Huyai, Munditevere
Gunyana 21–27. “Basa Rakanakisisa uye Chishamiso”: Muporofita Isaya 13–14; 22; 24–30; 35


“Gunyana 21–27. ‘Basa Rakanakisisa uye Chishamiso’: Muporofita Isaya 13–14; 22; 24–30; 35,‘’ Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Gunyana 21–27. ‘Basa Rakanakisisa uye Chishamiso,’” Huyai, Munditevere: 2026

Mwari naJesu Kristu vachizviratidza kumukomana Joseph Smith

Sacred Grove [Chisango Chinoera], naBrent Borup

Gunyana 21–27: “Basa Rakanakisisa uye Chishamiso”

Muporofita Isaya 13–14; 22; 24–3035

Chimwe chezvinhu izvo Ishe zvavanokumbira vaporofita kuti vaite ndechekuyambira pamusoro pemhedzisiro yechivi. Maererano nevaporofita veTestamente Yekare, izvi kazhinji zvaireva kutaurira vatongi veumambo hukurusa kuti vaifanira kutendeuka. Raiva basa rine njodzi, asi Isaya aiva asingatyi, uye yambiro dzake kuumambo hwezuva rake—kusanganisira Israeri, Juda, nenyika dzakadzikomberedza—dzaiva dziri dzoushingi (ona Muporofita Isaya 13–23).

Zvisinei, Isaya aivewo neshoko retariro. Kunyangwe zvazvo ruparadzo rwaiva rwaporofitwa rwakazopedzisira rwauya pamusoro peumambo uhwu, Isaya akafanoona mukana wekudzorerwa uye nevandudzo. Ishe vaizokoka vanhu Vavo kuti vadzokere kwaVari. Vaizoita kuti “jecha rinopisa … rishanduke kuva dziva, nevu rinenyota zvitubu zvemvura” (Muporofita Isaya 35:7). Vaizoita “basa rinoshamisa nechishamiso” (Muporofita Isaya 29:14), vachidzorera kuIsraeri maropafadzo aVakanga vavavimbisa. Kwete Isaya kana mumwe munhu zvake aiva mupenyu panguva iyoyo akararama kuona basa rinoshamisa iri. Asi tiri kuriona nhasi. Chokwadi ndechekuti, tiri chikamu charo!

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Isaya 13:1–11, 19–22; 14:1–20

Rudado uye hunhu hwenyika zvinozokundikana.

Munguva yaIsaya, Babironi yaiva umambo hukurusa iine mutongi ane masimba. Zvino Babironi yave nhoroondo yechinyakare. Saka sei shoko raIsaya kuBabironi, muna Muporofita Isaya 13–14, rakakosha kwatiri nhasi? Nokuti Babironi inomiririra rudado, makaro, uye chivi, zvinnhu izvo zvichakatikomberedza nhasi. Funga pamusoro pefananidziro iyi apo paunoverenga Muporofita Isaya 13:1–11, 19–22; 14:1–20. Ungangofungawo mibvunzo yakaita seiyi:

  • Ndedzipi fanano dzaunoona pakati perudado rwamambo weBabironi nerudado rwaSatani? (ona Muporofita Isaya 14:4–20; Mosesi 4:1–4). Ndedzipi yambiro dzaunowana dzako pachako mundima idzi?

  • Muponesi anopa sei “zororo kubva murusuwo rwako, uye kubva mukutya kwako”? (Muporofita Isaya 14:3).

Jesu akamuka kuvakafa achizviratidza kuna Maria pedyo neBwiro Rake

“Achamedza rufu mukukunda” (Muporofita Isaya 25:8).

Muporofita Isaya 22:22–23; 24:21–23; 25:6–8; 26:19; 28:16

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akavimbiswa.

Dzidziso dzaIsaya kazhinji dzinotaura nezve basa reMuponesi, kusanganisira rudzikinuro Rwake rwekuzvipira, Kumuka Kuvakafa, uye Kuuya kweChipiri. Ndezvipi zvikamu zvebasa Rake zvinouya mupfungwa apo paunenge uchiverenga ndima dzinotevera: Muporofita Isaya 22:22–23; 24:21–23; 25:6–8; 26:19; 28:16? Ndedzipi dzimwe ndima dzaunowana dzinokuyeuchidza nezve Muponesi?

