Huyai, Munditevere
Nyamavhuvhu 10–16. “Asi Ndinozovimba maAri”: Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–40; 42


“Nyamavhuvhu 10–16. ‘Asi Ndinozovimba maAri’: Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–40; 42,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Nyamavhuvhu 10–16. ‘Asi Ndinozovimba maAri,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jobo akakomberedzwa nevamwe vanhu

The Judgments of Job, (Mitongo yaJobo,), naJoseph Brickey

Nyamavhuvhu 10–16: “Asi Ndinozovimba maAri”

Jobo 1–3; 12–14; 19; 21–24; 38–4042

Muzvarirwo wedu kushamisika kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka—kana kuti, sei zvinhu zvakanaka zvichiitika kuvanhu vakaipa. Sei Mwari, avo vane ruenzaniso, vachibvumira izvozvo? Bhuku raJobo rinoongorora mibvunzo yakaita seiyi. Jobo aiva mumwe weavo vanhu vakanaka uyo kwaari zvinhu zvizhinji zvakaipa kwazvakaitika. Nokuda kwemiedzo yaJobo, shamwari dzake dzakazvibvunza kana aiva zvechokwadi munhu akanaka mushure mazvose. Jobo akazivisa pachena ururami hwake pachake uye akazvibvunza kana Mwari vaiva zvechokwadi neruenzaniso mushure mazvose. Asi zvisinei nekutambura uye kunetsekana kwake, Jobo akachengetedza ruvimbiko nerutendo rwake muna Jesu Kristu. Mubhuku raJobo, rutendo rwunopokanwa narwo uye nokuyedzwa asi harumbosiyiwi zvachose. Izvi hazvireve kuti mibvunzo yose inopindurwa. Asi bhuku raJobo rinodzidzisa kuti kusvikira yapindurwa, mibvunzo inokwanisa kuvapo pamwechete nerutendo. Uye zvisinei nezvinoitika pakati penguva iyoyo, tinokwanisa kuti nezva Ishe vedu, “Asi ndinozovimba maari” (Jobo 13:15).

Kuti uwane pfupiso yebhuku raJobo, ona “Jobo” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Jobo 1–3; 12–13

Ndinokwanisa kuvimba naMwari mumamiriro ezvinhu ose.

Zvitsauko zvekutanga zvaJobo zvinosimbisa, nenzira yekudetemba, basa raSatani somuvengi kana mupomeri wedu; hazvitsananguri mataurirano chaiwo akaitika pakati paMwari naSatani. Apo paunoverenga izvo zvakataurwa naSatani pamusoro paJobo (ona Jobo 1:9–11; 2:4–5), ungangozvibvunza kuti, “Sei ndichiramba ndakatendeka kuna Mwari?” Sei zviinenjozi kuteerera Ishe nokuda chete kwechikonzero chakataurwa naSatani?

Chii chinokufadza pamusoro pedaviro dzaJobo kumiedzo yake? (ona Jobo 1:20–22; 2:9–10).

Shamwari dzaJobo dzakataura kuti Mwari vaiva vari kumuranga (ona Jobo 4–5; 811). Ndeapi matambudziko aunoona nepfungwa iyi? Verenga mhinduro yaJobo muzvitsauko 12–13. Chii chaizivikanwa naJobo pamusoro paMwari chakaita kuti akwanise kuramba achivimba? Chii chaunoziva pamusoro paMwari chinokubatsira kutarisana nematambudziko?

Jobo 19

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

Dzimwe nguva tinodzidza zvokwadi zvakakosha zvikurusa munguva dzedu dzakaomesesa. Fungisisa miedzo yakatsanangurwa naJobo muna Jobo 19:1–22 uye zvokwadi zvaakazivisa mundima 23–27. Unoziva sei kuti Mununuri wako mupenyu. Mutsauko upi unoitwa neruzivo urwu muupenyu hwako?

Funga pamusoro pekuimba kana kuteerera kurwiyo rwuri pamusoro paJesu Kristu, rwakaita serwokuti “Ndinoziva Mununuri Wangu mupenyu” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 74). Mashoko api kubva murwiyo urwu anotaura manzwiro ako pamusoro Pake?

