Gumiguru 26–Mbudzi 1. ‘Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro’: Muporofita Jeremia 30–33; 36–39; Mariro aJeremia 1; 3” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
Gumiguru 26–Mbudzi 1. ‘Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Jeremiah Lamenting the Destruction of Jerusalem [Jeremia Achichema Ruparadzo rweJerusarema], naRembrandt van Rijn
“Ndichashandura Kuchema Kwavo uve Mufaro”
Muporofita Jeremia 31–33; 36–39; Mariro aJeremia 1; 3
Apo Ishe pavakatanga kudaidza Jeremia kuti ave muporofita, Vakamuudza kuti basa rake raizova “rekudzura, nokukoromora” (Muporofita Jeremia 1:10)—uye muJerusarema, maiva nehunyangadzi hwakawanda hwokudzura nokukoromora. Asi izvi zvaiva chete chikamu chebasa raJeremia—akadaidzwawo “kuvaka, nokurima” (Muporofita Jeremia 1:10). Chii chinokwanisa kuvakwa kana kurimwa mumatongo akaparadzwa ayo akasiiwa neupanduki hwavanhu vechibvumirano? Zvichibvunzwa neimwe nzira, apo zvivi kana matambudziko pazvinenge zvasiya upenyu hwedu hwaparara, tingakwanisa sei kuvakazve nekurima zvakare? Mhinduro yacho inokwanisa kuwanikwa “muDavi roururami” (Muporofita Jeremia 33:15), Mesiasi akavimbiswa. Anounza “sungano itsva” (Muporofita Jeremia 31:31)—iyo inoda zvakawanda kupfuura kuzvipira kwechitarisiko chokunze. Mutemo wake unofanira kuva “mukati [medu]” wakanyorwa “mumwoyo [yedu].” Ndizvo zvazvinoreva kuti Ishe “vave Mwari [wedu]” uye kuti isu “tive vanhu [Vavo]” (Muporofita Jeremia 31:33). Izvi zviitiko zvoupenyu hwose, uye tinozoramba tichiita zvikanganiso uye tigova nechikonzero chekuchema nguva nenguva. Asi apo patinodaro, Ishe vanovimbisa kuti, “Ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro” (Muporofita Jeremia 31:13).
Kuti uwane pfupiso yeMariro aJeremia, ona “Mariro aJeremia, Bhuku re” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Jeremia 31; 33
Ishe vanozoburitsa vanhu Vavo vechibvumirano kubva muutapwa.
Muna Muporofita Jeremia 30–31; 33 Ishe vakabvumira “kuwungudza nokuchema kukuru” (Muporofita Jeremia 31:15) uko vaIsraeri kwavaizosangana nako muutapwa. Zvisinei, Vakapawo mashoko enyaradzo netariro. Atsvake apo paunoverenga zvitsauko izvi. Ivimbiso dzipi dzaunowana dzinoshanda kwauri?
Muporofita Jeremia 31:31–34; 32:37–42
“Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.”
Kunyangwe zvazvo vaIsraeri vakanga vatyora zvibvumirano zvavo, Jeremia akaporofita kuti Ishe vaizomisa zvakare “sungano isingaperi” uye “itsva” navo (Muporofita Jeremia 31:31; 32:40). Chibvumirano ichocho ndechipi? Funga pamusoro pekutsvaka nzwisiso muNhungamiro kuMagwaro Matsvene, “New and Everlasting Covenant,” Gospel Library.
Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 31:31–34; 32:37–42, fungisisa:
-
Zvazvinoreva kwauri kuva chikamu chevanhu vechibvumirano vaMwari.
-
Zvazvinoreva kuva nemutemo Wavo wakanyorwa mumwoyo wako?
-
Izvo Ishe zvavanovimbisa apo paunoita zvibvumirano Navo.
-
Mashandurirwo aunoitwa neukama hwechibvumirano hwako naIshe.
Ndedzipi vimbiso dzawakaita kuna Mwari apo pawakatora chinhanho muzvisungo zvinoera? Varikuzadzikisa sei vimbiso Dzavo kwauri?
Onawo David A, Bednar, “Abide in Me, and I in You; Therefore Walk with Me,” Liahona, Chivabvu 2023, 123–26.
Muporofita Jeremia 36
Magwaro matsvene ane simba rekundifuratidza kubva pane zvakaipa.
Maererano naMuporofita Jeremia 36:2–3, sei Ishe vakaraira Jeremia kuti anyore pasi huporofita hwake? Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 36, cherechedza manzwiro akaita vanhu vanotevera pamusoro pehuporofita uhwu:
-
Ishe (ona ndima 1–3, 27—31)
-
Jeremia (ona ndima 4–7, 32)
-
Baruki (ona ndima 4, 8–10, 14–18)
-
Jehudi naMambo Jeoiakimi (ona ndima 20–26)
-
Ernatani, Deraia, naGemaria (ona ndima 25)
Fungisisa manzwiro aunoita pamusoro pemagwaro matsvene. Akakubatsira sei kufuratira kubva pane zvakaipa?
