Huyai, Munditevere
Nyamavhuvhu 17–23. “Ishe Ndiye Mufudzi Wangu”: Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 40; 46


“Nyamavhuvhu 17–23. ‘Ishe Ndiye Mufudzi Wangu’: Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 40; 46,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Nyamavhuvhu 17–23. ‘Ishe Ndiye Mufudzi Wangu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jesu achitungamirira makwai

The Lord Is My Shepherd [Ishe Ndiye Mufudzi Wangu], naYongsung Kim Mufananidzo wakashandiswa nemvumo yehavenlight.com

Nyamavhuvhu 17–23: “Ishe Ndiye Mufudzi Wangu”

Mapisarema 1–2; 8; 19–33; 4046

Hatizivi zvechokwadi kuti ndiani akanyora Mapisarema. Mamwe anonzi akanyorwa naMambo Davidi, asi kumazhinji ayo, vanyori vawo vanoramba vasingazivikanwi. Asi mushure mokuverenga Mapisarema, tingangonzwa sekunge tinoziva mwoyo yavanyori vamapisarema, kunyangwe kana tisingazivi mazita avo. Chatinoziva ndechekuti Mapisarema aiva chikamu chakakosha chekunamata pakati pavaIsraeri, uye tinoziva kuti Muponesi aiatapa nguva zhinji. MuMapisarema, tinoona zvakajeka mukati memweya yavanhu vaMwari vechinyakare. Tinoona manzwiro avaiita pamusoro paMwari, zvavainetsekana nazvo, uye mawaniro avakaita runyararo. Savatenderi nhasi, napanyika pose, tichiri kushandisa mashoko aya mukunamata kwedu Mwari. Zvinoratidzika sokuti vanyori vaMapisarema vakanga vaine nzwisiso yakadzama pamusoro pedu nokuti vakataura manzwiro atinoita pamusoro paMwari, izvo zvatinonetsekana nazvo, uye mawaniro atinoita runyararo.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raMapisarema, ona “Mapisarema” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mapisarema 1; 23; 26–2846

“Ndakavimba … muna Ishe.”

Apo paunoverenga Mapisarema, ungangocherechedza kuti vanyori vanotaura kakawanda zvakadini kutya, rusuwo, kana kushushikana. Manzwiro akadaro ndeamazuva ose, kunyangwe kuvanhu verutendo. Asi chinoita kuti Mapisarema akurudzire ndechekuti anopa gadziriso dzinokurudzira, kusanganisira ruvimbo rwakazara muna Ishe. Apo paunoverenga Mapisarema 1; 23; 26–2846, nyora pasi:

  • Kokero dzekuvimba naIshe:

  • Mashoko anoVatsanangura.

  • Mashoko anotsanangura runyararo, simba, nemamwe maropafadzo aVanopa:

  • Mashoko anotsanangura vanhu vanovimba Navo:

Tsvakawo fananidziro yakajekesa nezviratidzo zvinoshandiswa neMapisarema kudzidzisa pamusoro peMuponesi. Somuenzaniso, muPisarema 23, ndevo dzakaita sedzekuti “vatisa pamafuro manyoro” kana kuti “mvura inozorodza” (ndima 2) dzinounza chii kupfungwa? “Tsvimbo” uye “mudonzvo” zvinonyaradza (ndima 4) zvinokwanisa kumiririra chii? Zvingava zvinorevei kuti “mukombe” wedu (ndima 5) ufashukire?

Mapisarema 222

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akavimbiswa.

Mapisarema akati wandei anonongedzera kuupenyu hunofa hwaJesu Kristu. VaKristu munguva dzeTestamente Itsva vakaona kuenderanawo uku. Funga pamusoro pekuverenga majerero ezvinyorwa zvitsvene anotevera. Tarisa kuenderana kuri pakati pemashoko ari mumapisarema aya neupenyu hweMuponesi:

  • Pisarema 2:1–3 uye Mabasa aVaApositora 4:24–28

  • Pisarema 2:7 uye Mabasa aVaApositora13:30–33

  • Pisarema 22:1 uye Mateo 27:45–46

  • Pisarema 22:7–8 uye Mateo 27:39–43

  • Pisarema 22:16 uye Ruka 23:32–33

  • Pisarema 22:18 uye Mateo 27:35

  • Pisarema 31:5 uye 23:46

Chii chaunodzidza kubva pakunzvera endererano idzi? Ndehupi huporofita nezvivimbiso zvemagwaro matsvene zvisati zvazadzikiswa? Chii chaunowana muvimbiso idzi chinokupa tariro yeramangwana?

rwizi nematombo

Mapisarema 8; 19;33

“Panyika pazere nerunako rwaIshe.”

