:2–3. Jesu Kristu akafanana sei “nedombo” rakakwirira (ndima 2), “utiziro,” uye “shongwe yakasimba”? (ndima 3).
“Makanga muri utiziro hwangu, uye shongwe yakasimba” (Pisarema 61:3).
Mapisarema 66:16; 77:11; 78:6–7
“Ndicharangarira mabasa aIshe.”
-
Kumbira vana vako kuti vagovere dzimwe dzenyaya dzemumagwaro matsvene dzavanonyanya kufarira (mifananidzo kubva muBhuku reMifananidzo yeVhangeri ingangobatsira). Nyaya idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro paIshe? Munokwanisa kuverenga pamwechete Mapisarema 66:16 uye motora mijana kupindura mubvunzo unoti “Chii icho Ishe chavakaitira Mweya wangu”?
-
Apo pamunoverenga Mapisarema 77:11; 78:6–7 pamwechete, munokwanisa kugoverana maedzero amunoita “kurangarira mabasa aIshe” (Pisarema 77:11), kusanganisira mabasa Avo muupenyu hwenyu. Sakaramende inotibatsira sei “kurangarira nguva dzose”? Moronai 4:3; 5:2).
Pisarema 71:8
Ndinokwanisa kuudza vamwe pamusoro paJesu Kristu.
-
Mushure mokuverenga Pisarema 71:8 nevana vako, vakoke kuti vadhirowe muromo mukuru. Vakumbire kuti vakubatsire “kuzadza” muromo wacho nemifananidzo kana mashoko anomiririra zvinhu zvatinokwanisa kuudza vamwe nezvazvo pamusoro paJesu Kristu.
-
Munokwanisa kutambidzana mufananidzo waJesu Kristu. Munhu anenge akabata mufananidzo anokwanisa kutaura nezve chinhu chimwechete chaanoziva pamusoro Pake. Tingakwanisa kubatsira sei vamwe vanhu kuziva zvinhu izvi?
Vana vane zvizhinji zvokugovera. “Apo vana pavanodzidza chimwe chinhu chitsva, somusikirwo wedu vanoda kuchigoverana navamwe. Kurudzirai chido ichi nekupa vana mikana yekudzidzisa misimboti yevhangeri pakati pavo, kunhengo dzemhuri yavo, uye kushamwari dzavo. Vakumbirewo kuti vagoverane newe pfungwa dzavo, manzwiro avo, uye zviitiko zvinoenderana nemisimboti yauri kudzidzisa. Unozowana kuti vane nzwisiso dzakareruka, dzakarurama, uye dzine simba” (Teaching in the Savior’s Way, 32).
Pisarema 86:7
Baba Vokudenga vanonzwa uye vanopindura minamato yangu.
-
Mapisarema mazhinji akafanana neminyengetero kuna Mwari. Apo paunoverenga Mapisarema nevana vako, unogona kuvaratidza zvinhu zvatinokwanisa kushandisa kuti titaurirane nevanhu varikure, zvakaita serunhare kana tsamba. Zvino verengai Pisarema 86:7. “Tinodana kuna” Baba Vokudenga sei? Vanotipindura sei?
-
Tauriranai pamusoro penguva iyo Mwari yavakapindura minamato yenyu.