Huyai, Munditevere
Mbudzi 30–Zvita 6. “Unofarira Kuva neNyasha”: Muporofita Mika; Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania


“Mbudzi 30–Zvita 6. ‘Unofarira Kuva neNyasha’: Muporofita Mika; Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Mbudzi 30–Zvita 6. ‘Unofarira Kuva neNyasha,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

murume ane maoko akatambanudzwa, akatarisa kudenga rizere nenyeredzi

In the Beginning Was the Word [Pakutanga Shoko Rakanga Riripo, naEva Timothy

Mbudzi 30–Zvita 6: “Unofarira Kuva neNyasha”

Muporofita Mika; Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania

Kuverenga Testamente Yekare kazhinji zvinoreva kuverenga huporofita pamusoro peruparadzo. Ishe kazhinji vaidaidza vaporofita kuyambira vanyangadzi kuti mitongo Yavo yaiva pavari. Hushumiri hwaMika, Nahumi, Habakuki, naZefania mienzaniso yakanaka. Murondedzero inotyisa, vaporofita ava vakafanotaura kuputsika kwemaguta ayo, panguva iyoyo, airatidzika kuva akasimba uye ane simba—Nineve, Babironi, uye kunyangwe Jerusarema. Asi izvi zvakaitika zviuru zvemakore akapfuura. Sei zvakakosha kuverenga huporofita uhwu nhasi?

Kunyangwe zvazvo maguta iwayo orudado uye aiva nehunyangadzi akaparadzwa, rudado nehunyangadzi zvichiri kuenderera. Tinogona kunyangwe kuona zvishoma zvahwo mumwoyo yedu pachedu. Vaporofita veTestamente Yekare vanoratidza makwanisiro atingaita kubva pahuipi uhwu. Pamwe ndicho chimwe chikonzero chatichiri kuverenga huporofita hwechinyakare uhwu nhasi. Vaiva vasiri chete vaporofita veruparadzo—vaiva vaporofita verusununguko. Tsananguro dzeruparadzo dzinoderedzwa pakutyisa kwadzo nekokero dzekuuya kuna Kristu uye nokugamuchira ruregerero Rwake. Sekutaura kwakaita Mika, Ishe havawani mufaro mukutitongera mhosva, asi “vanofara mukuva nenyasha” (Muporofita Mika 7:18). Iyi yaiva nzira yaIshe munguva dzechinyakare, uye ndiyo nzira Yavo nhasi. “Nzira dzake ndedze kare‑kare” (Muporofita Habakuki 3:6).

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aya, ona “Muporofita Mika,” “Muporofita Nahumi,” “Muporofita Habakuki,” uye “Muporofita Zefania” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Mika 6:1–8

“Chii Ishe chavanoda kubva kwauri?”

Mika anotikoka kufungidzira kuti zvingava zvakaita sei “kuuya pamberi paIshe, uye kukotamira … pamberi paMwari vokumusoro” (Muporofita Mika 6:6). Ndima 6–8 dzinotaurei kwauri pamusoro pezvakakosha kuna Ishe apo paVanowongorora upenyu hwako?

Onawo Dale G. Renlund, “Do Justly, Love Mercy, and Walk Humbly with God,” Liahona, Mbudzi 2020, 109–12.

masvingo ematombo enhare

“Jehova wakanaka, inhare nezuva rokutambudzika” (Muporofita Nahumi 1:7).

Muporofita Nahumi 1

Ishe vane zvose simba nengoni.

Basa raNahumi raiva rekufanotaura nezveruparadzo rweNineve—guta guru reumambo hwechisimba hweAsiria, uhwo hwakanga hwaparadzira Israeri uye nokurwisa nehutsinye hukuru Juda. Nahumi akatanga nokutsanangura ukasha uye simba risingaenzaniswi raMwari, asi Akataurawo pamusoro pengoni nerunako rwaMwari. Tsvaka ndima dziri muchitsauko 1 dzinokubatsira kuti unzwisise humwe nehumwe hwehunhu uhwu—uye nehumwe hunhu hwaMwari hwaunocherechedza. Sei uchifunga kuti zvakakosha kuziva chimwe nechimwe chezvinhu izvi pamusoro paIshe?

Muporofita Habakuki

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuvimba nechido chaIshe uye nenguva Yavo.