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 121:1–12122.

Jobo 21–24

mufananidzo weseminari
“Paanondiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.”

Muna Jobo 21–24, unozoverenga nezve hurukuro pakati paJobo neshamwari dzake. Pakati pehurukuro iyi paiva nemubvunzo unobvunzwa nevanhu vazhinji wokuti: Sei vanhu vakarurama dzimwe nguva vachitambura?

Kunyangwe zvazvo tisina mhinduro dzose, muvhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu, tine zvimwe zvokwadi zvinokwanisa kutibatsira kunzwisisa nezve nhamo nekutambura. Pazasi pane zvinyorwa zvitsvene zvemazuva ekupedzisira zvine zvimwe zvezvokwadi izvi. Zvinyorwa zvitsvene izvi zvinotidzidzisa chii pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu?

Unokwanisawo kuverenga dzidziso dzeMutungamiri Spencer W. Kimball pamusoro pematambudziko “muTragedy or Destiny?Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball [2011]), 11–21).

Maererano neizvo zvawanzvera, ungapindura sei mubvunzo wakaita sewokuti “Sei Mwari vachibvumira kuti vanhu vakarurama vatambure?”

Jesu ari muchikepe nemumwe murume vari pasi pedenga rizere nenyeredzi

Calm and Stars [Rudzikamo neNyeredzi], naYongsung Kim. Mufananidzo wakashandiswa nemvumo yehavenlight.com

Jobo 38–40; 42

Maonero aMwari akakura zvikuru kupfuura angu.

Atsamwiswa nepomero dzeshamwari dzake (ona Jobo 16:1–5; 19:1–3), Jobo akabvunza Mwari kakawanda kuti sei aifanira kutambura zvikuru zvakadaro (ona Jobo 19:6–7; 23:1–931). Ishe havana kupa chikonzero chakajeka mubhuku raJobo. Asi Vakadzidzisa shoko rakakosha muzvitsauko 38–40. Ungapfupisa sei shoko iroro? Somuenzaniso, chii chaunodzidza kubva pamibvunzo yaIshe muna Jobo 38:1–7, 18–24?

Unozocherechedza kuti Ishe vakataura naJobo pamusoro pezvimwe zvezvisikwa Zvavo uye mamwe mabasa makuru Avo (ona Jobo 38–39). Ungangotarisa pazvimwe zvezvisikwa izvozvo (kana mifananidzo yazvo). Zvinhu izvi zvinokubatsira sei kuva nemafungiro akasiyana pamusoro paMwari? pamusoro pemiedzo yako? Zvakashandura sei maonero ezvinhu aJobo? (ona Jobo 42:1–6; onawo Mosesi 1:8–10).

Heano mashoko maviri emusangano mukuru ayo anokwanisa kubatsira kushandura maonero ezvinhu edu: Tamara W. Runia, “Seeing God’s Family through the Overview Lens” (Liahona, Mbudzi 2023, 62-69); Russell M. Nelson, “Think Celestial!” (Liahona, Mbudzi 2008, 117–120). Mune rimwe remashoko aya, tsvaka chimwe chinhu chaunozoda kuyeuka nguva inotevera apo miedzo yako painoratidzika seiri kukukurira. Unozozviyeuchidza sei nezve izvo zvawakadzidza ?

Shandisa mazano aneuchenjeri. Kudzidza hakusi kunofanira kusanganisira chete kuverenga, kufunga, nekutaura. Dzimwe nguva kudzidza kusingakanganwiki kunouya nenzira dzinoshandisa simba repanyama. Somuenzaniso, apo paunoverenga pamusoro pemashanduriro akaita Ishe maonero ezvinhu aJobo muna Jobo 38–40, unogona kubuda wofamba famba uchitarisa zvimwe zvezvisikwa zvaIshe, zvikuru nezviduku. Kana kuti unogona kutarisa pachinhu nemamwe maonero akasiyana—kubva kumusoro, pazasi, pedyo, kure uye zvichingodaro.

