“Gunyana 14–20. ‘Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu’: Muporofita Muporofita Isaya 1–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Gunyana 14–20. ‘Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
The Prophet Isaiah Foretells Christ’s Birth, [Muporofita Isaya Anofanotaura Kuzvarwa kwaKristu], naHarry Anderson
Gunyana 14–20: “Mwari Ndiye Ruponeso Rwangu”
Muporofita Isaya 1–12
Kunyangwe kana iyi iri nguva yako yekutanga kuverenga bhuku raIsaya, unogona kuwana ndima dzinoita sedzaunoziva. Izvi zvinodaro nokuda kwokuti, pavaporofita vose veTestamente Yekare, Isaya ndiye anonyanya kutapwa kakawanda mune mamwe mabhuku emagwaro matsvene, kusanganisira neMuponesi paChake. Mashoko aIsaya anowanikwawo kakawanda munziyo uye mune mimwe mimhanzi inoera.
Sei Isaya achitapwa kakawanda zvakadaro? Zvirokwazvo chimwe chikonzero ndechekuti Isaya akanga aine chipo chekutaura shoko raMwari mumutauro wakajeka, usingakanganwiki. Asi zvinopfuura izvozvo. Isaya akakurudzira vaporofita kwezvizvarwa zvakawanda nokuda kwokuti zvokwadi zvaakadzidzisa zvakapfuura chizvarwa chenguva yake pachake (pakati pa740 uye 701 Kristu Asati Azvarwa). Akanyora nezve basa guru raMwari rerununuro, iro rakakura zvikuru kupfuura rudzi rumwechete kana nhambo imwechete yenguva. Kubva kuna Isaya, Nifai akadzidza kuti iye nevanhu vake, kunyangwe zvazvo vakaparadzaniswa kubva kune vamwe vaIsraeri vose, vaiva vachiri chikamu chavanhu vechibvumirano vaMwari. Muna Muporofita Isaya, vanyori veTestamente Itsva vakawana huporofita pamusoro paMesiasi uhwo hwaizadzikiswa pamberi pamaziso avo chaipo. Uye muna Muporofita Isaya, Joseph Smith akawana kurudziro yebasa ramazuva ekupedzisira rekuunganidza Israeri uye nokuvaka Zioni. Apo paunoverenga Muporofita Isaya, chii chaunozowana?
Kuti uwane zvimwe pamusoro paIsaya nezvinyorwa zvake, ona “Isaya” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene. Kuti uwane ruzivo pamusoro penguva iyo Isaya yaairarama, ona 2 Madzimambo 15–20 uye 2 Makoronike 26–32.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Isaya 1–12
Mashoko aIsaya ose anozozadzikiswa.
Muponesi, akadzidzisa kuti, “Zvinhu zvose izvo [Isaya] zvaakataura zvakaitika uye zvichaitika, kunyangwe maererano nemashoko ayo aakataura” (3 Nifai 23:3). Apo paunonzvera bhuku raMuporofita Isaya, funga pamusoro pekugadzira chati yehuporofita hune misoro yenyaya yakaita seiyi: Zuva raIsaya, hushumiri hweMuponesi hwapanyika, uye Mazuva ekupedzisira. Cherechedza kuti huporofita hwaIsaya huzhinji hunozadzikiswa nenzira dzinopfuura imwechete (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Isaya”).
Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti: “Bhuku raMuporofita Isaya rine huporofita huzhinjisa hunoratidzika kuva hune kuzadzikiswa kwakawanda. Humwechete hunoratidzika kusanganisira vanhu vemuzuva raIsaya kana mamiriro ezvinhu echizvarwa chinotevera. Imwe revo, kazhinji yefananidziro, inoratidzika seanotaura pamusoro pezviitiko zvakaitika pakati penguva, apo Jerusarema payakaparadzwa uye vanhu vayo vakaparadzirwa mushure mekuroverwa pamuchinjikwa kweMwanakomana waMwari. Asi zvakadaro imwe revo kana kuzadzikiswa kwehuporofita humwechetehwo inoratidzika seiri maererano nezviitiko zveKuuya kweChipiri kweMuponesi. Chokwadi chekuti huzhinji hwehuporofita uhwu hunokwanisa kuva nerevo dzakawanda chinosimbisa ukoshi hwekutsvaka kwedu zvakazarurwa kubva kuMweya Mutsvene kuti zvitibatsire kuhududzira” (“Scripture Reading and Revelation,” Ensign, Ndira 1995, 8).
Kunzwisisa Isaya. Muponesi akati, “Rondai zvinhu izvi noushingairi; nokuti makuru mashoko aIsaya” (3 Nifai 23:1; onawo ndima 2–3). Asi kune vakawanda, Isaya anokwanisa kuva akaoma kunzwisisa. Mazano anotevera angangobatsira:
-
Fungisisa zviratidzo nemadimikira zvakashandiswa naIsaya.
