“Gumiguru 19–25. ‘Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu’: Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20,‘’ Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Gumiguru 19–25. ‘Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Jeremia, naWalter Rane
Gumiguru 19–25: “Ndakakuziva Ndisati Ndakuvumba muDumbu”
Muporofita Jeremia 1–3; 7; 16–18; 20
Pakutanga, Jeremia haana kufunga kuti aizova muporofita akanaka. “Tarirai, handikwanisi kutaura,” akaramba (Muporofita Jeremia 1:6). Ishe vakamusimbisa, “Ndaisa mashoko angu mumuromo mako” (ndima 9). Jeremia ainzwa sekuti aiva “mwanana” asina ruzivo (ndima 6), asi Ishe vakatsanangura kuti pachokwadi aiva akagadzirira kupfuura zvaaiziva—akanga agadzwa kudaidzo iyi kunyangwe asati azvarwa (ona ndima 5). Saka Jeremia akaisa parutivi kutya kwake uye akagamuchira daidzo yacho. Akayambira madzimambo uye nevapirisita veJerusarema kuti hutsvene hwavo hwavainyepedzera hahwaizovaponesa kubva kuruparadzo. “Mwanana” uyo aifunga kuti aiva asingakwanisi kutaura akasvika pakunzwa shoko raMwari “mumwoyo [make] semoto unopfuta” uye haana kuzokwanisa kunyarara (Muporofita Jeremia 20:9).
Nyaya yaJeremia inyaya yeduwo. Mwari vaikuzivawo, usati wazvarwa uye vakakugadzirira kuti uite basa Ravo panyika. Pakati pezvimwe zvinhu, basa iroro rinosanganisira chimwe chinhu chakafanoonekwa naJeremia: kuunganidza vanhu vaMwari, mumwe nemumwe, “[kuvaisa] kuZioni” (Muporofita Jeremia 3:14). Uye kunyangwe kana usingazivi chaizvo zvokuita kana zvokutaura, haufaniri “kutya… ; nokuti ini ndinewe, ndizvo zvinotaura Ishe” (Muporofita Jeremia 1:8,19).
Kuti uwane pfupiso yebhuku raJeremia, ona “Muporofita Jeremia” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Jeremia 1:4–19; 7:1–7; 20:8–9
Vaporofita vanodaidzwa kuti vataure shoko raIshe.
Fungidzira kuti uri kutaura neshamwari isati yambonzwa nezve vaporofita, uye wosarudza kutsanangura pfungwa iyi uchishandisa daidzo yaJeremia yokuti ave muporofita muna Muporofita Jeremia 1:4–19. Chii chaunowana mundima idzi icho chinodzidzisa chimwe chinhu pamusoro pevaporofita vaMwari? Unokwanisawo kutarira muna Muporofita Jeremia 7:1–7; 20:8–9 uye rwiyo rwakaita serwokuti “We Listen to a Prophet’s Voice” (Hymns, nhamba 22).
Ungangodawo kudzidzisa shamwari yako pamusoro pemuporofita anorarama wanhasi. Pane chimwe chinhu chiri mundima idzi chingangobatsira here? Somuenzaniso, chii icho vaporofita vemuzuva redu “chavanodzura” kana “kukoromora”? Chii “chavanovaka” uye “nokurima”? (Muporofita Jeremia 1:10). Wakasvika sei pakuziva kuti muporofita wedu anorarama akadaidzwa naMwari?
Onawo Misimboti yeChitendero 1:6, 9; “Why Do We Have Prophets?” (video), ChurchofJesusChrist.org.
Why Do We Have Prophets?
Muporofita Jeremia 1:5
Mwari vaindiziva ndisati ndazvarwa.
Jeremia akadzidzei pamusoro pake pachake muna Muporofita Jeremia 20:9? Semuporofita uyo achangodaidzwa, sei mashoko aya angava akakosha kuti azive?
Zvakawanda zveizvo Jeremia zvaakadzidza pamusoro pake pachake muna Muporofita Jeremia 20:9 ndezve chokwadiwo pamusoro pako iwe. Mwari vaikuzivawo iwe usati wazvarwa uye vakafanokugadzirira kuti uite mamwe mabasa chaiwo. Kuti udzidze zvakawanda pamusoro pezvoupenyu hwako usati wazvarwa, verenga Aruma 13:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 138:53–56; Abrahama 3:22–23. Unogona kunyora mudorongodzwa wezvokwadi zvaunowana. Sei mashoko aya akakosha kuti iwe uzive?
