“Mbudzi 9–15. “Hakuno Mumwe Mwari Unogona Kurwira” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Mbudzi 9–15. ‘Hakuno Mumwe Mwari Unogona Kurwira,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Daniel Interprets Nebuchadnezzar’s Dream [Danieri Anodudzira Chiroto chaNebukadnezari], naGrant Romney Clawson
Mbudzi 9–15: “Hakuno Mumwe Mwari Unogona Kurwira”
Muporofita Danieri 1–7
Pamwe hapana anombozokutyisidzira kuti anokukanda mubisiro remoto kana gomba reshumba nekuda kworutendo rwako muna Jesu Kristu. Asi hapana mumwe wedu anorarama nomuupenyu hwuno asina chiedzo chorutendo. Tose tinokwanisa kuwana pundutso kubva kumuenzaniso wavanhu vakaita saDanieri, Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego, avo vakatorwa senhapwa vari majaya neHumambo hweBabironi hwaiva namasimba makuru (ona 2 Madzimambo 24:10–16). Vakakomberedzwa netsika nemagariro avaiva vasingazivi avanhu vaiva nehunhu hwakasiyana nehwavo, vakatarisana nemiedzo mikuru yekusiya zvitendero zvavo uye tsika dzakarurama dzavo. Asi vakaramba vakatendeka kuzvibvumirano zvavo. Izvi vakazviita sei? Nokuita zvinhu zvidiki uye zvakareruka izvo Mwari zvavanokumbira isu tose kuti tiite—kunamata, kutsanya, kusarudza shamwari dzakanaka, kuvimba muna Mwari, uye nokuva chiedza kune vamwe. SaJosefa muEgipita naEsteri muPersia, Danieri neshamwari dzake muBabironi vakachengeta rutendo rwavo muna Mwari, uye Mwari vakaita zvishamiso izvo zvichiri kukurudzira vatendi nanhasi.
Kuti uwane pfupiso yebhuku raMuporofita Danieri, ona “Danieri” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Danieri 1; 3; 6
Ndinokwanisa kuvimba muna Ishe apo rutendo rwangu parunoedzwa.
Neimwe nzira, tose tinogara muBabironi. Tinowanzotarisana nemiedzo yokuti tikanganise mwero yedu uye nokufuratira kubva parutendo muna Kristu. Apo paunenge uchiverenga Muporofita Danieri 1, 3, uye 6, cherechedza nzira idzo Danieri, Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego dzavakamanikidzwa nadzo kuita zvinhu zvavaiziva kuti zvakanga zvisiri kwazvo. Vakadavira sei kumamiriro ezvinhu aya? (ona Muporofita Danieri 1:10–13; 3:15–18; 6:10). Ndedzipi dzaiva mhedzisiro dzerutendo rwavo? Chii chaunodzidza kubva kuzviitiko izvi chinokwanisa kukubatsira kuvimba muna Ishe apo paunotarisana nerupikiso? Fungawo pamusoro pemibvunzo inotevera:
-
Ndepapi pawakanzwa kumanikidzwa kuita chimwe chinhu chawaiziva kuti chakaipa? Ishe vakakuropadza sei nokuda kwekuchengeta mirairo Yavo?
-
Ko kana rutendo rwako rwukasatungamirira kuzvishamiso zvatinotsvaga? (somuenzaniso, ona Aruma 14:8–13). Kubva pane zvawaverenga muna Muporofita Danieri 3:13–18, unofunga kuti Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego vangadai vakapindura sei mubvunzo uyu? Muenzaniso wavo unokwanisa kushandura sei masanganiro aunoita nemiedzo yako?
-
Sarudzo dzako dzakarurama dzinogona sei kutungamirira vamwe kurutendo rukurusa muna Ishe? (ona Muporofita Danieri 2:47; 3:28–29). Fungisisa nezve shanduro dziri kuitwa panavamwe nesarudzo dzako.
Onawo Dieter F. Uchtdorf, “Be Not Afraid, Only Believe,” Liahona, Mbudzi 2015, 76–79.