Muporofita Jeremia 37–39
Iva wakasimba mukutevera vaporofita vaMwari.
Muna Muporofita Jeremia 37:1–3, 15–21; 38:1–6, 14–28, umboo hwupi hwaunoona hwokuti Mambo Zedekia akatenda kuti Jeremia aiva muporofita wechokwadi waIshe? Umboo hwupi hwaunoona hwokuti Zedekia haana kutenda? Chii chaunodzidza kubva paenzaniso iyi? Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 39, fungisisa mutsauko wazvaizoita dai Zedekia nevanhu vake vakatevera muporofita uye vakachengeta mirairo yaIshe. (Enzanisa izvo zvakaitika kuna Zedekia neizvo zvakaitika kumhuri yaRihai muna 1 Nifai 1–2.)
Muporofita Jeremia 38:6–13; 39:15–18
Ndinokwanisa kushinga mukurwira izvo zvakarurama.
Machinda amambo akanzwa kuti huporofita hwaJeremia hwaiita kuti varwi vavo vasanyanya kuda kurwa, saka vakakanda Jeremia mugomba rine tsvina (ona Muporofita Jeremia 38:1–4). Muna Muporofita Jeremia 38:6–13, chii chinokufadza pamusoro pedaviro yaEbedi-mereki muEtiopia? Cherechedzawo ropafadzo Ishe ravakapa Ebedi-mereki muna Muporofita Jeremia 39:15–18.
Ungakwanisa sei kutevera muenzaniso waEbedi-mereki?
The Cry of Jeremiah the Prophet [Kuchema kwaJeremia Muporofita], kubva parunyoro rwakavezerwa neNazarene School
Mariro aJeremia 1; 3
Ishe vanokwanisa kurerutsa rusuwo rwatinosangana narwo nokuda kwezvivi.
Bhuku reMariro aJeremia muunganidzwa wenhetembo dzakanyorwa mushure meruparadzo rweJerusarema netemberi yaro. Sei uchifunga kuti zvakakosha kuti vakachengetedzwa? Funga pamusoro peizvo madimikira ari muMariro aJeremia 1 uye 3 zvaanokubatsira kunzwisisa pamusoro perusuwo rukuru rwakanzwikwa neIsraeri. Ndeapi mashoko etariro muna Kristu aunowana? (ona kunyanya Mariro aJeremia 3:20–33; onawo Mateo 5:4; Jakobo 4:8–10; Aruma 36:17–20).
Mutungamiri M. Russell Ballard vakataura mamiriro ezvinhu akati wandei anogona kukonzera kuti vamwe varasikirwe netariro, uye vakapa rairo pamusoro peuko kwekuwana tariro:
“Vamwe vedu tinogona kuwana upenyu hwedu hwakaremerwa neshungurudzo, zvigumburiso, uye rusuwo. Vazhinji vanonzwa vasingakwanisi kuzvibatsira kana kubatsira mumwe munhu kugadzirisa nyonganyonga irikuratidzika kukunda munyika. Vamwe vanorwadziwa zvikuru pamusoro penhengo dzemhuri dziri kuyeredzerwa kure mumasaisai anokurumidza, anesimba etsika dziri kuderera uye emwero wehunhu urikudzikira. … Vakawanda vakatogamuchira hunyangadzi nehutsinye hwenyika sezvinhu zvisisakwanisi kugadziriswa. Vakarashikirwa netariro. …
“… Vamwe pakati pedu vanogona kunge vakarashikirwa netariro yose nokuda kwezvivi nezvitadzo. Munhu anokwanisa kuva akunyura zvakadzama zvikuru munzira dzakaora dzenyika zvokuti haaoni nzira yokubuda nayo mazviri uye orashikirwa netariro yose. Teterero yangu kuna vose vakawira mumuteyo uyu wemuvengi ndeye kusambofa makaora mwoyo! Zvisinei nokuti zvinhu zvingaratidzika sezvisisina tariro sei kana kuti zvingazosvika pakusava netariro sei, ndapota bvumai zvandinotaura, munokwanisa kuva netariro nguva dzose. Nguva dzose” (“The Joy of Hope Fulfilled,” Ensign, Mbudzi 1992, 31–32).
Onawo “Come, Ye Disconsolate,” Hymns, nhamba 115.
