“Mbudzi 2–8. ‘Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva’: Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Mbudzi 2–8. ‘Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Mbudzi 2–8: “Ndichaisa Mukati Menyu Mweya Mutsva”
Muporofita Ezekieri 1–3; 33–34; 36–37; 47
Ezekieri aiva muporofita aiva muutapwa. Pamwepo nevamwe vaIsraeri, akanga atapwa uye akaendeswa kuBabironi. MuJerusarema, Ezekieri angadai aiva mupirisita aishandira mutemberi. MuBabironi, aiva pakati paavo “vaiva pakutapwa,” uye “akagara pavakanga vagere” (Muporofita Ezekieri 3:15), mazana emamaira kubva kuimba yaidiwa yaMwari uye aine tarisiro shoma yekudzokera. Zvino rimwe zuva Ezekieri akava nechiratidzo. Akaona “kubwinya kwaIshe” (Muporofita Ezekieri 1:28)—kwete achiri mutemberi kuJerusarema asi imomo muBabironi pakati pevatapwa. Hunyangadzi muJerusarema, akaziva kudaro, hwakanga hwava hwakakomba zvokuti huvepo hwaMwari hwakanga hwusisipo (ona Muporofita Ezekieri 8–11; 33:21).
Asi zvakadaro pane chimwe chinhu chine tariro pamusoro peshoko raEzekieri. Zvisinei nokuti vanhu vechibvumirano vakanga vawira kure zvakadii, Mwari vakanga vasina kuvasiya zvachose. Kana “vakanzwa shoko raIshe” (Muporofita Ezekieri 37:4) izvo zvaimbova zvakafa zvaizokwanisa kumutswa. “Mwoyo webwe” wavo unokwanisa kutsiviwa “nemwoyo mutsva” (Muporofita Ezekieri 36:26). Uye muneramangwana, Ishe vanozomisa temberi itsva uye Jerusarema itsva, uye “zita reguta kubva pazuva iroro rinofanira kunzi, Ishe uripo” (Ezekieri 48:35).
Kuti uwane pfupiso yebhuku raEzekieri, ona “Ezekieri“ muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Ezekieri 3; 34
Ishe vanondikoka kuti ndifudze makwai Avo.
Muna Muporofita Ezekieri 3 uye 34, Ishe vanotaura nezve vatungamiri vavanhu Vavo savarindi navafudzi. Apo paunoverenga zvitsauko izvi, funga pamusoro pezvinotaurwa nemazita aya pamusoro pezvazvinoreva kuva mutungamiri.
Ndivanaani “makwai” ayo Ishe avanoda kuti ufudze? Chii chaunowana muna Muporofita Ezekieri 34 chinokwanisa kubatsira mumwe munhu kugadzirira kushandira muhushumiri, kurera vana, kana kuzadzikisa basa rekushumira? Ungatevera sei muenzaniso weMuponesi semufudzi wedu? (ona ndima 11–31).
Ungangofungisisawo mucherechedzo waunowana muchitsauko chino. “Mafuro akanaka” uye “danga rakanaka” zviri mundima 14 zvingamiririra chii? Musiyano upi uri pakati pegwai “rakarashika” uye iro “rakadzingwa”? (ndima 16). Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvaunowana?
Onawo Johane 21:15–17; Gerrit W. Gong, “Ministering,” Liahona, Chavabvu 2023, 16–19.
Muporofita Ezekieri 33:10–19
Ishe vanoda kuregerera.
“Zvino, … kana zvivi zvedu zviri pamusoro pedu,” vaIsraeri vaiva nhapwa vakazvibvunza, “tichararama seiko?” (Muporofita Ezekieri 33:10). Mukupindura, Ishe vakavadzidzisa chokwadi chakakosha pamusoro porutendeuko neruregerero. Mibvunzo iyi ingangokwanisa kukubatsira kufungisisa izvo zvaVakadzidzisa:
-
Unofunga kuti zvinorevei “kuvimba nokururama [kwako] pachako”? (ona Muporofita Ezekieri 33:12–13).