-
Zvibvunze kuti, “Chii chandiri kudzidza pamusoro paJesu Kristu?”(ona 1 Nifai 19:23).
-
Tsvaka misoro yenyaya inonzwika seinoenderana nenguva yedu.
-
Shandisa zvibatsiro pakunzvera zvakaita seduramazwi, mashoko epazasi pepeji, misoro yenyaya yezvitsauko, uye Nhungamiro kuMagwaro Matsvene
Muporofita Isaya 1; 3–5
Vaporofita vanoyambira pamusoro pechivi uye vanovimbisa tariro kuburikidza nerutendeuko.
Sevaporofita munguva dzose, Isaya akaramba achiyambira vanhu pamusoro pemamiriro ezvepamweya avo. Apo paunoverenga Muporofita Isaya 1; 3; 5, tsvaka ndevo dzinotsanangura mamiriro aiva akaita vanhu pane zvepamweya (ona, somuenzaniso, Muporofita Isaya 1:2–4, 21–23; 3:9, 16–17; 5:11–12, 20–23). Ndeapi matambudziko mamwechetewo aunoona munguva yedu? Ungangotsvakawo ndima dzinoyambira pamusoro pemhedzisiro dzemamiriro ezvepamweya avaIsraeri (dzakaita saMuporofita Isaya 1:7; 3:17–26; 5:5–7, 13–15).
Pamwepo neyambiro, Isaya akapa mashoko etariro yerununuro kuburikidza neMuponesi (ona, somuenzaniso, Muporofita Isaya 1:16–19, 25–27; 3:10; 4). Chii chaunodzidza pamusoro paIshe kubva mundima idzi? Shoko raIshe riri mundima idzi rakasiyana sei neizvo zvinodiwa naSatani kuti titende?
SaIsaya, vaporofita nhasi vanotiyambira pamusoro pechivi nemhedzisiro yacho, uye vanopa mashoko etariro kuburikidza naJesu Kristu. Ndeipi mimwe mienzaniso yaunokwanisa kufunga nezvayo? Ungangoda kuongorora mashoko kubva kumusangano mukuru wakapfuura, uchitsvaka yambiro nevimbiso dzakadaro.
Muporofita Isaya 2; 4; 11–12
Mwari vanozoita basa guru mumazuva ekupedzisira.
Huzhinji hwehuporofita hwaIsaya hwune zvimwe chaizvo zvahwunoreva zvemuzuva redu. Kuti uzviwane, tsvaka mashoko echiito anotaura zvichaitika panguva iri mberi (akaita seekuti “achava” kana “achaenda”). Somuenzaniso, tsvaka mashoko echiito aya apo paunoverenga Muporofita Isaya 2; 4; 11–12. Unogona kunyangwe kuedza kuatsiva nemashoko echiito anotaura zviri kuitika panguva yazviri kutaurwa (akaita sekuti ari kana ari kuenda). Ndehwupi huporofita hwunonyanya kukurudzira kwauri? Chii chaunodzidza kubva muhuporofita uhwu pamusoro peZioni, kuvaka matemberi, uye kuunganidza Israeri?
Muporofita Isaya 2:2–3 yakanyanya kukosha kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Huporofita uhwu hwuri kuzadzikiswa sei? Chii chaunodzidza pamusoro “penzira” uye “gwara” raIshe muimba Yavo? (ndima 3).
Onawo Muporofita Isaya 5:26; “High on the Mountain Top,” Hymns, no. 5.
Muporofita Isaya 6
Vaporofita vanodaidzwa naMwari.
Muna Muporofita Isaya 6, Isaya akarondedzera kudaidzwa kwake kwekuti ave muporofita. Apo paunoverenga chitsauko ichi, chii chinokufadza pamusoro pechiitiko chaIsaya? Chitsauko ichi chinoshandura sei nzira yaunofunga nayo pamusoro paIshe, vaporofita Vavo, uye basa ravakadaidzwa kuti vaite?
“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana” (Muporofita Isaya 9:6).
Muporofita Isaya 7–9
Mwari vakavimbisa kutumira Jesu Kristu kuti ave Muponesi wangu.
Panguva yehushumiri hwaIsaya, Israeri yakaumba mubatanidzwa neSiria kuti izvidzivirire kubva kuAsiria. Israeri neSiria dzaida kumanikidza Ahazi, mambo weJuda, kuti abatane navo. Asi Isaya akaporofita kuti mubatanidzwa wacho waizokundikana uye akaraira Ahazi kuti avimbe muna Ishe (Muporofita Isaya 7:7–9; 8:12–13).