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Jobo 1–2; 1219

Rutendo muna Jesu Kristu runozondibatsira munguva dzakaoma.

  • Kurudzira vana vako kuti vakutaurire izvo zvavanoziva pamusoro paJobo. Kana vachida rubatsiro, unokwanisa kuvanongedzera kuna Jobo 1:1, 13–22; 2:7–10 kana kuna “Jobo” (muNyaya dzeTestamente Yekare, 145–47). Jobo akadavira sei kumatambudziko ake? (ona Jobo 1:21; 2:10).

    1:55

    Job

  • Jobo akanga akatendeka mumatambudziko ake nokuda kwezvaaiziva pamusoro paIshe. Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamifananidzo yaJesu Kristu achitaurirana nevamwe (sezvakaita uyo uri pazasi kana mifananidzo iri muBhuku reMifanidzo yeVhangeri). Taura pamusoro pezvaunoziva pamusoro Pake uye kuti Akaita sei. Hedzino dzimwe ndima dzinoratidza izvo Jobo zvaaiziva pamusoro paIshe: Jobo 12:10, 13, 16; 19:25–27. Sei zvakakosha kuziva zvinhu izvi pamusoro Pake?

Jesu achinanavira kuporesa murume

He Healed Them All [Akavaporesa Vose], naMichael Malm

Jobo 14:14

Nokuda kwaJesu Kristu, ndinozorarama zvakare mushure mokunge ndafa.

  • Jobo akabvunza mubvunzo wakakosha muna Jobo 14:14. Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kutora mijana yokugovera mapinduriro amunoizoita Jobo. Unokwanisa kutsvaka mazano muna Aruma 11:42-44, muvhidhiyo inonzi “In a Coming Day” (Gospel Library), kana kuti murwiyo pamusoro peKumuka Kuvakafa, rwakaita serwokuti “Did Jesus Really Live Again?” (Children’s Songbook, 64).

1:11

#BECAUSEofHIM: An Easter Message of Hope and Triumph

Job 16:1–5; 22:5

Shamwari dzakanaka dzinosimudzirana uye nokurudzirana.

  • Apo Jobo paaiva akasuwa, shamwari dzake dzakataura kuti Mwari vaiva vari kumuranga nokuda kwokuti akanga atadza (ona Jobo 22–5). Dai taiva shamwari dzaJobo, taizoedza sei kumubatsira? Mashoko edu anokwanisa kubatsira vamwe sei apo pavanenge vakasuwa? (ona Jobo 16:5 Funga pamusoro pekuratidza mumwechete kana yakawanda yemifananidzo iri muchidzidzo chino apo pamunokurukura mibvunzo iyi.

  • Funga pamusoro pekukumbira vana vako kuti vadorongodze humwe hunhu hweshamwari yakanaka uye vadome shamwari ine hunhu uhwu. Zvino munokwanisa kutarisa pamufananidzo waJesu Kristu. Jesu ishamwari yakanaka kune mumwe nemumwe wedu nemunzira dzipi? Ungangofunga nezve mumwe munhu arikusangana nenguva yakaoma. Ronga kuti unozova sei shamwari yakaita saKristu kwavari.

Jobo 19:23–27

Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu.

  • Mushure mekuverenga Job 19:23–27, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemaziviro amunoita kuti Mununuri wedu mupenyu. Mungangoshanda pamwechete kuisa uchapupu hwenyu (kana mifananidzo yeMuponesi) mubhuku (ona ndima 23)

  • Munokwanisawo kuimba rumbo rwunopupura nezve Muponesi, rwakaita serwokuti “Ndinoziva Mununuri Wangu Mupenyu” (Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 74). Govera ndevo kubva murwiyo rwacho idzo dzinosimbisa rutendo rwako maAri. Sei zvakakosha kuziva kuti Jesu Kristu anorarama?

­

Jobo akakomberedzwa nevamwe vanhu

Job and His Friends (Jobo neShamwari Dzake), naIlya Repin

Peji yechiitwa chePuraimari: Jesu Kristu ndiye Mununuri wangu