Huyai, Munditevere
Mbudzi 16–22. “Ndichavada Nokuda Kwangu”: Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere


“Mbudzi 16–22. ‘Ndichavada Nokuda Kwangu’: Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Moporofita Joere,‘’ Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Mbudzi 16–22. ‘Ndichavada Nokuda Kwangu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

vaviri vachangochata vari kunze kwetemberi

Mbudzi 16–22: “Ndichavada Nokuda Kwangu”

Muporofita Hosea 1–6; 10–14; Muporofita Joere

Chibvumirano cheIsraeri naIshe chaifanira kunge chakadzama uye chakakosha zvikurusa zvokuti Ishe vakachienzanisa nemuchato. Chibvumirano ichi, semuchato, chaisanganisira kuzvipira kwokusingaperi, kuva nezviitiko zvimwechetezvo, kuvaka upenyu pamwechete, ruvimbiko rwakazara kwavari chete, uye pamusoro pezvose, rudo rwemwoyo wose. Zvinosuwisa ndezvokuti, vaIsraeri vakanga vasina kutendeka kuchibvumirano chavo. Asi zvakadaro shoko raIshe kwavari raiva risiri rokuti “Ndinozokuramba narinhi narinhi.” Pane kudaro raiva rokuti “Ndichakukoka kuti udzoke” (ona Muporofita Hosea 2:14–15). “Ndichakunyenga uve wangu nokururama,” vakadaro Ishe kuburikidza namuporofita Hosea (Muporofita Hosea 2:19). “Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu” (Muporofita Hosea 14:4). Iri ndiro shoko rimwechetero Ravanotipa nhasi apo patinotsvaga kurarama zvibvumirano zvedu nerudo uye nekuzvipira.

Joere akagovera shoko rimwechetero: “Mutendeukire kuna Jehova Mwari wenyu: nokuti une ngoni nenyasha, unononoka kutsamwa, une tsitsi zhinji” (Muporofita Joere 2:13). Kuverenga manzwi evaporofita ava kunogona kukukurudzira kufungisisa ukama hwako iwe pachako naIshe—kufunga pamusoro pokuti rutendeko Rwavo kwauri runokukurudzira sei kuti uve wakatendeka kwaVari.

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aMuporofita Hosea naMuporofita Joere, ona “Muporofita Hosea kana Hoshea”uye “Muporofita Joere” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Hosea 1–314

Ishe vanondikoka nguva dzose kuti ndidzokere kwaVari.

Mudzimai waHosea, Gomeri, aiva asina kutendeka kwaari, uye Mwari vakanongedzera kuchiitiko chinosuwisa ichi kudzidzisa vaIsraeri manzwiro aVaiita pamusoro pavo uye nezvibvumirano zvavo naVo. Apo paunoverenga Muporofita Hosea 1–3, fungisisa pamusoro pamaonero anoita Ishe ukama Hwavo nevanhu Vavo vechibvumirano. Kuita chibvumirano naIshe kwakafanana sei nokupinda musungano yemuchato? Kutadza kuchengeta chibvumirano ichocho kwakafanana sei nokusatendeka kune wawakachata naye? (ona Muporofita Hosea 2:5–7, 13). Chii chaunodzidziswa naMuporofita Hosea 2:14–23 pamusoro perudo nengoni zvaIshe? UnoVaratidza sei rudo neruvimbiko rwako?

Muna Muporofita Hosea 14, tsvaka vimbiso dzakawanda idzo Ishe dzavakaita kuna avo vanodzokera kwaVari. Ndevo yekuti “kuvada nokuda kwangu” inorevei kwauri? (ndima 4). Madimikira ezvirimwa ari mundima 5–8 anokudzidzisei pamusoro pemaropafadzo aIshe, kusanganisira maropafadzo orutendeuko? Sechikamu chokunzvera kwako, funga pamusoro pokuimba kana kuteerera kurwiyo rwuri pamusoro pengoni dzeMuponesi, rwakaita serwokuti “Come unto Jesus” (Hymns, nhamba 117).

mukadzi akasuruvara

Gomeri, uyo anomiririra imba yaIsraeri nezvibvumirano zvavo zvakatyorwa, akapuwa rudzikinuro naIshe. Mufananidzo naDeb Minnard, mvumo yekushandisa yakapuwa neve goodsalt.com

Muporofita Hosea 6:4–7; Muporofita Joere 2:12–13

Kuzvipira kuna Mwari kunofanira kunzwikwa mukati memwoyo, kwete chete kuratidzwa kunze.