Batsira vamwe kuti vazive kuti kudzidza kwavo pachavo ibasa ravo. Dzimwe nguva zvinoratidzika sokunge nzira iri nyoresesa yekudzidzisa ndeye kungoudza vadzidzi zvatinofunga kuti vanofanira kuziva. Zvisinei, nzira iri nyoresesa haisi nzira yakanakisisa nguva dzose. Zvisinei, Gosa David A. Bednar vakaraira kuti: “Vavariro yedu haifaniri kuva yokuti ‘Chii chandinovaudza?’ Pane kudaro, mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza ndeyokuti ‘Chii chandinokwanisa kuvakoka kuti vaite? Ndeipi mibvunzo yakafemerwa yandinokwanisa kubvunza iyo, kana vachida kupindura, inozotanga kukoka Mweya Mutsvene muupenyu hwavo?’” (evening with a General Authority, Kukadzi 7, 2020, broadcasts.ChurchofJesusChrist.org; onawo Teaching in the Savior’s Way, 25). Pane nzira dzakawanda dzekubatsira vadzidzi kuti vazive kuti kudzidza kwavo pachavo ibasa ravo. Somuenzaniso, muchidzidzo chino vadzidzi vanokokwa kuti varonde, vafungisise, vaite midorongodzwa, vatarise pamifananidzo, vatore chinhanho muzvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa, vadhirowe, uye vagovere uye vashandise izvo zvavanodzidza.
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Jeremia 31:3
Baba Vokudenga naJesu Kristu vanondida “norudo rusingaperi.”
-
Apo paunoverenga Muporofita Jeremia 31:3 nevana vako, vanokwanisa kukubatsira kuwana zvinhu (kana mifananidzo yezvinhu) zvinogara kwenguva refu, zvakaita semari yesimbi, uye zvimwe zvisingagari kwenguva refu, zvakaita semuchero. Munokwanisa kutaura pamusoro pezvinoreva “rusingaperi“ uye mogoverana manzwiro amakaita “rudo rusingaperi” rwaBaba Vokudenga. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwakaita serwokuti “God Is Watching Over All” (Children’s Songbook, 229).
Muporofita Jeremia 31:31–34; 32:38–41
Mwari vanozondibatsira kuchengeta zvibvumirano zvangu.
-
Vana vako vangangonakidzwa nekudhirowa mwoyo pabepa uye zvino vonyora mumwoyo wacho zvinhu zvavanodzidza kubva muna Muporofita Jeremia 31:31–34 pamusoro pekuita zvibvumirano naMwari. Mungangoda kuwongorora chibvumirano chavanoita parubhabhatidzo (ona Mosaya 18:10, 13) uye mokurukura zvazvinoreva kuva nevimbiso idzi dzakanyorwa mumwoyo yavo.
Muporofita Jeremia 1:1–10
Magwaro matsvene ishoko raMwari.
-
Peji yechiitwa chevhiki rino inokwanisa kubatsira vana vako kudzidza pamusoro paJeremia, Baruki, namambo (ona Muporofita Jeremia 36). Vanokwanisawo kuita zviito zvinoenderana nemashoko ari muna Muporofita Jeremia 36:4–10, zvakaita sekunyora mubhuku (ona ndima 4) uye kuverenga magwaro matsvene kuvanhu (ona ndima 8, 10).
-
Iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pabhuku revana vadiki uye bhuku remagwaro matsvene motaura pamusoro pekuti mabhuku aya akasiyana sei. Chii chinoita kuti magwaro matsvene ave akakosha? Zvinogona kuva zvinokurudzira kugoverana dzimwe ndima dzemagwaro matsvene dzakakosha kwamuri.
Muporofita Jeremia 38:6–13
Ndinokwanisa kurwira zvakarurama.
-
Unokwanisa kushandisa mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino kubatsira vana vako kufungidzira nyaya yaEbedi-mereki iri muna Muporofita Jeremia 38:6–13. Zvimwe ungakwanisa kuvabatsira kuwana ndima umo Ebedi-mereki maakaita chimwe chinhu chine ushingi kubatsira muporofita waIshe. Chii chatinokwanisa kuita kuratidza kuti tinoziva kuti muporofita wedu nhasi akadaidzwa naMwari?
Mariro aJeremia 1:1–2, 16; 3:22–26
Muponesi akaita kuti zvikwanisike kuti ndiregererwe zvivi zvangu.
-
Kuti usume Mariro aJeremia, ungangoda kutsanangura kuvana vako kuti nokuda kwekuti vaIsraeri vakanga vasina kutendeuka, Jerusarema netemberi zvakaparadzwa. Munokwanisa kugoverana manzwiro amungadai makaita dai maiva muchigara ikoko panguva iyoyo (ona Mariro aJeremia 1:1–2, 16). Shoko riri muMariro aJeremia 3:22–26 ringadai rakakupa tariro sei?
-
Munokwanisawo kutaurirana pamusoro penguva dzamakanzwa kusuwa pamusoro pesarudzo yakaipa yamakaita. Chii chatinowana muMariro aJeremia 3:22–26 chinotibatsira kunzwisisa ruregerero rwunopuwa naJesu Kristu?