Kuverenga Mapisarema 8; 19; uye 33 kungangogona kukukurudzira kuti ufunge pamusoro pezvisikwa zvizhinji zvinoshamisa zvaIshe. Fungisisa pamusoro pemanzwiro ako apo paunoita kudaro. ­ Zvisikwa zvaIshe “zvinozivisa kubwinya kwaMwari” sei kwauri? (Pisarema 19:1).

Hedzino dzimwe nziyo dzakakurudzirwa neMapisarema:

  • Pisarema 23:The Lord Is My Shepherd” (Hymns, nhamba 108)

  • Mapisarema 23:6150:Praise to the Lord, the Almighty” (Hymns, nhamba 72)

  • Pisarema 26:8:We Love Thy House, O God” (Hymns, nhamba 247)

  • Pisarema 27:1:The Lord Is My Light” (Hymns, nhamba 89)

  • Mapisarema 33:1–6; 95:1–6:For the Beauty of the Earth” (Hymns, nhamba 92)

  • Pisarema 37:3–9:Be Still, My Soul” (Hymns, nhamba 124)

  • Pisarema 148:All Creatures of Our God and King” (Hymns, nhamba 62)

Shandisa mumhanzi. Mutungamiri Dallin H. Oaks vakati: “Kuimbwa kwenziyo ndiyo imwe yenzira dzakanakisisa dzekuzviisa isu pachedu muwirirano neMweya waIshe. … Mumhanzi unoera une kwaniso yakasiyana nedzimwe dzose yekutaura manzwiro edu erudo rwaIshe. Rudzi urwu rwekutaurirana chibatsiro chinoshamisa mukunamata kwedu. … Nziyo dzedu dzine mharidzo dzedzidziso dzisingaenzaniswi nezvimwe, dzinopfuurwa chete nemagwaro matsvene muhuchokwadi hwadzo nemushanduro yadzo yedetembo ” (“Worship through Music,” Ensign, Mbudzi 1994, 10, 11). Ndedzipi nziyo dzinoenderana neMapisarema dzaunokwanisa kuteerera kwadziri kana kuimba kuti udzamise kunamata kwako vhiki rino?

Mapisarema 19:7–1129

Shoko raIshe rakasimba, uye “richifadza mwoyo.”

MuMapisarema, mashoko akaita seekuti uchapupu, mitemo yakatarwa, murairo, uye mitongo anokwanisa kureva shoko raIshe. Chengeta izvozvo mupfungwa apo paunoverenga Pisarema 19:7–11. Ndima idzi dzinotaura kuti kudii pamusoro peshoko raIshe? Ko Pisarema 29 inokudzidzisa chii pamusoro peinzwi Ravo? Muruzivo rwako, shoko kana inzwi raIshe rakafanana sei netsananguro idzi?

Mapisarema 24; 26–27

mufananidzo weseminari
Muponesi anogona kundibatsira kuti ndive munhu akarurama kuitira kuti ndikwanise kupinda pamberi paMwari.

Nokuda kwokuti temberi paJerusarema yakavakirwa pachikomo, ndevo yekuti “gomo raIshe” (Pisarema 24:3) inokwanisa kureva temberi kana pamberi paMwari. Izvi zvinowedzera chii kunzwisiso yako yePisarema 24? Zvinorevei kwauri kuva “nemaoko akachena, nemwoyo wakarurama ”? (ndima 4). Apo paunoverenga Mapisarema 26–27, chii chimwe chaunodzidza pamusoro peimba yaIshe?

