Huyai, Munditevere
Pfungwa dzoKuchengeta muNdangariro: Vaporofita uye Huporofita


“Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro: Vaporofita uye Huporofita,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Vaporofita uye Huporofita,” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

mufananidzo wepfungwa

Pfungwa dzeKuchengeta muNdangariro

Vaporofita uye Huporofita

Muchikamu chechiKristu chekare cheTestamente Yekare, chikamu chekupedzisira (Muporofita Isaya kusvikira kuna Muporofita Maraki) chinodaidzwa kunzi Vaporofita. Chikamu ichi, chingangoita chikamu chimwechete kubva muzvina cheTestamente Yekare, chine mashoko evaranda vane mvumo vaMwari, avo vakataura naIshe uye zvino vakazotaura vakaVamiririra vachigoverana shoko Ravo nevanhu pakati pa900 na500 Kristu Asati Azvarwa.

Vaporofita Vanotaura Kuda kwaMwari

Vaporofita uye nehuporofita zvine basa rakakosha nemuTestamente Yekare yose. Abrahama, Isaka, naJakobo vakaona zviratidzo uye vakataura nevatumwa vekudenga. Mosesi akataura naMwari vakatarisana uye vakazivisa chido Chavo kuvana vaIsraeri. Mabhuku eKutanga neeChipiri aMadzimambo anotsanangura mabasa nemashoko asingakanganikwi evaporofita Eria naErisha. Testamente Yekare inotaurawo nezve vaporofitakadzi vakaita saMiriami naDebora, pamwepo nemamwe madzimai akaropafadzwa nemweya wehuporofita, sezvakaita Rebeka naHana. Uye kunyangwe zvazvo Mapisarema asina kunyorwa navaporofita vakagadzwa pamutemo, naiwoo azere nemweya wehuporofita, kunyanya apo paanonongedza kukuuya kwaMesiasi.

Hapana chimwe cheizvi chinouya sechinhu chinoshamisa kunhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Chokwadi ndechekuti, vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu rinotidzidzisa kuti vaporofita havasi vanongova vanhu vemunhoroondo vanonakidza asi chikamu chakakosha chechirongwa chaMwari. Kunyangwe zvazvo vamwe vangangoona vaporofita sevanowanikwa chete munguva dzeTestamente Yekare, isu tinovaona sechinhu chatinogoverana nacho nenguva dzeTestamente Yekare.

Asi kuverenga chitsauko kubva kuna Muporofita Isaya kana kuna Muporofita Ezekieri kungangonzwika sekwakasiyana nokuverenga shoko remusangano mukuru kubva kuMutungamiri weChechi wazvino. Dzimwe nguva zvakaoma kuona kuti vaporofita vechinyakare vakanga vaine chimwe chinhu chekutaura kwatiri. Mushure mazvose, nyika yatiri kurarama mairi nhasi yakasiyana zvikuru kubva kune iyo yavaiparidza nekuporofita mairi. Uye chokwadi chekuti tine muporofita anorarama chinokwanisa kumutsa mubvunzo wekuti: Sei zvakakodzera kuedza nesimba—uye zvinoda kuedza nesimba—kuverenga mashoko evaporofita vechinyakare?

muporofita wechinyakare achinyora

Fulness of Times [Kuzara kweNguva], naGreg Olsen

Vaporofita Vechinyakare Vane Chimwe Chinhu Chekutaura Kwatiri

Kazhinji kacho, vanhu nhasi havasirivo vateereri vekutanga vavaporofita veTestamente Yekare. Vaporofita ivavo vakanga vaine zvinetso zvenguva iyoyo zvavaigadzirisa munguva yavo nemunzvimbo yavo—sekugadzirisa kunoita vaporofita vedu vemazuva ekupedzisira zvinetso zvedu zvenguva ino nhasi.

Panguva imwecheteyo, vaporofita vanokwanisawo kuona zvinopfuura zvinetso zvenguva iyoyo. Vanodzidzisa zvokwadi zvokusingaperi, zvinoenderana nenguva uye nenzvimbo ipi zvayo. Varopafadzwa nezvakazarurwa, vane maonero makurusa ebasa raMwari. Somuenzaniso, Isaya akayambira vanhu munguva yake pamusoro pezvivi zvavo. Akanyorawo pamusoro perununuro rwavaIsraeri avo vaizorarama mumakore mazana maviri enguva yeramangwana. Panguva imwecheteyo, akadzidzisa pamusoro perununuro urwo runotsvakwa nevanhu vose vaMwari. Uye akanyora huporofita uhwo, kunyangwe nanhasi, hwuchakamirira kuzadzikiswa—sevimbiso “dzenyika itsva” (Muporofita Isaya 65:17) iyo “ichazara nokuziva Jehova” (Muporofita Isaya 11:9), iyo madzinza eIsraeri akarasika maanozounganidzirwa mairi uye iyo “marudzi” “havangazodzidzi kurwa” (Muporofita Isaya 2:4). Chikamu chemufaro nekurudziro icho chinouya kubva mukuverenga mashoko evaporofita veTestamente Yekare vakaita saIsaya ndeche kuziva kuti isu tine chinhanho muzuva rinoshamisa ravakafungidzira.

Saka apo paunoverenga huporofita hwechinyakare, zvinogona kubatsira kudzidza pamusoro pemamiriro ezvinhu ayo azvakanyorerwa—asi unofanirawo kuzviona iwe pachako mahwuri, kana kuti “hwufananidze [kwauri]” (1 Nifai 19:24; onawo ndima 23). Dzimwe nguva izvi zvinoreva kuziva Babironi semucherechedzo wezvivi nerudado, kwete chete sekungova guta rechinyakare. Zvinokwanisa kureva kunzwisisa Israeri savanhu vaMwari munguva nemunzvimbo ipi zvayo. Kana kuti zvinogona kureva kuona Zioni sechinangwa chamazuva ekupedzisira icho vanhu vaMwari chavanotambira, pane kuiona seringori rimwe shoko rinoreva Jerusarema.