Ipa vadzidzi mikana yokupa uchapupu hwaJesu Kristu. “Kuva mudzidzisi wevhangeri raJesu Kristu zvinoreva kubatsira vamwe kunzwisisa uye kuvimba padzidziso Dzake, simba rerununuro Rake, uye parudo rwakarurama Rwake” (Teaching in the Savior’s Way8). Nzira imwechete yakareruka yokuita izvi nguva dzose dzaunodzidzisa ndeyekubvunza mubvunzo wakaita seuyu “Chii chawakawana mumagwaro matsvene vhiki rino icho chakakudzidzisa chimwe chinhu pamusoro peMuponesi?” Zvino ita kuti vadzidzi vagoverane zviitiko zvavo uye vasimbisane rutendo rwavo.

Muporofita Isaya 24:1–12; 28:1–8; 29:7–13; 30:8–14

Kutsauka kubva pana Ishe kunounza njodzi yezvepamweya.

Netsitsi Dzavo, Ishe vakatumira Isaya kuti ayambire vanhu vechibvumirano kuti vakanga vavakutsauka kubva kwaVari. Ona kuti ungakwanisa here kuwana zviratidzo zveyambiro yezvepamweya zveizvi muna Muporofita Isaya 24:5; 29:13; 30:8–12. Sei hunhu nezviito izvi zviine njodzi yezvepamweya?

Kuti ayambire pamusoro pemhedzisiro dzekufuratira kubva pana Ishe, Isaya akashandisa dzimwe enzaniso dzisingakanganwiki. Apo paunodzinzvera, zvibvunze kuti kufuratira kubva pana Ishe kwakaita sei:

  • Nyika yakasuruvara, isina chinhu (Muporofita Isaya 24:1–12).

  • Huraradzi (Muporofita Isaya 28:7–8).

  • Nzara nenyota (Muporofita Isaya 29:7–10).

  • Rusvingo kana chirongo zvakaputsika (Muporofita Isaya 30:13–14).

Sei zvakakosha kwauri kuti ugare pedyo naIshe?

Muporofita Isaya 29; 30:18–2635

mufananidzo weseminari
Ishe vanokwanisa kudzorera zvarasika kana zvakaputsika.

Wakamborasa chimwe chinhu chawakafunga kuti hauchazombochiwana zvakare here? Kana kuti chimwe chinhu chakaputsika, uye ukashushikana kuti hachaizombogadziriswa zvakare. Apo patinofuratira kubva pana Ishe, Satani anoda kuti tifunge kuti hatizombokwanisi kudzoka kana kuporeswa. Zvisinei, Isaya akatsanangura zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa zvinozoitwa naIshe kuti vatibatsire kudzokera kwaVari. Chii chaunodzidza kubva kuna Muporofita Isaya 29:13–24; 30:18–2635 pamusoro paIshe, rudo Rwavo uye simba Ravo? Pamwe unokwanisa kuwana ndevo mundima idzi iyo inokupa tariro apo paunenge uchida kuporeswa. Unokwanisawo kutarisa mushoko raSisita Amy A. Wright rinoti“Christ Heals That Which Is Broken” (Liahona, Chivabvu 2022, 81–84).

Imwe nzira iyo Ishe yavanoratidza nayo simba Ravo netsitsi Dzavo ndeye kuburikidza neKudzorerwa kwevhangeri Ravo. Muporofita Isaya 29 ine ndima dzakati wandei dzinoenderana nezviitiko zveKudzorerwa uku. Somuenzaniso:

Mumaonero ako, sei “nakisisa” uye “chishamiso” (Muporofita Isaya 29:14) ari mashoko akanaka kutsanangura Ishe vachidzorera vhangeri Ravo? Unokwanisa kubatsira sei kuzadzikisa huporofita pamusoro poKudzorerwa? Kuti uwane mazano, ona mashoko aGosa Gerrit W. Gong “All Nations, Kindreds, and Tongues,” (Liahona, Mbudzi 2020, 38–41).

Onawo “Kudzorerwa kwoKuzara kweVhangeri raJesu Kristu: Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri” (Raibhurari yeVhangeri); “The Morning Breaks,” Hymns, no 1.