Dzimwe nguva, tinogona kuora mwoyo patinonzwa kuti tinofanira kuva vakarurama kuti tipinde pamberi paMwari. Mushure mazvose, tose tinonetseka, uye hapana ani wedu asina zvikanganiso. Itariro ipi yaunowana mushoko raGosa David A. Bednar“Clean Hands and a Pure Heart”? (Liahona, Mbudzi 2007, 80–83). Ungakwanisa kushandisa sei shoko ravo kubatsira mumwe munhu anonzwa kuremerwa nekuda kuva asina zvikanganiso? Funga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kugamuchira rubatsiro rweMuponesi mukuedza kwako kuva “nemaoko akachena, nemwoyo wakarurama.”

Onawo Bradley R. Wilcox, “Worthiness Is Not Flawlessness,” Liahona, Mbudzi 2021, 61–67.

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Mapisarema 1; 23; 26–2846

Ishe vanondipa runyararo, simba, uye nhungamiro.

  • Funga pamusoro pekunyora kuti Ishe ndivo … Koka vana vako kuti vatsvake nzira dzekupedzisa mutsetse iwoyo vachishandisa zvinyorwa zvitsvene zvakaita seizvi: Mapisarema 23:1; 27:1; 28:1; 28:7; 32:7; 46:1. Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro pemabatsirirwo atinokwanisa kuitwa naIshe?

  • Unokwanisa kukurukura nevana vako izvo zvinodikanwa negwayana kuti rive rakachengeteka uye rine utano. Zvino, apo pamunoverenga pamwechete Pisarema 23, batsira vana vako kuti vaenzanise izvo mufudzi zvaanoitira gwayana neizvo Jesu zvaanotiira. Chii chatinoda kuti tive takachengeteka uye tiine utano pane zvepamweya? Imbai pamwechete rumbo runokwanisa kuvapa mazano, rwakaita serwokuti “I Feel My Savior’s Love” (Children’s Songbook, 74–75).

Temberi yeConcepción Chile

Temberi yeConcepción Chile

Pisarema 24:3–4

Kuti tipinde mutemberi, tinoda “maoko akachena, uye mwoyo wakarurama.”

  • Apo pamunoverenga Pisarema 24:3 pamwechete, vana vako vanokwanisa kutsvaka mashoko anovayeuchidza nezve temberi. Vanokwanisawo kutarisa pamufananidzo wetemberi. Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete ndima 4 kuti mudzidze kuti ndiani anokwanisa kupinda mutemberi. Munokwanisa kutaura pamusoro pekuti maoko anosviba sei uye kuti tinoachenesa sei. Tinosviba sei pane zvepamweya? Muponesi anobatsira sei kutichenesa pane zvepamweya?

Pisarema 30:5

Jesu Kristu anokwanisa kushandura rusuwo kurwuita mufaro.

  • Kana uine vana vaduku, unokwanisa kuvakoka kuti vanyepedzere kuchema paunenge uchiverenga kubva kuPisarema 30:5, “Kuchema kungavapo madekwana.” Zvino vakumbire kuti varatidze mufaro apo paunoverenga panoti, “Asi mufaro unosvika mangwanani.” Dzokorora ndevo iyi kakati wandei.

  • Ratidza mufananidzo weMuponesi, uye wotaurira vana vako izvo zvaAkakuitira zvinokuunzira mufaro. Unokwanisawo kupa mwana woga woga chijana chekubata mufananidzo wacho uye ogovera izvo zvakaitwa naJesu zvinomuunzira mufaro.

Pisarema 46:10

“Nyararai, muzive kuti ndini Mwari.”

  • Batsira vana vako kuziva nemusoro mutsetse wokutanga kubva kuPisarema 46:10 unoti: “Nyararai, muzive kuti ndini Mwari.” Zvinorevei “kunyarara”? Zvimwe mungakwanisa kupedza imwe nguva muchidzidzira kunyarara. Munokwanisawo kugoverana zviitiko apo kuva “wakanyarara” pakwakasimbisa hukama hwako naMwari. Batsira vana vako kufunga nezve nguva mukati mezuva apo pavanokwanisa “kunyarara” kuti vanzwe kuva pedyo naBaba Vokudenga.

­

Muponesi akabata gwayana

The Good Shepherd (Mufudzi Akanaka), naEva Timothy

Peji yechiitwa chePuraimari: Ishe ndiye Mufudzi wangu