“Mbudzi 23–29. ‘Tsvakai Ishe, Murarame’: Muporofita Amosi; Muporofita Obadia; Muporofita Jona,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Mbudzi 23–29. ‘Tsvakai Ishe, Murarame,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Jonah on the Beach at Nineveh, [Jona ari paMahombekombe eGungwa kuNineve], naDaniel Lewis
Mbudzi 23–29: “Tsvakai Ishe, Murarame”
Muporofita Amosi; Muporofita Obadia; Muporofita Jona
Jona aiva muchikepe chaienda kuTashishi. Hapana chakaipa nokuenda kuTashishi muchikepe, kunze kwokuti kure zvikuru kubva kuNineve, uko Jona kwaaifanira kuenda kunosvitsa shoko raMwari. Apo chikepe pachakasangana nedutu guru, Jona akaziva kuti zvakaitika nokuda kwokusateerera kwake. Vamanikidzwa naJona, vamwe vake vafambisi vechikepe vakamukanda muudzamu hwegungwa kuitira kudzikamisa dutu. Zvakataridzika semagumo aJona nehushumiri hwake. Asi Ishe vakanga vasina kuora mwoyo naJonah—sokusaora mwoyo kwavakanga vaita navanhu veNineve uyewo sokusaora mwoyo kwavanoita naani nani zvake wedu.
Naizvozvo Vanoramba vachituma vaporofita vakaita—saJona, Amosi, Obadia, uye vaporofita vedu nhasi—neshoko rekuti, kana tikatendeuka, hatizorashwi nariinhi nariinhi. Pane zvose “zvakavanzika” Mwari zvavanozarura (ona Muporofita Amosi 3:7), ichi chiri pakati pezvinokoshesesa: kuti nokuda kwaJesu Kristu, hausi unombonzi wanyanya kunonoka kuita shanduro. Vachiri kuda kutibatsira kurarama maererano nezvibvumirano zvatakaita Navo, uye Vanoda kutipa mumwe mukana.
Kuti uwane zvimwe zvakawanda pamusoro pemabhuku aya, ona “Muporofita Amosi,” “Muporofita Obadia” uye “Muporofita Jona” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Amosi 3:1–8; 7:10–15
Ishe vanozarura chokwadi kuburikidza navaporofita Vavo.
Muna Muporofita Amosi 3:3–6, muporofita Amosi akapa mienzaniso yemhedzisiro dzatinokwanisa kusvika padziri kubva pazviratidzo zvatinonzwa kana zvatinoona: Apo shumba painodzvova, inofanira kunge yabata mhuka; kana shiri ikabatwa mumuteyo, panofanira kunge panga paine chiteyeso ipapo. Mundima 7–8, Amosi akashandisa mafungiro kwawo aya kuvaporofita. Imhedzisiro dzipi dzatinokwanisa kusvika padziri apo muporofita paanoporofita? Ndezvipi zvimwe zvaunodzidza pamusoro pevaporofita kubva muna Muporofita Amosi 7:10–15?
Chii chakazarurwa naIshe kwauri kuburikidza navaporofita Vavo?
Gosa Ulisses Soares vakati “kuva nevaporofita chiratidzo cherudo rwaMwari” (“Prophets Speak by the Power of the Holy Spirit,” Liahona, Chivabvu 2018, 99). Funga pamusoro pekuti ungapedzisa sei mutsetse uyu: “Ndinoziva kuti Mwari vanondida, nokuti Vanotuma vaporofita vano …” Hezvino zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinokwanisa kubatsira: Deuteronomio 18:18; Muporofita Ezekieri 3:16–17; VaEfeso 4:11–14; 1 Nifai 22:2; Dzidziso neZvibvumirano 21:4–6; 84:36–38; 107:91–92.
Unozoti kudii kune mumwe munhu anonzwa kuti vaporofita havadikanwi nhasi?
Onawo Topics and Questions, “Prophets [Vaporofita]” Gospel Library.
Muporofita Amosi 4–5
“Tsvakai Ishe, murarame.”
Maererano naMuporofita Amosi 4:6-13, chii icho Ishe chavakanga vatarisira kuti chaizoitika mushure mokunge vaIsraeri vasangana nemiedzo? (onawo Hiramani 12:3). Apo miedzo yako ingange isina kutumirwa naMwari, yakakupa sei mikana yekutendeukira kwaVari?