Tinokwanisa kufananidza magwaro matsvene noupenyu hwedu nokuda kwokuti tinonzwisisa kuti huporofita hunokwanisa kuzadzikiswa nenzira dzakawanda. Muenzaniso wakanaka huporofita huri muna Muporofita Isaya 40:3: “Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirirai nzira yaJehova.” KuvaJuda vaiva nhapwa muBabironi, chirevo ichi chingangova chaitaura Ishe vachipa nzira yekubuda muutapwa uye nekudzokera kuJerusarema. Kuna Mateo, Marko, naRuka, huporofita uhwu hwaitaura Johane Mubhabhatidzi, uyo akagadzirira nzira yehushumiri hweMuponesi hwepano pasi. Uye Joseph Smith akagamuchira zvakazarurwa zvekuti huporofita uhwu hwuchiri kuzadzikiswa muzuva ranhasi mukugadzirira hushumiri hwaKristu hwechiuru chemakore. Nemunzira dzatichiri kuedza kunzwisisa, vaporofita vechinyakare vakataura kwatiri. Uye vakadzidzisa zvokwadi zvokusingaperi zvizhinji zvakakosha, zvinoshanda kwatiri semashandiro azvaiita kuIsraeri yechinyakare.

Vaporofita Vechinyakare Vakapupura nezva Jesu Kristu

Pamwe zvakatonyanyisa kukosha kupfuura kuzviona iwe pachako muhuporofita hweTestamente Yekare ndezve kuona Jesu Kristu mahwuri. Kana ukaMutsvaga, unozoMuwana, kunyangwe kana dai asina kutaurwa nezita. Zvingangobatsira kuchengeta mupfungwa kuti Mwari weTestamente Yekare, Ishe Jehova, ndiye Jesu Kristu. Nguva ipi zvayo apo vaporofita pavanotsanangura izvo zviri kuitwa naIshe kana izvo zvaVanozoita, vanenge vachitaura nezve Muponesi.

Jesu Kristu akamuka kuvakafa achinanavira kumurume

The Lord Appearing unto Abraham [Ishe Vachizviratidza kuna Abrahama], naKeith Larson

Unozowanawo kutaurwa kweUyo Akazodzwa, Mununuri, uye Mambo weramangwana kubva mumutsetse waDavidi. Hwese uhwu hwuporofita pamusoro paJesu Kristu. Kazhinji, unozoverenga pamusoro perusununguko, ruregerero, rununuro, uye kudzorerwa. NeMuponesi mupfungwa dzako uye mumwoyo mako, huporofita uhwu hwunozongokunongedzera kuMwanakomana waMwari. Mushure mazvose, nzira yakanakisisa yekunzwisisa huporofita ndeyo kuva “nemweya wehuporofita,” uyo Johane waanotitaurira kuti “kupupura kwaJesu” (Zvakazarurwa 19:10).

Manotsi

  1. Isaya, Jeremiah, Ezekieri, naDanieri kazhinji vanotaurwa nezvavo seVaporofita Vakuru nokuda kwehurefu hwemabhuku avo. Vamwe vaporofita (Hosea, Joere, Amosi, Obadia, Jona, Mika, Nahumi, Habakuki, Zefania, Hagai, Zekaria, naMaraki) vanodaidzwa kunzi Vaporofita Vaduku nokuti mabhuku avo mapfupi. Bhuku raMariro aJeremia rinofungwa sechikamu cheZvinyorwa, kwete Vaporofita.

  2. Hatizivi maunganidzirwo akaitwa mabhuku ehuporofita. Mune dzimwe nguva, muporofita anogona kunge akatungamirira kuunganidzwa kwezvinyorwa zvake uye huporofita hwake. Pane dzimwe nguva, dzidziso dzake dzinogona kunge dzakanyorwa nokuunganidzwa mushure mekufa kwake.

  3. Ona Eksodo 15:20; Vatongi 4.

  4. Ona Genesi 25:21–23; 1 Samueri 1:20–28; 2:1–10.

  5. “Imbofunga nezve rufaro rukuru nekurumidzo yazvo zvose: muporofita woga woga kutanga naAdama akaona zuva redu. Uye muporofita woga woga akataura pamusoro pezuva redu, apo Israeri payaizounganidzwa uye nyika payaizogadzirirwa Kuuya kweChipiri kweMuponesi. Zvifunge izvozvo! Pavanhu vose vakambofa vakararama panyika pano, isu ndisu tinowana mukana wokutora chinhanho muchiitiko chekupedzisira chikuru ichi chekuunganidzwa. Zvinofadza sei izvozvo! ” (Russell M. Nelson, “Hope of Israel” [worldwide youth devotional, Chikumi 3, 2018], Gospel Library). Onawo Ronald A. Rasband, “Fulfillment of Prophecy,” Liahona, Chivabvu 2020, 75–78.

  6. Muponesi, achitaura nezva Isaya, akati, “Zvinhu zvose zvaakataura zvakaitika uye zvichaitika, kunyangwe maererano namashoko ayo aakataura” (3 Nifai 23:3; simbiso yakawedzerwa).

  7. Ona Mateo 3:1–3; Marko 1:2–4; Ruka 3:2–6.

  8. Ona Dzidziso neZvibvumirano 33:10; 65:3; 88:66.

  9. Ona Muporofita Isaya 9:6–7; 61:1; Muporofita Hosiya 13:14; Muporofita Zekaria 9:9.