Huyai, Munditevere
Zvita 7–13. “Hutsvene Kuna Ishe”: Muporofita Hagai 1–2; Muporofita Zekaria 1–4; 7–14


“Zvita 7–13. ‘Hutsvene Kuna Ishe“: Muporofita Hagai 1–2; Muporofita Zekaria 1–4; 7–14,’ Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Zvita 7–13. ‘Hutsvene Kuna Ishe,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Temberi yeLaie Hawaii iri pasi pedenga rine makore

Temberi yeLaie Hawaii

Zvita 7–13: “Hutsvene Kuna Ishe”

Muporofita Hagai 1–2; Muporofita Zekaria 1–4; 7–14

Mushure memakumi emakore eutapwi, boka ravaIsraeri, pamwe vaisanganisira vaporofita Hagai naZekaria, vakabvumidzwa kudzokera kuJerusarema. Vamwe vari muboka iri vakarangarira zvainge zvakaita temberi isati yaparadzwa. Kune avo vainetsekana kana temberi yaizomboratidzika zvakare seimba yaIshe “pakubwinya kwayo kwokutanga” (Muporofita Hagai 2:3), muporofita Hagai akataura mashoko aIshe ekurudziro okuti: “Ivai nesimba, imi vanhu vose venyika, ndizvo zvinotaura Jehova; uye mubate: nokuti ndinemi, … regai kutya.” “Ndichazadza imba ino nokubwinya, … panzvimbo ino ndichapa rugare” (Muporofita Hagai 2:4–5, 7, 9).

Asi yakanga isiri temberi tsvene chete yaida kuvakwa pakare. Munzira dzakawanda, vanhu vaMwari vaiva vakaparara pane zvepamweya. Uye kuvaka pakare vanhu vatsvene kunotora zvinopfuura kucheka mabwe uye kuaisa munzvimbo kuvaka imba tsvene. Zvinoreva kuti mashoko okuti “Hutsvene Kuna Ishe” haafaniri kunyorwa pamadziro etemberi chete, kana kunyangwe “pamabhera emabhiza” uye “hari imwe neimwe iri muJerusarema” (Muporofita Zekaria 14:20–21). Anofanirawo kunyorwa pamwoyo yoga yoga.

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aMuporofita Hagai naMuporofita Zekaria, ona “Muporofita Hagai” uye “Muporofita Zekaria” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Hagai 1; 2:1–9

mufananidzo weseminari
“Funga pamusoro penzira dzako.”

Paiva nezvinhu zvakawanda zvakakosha zvokuita pakuvaka zvakare Jerusarema. Asi mushure mokunge makore angangoita gumi nemashanu apfuura kubva pakudzoka kwavaIsraeri, Ishe havana kufara kuti kuvakwa zvakare kwetemberi kwakanga kusina kukosheseswa (ona Muporofita Hagai 1:2–5; onawo Ezra 4:24). Apo paunozvera Muporofita Hagai 1; 2:1–9, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:

  • Ndedzipi mhedzisiro idzo vaIsraeri dzavakatarisana nadzo nokuda kwokuti vakanga vasina kupedza temberi?

  • Ndeapi maropafadzo avakavimbiswa naIshe kana vakapedza kuvaka imba Yavo?

  • Nderipi shoko raIshe kwauri muna Muporofita Hagai 1:5–7? Ungabatanidza sei zvinokosha zvako nezvaIshe? Ndiriini wawakaropafadzwa nokuda kwokuisa kwako Mwari pakutanga muupenyu hwako­?

Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vekutanga vakatarisana nemamiriro ezvinhu akafanana neevaIsraeri muzuva raHagai (ona Dzidziso neZvibvumirano 95). Chii chaunodzidza kubva mumienzaniso miviri iyi pamusoro pemanzwiro anoita Ishe pamusoro petemberi?

Onawo Dale G. Renlund, “Jesus Christ Is the Treasure,” Liahona, Mbudzi 2023, 96–99; Terence M. Vinson, “True Disciples of the Savior,” Liahona, Mbudzi 2019, 9–11; “We Love Thy House, O God,” Hymns, nhamba 247; “Provo City Center Temple Completed [Temberi yeProvo City Center Yakapedzwa]” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org.

