Huyai, Munditevere
Nyamavhuvhu 3–9. “Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno”: Estere


“Nyamavhuvhu 3–9. ‘Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno’: Estere,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Nyamavhuvhu 3–9. ‘Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026.

Estere akapfugama pamberi paMambo

Queen Esther Saves Jehovah’s People [Mambokadzi Estere Anonunura Vanhu vaJehova], naSam Lawlor

Nyamavhuvhu 3–9: “Iwe Wakasvika … nokuda Kwenguva Inenge seIno”

Estere

Zviitiko zvizhinji mubhuku raEstere zvingangotaridzika sezvakaitika nerombo rakanaka kana kuti zvakangoitikawo. Nokuti ungatsanangura sei kuti musikana wechiJuda aiva nherera akazova sei mambokadzi wePersia panguva kwayo chaiyo yokuti aponese vanhu vake kubva mukuuraiwa? Waizova mukana upi wokuti Mordekai hanzvadzi yaEstere aizonzwa zverangano yokuuraya mambo? Izvi zvaiva here zvinhu zvaingoitika, kana kuti zvaiva chikamu chechirongwa chohumwari? Gosa Ronald A. Rasband vakataura kuti: “Izvo zvingangotaridzika sezvinhu zvangoerekana zvaitika, chokwadi chaicho ndechokuti, zvinenge zvatarisirwa naBaba vari Kudenga vane rudo. … Ishe varipo muzvinhu zvidiki zveupenyu hwedu” (“By Divine Design,” Liahona, Mbudzi 2017, 56). Tingangosaona nguva dzose shanduro yaIshe “muzvinhu zvidiki” izvi. Asi tinodzidza kubva kuchiitiko chaEstere kuti Vanokwanisa kutungamirira gwara redu uye votigadzirira “kwenguva inenge seiyoyo” (Estere 4:14) apo patinokwanisa kuva midziyo mumaoko Avo kuzadzikisa zvinangwa Zvavo.

Kuti uwane pfupiso yebhuku raEstere, ona “Estere, bhuku ra” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Estere

mufananidzo weseminari
Ishe vanondiisa mumamiriro ezvinhu ayo andinokwanisa kuropafadza vamwe.

Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vakadzidzisa kuti mumwe nemumwe wedu “anomira panzvimbo yakasiyana nedzimwe uye ane basa rakakosha iro [tisu] chete ratinokwanisa kuita. … Ishe vakakupa mabasa ako vaine chikonzero. Panogona kunge paine vanhu uye mwoyo izvo iwe chete zvaunokwanisa kusvika pazviri nekubata. Pamwe hapana mumwe munhu anozokwanisa kuzviita nenzira imwecheteyo” (“Lift Where You Stand,” Liahona, Mbudzi 2008, 56).

Apo paunoverenga nyaya yaEstere, fungisisa kuti chirevo ichi chinoshanda sei kwaari. Tsvaka nzira idzo Ishe dzavakaita nadzo kuti zvikwanisike kwaari kuponesa vaJuda (ona, somuenzaniso, Estere 2:21–23; 3:10–14; 4:14–16). Zvino fungisisa pamusoro pekuti Vakakupa sei mikana yekuropafadza vamwe. Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu kana humwe ukama izvo zvaVakakutungamirira kwazviri “kwenguva inenge seino”? (Estere 4:14). Kana uine ropafadzo rapatiriyaki, funga pamusoro pekuriverenga kuti udzidze zvimwe zvakawanda pamusoro pebasa iro Ishe ravainaro rokuti uite. Chii chaunokwanisa kuita kuti uzadzikise basa iri?

Ona zvakare “For Such a Time as This” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org.

13:44

For Such a Time as This

Tinodzidza zvakawanda kuburikidza nokuita kupfuura kuburikidza nokuteerera. Gosa David A. Bednar vakaraira kuti: “Vavariro yedu haifaniri kuva yekuti ‘Chii chandinovaudza?’ Pane kudaro, mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza ndeye kuti ‘Chii chandinokwanisa kuvakoka kuti vaite? Ndeipi mibvunzo yakafemerwa yandinokwanisa kubvunza iyo yekuti, kana vachida kupindura, inozotanga kukoka Mweya Mutsvene muupenyu hwavo?’” (muna Teaching in the Savior’s Way,25). Kana uri kudzidzisa mhuri yako kana kirasi pamusoro paEstere, chii chaungavakumbira kuti vaite icho chinozovabatsira kudzidza?

