Huyai, Munditevere
Gunyana 28–Gumiguru 4. “Nyaradzai Vanhu Vangu”: Muporofita Isaya 40–49


“Gunyana 28–Gumiguru 4. ‘Nyaradzai Vanhu Vangu’: Muporofita Isaya 40–49,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Gunyana 28–Gumiguru 4. ‘Nyaradzai Vanhu Vangu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jesu achiporesa murume bofu

Healing the Blind Man [Kuporesa Murume Bofu], naCarl Heinrich Bloch, paFrederiksborg Museum of National History

Gunyana 28–Gumiguru 4: “Nyaradzai Vanhu Vangu”

Muporofita Isaya 40–49

“Nyaradzai” ndiro shoko rokutanga raMuporofita Isaya chitsauko 40. Rinoratidza mavambo ekushandiswa kwemanzwi akasiyana, simbiso yakasiyana mushoko remuporofita. Zvinyorwa zvokutanga zvaIsaya zvaiyambira Israeri neJuda pamusoro peruparadzo neutapwa izvo zvaizouya nokuda kwezvivi zvavo. Asiwo huporofita hwakazouya pashure uhwu hwaiva nechinangwa chekunyaradza vaJuda mumakore anopfuura zana nemakumi mashanu emuneramangwana—mushure mekunge Jerusarema netemberi zvaparadzwa uye vanhu vatorwa senhapwa neBabironi. Asi huporofita uhwu, zvisinei, hune shanduro kunyangwemberi mune remangwana kupfuura kuvaIsraeri vakakundwa uye vakaodzwa mwoyo. Hunotaura kwatiri, isuwo dzimwe nguva vanonzwa kukundwa, kuodzwa mwoyo, uye kunyangwe kurashika.

Shoko raIsaya kwavari uye kwatiri riri nyore: “Usatya hako” (Muporofita Isaya 43:1). Zvose hazvina kurashika. Ishe havana kukukanganwa, uye Vane simba pamusoro pamamiriro ezvinhu ayo anoratidzika seasiri mumaoko ako. Ko Ishe, avo “vakasika matenga” (Muporofita Isaya 42:5), havana simba guru here kupfuura Babironi, kupfuura chivi, kupfuura chipi zvacho chiri kukubata senhapwa? “Dzokera kwandiri,” Vanoteterera, “nokuti ndakakudzikinura” (Muporofita Isaya 44:22). Vanokwanisa kuporesa, kudzorera, kusimbisa, kuregerera, uye nekunyaradza—chipi zvacho chinodiwa kwauri, mumamiriro ezvinhu ako, kuti ununurwe.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Isaya 40–49

mufananidzo weseminari
Jesu Kristu anokwanisa kundinyaradza uye kundipa tariro.

Apo vaIsraeri pavakanga vari nhapwa muBabironi, vazhinji vanogona kunge vakanetsekana kuti vakanga varashikirwa zvachose here nenzvimbo yavo sevanhu vaMwari vakasarudzwa uye vechibvumirano. Apo paunoverenga Muporofita Isaya 40–49, tsvaga ndima dzingangova dzakapa nyaradzo netariro. Pandima imwe neimwe yaunowana, fungisisa uye wonyora pasi izvo Ishe zvavangange vachitaura kwauri mundima idzi. Hedzino shoma dzaungangotanga nadzo:

  • 40:11, 29–31:

  • 41:10–13, 17–18:

  • 42:6–7:

  • 43:1–7, 25:

  • 44:1–4, 21–24:

  • 46:3–4:

  • 49:7–16:

Chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti uzive pamusoro peZvavo?

Ungangocherechedza kuti rwiyo “Hwaro Hwakasimba” (Nziyo neDzevana Vadiki, 85) rwunotora kubva kumashoko aIsaya muna Muporofita Isaya 41:10; 43:2–5; 46:4. Funga kuimba kana kuteerera kurwiyo urwu, uchitsvaka fanano pakati pemashoko erwiyo nendima idzi dzinobva kuna Muporofita Isaya. Ishe vakazadzikisa sei vimbiso dziri mundima idzi muupenyu hwako?

Onawo Patrick Kearon, “He Is Risen with Healing in His Wings: We Can Be More Than Conquerors,” Liahona, Chivabvu 2022, 37–40.