Kuti udzidze pamusoro pamashanduriro akaita zvokwadi izvi upenyu hwaGosa Ahmad S. Corbitt, nzvera shoko ravo rinoti “You Can Gather Israel!” (Liohona, Chivabvu 2021, 63–63). Kuziva pamusoro poupenyu hwako usati hwazvarwa panyika kunokwanisa kushandura sei mararamiro aunoita upenyu hwako hwunofa hwuno?
Hezvino zvakataurwa naMutungamiri Russell M. Nelson pamusoro peupenyu hwako usati wazvarwa panyika:
“Baba vako Vokudenga vaikuziva kwenguva refu zvikuru. Iwe, semwanakomana kana mwanasikana Wavo, wakasarudzwa Navo kuti uuye panyika panguva ino chaiyo, kuti uve mutungamiri mubasa Ravo guru panyika. Wakasarudzwa kwete nokuda kwezvimiro zvemuviri wako asi nokuda kwehunhu hwako hwezvepamweya hwakaita soumhare, ushingi, kutendeka kwemwoyo, nyota yezvokwadi, nzara yeuchenjeri, uye chido chokushandira vamwe.
“Wakakudziridza humwe hwehunhu uhwu munguva youpenyu hwako usati wazvarwa panyika. Humwe unogona kuhwukudziridza pasi pano apo paunoshingirira kuramba uchihutsvaka (“Decisions for Eternity,” Liahona, Mbudzi. 2013, 107).
Funga nezvemamwe mamiriro ezvinhu aungatarisana nawo umo mazvinozova zvakakosha kurangarira zvokwadi izvi pamusoro poupenyu hwako usati wazvarwa panyika. Chii chaungaita kuti uzviyeuchidze nezve zvokwadi izvi?
Onawo Russel M. Nelson, “Decisions for Eternity,” Liahona, Mbudzi 2013, 106–9; Topics and Questions, “Foreordination,” “Premortal Life,” Gospel Library.
Muna Muporofita Jeremia 2:13, Ishe vakaenzanisa mamiriro ezvepamweya evanhu “nezvirongo zvakaputsika” uye Vakazvienzanisa “netsime remvura mhenyu.”
Muporofita Jeremia 2; 7
“Vakandisiya ini tsime remvura mhenyu.”
Munzvimbo yaiva isina mvura iyo yaigara vaIsraeri, vanhu vaichengetera mvura yakakosha mumadziva akavakirwa pasi pevhu ainzi zvirongo. Unofunga kuti “zvirongo zvakaputsika” zvakataurwa muna Muporofita Jeremia 2:13 zvingamiririra chii? Sei kuwana mvura kubva mutsime kuri nani pane kuvimba nechirongo? Zvinorevei kusiya “tsime remvura mhenyu”? Apo paunenge uchiverenga Muporofita Jeremia 2 uye 7, cherechedza masiyiro aita vanhu mvura mhenyu yaIshe (ona, somuenzaniso, Muporofita Jeremia 2:26–28; 7:2–11). Sei “mvura mhenyu” iri chiratidzo chakanaka cheizvo Muponesi zvaanopa kwauri? Funga pamusoro pokuti uri kugamuchira sei mvura mhenyu.
Muporofita Jeremia 7 inotaura kuvanhu vaipinda “muimba yaIshe … kuzonamata Ishe,” asi zviito zvavo zvaisaenderana nekuzvipira kwavo kwekunze (ona ndima 2–11). Mashoko api aunonzwa kuti Ishe vangava navo kwauri mundima 21–23?
Shandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa. Vaporofita vaIshe kazhinji vanoenzanisa zvokwadi zvepamweya nezvinhu zvinozivikanwa. Funga kuita zvimwechetezvo apo paunodzidza nokudzidzisa vhangeri. Somuenzaniso, kuti vafungidzire Muporofita Jeremia 2:13, unokwanisa kuisa mvura mumudziyo wakatsemuka kana wakapwanyika kana kunwa kubva mutsime remvura. Jesu akaita “setsime remvura mhenyu” sei? Muporofita Jeremia 2:13). Tinonwa sei kubva kumvura mhenyu Yavo?
Muporofita Jeremia 3:14–18; 16:14–21
Ishe vanozounganidza vanhu Vavo.
Muna Muporofita Jeremia 16:14–15, Jeremia akaenzanisa kuunganidzwa kweIsraeri mumazuva okupedzisira noKubuda kweIsraeri kubva muEgipita. Mumafungiro ako, sei kuunganidzwa kwacho kwaizova kwakanyanya kukosha kuvanhu vaMwari kupfuura kuBuda muEgipita?
