Huyai, Munditevere
Nyamavhuvhu 31–Gunyana 6. “Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe”: Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150


“Nyamavhuvhu 31–Gunyana 6. ‘Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe’”: Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Nyamavhuvhu 31–Gunyana 6. ‘Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jesu Kristu achinanavira pasi kuti abatsire mudzimai

Reverential Return [Rudzoko Rune Ruremekedzo], naKelsy naJesse Lightweave

Nyamavhuvhu 31–Gunyana 6: “Zvinhu Zvose Zvinofema, Ngazvirumbidze Ishe”

Mapisarema 102–103; 110; 116–119; 127–128; 135–139; 146–150

Zita rechinyakare rechiJuda rebhuku raMapisarema rinonzi Tehillim, shoko rechiHeberu rinoreva kuti “rumbidzo.” Rinoenderana nedaidziro yekuti hareruya (zvinoreva kuti “rumbidzai Jehova” kana kuti “rumbidzai Ishe”). Dai wakanga uchifanira kusarudza shoko rimwechete rekupfupisa shoko guru raMapisarema, rumbidzo raizova sarudzo yakanaka. Mamwe mapisarema ane kokero iri pachena yekuti “rumbidzai Ishe ” (ona kunyanya Mapisarema 146–50), uye ose anokwanisa kukurudzira kunamata nekurumbidza. Mapisarema anotikoka kuti ticherechedze simba raIshe, ngoni Dzavo, uye zvinhu zvikuru zvaVakaita. Hatimbofa takakwanisa kuVaripa chipi zvacho cheizvi, asi tinokwanisa kuVarumbidza. Rumbidzo iyoyo ingangoratidzwa nenzira dzakasiyana navanhu vakasiyana—ingangosanganisira kuimba, kunamata, kana kupa uchapupu. Kazhinji inotungamirira kukuzvipira kwakadzama kuna Ishe uye nokutevera dzidziso Dzavo. Zviri zvipi zvazvo zvinoreva “rumbidzai Ishe” muupenyu hwako, unokwanisa kuwana kurudziro yekuzviita apo paunoverenga nokufungisisa Mapisarema.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mapisarema 102–3116

Ishe vanokwanisa kundinyaradza mukutambura kwangu.

Cherechedza matsananguriro anoita Pisarema 102:1–11 manzwiro eshushikano uye kusurukirwa ayo kazhinji anouya panguva yezvinetso. Pamwe iwe kana vamwe vaunoziva makambosangana nemanzwiro akadaro. Apo paunoverenga Mapisarema 102:12–28; 103116, tsvaka ndevo dzinokupa chivimbo “chekudana zita raIshe” mumiyedzo yako (Pisarema 116:13). Ungangoda kumaka, kudzidza nemusoro, kana kugoverana nevamwe ndevo dzinokupa tariro maVari.

Onawo Muporofita Isaya 25:8; VaHeberu 2:17–18; Aruma 7:11–13; Camille N. Johnson, “Christ Is Relief,” Liahona, Chivabvu 2023, 81–83; “Where Can I Turn for Peace?” ­(Hymns, nhamba 129).

Jesu achibatsira murume anorwara

Carl Heinrich Bloch (1834–1890), Christ Healing the Sick at Bethesda [Kristu Achiporesa Varwere paBetesda], 1883, pendi yeoiri pakanivhasi, masendimita 256 x 319. Brigham Young University Museum of Art, wakatengwa nemari yakapuwa naJack R. uye Mary Lois Wheatley, 2001.

Mapisarema 110; 118

Jesu Kristu akazadzikisa huporofita hwuri muMapisarema.

Mapisarema ane ndima dzinonongedzera kuupenyu nehushumiri hwaJesu Kristu. Heino mienzaniso mishoma:

  • Pisarema 110:1–4 (ona Mateo 22:41–45; VaHeberu 5:4–10; 6:20)

  • Pisarema 118:22 (ona Mateo 21:42; Mabasa aVaApositora 4:10–11; 1 Petro 2:7)

  • Pisarema 118:25–26 (ona Mateo 21:9)

Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro paJesu Kristu? Sei zvakakosha kuziva izvi pamusoro Pake?

Pisarema 119

mufananidzo weseminari
Shoko raMwari rinozondichengeta ndiri pagwara Ravo.