Vanhu vomuzuva raHosea vaipa zvibayiro zvemhuka, asi vakanga vachityora mirairo yakanyanya kukosha. Unofunga zvinorevei kuti Ishe “vaida rudo, kwete zvibayiro; uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa”? (Muporofita Hosea 6:6). Unofunga zvinorevei kuti ururami huve segore kana sedova? (ona Muporofita Hosea 6:4). Ururami hwedu hunofanira kunge hwakaita sei? (ona Muporofita Isaya 48:18; 1 Nifai 2:9–10).

Unokwanisawo kuverenga Mateo 9:10–13; 12:1–8 kuti uone mashandisiro akaita Muponesi Muporofita Hosea 6:6 panguva yehushumiri Hwake. Ndima idzi dzinokubatsira sei kunzwisisa mashoko aHosea?

Apo paunoverenga Muporofita Joere 2:12–13, zvingangobatsira kuziva kuti kutsemura kana kubvarura mbatya dzako yaiva tsika yechiratidzo chokunze chokuchema kana kuzvidemba. Kubvarura mwoyo yedu kwakasiyana sei nekubvarura nguwo dzedu?

Muporofita Joere 2

mufananidzo weseminari
“Ndichadurura mweya wangu pamusoro penyama yose.”

Ndedzipi fanano dzaunoona pakati pezuva redu nezuva iro Joere raakafanoona? (ona kunyanya Muporofita Joere 2:1–2, 11, 18–32). Chii chinokufadza pamusoro pemaropafadzo akavimbiswa naIshe mundima 18–32? Sei maropafadzo aya angangova akanyanya kukosha nhasi?

Zvingangonakidza kuverenga zvakataurwa naMoronai pamusoro paMuporofita Joere 2 apo paakashanyira Joseph Smith muna 1823 (ona Joseph Smith—Nhoroondo 1:41). Unonzwa kuti huporofita hwuri muna Muporofita Joere 2:28–32 hwuri kuzadzikiswa sei muzuva redu? (onawo Mabasa AvaApositora 2:1–21). Unofunga zvinorevei kuti Ishe “vanozodurura Mweya [Wavo] pamusoro penyama yose”? (Muporofita Joere 2:28).

Ungangofungisisisa pamusoro pemashoko aya anobva kuna Mutungamiri Russell M. Nelson: “Mumazuva arikuuya, zvinezenge zvisingakwanisiki kurarama pane zvepamweya pasina hurudziro inotungamirira, inoraira, inonyaradza, uye iripo nguva dzose yeMweya Mutsvene” (“Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 96). Sei zvakazarurwa zvakakosha pakupona kwako kwezvepamweya?

Chii chaungaita kana uchinzwa sokunge usiri kugamuchira kudururwa ikoko? Heino mimwe mienzaniso ingangobatsira. Chii chakaitwa nevanhu vari mumagwaro matsvene aya kuti vagamuchire kudururwa kweMweya waIshe?

Apo paunenge uchiverenga mashoko aya kubva kuna Gosa David A. Bednar, fungisisa pamusoro pezvazvinoreva kwauri kunzwa kudururwa kweMweya Mutsvene muupenyu hwako hwezuva nezuva:

“Kazhinji tinoita kuti zvive zvakatiomera kugamuchira zvakazarurwa zvedu pachedu. Naizvozvo ndinoreva kuti vimbiso yechibvumirano ndeyekuti apo patinokudza zvibvumirano zvedu, tinokwanisa kugara tiine Mweya Mutsvene uri mufambidzani wedu wenguva dzose. Asi tinotaura pamusoro pazvo uye tinozvitora sokunge kunzwa inzwi raIshe kuburikidza neMweya Wavo ndicho chiitiko chisingawanzoitika. … [Mweya] unofanira kuva nesu nguva dzose. Kwete nguva yose ipi zvayo, asi kana munhu arikuita napose paanogona napo—haufaniri kunge wakarurama—asi kana iwe neni tichiita zvose zvatinokwanisa uye tisiri kuita zvitadzo zvakakomba, zvino tinokwanisa kuvimba neMweya Mutsvene kutitungamirira. …

“… Tinenge tinotenda kuti Mweya Mutsvene unoonekwa zvikuru uye mukuru uye unouya pakarepo, asi iwo uri wakadzikama uye mudiki uye unowedzera zvishoma nezvishoma nekufamba kwenguva” (“Elder David A. Bednar Discussion” [manheru neMutungamiri Mukuru, Kukadzi 7, 2020], broadcasts.ChurchofJesusChrist.org).

Onawo Gary E. Stevenson, “Promptings of the Spirit,” Liahona, Mbudzi 2023, 42–45; “Enemy Territory” (vhidhiyo), Gospel Library.