Shandisa zvimwe zvinyorwa zvitsvene. Dzimwe nguva tinogona kunzwisisa Testamente Yekare zvirinani kana tikawedzera kunzvera kwedu nendima dzinobva muBhuku raMormoni. Somuenzaniso, vaporofita veBhuku raMormoni Nifai naJakobo vakanga vachikwanisa kuwana zvinyorwa zvaIsaya pamahwendefa endarira (ona 1 Nifai 19:22–23), uye vakashandisa huporofita uhwu kuti vadzidzise pamusoro peMuponesi. Kuti udzidze mafananidziro akaita Nifai naJakobo Muporofita Isaya 48–49 kuvanhu vavo, ona 1 Nifai 22. Izvozvo zvinokwanisa kukubatsira kufananidzira zvitsauko izvi muupenyu hwako.

Rwizi rwakafara, rwusina kudzika

Nekuteerera Ishe, tinokwanisa kuva “norugare … sorwizi” (Muporofita Isaya 48:18).

Muporofita Isaya 40–49

“Uri muranda wangu.”

Nemuna Muporofita Isaya 40–49 mose Ishe vanotaura nezve “muranda” Wavo uye “zvapupu” Zvavo. Mashoko aya anoratidzika seanotaura Jesu Kristu (ona Muporofita Isaya 42:1–7), kuimba yaIsraeri (ona Muporofita Isaya 45:4), uye kuna Mambo Koreshi, uyo akabvumira vaJuda kuti vadzokere kuJerusarema uye vagovaka zvakare temberi (ona Muporofita Isaya 44:26–28; 45:1–4). Ungangofungisisawo mashandiro anoita ndima idzi kwauri semuranda uye chapupu chaIshe. Somuenzaniso, fungisisa mibvunzo yakaita seiyi:

Muporofita Isaya 40:1–3, 9–11; 43:9–12. Uri chapupu chaJesu Kristu nenzira ipi? Ndeapi “mashoko akanaka” aunokwanisa kugovera sechapupu chake? Ungafungidzira kuti wakadanwa kuchigaro chezvapupu mukutonga kwedare. Mukutonga uku, Jesu Kristu akapomerwa mhosva yokutaura zvakanyorwa muna Muporofita Isaya 43:11. Uchapupu hwupi hwaungapa kutsigira kutaura kwaJesu? Umbowo hwupi hwunobva muupenyu hwako hwaungapa?

Muporofita Isaya 41:8–13; 42:6; 44:21. Chii chawakadaidzwa naIshe kuti uite? Funga pamusoro pedaidzo dzeChechi pamwepo nemimwe mikana yekuVashandira. “Vakakuumba” sei kana kukugadziririra kuti uve muranda Wavo? Vanokutsigira sei apo paunoshandira?

Muporofita Isaya 49:1–9. Ndeapi mashoko aunowana mundima idzi anokwanisa kukubatsira apo kuedza kwako uye kushandira kwako pakunoratidzika sekunge kuri “pasina, uye kusina maturo”? (ndima 4).

Muporofita Isaya 40:3–8, 15–23; 42:15–16; 47:7–11

Simba raMwari rakakura kupfuura simba repanyika.

Isaya akadzokorora kuyeuchidza vanhu vake nezvesimba risingafananidzwi raMwari, kunyangwe richienzaniswa nesimba reudzvinyiriri renyika rakavakomberedza. Tsvaka shoko iri apo paunoverenga Muporofita Isaya 40:3–8, 15–23; 42:15–16; uye 47:7–11 (cherechedza kuti chitsauko 47 chinotaurwa kumutapi weIsraeri, Babironi). Chii chaunodzidziswa nendima idzi pamusoro pezvinhu zvenyika? Chii chadzinokudzidzisa pamusoro paMwari? Fungisisa kuti sei shoko iri ringangova rakanga rakakosha kuvaJuda muutapwa. Sei rakakosha kwauri?

Muporofita Isaya 48:10; 49:13–16

Ishe vanogona kundinatsurudza kuburikidza nematambudziko angu.

Apo paunoverenga Muporofita Isaya 48:10, fungisisa “choto chematambudziko” chako pachako. Ishe vari “kukunatsurudza” sei? Ndima dzemuna Muporofita Isaya 49:13–16 dzinokubatsira sei paunotambudzika?

­Onawo “The Refiner’s Fire” (vhidhiyo), Gospel Library.