-
Chii chaungataura kune mumwe munhu anonzwa kuti vanhu vanotsanangurwa muna Muporofita Ezekieri 33:12–19 havasi kubatwa zvine ruenzano? (onawo Mateo 21:28–31; Ruka 18:9–14).
-
Chii chaunowana mundima idzi chinokubatsira kunzwisisa zvazvinoreva kutendeuka? Ndedzipi dzimwezve nzwisiso dzaunowana muna Muporofita Ezekieri 36:26–27 uye Aruma 7:14–16?
Muporofita Ezekieri 37
Ishe vari kuunganidza vanhu Vavo uye vachivapa upenyu hutsva.
Kuunganidzwa kweIsraeri kunoratidzwa muna Muporofita Ezekieri 37 kuburikidza nezviratidzo zviviri. Apo paunoverenga pamusoro pechokutanga—mapfupa akafa achidzoswa kuupenyu (ona ndima 1–14)—fungisisa zvazvinotaura kwauri pamusoro pekuunganidzwa kweIsraeri kumativi ose echidzitiro (onawo Muporofita Ezekieri 36:24–30). Funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:
-
Chii icho Ishe chavari kuedza kuzadzikisa kuburikiddza nekuunganidzwa kweIsraeri?
-
Vari kuzvizadzikisa sei?
Unokwanisa kuzvibvunza mibvunzo mimwecheteyo iyi apo paunoverenga pamusoro pechiratidzo chechipiri, chiri mundima 15–28. Chiratidzo ichi chiri maererano nematanda maviri, ayo vadzidzi vakawanda avanodudzira semabhodhi ekunyorera amapango akabatanidzwa nehinji. Rutanda rwaJuda runokwanisa kumiririra Bhaibheri (sezvo zvizhinji zveBhaibheri zvakanyorwa nezvizvarwa zvaJuda), uye rutanda rwaJosefa runokwanisa kumiririra Bhuku raMormoni (sezvo mhuri yaRihai yaiva zvizvarwa zvaJosefa weEgipita). Uine izvozvo mupfungwa, ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro pebasa remagwaro matsvene mukuunganidzwa kweIsraeri?
Funga pamusoro pemashandiro pamwechete akaita Bhaibheri neBhuku raMormoni muupenyu hwako—kunyanya, kukubatsira kuti uuye kuna Kristu. Ndedzipi ndima dzanga dzakanyanya kukosha kwauri?
Onawo 2 Nifai 3:11–13; 29:14; “Israel, Israel, God Is Calling,” Hymns, nhamba 7; Topics and Questions, “Bible,” “Book of Mormon,” Gospel Library; “The Book of Mormon Gathers Scattered Israel” (vhidhiyo), Gospel Library.
The Book of Mormon Gathers Scattered Israel
Muchiratidzo, Ezekieri akaona rwizi rwuchiyerera kubva mutemberi uye rukaporesa Gungwa Rakafa.
Muporofita Ezekieri 47:1–12
Ndinokwanisa kuwana ruporeso rwezvepamweya muvhangeri raJesu Kristu.
Apo paunoverenga Muporofita Ezekieri 47:1–12, zvingangobatsira kuziva kuti Gungwa Rakafa rine munyu muzhinjisa zvekuti hove nezvirimwa hazvikwanisi kugara mariri. Chii chinokufadza pamusoro pemvura dzakatsanangurwa mundima 1–12? (onawo Zvakazarurwa 22:1). Mvura idzi dzingamiririra chii? Miti yakatsanangurwa mundima 12 ingamiririra chii?
Shoko raGosa Dale. G. Renlund “Family History and Temple Work: Sealing and healing” rinowedzera chii kunzwisiso yako?(see Liahona, Chivabvu 2018, 47–48). Fungisisa kuti wakawana sei upenyu hwezvepamweya neruporeso nokuda kwetemberi.
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Ezekieri 3:7; 33:1–5
Vaporofita vakaita sevarindi vanotiyambira nezve njodzi.