Apo Isaya paairaira Ahazi, akaita huporofita hwakati wandei hwunozivikanwa zvikuru, hwakaita seuhwo hwunowanikwa muna Muporofita Isaya 7:14; 8:13–14; 9:2, 6–7. Zviri zvipi zvazvo huporofita uhwu zvahwaireva kuna Ahazi, zvakajeka kuti hwunoreva Jesu Kristu (onawo Mateo 1:21–23; 4:16; 21:44; Ruka 1:31–33). Sei “Emanueri” riri zita rakanaka reMuponesi? (ona Mateo 1:23). Anga Ari “Gota” kana kuti “Muchinda woRugare” sei kwauri? (Muporofita Isaya 58:6). Chii chimwe chaunodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi?
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Isaya 1:2–4, 16–19
Nokuda kwaJesu Kristu, ndinokwanisa kutendeuka uye ndova akachena.
-
Muna Muporofita Isaya 1:2–4, iwe nevana vako munokwanisa kuwana zvikonzero zvekuti sei Ishe vaiva vasina kufara nevanhu. Cherechedza kuenzanisa nemhuka kwakaitwa mundima 3—ndiani “tenzi” wedu? Tinoratidza sei kuti tinoMuziva?
-
Kuti mufungidzire zviri muna Muporofita Isaya 1:16–18, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa chimwe chinhu cheruvara rutsvuku-tsvuku uye chimwe chinhu cheruvara ruchena-chena. Kana kuti zvimwe mungakwanisa kushanda pamwechete kugeza chimwe chinhu. Tinova vasina kuchena pane zvepamweya sei? Jesu anotibatsira sei kuti tive vakachena? Chii chatinodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi? Goverana nevana vako manzwiro aunoita pamusoro Pake uye izvo zvaAkakuitira.
Muporofita Isaya 2:2–4
Mutemberi, ndinodzidza pamusoro paJesu Kristu.
-
Isaya akafanoona nguva apo “gomo reimba yaIshe” paraizokwezva vanhu kubva “kumarudzi ose” (Muporofita Isaya 2:2). Ungakwanisa kubatsira sei vana vako kunzwa mufaro mukuru pamusoro pekuenda kuimba yaIshe? Unokwanisa kuvakoka kuti vadhirowe mufananidzo weimba yavo. Zvino moverenga pamwechete Muporofita Isaya 2:2, uye wovakoka kuti vadhirowe mufananidzo “weimba yaIshe,” iyo inova temberi. Verengai Muporofita Isaya 2:3 pamwechete. Vakoke kuti vawedzere kumifananidzo yavo vanhu vazhinji vari kuuya kutemberi, kusanganisira mhuri dzavo.
-
Munokwanisawo kuverenga Muporofita Isaya 2:2–3 pamwechete uye modoma chimwe chinhu chinokurudzira iwe nevana vako kuti muende kutemberi. Zvino, mushure mekuverenga Muporofita Isaya 2:4 pamwechete, munokwanisa kukurukura pamusoro pekuti temberi inovaunzira sei runyararo. Funga pamusoro pekuimba rumbo rwuri pamusoro petemberi, rwakaita serwokuti, “Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo neDzevana Vadiki, 120). Batsira vana vako kuwana mashoko ari murumbo rwacho anodzidzisa pamusoro pekuti temberi chii uye izvo zvatinoita imomo.
Temberi yeSalt Lake
Muporofita Isaya 7:14; 9:1–7
Jesu Kristu akauya panyika kuti ave Muponesi wangu.
-
Kuti musume huporofita hwaIsaya hwezva Kristu, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemazita evanhu, sezvakaita mutungamiri, bhishopi, kana mudzidzisi. Mazita ezvinzvimbo aya anotitaurira chii pamusoro pevanhu ava? Batsira vana vako kuwana mazita ezvinzvimbo aJesu Kristu muna Muporofita Isaya 7:14 uye 9:6–7 (onawo peji yechiitwa yevhiki rino). Rimwe nerimwe remazita ezvinzvimbo aya rinodzidzisa chii pamusoro Pake? Chii chimwe chatinodzidza pamusoro paJesu Kristu mundima idzi?
-
Unokwanisawo kugoverana nevana vako “Muporofita Isaya” (ari muNyaya dzeTestamente Yekare, 150–51). Mira nguva nenguva kuti ubvunze izvo zvaizivikanwa naIsaya pamusoro paJesu Kristu makore mazhinji asati Azvarwa. Unokwanisa zvino kushandisa Mateo 1:21–23; Ruka 1:31–33 kutaura pamusoro pekuti huporofita hwaIsaya hwuri muna Muporofita Isaya 7:14; 9:6–7 hwakazadzikiswa sei.
1:18Isaiah the Prophet