Mordekai akatarisa Hamani achipfuura nemunzira akatasva bhiza

“Zvino Hamani wakati achiona kuti Mordekai haakotamiri … Hamani akava neshungu kwazvo” (Estere 3:5).

Estere 3; 5:9–147

Rudado uye ukasha zvinokwanisa kutungamirira kuruparadzo.

Mubhuku raEstere, tinodzidza kubva kurutendeko rwaEstere naMordekai, asi tinodzidzawo kubva kurudado noukasha hwaHamani. Apo paunoverenga Estere 3; 5:9–14, cherechedza manzwiro, mashoko, uye nezviito zvaHamani. Izvi zvinotaridza chii pamusoro pake uye kurudziro dzake? Ndeipi migumisiro yaakatarisana nayo? (ona Estere 7). Kuverenga pamusoro paHamani kunogona kukukurudzira kuti uwongorore izvo zvinokurudzira manzwiro ako nezviito zvako. Unofemerwa here kuita shanduro dzipi zvadzo? Ungakwanisa kutendeukira sei kuna Baba Vokudenga kuitira rubatsiro?

Onawo Zvirevo 16:32; Aruma 5:28.

Estere 3–4; 5:2–3; 8:11–12

Kutsanya kunotaridza kuti ndinovimba pana Ishe.

Cherechedza kuti sei Estere nevamwe vose vavaJuda vakasarudza kutsanya (ona Estere 3:13; 4:1–3, 10–17). Kutsanya kwakavaropafadza sei? (ona Estere 5:2–3; 8:11–12). Sei Ishe vachitikumbira kuti titsanye? Funga pamusoro pekuti ungaita sei kuti kutsanya kuve ropafadzo gurusa muupenyu hwako.

Onawo Muporofita Isaya 58:6–12; “Fasting: Young Single Adult Ward, Amanda” (video), ChurchofJesusChrist.org.

2:41

Fasting: Young Single Adult Ward, Amanda

Estere 3:1–11; 4:10 -17; 5:1–4; 9:17–19

Kuita chinhu chakarurama kazhinji kunoda ushingi hukuru.

Apo Mordekai naEstere pavakarwira zvitendero zvavo nevanhu vavo, vakaisa upenyu hwavo munjodzi. Sarudzo dzedu dzingangova nemigumisiro iyo isina kunyanya kukomba, asi kuita chinhu chakarurama kunokwanisa kuramba kuchida ushingi. Chii chaunodzidza kubva muna Estere 3:1–4; 4:10–17 pamusoro pokuva neushingi hwekuita zvakarurama? Cherechedza migumisiro yakasiyana iyo Mordekai naEstere yavakasangana nayo mushure mokutaridza ushingi (ona Estere 3:5–11; 5:1–4). Chii icho chaifanira kuzivikanwa naEstere naMordekai pamusoro paMwari kuti vagoita sarudzo dzavakaita?

Funga nezve mamiriro ezvinhu ayo aunoda ushingi kuti urwire zvakarurama. Chii chaunodzidza kubva kuna Estere naMordekai icho chinokwanisa kukubatsira kuwana ushingi muna Ishe?

Ushingi hwaEstere hwakatungamirira “kuzuva romufaro” (ona Estere 9:17–19). Ushingi hwakaita sohwaKristu hwakakupa sei “zuva romufaro”?

Onawo “Courage,” “Dare to Stand Alone” (mavhidhiyo), Gospel Library; “True to the Faith,” Hymns, nhamba 254.

3:19

Courage

4:20

Dare to Stand Alone

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Estere 2:5–7

Ndinokwanisa kushandira mhuri yangu.