Apo paunoverenga Muporofita Amosi 5:4, 14–15, fungisisa kuti Ishe vakava nenyasha sei kwauri. KuVatsvaka kwakakuunzira sei upenyu?
Muporofita Amosi 8:11–12
Shoko raIshe rinokwanisa kugutsa nzara nenyota zvapamweya.
Apo paunoverenga Muporofita Amosi 8:11–12, funga pamusoro pokuti sei nzara iri enzaniso yakanaka yekurarama usina shoko raMwari (onawo Johane 6:26–35; 2 Nifai 9:50–51; 32:3; Enosi 1:4–8). Unoziva sei apo paunenge uine nzara yezvepamweya?
Ndima idzi dzinokwanisawo kuva maererano neKutsauka Kukuru (ona Topics and Questions, “Apostasy,” Gospel Library). “Nzara” yezvepamweya iyoyo yakashandura sei vana vaMwari? Kudzorerwa kwakagutsa sei nzara yako yezvepamweya?
Onawo “The Great Apostasy” (vhidhiyo), Gospel Library.
The Great Apostasy
Muporofita Obadia 1:21
Ndivanaani “vaponesi … pagomo reZioni”?
Vachitaura nezva Muporofita Obadia1:21, Mutungamiri Gordon B. Hinckley vakatsanangura kuti tinova vaponesi paGomo reZioni apo patinogamuchira zvisungo muchinzvimbo chevakafa mutemberi (ona “Closing Remarks,” Liahona, Mbudzi 2004, 105). Kuita basa iroro kwakafanana sei—kana chete nemunzira duku—nezvatakaitirwa neMuponesi? Kuita basa iri kwakakubatsira sei kunzwa uri pedyosa neMuponesi?
Onawo “Holy Temples on Mount Zion,” Hymns, nhamba 289.
Muporofita Jona 1–4
Ishe vanonzwira ngoni kuna vose avo vanotendeukira kwaVari.
Nineve yaiva mhandu yeIsraeri yaizivikanwa nokuda kwechisimba nehutsinye hwayo. Kuna Jona, zvairatidzika sechinhu chisingaitiki kuti vaiva vakagadzirira kutendeuka. Zvingangova zvinonakidza kuenzanisa mafungiro aJona (ona Muporofita Jona 1; 3–4), kumanzwiro aAruma navanakomana vaMosaya (ona Mosaya 28:1–5; Aruma 17:23–25). Chii chaunodzidza kubva muna Muporofita Jona 3 chinokukurudzira kuti ugoverane vhangeri kunyangwe naavo vangangoratidzika savasati vagadzirira kushanduka?
Apo paunoverenga Muporofita Jona, tsvaka mienzaniso yengoni dzaIshe. Sei uchinzwa kuti Jona “akaodzwa mwoyo” uye “akatsamwa” (Muporofita Jona 4:1) apo Ishe pavakaratidza ngoni kuvanhu veNineve? Chii chaunonzwa kuti Ishe vaiedza kumudzidzisa muchitsauko 4? Fungisisa pamusoro pamaonero awakaita ngoni Dzavo muupenyu hwako. Chii chaunodzidza kubva kuna Jona chinokwanisa kukubatsira kuti unyanye kuva nengoni?
Mazano eKudzidzisa Vana
Nokuda kwekuti Svondo ino iSvondo yechishanu yemwedzi, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kushandisa zviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: Kugadzirira Vana Kuti Varambe Vari Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”
Muporofita Amosi 3:7
Vaporofita vatumwa vaJesu Kristu.
-
Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa Muporofita Amosi 3:7, unokwanisa kuzevezera shoko riri nyore kune mumwe wavo uye womukumbira kuti agoverane nevamwe vana shoko racho. Mutumwa muchiitwa chino akafanana sei nemuporofita? Sei Ishe vachitipa vaporofita?
-
Kuti udzidze zvimwe pamusoro pezvinoitwa nevaporofita, iwe nevana vako munokwanisa kuwongorora mashoko enguva ichangopfuura akabva kuMutungamiri weChechi waikozvino. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo pamusoro pevaporofita rwakaita serwokuti“Tinokutendai neMuporofita” (Nziyo neDzevana Vadiki, 70). Goveranai kuti sei muchisarudza kutevera muporofita waMwari.