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Isaya 14:3; 25:8–9; 28:16

Jesu Kristu anokwanisa kundinunura kubva kuchivi uye kurufu.

  • Unozobatsira sei vana vako kuona Muponesi muzvinyorwa zvaIsaya? Unokwanisa kuvabatsira kuwana ndevo dzinovayeuchidza neZvake muna Muporofita Isaya 14:3; 25:8; kana 28:16. Vanokwanisawo kufananidza ndima idzi dzinobva kuna Muporofita Isaya nedzimwe ndima dzinodzidzisa pamusoro peMuponesi, dzakaita saMateo 11:28–30; 1 Vakorinte 15:53–57; Hiramani 5:12. Ndezvipi zvinhu zvikuru zvatakaitirwa naIshe?

  • Mushure mokuverenga Muporofita Isaya 25:8–9 pamwechete, munokwanisa kutarira pamifananidzo yeMuponesi ari muGetsemani, pamuchinjikwa, uye mushure meKumuka Kuvakafa Kwake. Ita kuti vana vako vataure pamusoro pezviri kuitika mumifananidzo yacho uye kuti sei vachida Jesu “nokufarira ruponeso rwake” (ndima 9).

  • Unogona kusarudza kuudza vana vako pamusoro perusuwo rwawakanzwa apo mumwe munhu waunoda paakashaya. Pupura nezve nyaradzo yaunowana nokuda kwaJesu Kristu. Pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa chiso chiri kuchema uye zvino vodzima misodzi apo pamunenge muchiverenga Muporofita Isaya 25:8 pamwechete.

Jesu muGetsemani

Thy Will Be Done [Kuda Kwenyu Ngakuitwe], naKen Spencer

Muporofita Isaya 25:4–6

Jesu anondipa “utiziro kubva kudutu.”

  • Iwe nevana vako makambowana here ropafadzo yeutiziro hwakachengeteka munguva yedutu kana mumvuri pazuva rinopisa rechirimo? Kana kuti makambonakirwa here nezvokudya apo pamakange muine nzara? Taurai pamusoro pezviitiko izvi apo pamunege muchiverenga Muporofita Isaya 25:4–6. Jesu akafanana sei nezvinhu izvi?

Muporofita Isaya 29:11–18, 24

Kudzorerwa kwevhangeri “ibasa rakanakisisa.”

  • Apo iwe navana vako pamunege muchiverenga Muporofita Isaya 29:14, goverana navo mamwe mashoko anoreva zvimwechetezvo “nekunakisisa” uye “chishamiso”. Ita kuti vakubatsire kuwana zvinhu kana mifananidzo inomiririra mamwe emabasa akanakisisa aIshe mumazuva ekupedzisira. Izvi zvingangosanganisira gwaro reBhuku raMormoni, mufananidzo wetemberi, kana kuti mufananidzo weChiratidzo Chokutanga (pane mumwe uri panotangira chidzidzo chino). Zvino vana vako vanokwanisa kusarudza chimwe chinhu uye vogovera kuti sei chiri chinhu chakanakisisa kwavari.

  • Rwiyo rwuri pamusoro peKudzorerwa kwevhangeri rwunokwanisa kufambirana zvakanaka naMuporofita Isaya 29, rwakaita serwokuti “On a Golden Springtime” (Children’s Songbook, 88). Uye pamwe chiitiko chemunhu pachake chinokwanisa kubatsira vana kunzwisisa zvinoreva kudzorerwa. Somuenzaniso, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pechimwe chinhu chamakamborasa uye mawaniro amakachiita. Batsira vana vako kuenzanisa izvi neKudzorerwa kwevhangeri. Maererano naMuporofita Isaya 29:13–15, sei tichida Kudzorerwa? Ndeapi mabasa akanakisisa arikuitwa naIshe kudzorera vhangeri Ravo? (ona peji yechiitwa chevhiki rino).

­

Jesu ari pamuchinjikwa

The Crucifixion [Kuroverwa Pamuchinjikwa], naCarl Heinrich Bloch, paFrederiksborg Museum of National History

Peji yechiitwa chePuraimari: Kudzorerwa kwevhangeri “ibasa rakanakisisa.”