Edza kusanganisira munhu wose. Muponesi “vanovakoka … vose kuti vauye kwavari uye vazova nerunako rwavo” (2 Nifai 26:33). Kana uri kudzidzisa mhuri yako kana kirasi, fungisisisa nezve nzira dzaunokwanisa kupa munhu wose mukana wokuti atore chinhanho neimwe nzira. Somuenzaniso, unokwanisa kupa munhu woga woga ndima yemagwaro matsvene, chikamu cheshoko remusangano mukuru, kana ndima kubva murwiyo kuti vafungisise uye vataure nezvazvo. Usamanikidza ani zvake kuti atore chinhanho, asi vape mikana.
Shadrach, Meshach, and Abednego in the Fiery Furnace [Shadraki, Meshaki, naAbedi‑nego Mubisiro roMoto], naWilliam Maughan
Muporofita Danieri 2
Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndihwo humambo hwaMwari panyika.
Kuburikidza nezvakazarurwa, Danieri akaona kuti chiroto chaNebukadnezari chakafanotaura umambo hwapanyika hwomune ramangwana, pamwepo neumambo hwomune ramangwana hwaMwari, uhwo “hwusingatongozoparadzwi” (Muporofita Danieri 2:44). “Chechi ndiyo umambo hwemazuva ekupedzisira uhwo hwakaporofitwa,” Gosa D.Todd Christofferson vakadzidzisa, “hahwusi hwakasikwa nemunhu asi hwakamiswa naMwari vokudenga uye hwunokungurukira mberi seibwe ‘rakachekwa kubva mugomo zvisingashandisi maoko’ kuzadza panyika” (“Why the Church,” Liahona, Mbudzi 2015,111). Funga pamusoro peumambo hwaMwari hwemazuva ekupedzisira apo paunenge uchiverenga tsananguro dzeibwe muna Muporofita Danieri 2:34–35, 44–45. Chikamu chako ndechei mukubatsira huporofita uhwu kuti hwuitike?
Onawo “Hark, All Ye Nations!,” Hymns, no. 264; “God Gave Them Knowledge” (video), ChurchofJesusChrist.org
God Gave Them Knowledge
Muporofita Danieri 2:1–30
Kugamuchira zvakazarurwa kunoda kugadzirira kwezvepamweya.
Apo paunenge uchiwongorora Muporofita Danieri 2:1–15, funga pamusoro pokuti unozonzwa sei kana ukazviwana uri muchinzvimbo chaDanieri. Chii chakaitwa naDanieri? (ona Muporofita Danieri 2:16–18). Chii chaunodzidza kubva kuna Muporofita Danieri 1:17 pamusoro pokuti Mwari vakagadzirira Danieri sei? Chii chaunokwanisa kudzidza kubva kumashoko nezviito zvaDanieri mushure mokunge agamuchira rubatsiro rwaIshe? (ona Muporofita Danieri 2:19–30).
Muporofita Danieri 7:13–14
Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waBaba Vokusingaperi.
Muhushumiri hweMuponesi pano pasi, vaJuda vazhinji vaiona zita rokuti “Mwanakomana wemunhu” kubva kuna Muporofita Danieri 7:13 seraireva Mesiasi aizouya. Chii chaunodzidza pamusoro paMesiasi kubva kuMuporofita Danieri 7:13–14? (onawo Mosesi 6:57).
Muponesi aiwanzozviti ”Mwanakomana wemunhu.” Funga kuwongorora mimwe mienzaniso: Mateo 25:31; Marko 9:31; 10:45. Chii chaAri kudzidzisa pamusoro peZvake mundima idzi? Muna Marko 14:61–64, Jesu akashandisa zita iri pazuva rokupedzisira roupenyu Hwake hwepanyika. Cherechedza zvakaitwa nevanhu vakanzwa ziviso Yake. Huporofita hwaDanieri pamusoro peMwanakomana weMunhu hwunoshandura sei manzwiro ako pamusoro pezvakaitika kwaAri muna Marko 15
Sekuvengwa kwakaitwa Jesu nokuda kwokuzivisa kwake kuti Akanga ari “Mwanakomana wemunhu,” ungatarisanawo nerutambudzwo nokuda kwokuzivisa zvokwadi. Enzanisa huporofita hwuri muna Muporofita Danieri 7:13–14 nevimbiso dziri muDzidziso neZvibvumirano 121:29, 46.