3:38

Enemy Territory

Umba mamiriro ezvinhu ezvepamweya. “Chii chawacherechedza chinoita kuti pave nemamiriro ezvinhu ezvepamweya ekudzidza vhangeri? Chii chinoatadzisa kuti avepo?… Funga pamusoro pemamiriro ezvinhu eapo paunonyanya kudzidzisira nguva zhinji [kana kudzidza]. Unonzwa sei apo paunenge uripo? Ungakwanisa sei kukoka Mweya zvinonyanya kubudirira kuti uvepo ipapo? (Teaching in the Savior’s Way7).

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Hosea 2:19–20

Ndinokwanisa kuchengeta norutendeko zvibvumirano zvangu.

  • Mubhuku raHosea, Ishe vakaenzanisa zvibvumirano Zvavo nevanhu Vavo kumuchato. Kuti udzidze kubva paenzaniso iyi, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo wemuchatikadzi nemuchatirume uye motaura pamusoro pekuti Baba Vokudenga vanoda kuti murume nemudzimai vabatane sei. Batsira vana vako kuwana mashoko muna Muporofita Hosea 2:19–20 anotsanangura kuti Ishe vanonzwa sei pamusoro pedu isu. Tinokwanisa kuratidza sei Ishe kuti tinoVada uye tinozotendeka kwaVari?

Muporofita Hosea 10:12

“Inguva yokutsvaka Ishe”.

  • Muporofita Hosea 10:12 inotaura nezve kudyara, kukohwa, nguva, uye mvura inonaya kutikoka kuti titsvake Ishe. Apo paunenge uchiverenga ndima iyi, ndeapi mazano ane uchenjeri anouya mupfungwa ayo anokwanisa kukurudzira vana kuti vaVatsvake? Somuenzaniso, pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa wachi uye vonyora pasi nzira dzavanokwanisa kutsvaka nadzo Ishe panguva dzakasiyana siyana nemuzuva rose. Rumbo rwakaita sorwokuti “Anytime, Anywhere” (Gospel Library) runokwanisa kukubatsira kudzidzisa kuti nguva yose inguva yakanaka yokutsvaka Ishe.

  • Kana kuti vana vako vanokwanisa kuita zviito zviri nyore zvinoenderana nendima yacho, zvakaita sokunyepedzera kudyara mbeu, kutanha muriwo, kana kumira mumvura iri kunaya. Batsira vana vako kuenzanisa kudyara mbeu uye kukohwa zvokudya zvakanaka nokurarama zvakarurama uye nokugamuchira maropafadzo aIshe. Zvino munokwanisa kutaurirana pamusoro pemaropafadzo akawanda ayo Ishe avakapa kwamuri apo pamaiedza kuVatsvaga.

Muporofita Hosea 13:4, 14

Jesu Kristu ndiye Muponesi uye Mununuri wangu.

  • Kuti usimbise chokwadi chiri muna Muporofita Hosea 13:4 chokuti hakuna Muponesi kunze kwaJesu Kristu, unokwanisa kuratidza vana vako mifananidzo yevanhu vakati wandei, kusanganisira Jesu. Vana vako vanokwanisa kuita mijana yokunongedzera kumunhu ane simba rekutinunura kubva kuchivi norufu. Govera uchapupu hwako hwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake.

  • Vana vako vanokwanisa kutsvaka mashoko muna Muporofita Hosea 13:4, 14 ayo anotsanangura Jesu Kristu. Mashoko aya anodzidzisa chii pamusoro Pake? Funga pamusoro pekubatsira vana vako kushandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene kuti vawane zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvinodzidzisa kuti Jesu ndiye Muponesi neMununuri wedu. Goveranai manzwiro amunoita pamusoro paJesu Kristu.

mukomana achinamata

Muporofita Joere 2:28–29

Mweya Mutsvene unokwanisa kunditungamirira.

  • Pamwe unokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa Muporofita Joere 2:28–29 kuburikidza nokuita kuti vadire mvura zvino voienzanisa nemadonhwe kana nokubuda zvishomanana. Zvinokwanisa kurevei kuti Mweya “udururwe” pamusoro pedu?

  • Apo pamunenge muchiverenga Muporofita Joere 2:28–29 pamwechete, ungangokoka vana vako kuti vaise mazita emumwe nemumwe wavo muchinzvimbo chendevo dzokuti “vanakomana vako” uye “vanasikana vako.” Zvino wovabatsira kutsvagurudza zvinyorwa zvitsvene zvakaita saJohane 14:16; Moronai 10:5; Dzidziso neZvibvumirano 42:17 kuti vaone kuti Mweya ungavabatsira sei.

­

Jesu achidana noruoko ari pamusuwo

Savior [Muponesi], naKelly Pugh

Peji yechiitwa chePuraimari: Mweya Mutsvene unokwanisa kunditungamirira