Batsira vana kudzidza zvinyorwa zvitsvene nemusoro. Gosa Richard G. Scott vakagovera kuti: “Kudzidza chinyorwa chitsvene nemusoro kuumba ushamwari hutsva. Zvakafanana nekuwana munhu mutsva anokwanisa kubatsira munguva inodikanwa rubatsiro, kupa femero nenyaradzo, uye kuva manyuko ekurudziro yeshanduko inodikanwa” (“The Power of Scripture,” Ensign, Mbudzi 2011, 6). Kuti ubatsire vana vako kudzidza nemusoro ndima yose kana chikamu chaMuporofita Amos 3:7, unokwanisa kuinyora pasi uye moidzokorora pamwechete. Zvino unokwanisa kudzima kana kufukidza mashoko mashoma panguva imwechete kusvikira vana vako vakwanisa kudzokorora ndima yose nemusoro.
Muporofita Amosi 8:11–12
Kudzorerwa kwevhangeri kwakagumisa nzara yerutsauko.
-
Koka vana vako kuti vanyepedzere kuva nenzara apo paunoverenga Muporofita Amosi 8:11–12. Tinonzwa sei apo patinenge tiine nzara yeshoko raMwari? Pamwe vana vako vanokwanisa kunyepedzera kudya apo pamunogoverana zvimwe zvezvinyorwa zvitsvene zvenyu zvamunonyanya kuda.
-
Unokwanisa kushandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Kutsauka” (Raibhurari yeVhangeri), kana “Mushure meTestamente Itsva” (muNyaya dzemuTestamente Itsva, 167-70) kubatsira vana vako kunzwisisa nezve “nzara” yakauya kubva paKutsauka Kukuru uye magumiro ayakaita nekuda kweKudzorerwa. Goveranai zvikonzero zvinoita kuti muvonge kuti Ishe vakadzorera vhangeri Ravo muzuva redu.
2:52After the New Testament
Muporofita Jona 1–3
Ishe vanozondibatsira kuVateerera, kunyangwe apo pazvinenge zvakaoma.
-
Kubatsira vana vako kudzidza nyaya yaJona, munokwanisa kuwongorora “Jona Muporofita” muNyaya dzemuTestamente Itsva; (onawo peji yechiitwa chevhiki rino). Unokwanisa zvino kubvunza kuti:
-
Chii chakaitika apo Jona paasina kuteerera Ishe? (ona Muporofita Jona 1:4–17).
-
Chii chakaitwa naJona kuti atendeuke? (ona Muporofita Jona 1:10–12; 2:1–4, 9; 3:1–4).
-
Chii chakaitika apo Jona paakateerera? (ona Muporofita Jona 3:5).
2:30Jonah the Prophet
-
-
Vana vako vangangonakidzwa nekutaurazve nyaya yaJona kana kuita mutambo wayo. Goveranai zvimwe zviitiko zveapo Ishe pavaida kuti uite chimwe chinhu chakanga chakaoma kwauri. Vakakubatsira sei kuVateerera?
Muporofita Jona 1–4
Ishe vanonzwira ngoni kuna vose avo vanotendeukira kwaVari.
-
Pamwe vana vako vanokwanisa kunyepedzera kuti vari kubvunzurudza Jona pamusoro pechiitiko chake. Mibvunzo ipi yavaizomubvunza? Vakurudzire kuti vabvunze mibvunzo yokuti vawane zvakadzidzwa naJona pamusoro paIshe. Jona angataura kuti kudii, somuenzaniso, pamusoro pengoni dzaIshe? (ona, somuenzaniso, Muporofita Jona 2:7–10; 3:10; 4:2).
Christ and the Palsied Man [Kristu neMurume Wakafa Mutezo], naJ. Kirk Richards
-
Batsira vana vako kufunga mienzaniso yeapo Muponesi paakaratidza ngoni kune vamwe, sezvakaita muna Marko 2:3–12; Ruka 23:33–34; uye Johane 8:1–11. Iwe navana vako munokwanisa kutsvaka mifananidzo yemienzaniso iyi. Ndeipi mikana yatinayo yekuva nengoni kune vamwe?