Onawo Dzidziso neZvibvumirano 49:6; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mwanakomana weMunhu,” Raibhurari yeVhangeri.
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Danieri 1; 3; 6
Jesu anozondibatsira kuita zvakanaka kunyangwe apo pazvinenge zvakaoma.
-
Kuti ubatsire vana vako kudzidza kubva munyaya dzinokurudzira dziri mubhuku raDanieri, unogona kuwana mifananidzo yezviitiko zviri muna Muporofita Danieri 1, 3, uye 6 (ona peji yechiitwa chevhiki ino kana Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 23, 25, 26). Zvino unokwanisa kuisa mifananidzo yacho pasi kumusoro kwakatarisa pasi uye wokumbira mwana kuti apindure mufananidzo mumwechete uye otaura nezvenyaya yaunomiririra. (Kuti uwane rubatsiro, ona “Danieri neShamwari Dzake,” “Shadraki, Meshaki, naAbedi-nego,” uye “Danieri neGomba reShumba” muNyaya dzeTestamente Yekare, 154–56, 160–62, 163–65.)
1:39Daniel and His Friends
1:39Shadrach, Meshach, and Abed-nego
1:45Daniel and the Lions’ Den
-
Batsira vana vako kuti vafunge nezvemamiriro ezvinhu ayo avangamanikidzwa kuita sarudzo isiri kwayo, sezvakaitwa Danieri neshamwari dzake muna Muporofita Danieri 1, 3, uye 6. Goveranai kuti makaropafadzwa sei nokuda kwokuita sarudzo yakanaka kunyangwe apo pazvainge zvakaoma. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo runoenderana nemusoro wenyaya uyu, rwakaita serwokuti “Ita Zvitsvene” (Nziyo neDzevana Vadiki, 124).
“Daniel and the King’s Meat [“Danieri uye Nyama yaMambo”], naBrian Call
Muporofita Danieri 1:1–17
Baba Vokudenga vanoda kuti nditaririre muviri wangu.
-
Kuverenga nyaya yaDanieri neshamwari dzake vachiramba nyama newaini zvamambo kunogona kukurudzira nhaurirano pamusoro pemutemo wezvehutano watakapuwa naBaba Vokudenga nhasi (ona Dzidziso neZvibvumirano 89). Pamwe munokwanisa kutsvaka maropafadzo akagamuchirwa naDanieri neshamwari dzake uye moaenzanisa nemaropafadzo ari muShoko roUngwaru (ona Muporofita Danieri 1:15–17 uye Dzidziso neZvibvumirano 89:18–21).
Muporofita Danieri 2
Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndihwo humambo hwaMwari panyika.
-
Apo paunenge uchiverenga Muporofita Danieri 2:31–35, 44–45 nevana vako, vakoke kuti vadhirowe mufananidzo wechiroto chaNebukadnezari. Vabatsire kunzwisisa kuti ibwe riri muchiroto ichi rinomiririra Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Chii chatinodzidza pamusoro peChechi kubva muchiroto ichi? Vana vako vanokwanisa kudoma zvimwe zvinhu zvakaitwa naBaba Vokudenga kuti vamise Chechi Yavo mumazuva ekupedzisira Kana vachida rubatsiro, unokwanisa kuratidza mifananidzo yezviitiko kubva kuKudzorerwa kweChechi (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 90–95).
Muporofita Danieri 6
Baba Vokudenga vanoda kuti ndinamate nguva dzose.
-
Sei kunamata kuna Baba Vokudenga kwakanga kwakakosha zvikuru kuna Danieri? Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemubvunzo uyu apo pamunenge muchiverenga Muporofita Danieri 6 pamwechete. Zvino munokwanisa kuudzana kuti sei kunamata kwakakosha kwamuri. Vana vako vangangonakidzwa nekudhirowa mifananidzo yavo ivo vachinamata vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Vanogona kushandisa mifananidzo yavo kudzidzisana kuti tinokwanisa kunamata kuna Baba Vokudenga zvisinei nokuti tiri kupi kana kuti chii chatinoda.