Pisarema 119 rine ndevo zhinji dzinoenzanisa upenyu hwedu kurwendo rwokudzokera kuna Baba Vokudenga. Apo paunoverenga, tsvaka mashoko akaita seokuti “famba”, “gwara”, “nzira”, “tsoka”, uye “pembereka.” Fungisisa pamusoro perwendo rweupenyu hwako pachako—kwawaiva uri, kwauri iyezvino, uye uko kwawakananga. Chii chaunodzidza kubva kupisarema rino pamusoro perwendo rwako rwekudzokera kumba? Chii chawakadzidza kuburikidza nekutarisa makwara avamwe? Maererano nepisarema iri, chii chakapuwa naMwari kuti chikubatsire kuramba uri mugwara Ravo.

Funga pamusoro penguva iyo apo kutevera gwara kana mepu pakwakakubatsira kubudirira kuenda kumwe kunhu. Chiitiko ichocho chinokudzidzisa chii pamusoro pekutevera gwara raMwari?

Mumagwaro matsvene mazhinji, Ishe navaporofita Vavo vanotaura nezve gwara. Pazasi pane mimwe mienzaniso: Funga pamusoro pekutsvagurudza ndima idzi uye kunyora pasi kana kugoverana nevamwe izvo zvaunodzidza.

Chinyorwa Chitsvene

Izvo zvandinodzidza pamusoro pegwara rokuenda kuna Mwari

Chinyorwa Chitsvene

Zvirevo 4:11–19

Chinyorwa Chitsvene

Mateo 7:13–14

Chinyorwa Chitsvene

1 Nifai 8:20–28

Chinyorwa Chitsvene

2 Nifai 31:17–21

Chinyorwa Chitsvene

Aruma 7:9, 19–20

Chinyorwa Chitsvene

Dzidziso neZvibvumirano25:2

Zvokwadi izvi zvinokwanisa kukubatsira sei kuti urambe uri pagwara raMwari?

Ndedzipi dzimwe nzwisiso dzaunokwanisa kudzidza kubva murairo inotevera yakabva kuna Mutungamiri Russell M, Nelson?

“Kana tichida kuti rwendo rwedu nemuupenyu rwuve rwunobudirira, tinofanira kutevera nhungamiro yehumwari. Ishe vakati, ‘Tarirai kwandiri mupfungwa dzose; musashaya chokwadi, musatya.’ [Dzidziso neZvibvumirano 6:36]. Uye Munyori waMapisarema akanyora kuti, ‘Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu’ [Pisarema 119:105]. …

“Murwendo rwako nemuupenyu, unosangana nezvimhingamupinyi zvakawanda uye unoita zvimwe zvikanganiso. Nhungamiro yemagwaro matsvene inokubatsira kuziva chikanganiso uye kuita gadziriso inofanira kuitwa. Unorega kuenda nemugwara risiri iro. Unonyatsonzvera mepu yemugwagwa yemagwaro matsvene. Zvino woenda mberi nerutendeuko nemuripo zvinodikanwa kuti upinde ‘panzira yakamanikana uye nhete inotungamirira kuupenyu hwokusingaperi’ [2 Nifai 31:18]” (“Living by Scriptural Guidance,” Ensign, Mbudzi 2000, 17).

­Onawo Dieter F. Uchtdorf, “The Prodigal and the Road That Leads Home,” Liahona, Mbudzi 2023, 86–88.

Mapisarema 134–36

Ishe vane simba kupfuura chifananidzo chipi zvacho.

Cherechedza zvikonzero zvakapuwa, maererano nePisarema 135:15–18, hupenzi kuvimba navanamwari venhema. Chii chaungaedzwa kuvimba nacho icho chakafanana nechifananidzo? Ungangoita mudorongodzwa wezvinhu Ishe zvavanokwanisa kuita , sezvakaita munyori wemapisarema muna Mapisarema 134–36. Ndezvipi zvinhu zvine simba zvaVakakuitira?

Pisarema 139

Ishe vanoziva mwoyo wangu.

Chii chaunowana muPisarema 139 chinokubatsira kunzwisisa kuti Ishe vanokuziva—vanoziva pfungwa nezviito zvako, kwaniso neutera hwako? Chokwadi ichi chinoshandura sei upenyu hwako nesarudzo dzako?

Mapisarema 146–50

“Rumbidzai imi Ishe.”