5:2

The Refiner's Fire

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Isaya 40:3–5

Ndinokwanisa kubatsira kugadzirira “nzira yaIshe”.

  • Funga nezve dzimwe nzira dzokutaridza zvazvingareva “kugadzirira … nzira yaIshe,” sekutsanangurwa kwazvakaitwa muna Muporofita Isaya 40:3–5. Somuenzaniso, iwe nemhuri yako munokwanisa kutwasanudza chimwe chinhu chakakombama, kubvisa ungwanda-ngwanda pasi, kana kugadzira nzira yakatsetseka nepasi pane matombo. Unokwanisawo kuratidza mifananidzo yaJohane Mubhabhatidzi uye Joseph Smith (ona muBhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 3587). Vakagadzira nzira sei kuitira kuuya kwaIshe? (ona Ruka 3:2–18; Dzidziso neZvibvumirano 135:3). Tingakwanisa kubatsira sei? Uyu unogona kuva mukana wekutaura pamusoro pemabatsiriro anoita vabati veHupirisita hwaAroni kugadzirira nzira yaIshe (ona Dzidziso neZvibvumirano 84:26–28).

Muporofita Isaya 43:10

Ndinokwanisa kuva chapupu chaIshe.

  • Mushure mokuverenga Muporofita Isaya 43:10 pamwechete, munokwanisa kutaura pamusoro pezvazvinoreva kuva chapupu. Goveranai zvinhu zvamakasangana nazvo zvamunokwanisa kuva “chapupu” chazvo—somuenzaniso, chokudya chamakamboravira, nzvimbo yamakamboshanyira, kana munhu wamunoziva. Zvinorevei kuva chapupu chaIshe? Chii chatingataurira vamwe pamusoro Pavo?

Muporofita Isaya 44:3–4; 45:8

Ishe “vanozodurura” maropafadzo Avo pandiri.

  • Mushure mokuverenga ndima idzi, vana vako vanokwanisa kudiridza chirimwa uye votaura nezve maropafadzo ayo Ishe avakadurura pavari. Chii chinoitika kuchirimwa kana tichichidiridza? Maropafadzo aIshe akatibatsira sei kukura?

masaisai makuru egungwa

“Kururama kwedu [kunokwanisa kuva] samafungu egungwa” (Muporofita Isaya 48:18).

Muporofita Isaya 48:17–18

Kuchengeta mirairo yaMwari kunounza runyararo.

  • Mifananidzo kana kuti mavhidhiyo enzizi nemasaisai egungwa zvinokwanisa kubatsira vana vako kuti vafungidzire Muporofita Isaya 48:18 (sezvakaita mifananidzo iri muchidzidzo chino). Vana vako vangangonakidzwa nekufambisa maoko avo serwizi nemasaisai egungwa. Runyararo rwunokwanisa kuva serwizi sei? Ururami hunokwanisa kuva semasaisai sei? Taura pamusoro pokuti kuchengeta mirairo yaMwari kwakakubatsira sei kuti unzwe runyararo serwizi kana kusimba semasaisai.

  • Imbai pamwechete rumbo pamusoro pemirairo, rwakaita serwokuti “Keep the Commandments” (Children’s Songbook, 146–47). Rumbo urwu runotidzidzisei pamusoro pekuti sei tichifanira kuchengeta mirairo yaMwari?

Muporofita Isaya 49:14–16

Ishe havazombondikanganwi.

  • Muporofita Isaya 49:14–16 inokwanisa kuva nyaradzo huru kuvana vako kwemakore mazhinji anotevera. Apo paunoverenga ndima 14, unokwanisa kutaura pamusoro pezvingaita kuti vanhu vanzwe kukanganikwa kana kusiyiwa voga. Tingaziva sei kuti Ishe havana kutikanganwa?

  • Kuti usume ndima 15–16, unokwanisa kubvunza vana vako pamusoro pezvemumwe munhu uyo wavasingambofi vakanganwa, akaita senhengo yemhuri kana shamwari. Maererano naMuporofita Isaya 49:15–16, sei Ishe vasingazombotikanganwi? Zvino munokwanisa kugoverana izvo zvamunonzwa pamusoro paJesu Kristu.

­

Jesu aine murume nemusikana

Balm of Gilead [Mafuta eGireadi], naAnnie Henrie Nader

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinokwanisa kuva chapupu chaIshe.