  • Ungangonzwa kufemerwa kushandisa Estere 2:7 kuti udzidzise vana vako pamusoro pekubatsira nhengo dzemhuri dzinoda rubatsiro, sezvakaitwa naMordekai kuna Estere. Munokwanisa kuverenga ndima iyi pamwechete kana kuipfupikisa mumashoko ako pachako. Zvino iwe navana vako munokwanisa kufunga nezvedzimwe nhengo dzemhuri idzo dzingangoda rubatsiro rwenyu. Itai chirongwa chokuvabatsira.

Estere 3:1–11; 4:10 -17

Ishe vanokwanisa kundibatsira kuva noushingi.

  • Mienzaniso yaEstere naMordekai inokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa kuti ushingi zvinoreva kuita zvakarurama kunyangwe apo paunenge uchitya. Funga pamusoro pekunyora ndevo dzokuti Mordekai aiva noushingi apo paaka … uye Estere aiva noushingi apo paaka … . Apo pamunodzida nyaya yaEstere pamwechete, vana vako vanokwanisa kupa mazano ekupedzisa mitsetse yacho. Unokwanisa kuverenga Estere 3:1–11; 4:10–17 kana “Mambokadzi Estere” (muNyaya dzeTestamente Yekare, 166–70) kana kutarisa pamifananidzo iri muchidzidzo chino. Zvino wonyora Ndinozova neushingi kuburikidza ne … , uye wokoka vana vako kuti vadorongodze zvinhu izvo Baba vedu Vokudenga zvavanoda kuti vaite izvo zvinoda ushingi. Rwiyo pamusoro poushingi, rwakaita serwokuti “Dare to Do Right” (Children’s Songbook, 158), rwunokwanisa kubatsira.

    2:45

    Queen Esther

  • Unogona kudzidzawo pamusoro penguva idzo Jesu Kristu dzaakava noushingi—somuenzaniso, apo paakatambudzikira zvivi zvedu muGetsemani uye nepamuchinjikwa (ona Mateo 26:36–39; 27:33–35). Kumbira vana vako kuti vagovere nguva iyo yavakava noushingi, uye wogoverawo zviitiko zvako pachako.

Estere 4:1–3, 10–17

Kutsanya kunounza maropafadzo aIshe.

  • Kuverenga Estere 4:1–3, 10–17 kunokwanisa kukubatsira kudzidzisa vana vako pamusoro pekutsanya. Sei Estere navaJuda vakatsanya? Taurira vana vako kuti sei uchitsanya. Unokwanisawo kuvabvunza matsananguriro avangaita kutsanya kushamwari isati yambozviita. Tingabatsira sei shamwari dzedu kuti dzinzwisise maropafadzo ayo anobva mukutsanya?

  • Kurudzira vana vako kuti vafunge nezvechimwe chinhu chavangangoda kuti Ishe vavabatsire nacho. Vape zano rekuti vazviite chikamu chokutsanya kwavo munguva yeSvondo yokutsanya inotevera.

Mambokadzi Estere akamira pedyo namambo

Nokuda kwokuti Estere aiva akashinga, akakwanisa kununura vanhu vaIshe.

Estere 4:14

Ndinokwanisa kuva mudziyo mumaoko aMwari.

  • Batsira vana vako kunzwisisa kuti apo Estere paaitya, Mordekai akamukurudzira kuburikidza nokutsanangura kuti Ishe vakanga vamubatsira kuti ave mambokadzi “kwenguva inenge seino” (Estere 4:14). Mordekai airevei neizvi? Tauriranai pamusoro pokuti Estere aiva mudziyo waIshe sei. Tingakwanisa sei kuva midziyo yaIshe?

  • Ungakwanisa kubatsira sei vana vako kunzwisisa kuti mudziyo chii? Pamwe unokwanisa kukoka mumwe munhu kuti aridze rumbo pamudziyo wemumhanzi kana kuratidza mufananidzo wemunhu achishandisa mudziyo. Unokwanisa zvino kutaura pamusoro pezvazvinoreva kuva mudziyo mumaoko aMwari.

­

Mambokadzi Estere

Queen Esther [Mambokadzi Estere], naMinerva K. Teichert, © William naBetty Stokes

Peji yechiitwa chePuraimari: Ishe vanokwanisa kundibatsira kuva noushingi