Chii chitinoudzwa muna Muporofita Jeremia 3:14–18; 16:14–21 pamusoro pokuti kuunganidzwa uku kunoitika sei?
Mushoko ravo “Hope of Israel,” Mutungamiri Russell M. Nelson, saJeremia, vakadzidzisa kuti kuunganidzwa kweIsraeri “ndicho chinhu chakakosha zvikurusa chiri kutora nzvimbo panyika nhasi” (musangano wemunamato wevechidiki wepasi rose, Chikumi 3, 2018, Gospel Library). Verenga kana kuteerera kushoko ravo, uye ona kana uchikwanisa kuziva (a) matsananguriro anoita Mutungamiri Nelson kuunganidzwa kweIsraeri, (b) matsananguriro avanoita kukosha kwazvo, uye (c) kuti unokwanisa sei kuva chikamu chokuunganidzwa kwacho.
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Jeremia 1:5
Baba Vokudenga vaindiziva ndisati ndazvarwa.
-
Kuti usume chokwadi chakakosha chakadzidziswa muna Muporofita Jeremia 1:5, unokwanisa kuratidza vana vako mufananidzo wemwana mucheche (kana kuti, kana zvichiita, munokwanisa kuona mifananidzo yevana vako apo pavaiva vachiri vacheche). Bvunza vana vako kana vachiziva kwavaigara vasati vazvarwa. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwunodzidzisa pamusoro poupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, sezvakaita “I Lived in Heaven” (Children’s Songbook, 4).
-
Kana vana vako vachida kudzidza zvimwe zvakawanda, unokwanisa kuvabatsira kuwana “Upenyu Tisati Tazvarwa Panyika” muNhungamiri kuMagwaro Matsvene. Vanokwanisa kutsvaka mhinduro kumibvunzo yokuti “ndiani,” “riini,” uye “chii” pamusoro poupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika.
Muporofita Jeremia 1:4–19
Vaporofita vanodaidzwa kuti vataure mashoko aIshe.
-
Funga pamusoro pokuratidza mifananidzo yemuporofita anorarama kana vaparofita kubva mumagwaro matsvene (unokwanisa kuwana vamwe muMamagazini eChechi, Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, uye muHuyai, Munditevere). Bvunza vana vako kuti chii chavanoziva pamusoro pevaporofita.
-
Kuti udzidzise pamusoro pezvinoitwa navaporofita, unogona kusarudza dzimwe ndima dzinobatsira kubva kuna Muporofita Jeremia 1, sezvakaita ndima 5, 7, 10, uye 19. Vana vako vanokwanisa kusarudza imwe yendima idzi, voiverenga, uye vogovera chimwe chinhu chavanodzidza pamusoro pevaporofita.
Muporofita Jeremia 16:14–16
Ndinokwanisa kubatsira vana vaBaba Vokudenga kudzokera kwaVari.
-
Apo paunenge uchiverenga Muporofita Jeremia 16:16, vana vako vanokwanisa kunyepedzera “kuraura” kana “kuvhima” zvinhu zviri mukati memupanda. Mutungamiri Russell M. Nelson vakaenzanisa varedzi uye vavhimi vari mundima ino navashumi (ona “The Gathering of Scattered Israel,” Liahona, Mbudzi. 2006, 81). Chii chinoitwa navashumiri? Tingabatsire sei “kuraura” uye “kuvhima” Israeri yakaparadzirwa? (ona “A Message for Children from President Russell M. Nelson” [vhidhiyo], ChurchofJesusChrist.org).
3:30Video: A Message for Children from President Russell M. Nelson
Muporofita Jeremia 18:1–6
Ndinokwanisa kurega Ishe vachitungamirira upenyu hwangu, sezvinoita muumbi anoumba ivhu.
-
Kuitira kuwongorora ndima idzi, munokwanisa kukurukura kana kuratidza kuti zviumbwa zveivhu zvinoumbwa sei (ona mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino). Mashoko api ayo Ishe avanawo kwatiri muna Muporofita Jeremia 18:1–6? Zvinorevei kuva ivhu rokuumbisa mumaoko aIshe? (onawo Muporofita Isaya 64:8). Kuti uwane imwe nyaya inotienzanisa kuivhu romuumbi, ona shoko raGosa Richard J. Maynes The Joy of Living a Christ-Centred Life” (Liahona, Mbudzi 2015, 27–30).