Kunyangwe vaporofita dzimwe nguva vane mibvunzo pamusoro penzira dzaIshe. Habakuki, uyo akararama panguva yehunyangadzi hwaiva hwakapararira muJuda, akatanga rondedzero yake nemibvunzo kuna Ishe (ona Muporofita Habakuki 1:1–4). Ungapfupisa sei zvinetso zvaHabakuki? Mibvunzo ipi yakaita seiyoyo inobvunzwa nevanhu pamusoro paMwari nhasi? Wakambova here nemanzwiro akaita saiwayo? Unokwanisawo kuenzanisa mibvunzo yake neimwe iri mumagwaro matsvene, yakaita seiyo inowanikwa muna Marko 4:37–38 uye Dzidziso neZvibvumirano 121:1–6.

Ishe vakapindura mibvunzo yaHabakuki nekutaura kuti Vaizotumira vaKardea (vaBabironi) kuti vanoranga Juda (ona Muporofita Habakuki 1:5–11). Asi Habakuki aiva achiri kunetsekana, nokuti zvairatidzika sezvisina ruenzaniso kuti Ishe vatarise vakanyarara “ apo [Babironi] wakashata achimedza wakamupfuura nokururama [Juda]” (ona ndima 12–17). Chii chaunowana muna Muporofita Habakuki 2:1–4 chinokukurudzira kuti uvimbe naIshe apo paunenge uine mibvunzo isina kupindurwa? (onawo Marko 4:39–40; Dzidziso neZvibvumirano 121:7–8; “God Will Lift Us Up” [vhidhiyo], Gospel Library).

4:59

God Will Lift Us Up

Chitsauko 3 munyengetero waHabhakuki werumbidzo nerutendo. Mutauriro waHabakuki muchitsauko 3 wakasiyana sei newe muchitsauko 1? Herino zano rekukubatsira kufungisisa ndima 17–19: Ita mudorongodzwa wemaropafadzo ezvepanyama uye ezvepamweya ayo Mwari avakakupa. Zvino fungidzira kuti wakarasikirwa nemaropafadzo ezvepanyama. Izvozvo zvingaita kuti unzwe sei pamusoro pemamwe maropafadzo? Sei zvingava zvakaoma “kufara muna Ishe” (ndima 18) munguva dzekuomerwa dzakaita seidzo dzakatsanangurwa mundima 17? Fungisisa makudziridzo aungakwanisa kuita rutendo rukurusa muna Mwari, kunyangwe apo upenyu pahwunoratidzika sehwusina ruenzaniso.

Onawo Gerrit W. Gong, “All Things for Our Good,” Liahona, Mbudzi 2024, 41–44; “Lead, Kindly Light,” Hymns, nhamba 97; Topics and Questions, “Seeking Answers to Questions,” Gospel Library.

Iva nemwoyo murefu. Dzimwe nguva tinoda mhinduro kumibvunzo yedu pakare ipapo, asi nzwisiso dzezvepamweya dzinotora nguva uye hadzikwanisi kumanikidzirwa. Sekutaura kwakaita Ishe kuna Habakuki kuti, “Zvimirire nokuti zvichauya zvirokwazvo” (Muporofita Habakuki 2:3).

Muporofita Zefania

“Tsvakai Jehova, imi mose vanyoro venyika.”

Apo paunoverenga huporofita hwaZefania, cherechedza mafungiro nehunhu zvakatungamirira kuruparadzo—ona kunyanya Muporofita Zefania 1:4–6, 12; 2:8, 10, 15; 3:1–4. Zvino tsvaka hunhu hwevanhu vaizochengetedzwa naMwari—ona Muporofita Zefana 2:1–3; 3:12–13, 18–19. Ndeapi mashoko aunonzwa kuti Ishe vanawo kwauri mundima idzi?

Muporofita Zefania 3:14–20

Ishe vanozofara nevanhu Vavo muZioni.

Mushure mekuverenga Muporofita Zefania 3:14–20, ona kuti inzira ngani dzaungapedzisa nadzo mutsetse uyu: “Fara ufarisise nomwoyo wako wose” nokuti … Sei zvakakosha kwauri kuti uzive pamusoro pezvikonzero izvi zvekufara? Ungangoenzanisa ndima idzi nezviitiko zvakatsanangurwa muna 3 Nephi 17 uye wofungisisa manzwiro anoita Jesu Kristu pamusoro pevanhu Vake—kusanganisira iwe.