Apo paunoverenga mapisarema ekupedzisira aya erumbidzo, funga pamusoro pezvikonzero zvauinazvo zvekurumbidza Ishe. Sei zvakakosha kuVarumbidza? Ndedzipi dzimwe nzira dzaunokwanisa kuVarumbidza nadzo?

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Pisarema 102:1–2

Ishe vanondinyaradza uye vanondipa tariro.

  • Iwe kana mumwe wevana vako munokwanisa kuverenga Pisarema 102:1–2, muchitsvaka mabatsirirwo atinoitwa naIshe panguva yematambudziko edu. Tingakwanisa kuwana sei rubatsiro Rwavo? Munokwanisawo kugoverana nguva idzo dzamaida rubatsiro uye mukanzwa kuti Ishe vakanzwa minamato yenyu.

Pisarema 119:105

Shoko raMwari rakaita sechiedza.

  • Vana vako vangangonakidzwa nokutaura pamusoro pemanzwiro azvinoita kuva murima. Kana kuti vanokwanisa kukurukura nezve zvinhu zvakaoma kuita murima. Ungangovakoka kuti vaite chimwe chinhu vakavhara maziso avo, chakaita sekudhirowa mufananidzo. Chii chatinodzidza kubva kuPisarema 119:105 pamusoro pechiedza neshoko raMwari?

  • Tsvaka chimwe chinhu chatakapuwa naBaba Vokudenga kuti chitibatsire kuramba tiri mugwara Ravo mundima dzinotevera: Mapisarema 119:47–48; 119:105; 1 Nifai 11:25; 2 Nifai 31:20. Chii chatinokwanisa kuita kuti tirambe tiri mugwara raMwari?

  • Vana vako vangangonakidzwa nekutarisa pamifananidzo yezvinhu zvakataurwa muPisarema 119:105. Vanokwanisa kuisa mifananidzo yacho mukutevedzana kwayo apo pavanenge vachiverenga ndima yacho. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwunoenderana nazvo, rwakaita serwokuti “Ndidzidzisei Kufamba Muchiedza” (Nziyo neDzevana Vadiki, 128) kana “I Will Walk with Jesus” (Gospel Library).

Baba vachiverenga kumwana

Pisarema 139:1–3, 23–24

Baba Vokudenga naJesu Kristu vanondiziva uye vanondida.

  • Funga pamusoro pekuita midorongodzwa mipfupi yezvinhu zvaunoziva pamusoro pemumwe nemumwe wevana vako. Apo paunoverenga midorongodzwa yacho mumwechete panguva, kumbira vana kuti vafembere kuti ndiani wauri kutsanangura. Zvino, mushure mekuverenga Pisarema 139:1–3 pamwechete, munokwanisa kudorongodza zvinhu izvo Baba Vokudenga naJesu Kristu zvavanoziva pamusoro pedu?

  • Nyora mashoko ePisarema 139:23–24 pabepa kana kuti pabhodhi. Koka vana vako kuti vadhirowe mutsetse pasi pemashoko anotsanangura zvinhu izvo Mwari zvavanokwanisa kutiitira. Sei tingada kuti Mwari vaite zvinhu izvi?

Pisarema 146:1, 5–9

Ndinokwanisa kurumbidza Ishe.

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kugovera zviitiko apo mumwe munhu paakavarumbidza kana kuvataurira kuti vakaita basa rakanaka. Govera zvimwe zvezvinhu zvakanaka kubva muPisarema 146:6–9 izvo zvakaitwa naIshe (batsira vana vako kuti vanzwisise mashoko asingazivikanwi). Koka vana vako kuti vataure pamusoro pezvimwe zvinhu zvaVanotiitira. Tinokwanisa kuVarumbidza sei nokuda kwezvinhu izvozvo?

Dzidza kumba; goverana nevamwe. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti mumba munofanira kuva “nzvimbo yakakosha yekudzidza vhangeri” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 13). Chii chaunokwanisa kuita vhiki rino kuti udzamise kunzvera kwako pachako kana kwemhuri kwaMapisarema? Mushure mekunzvera kwako, funga pamusoro pekugoverana nevamwe izvo zvawakadzidza uye zvawakanzwa mumwoyo. Unokwanisa kuita izvi munhaurirano, kuburikidza nekutumira mashoko kana nhepfenuro paindaneti, kana kuchechi.

­