-
Vana vadiki vangangonakidzwa nekuita zviito zvinoenderana naMuporofita Ezekieri 3:17. Somuenzaniso, vanokwanisa kunongedzera kumaziso avo, nzeve dzavo, uye muromo wavo apo paunoverenga mashoko ekuti “murindi,” “inzwa” uye “muromo.” Vangangodawo kuenda kunofamba mufambo murefu—kunze kana nemumupanda. Apo pavanofamba, vayambire pamusoro pezvinhu zviri munzira, zvakaita senzizi dzekusvetuka nepamusoro padzo, mapazi ekupinda nepasi pawo, kana mhuka dzekudzivirira kusangana nadzo (chaidzo kana dzekunyepedzera). Izvi zvinokwanisa kutungamirira kunhaurirano pamusoro pemayambirwo atinoitwa nemuporofita waIshe nezve njodzi dzatisingakawanisi kuona.
-
Heino imwe nzira yekuratidza Muporofita Ezekieri 3:17; 33:1–5. Mumwe wevana vako anokwanisa kunyepedzera kuva “murindi” kuburikidza nekutarisa kunze nepahwindo uye achiudza vamwe vose zviri kuitika kunze. Munokwanisawo kuona vhidhiyo inonzi “Watchman on the Tower” (ChurchofJesusChrist.org). Muporofita wedu anorarama akaita semurindi kwatiri sei?
4:17Watchman on the Tower
The Prophet Ezekiel [Muporofita Ezekieri], na Lyle Beddes
Muporofita Ezekieri 37:15–23
Bhaibheri neBhuku raMormoni zvinobatsira “kutiunganidza” kuna Jesu Kristu.
-
Mushure mokuverenga Muporofita Ezekieri 37:15–23 pamwechete, iwe nevana vako munokwanisa kuwana matanda maviri uye monyora pane rimwechete kuti RaJuda (Bhaibheri) uye pane rimwe racho RaJosefa (Bhuku raMormoni). Vanokwanisa zvino kugoverana nyaya kana zvinyorwa zvitsvene kubva muBhaibheri neBhuku raMormoni izvo zvinovabatsira kuti vanzwe kuva pedyo neMuponesi uye vagova “vanhu [Vake] ” (ndima 23). Sei zvakanaka kuti tive nemabhuku ose aya ezvinyorwa zvitsvene?
Usaedza kukurukura kana kudzidza pamusoro pezvinhu zvose. Unogona kusakwanisa kuwongorora chokwadi chose chiri muna Muporofita Ezekieri nemhuri yako. Nemunamato funga pamusoro peizvo zvavanofanira kunzwisisa, uye wotsvaka nhungamiro yezvepamweya kuti uzive izvo zvokunangisa pfungwa pazviri. (Ona Kudzidzisa neMunzira yeMuponesi, 17.)
Muporofita Ezekieri 47:1–12
Mwoyo yedu nemhuri dzedu dzinokwanisa kuwana ruporeso muimba yaIshe.
-
Muporofita Ezekieri 47 anotsanangura chiratidzo chaEzekieri chemvura inoyerera kubva mutemberi uye ichiporesa Gungwa Rakafa—gungwa rine munyu muzhinjisa zvokuti hove nezvirimwa hazvikwanisi kugara mariri. Zvimwe vana vako vangakwanisa mumwe nemumwe kudhirowa chinhu chimwechete kana zviviri kubva muchiratidzo chacho, zvakaita setemberi, rwizi, renje, Gungwa Rakafa, hove dzakawanda, kana muti wakabereka zvibereko. Zvino, apo pamunoverenga ndima 1–12 pamwechete, vanokwanisa kugovera mufananidzo wavo apo chinhu chacho pachinotaurwa. Ndeapi maropafadzo akauya kubva parwizi muchiratidzo ichi. Batsira vana kuona kuti maropafadzo aya akafanana sei nemaropafadzo anopuwa neMuponesi kuna avo vanochengeta zvibvumirano zvemutemberi. Vhidhiyo inonzi “And the River Will Grow” (Gospel Library) inokwanisa kubatsira.
3:43And the River Will Grow
-
Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwunotsanangura maropafadzo emutemberi, rwakaita serwokuti“Families Can Be Together Forever” (Children’s Songbook, 188). Chii chinodzidziswa nerumbo urwu pamusoro pemaropafadzirwo atinoitwa naIshe muimba Yavo tsvene?