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Mika 5:2

Jesu Kristu akazvarwa muBetrehema.

  • Vana vako vanogona kusaziva kuti hwaiva huporofita hwaMika hwakabatsira Varume Vakachenjera kuwana Jesu mucheche muBetrehema. Muchishandisa Muporofita Mika 5:2 uye Mateo 2:1–6, pamwe vana vako vanokwanisa kuita mutambo wechiitiko chavo. Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pokuti sei kuzvarwa kwaJesu kwaiva kwakakosha kudaro zvekuti vaporofita vakaziva pamusoro pazvo makore mazhinji asati Azvarwa.

Varume Vakachenjera vatatu vakatarisa nyeredzi itsva

The Holy Child Is Born [Mwana Mutsvene Azvarwa], naDana Wood

Muporofita Nahumi 1:7

“Jehova wakanaka, inhare muzuva rokutambudzika.”

  • Mushure mekuverenga Muporofita Nahumi 1:7, vana vako vanokwanisa kuvaka kana kudhirowa “nhare” kana dziviriro yakareruka (pane mufananidzo weimwe muchidzidzo chino). Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingangoita kuti vanhu vade nhare? Chii chinoita kuti zuva redu rive “zuva redambudziko”? Jesu Kristu akaita senhare kwatiri sei?

Muporofita Habakuki 2:3

Mwari vanozozadzikisa vimbiso Dzavo nguva dzose.

  • Kuti usume Muporofita Habakuki 2:3, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezvinhu zvakanaka asi chete mushure mekunge tamirira—semuchero unoda kuibva kana mukanyiwa unoda kubhekwa. Chii chingazoitika kana tikaedza kudya muchero kana mukanyiwa wacho usati waibva zvokudyiwa? Zvino unokwanisa kutaura pamusoro pemuporofita Habakuki, uyo aida kuziva kuti Ishe vaizomisa riinhi hunyangadzi hwaiva munyika. Verenga mhinduro yaIshe muna Muporofita Habakuki 2:3. Unokwanisa kubatsira vana vako kufunga nezve zvinhu izvo zvakavimbiswa naMwari. Nemuenzaniso woga woga, munokwanisa kutaura pamwechete kuti, “Zvimirire nokuti zvichauya zvirokwazvo.”

Muporofita Habakuki 2:14

Ndinokwanisa kuzadza panyika neruzivo rwaJesu Kristu.

  • Kuti muratidze Muporofita Habakuki 2:14, iwe nevana vako munokwanisa kuzadza chirongo kana kuti mumwe mudziyo nemifananidzo kana kuti mashoko anomiririra zvinhu zvakaitwa kana kuti zvakadzidziswa naJesu. Tingakwanisa kubatsira sei kuzadza panyika neruzivo rwaIshe?

  • Unokwanisawo kuratidza vana vako mepu yepanyika (ona Church History Maps, nhamba 7, “Map of the World”). Vabatsire kuwana nzvimbo iyo yavanogara uye nzvimbo idzo dzakashandirwa nevashumiri vavanoziva. Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo ruri pamusoro pokugovera vhangeri, rwakaita serwokuti“We’ll Bring the World His Truth” (Children’s Songbook, 172–73). Chii chatinokwanisa kutaurira vamwe pamusoro paJesu Kristu?

Muporofita Zefania 3:14–20

Jesu Kristu anofara neavo vanoMutevera.

  • Muna Muporofita Zefania 3:14–20, vana vako vanokwanisa kutsvaka chimwe chinhu chinovaita kuti vade “kuimba, … kufara nokufarisisa nomwoyo wose.” Pamwe mungakwanisa kuimba nziyo kana dzimbo dzemufaro pamwechete uye motaura pamusoro pemufaro wamunowana muvhangeri raJesu Kristu.

­

Jesu achinyemwerera kuboka revana

And He Took Their Little Children One by One [Uye Akatora Vana Vavo Vaduku Mumwechete neMumwechete], naCasey Childs

Peji yechiitwa chePuraimari: Tsvakai imi Ishe