7:17

Provo City Center Temple Completed

Muporofita Zekaria 1–3; 7–8; 14

Ishe vanokwanisa kundiita mutsvene.

Semafungiro ako, chii chakakosha pakuva nemashoko anoti “hutsvene kuna Ishe” akavezerwa pazvinhu zvamazuva ose seizvo zvakataurwa muna Muporofita Zekaria 14:20? (onawo Eksodo 28:36–38). Chii chakosha pakuti zvivezerwe pamatemberi nhasi? Ndevo iyi inoreva chii kwauri? Ungaita sei kuti hutsvene huve chikamu cheupenyu hwako hwezuva nezuva? Fungisisa mibvunzo iyi apo paunenge uchiverenga kokero dzaIshe kuvanhu Vavo dzekuti vanyanye kuva vatsvene muna Muporofita Zekaria 1:1–6; 3:1–7; 7:8–10; 8:16–17.

Unokwanisawo kuverenga Muporofita Zekaria 2:10–11; 8:1–8; 14:9–11, 20–21 kuti udzidze izvo zvinezenge zvakaita upenyu muzuva ramangwana apo isu tese patinozogara naIshe mumamiriro ehutsvene. Chii chinonyanya kukufadza pamusoro pechiratidzo chaZekaria cheramangwana reJerusarema? Chii chaunowana pano chaungada kuona munharaunda yako? Ungagadzirira sei kurarama mumamiriro ezvinhu akatsangurwa naZekaria?

Jesu Kristu achipinda muJerusarema akatasva mbongoro

“Tarira, Mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro” (Muporofita Zekaria 9:9). Triumphal Entry [Kupinda neMhemberero yoRukundo], naHarry Anderson

Muporofita Zekaria 9:9–11; 11:12–13; 12:10; 13:6–7; 14:1–9

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akavimbiswa.

Zvizhinji zvezvinyorwa zvaMuporofita Zekaria zvinonongedzera kuhushumiri hwepanyika hwaJesu Kristu uye Kuuya pokupedzisira Kwake kweChipiri. Pazasi pane humwe huporofita hwaZekaria, pamwechete nezvinyorwa zvitsvene pamusoro pokuzadzikiswa kwahwo. Apo paunoverenga ndima idzi, zvibvunze kuti: Izvi zvinondidzidzisei pamusoro poMuponesi?

  • Muporofita Zekaria 9:9–11 (ona Mateo 21:1–11; 1 Petro 3:18–19)

  • Muporofita Zekaria 11:12–13 (ona Mateo 26:14–16; 27:1–7)

  • Muporofita Zekaria 12:10 (ona Johane 19:37; Zvakazarurwa 1:7)

  • Muporofita Zekaria 13:6–7; 14:1–9 (ona Mateo 26:31; Dzidziso neZvibvumirano 45:47–53)

Unofunga zvaizova zvakaita sei kuva pakati pavanhu vaigamuchira Jesu muJerusarema sokutsanangurwa kwazvakaitwa muna Muporofita Zekaria 9:9–11? Unokwanisa kuMugamuchira sei muupenyu hwako, mumba mako, uye munharaunda mako?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mesiasi,” Raibhurai yeVhangeri; “The Lord’s Triumphal Entry into Jerusalem” (vhidhiyo), Gospel Library; Ronald A. Rasband, “Hosanna to the Most High God,” Liahona, Chivabvu 2023, 108–12.

1:22

The Lord's Triumphal Entry into Jerusalem

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Hagai 1:2–8

“Funga pamusoro penzira dzako.”

  • Apo paunenge uchiverenga Muporofita Hagai 1:2–5 nevana vako, vabatsire kuona kuti sei Ishe vaiva vasingafari nevanhu. Pamwe vana vako vanokwanisa kusarudza ndevo kubva mundima 6 vodhirowa mufananidzo wayo. Vanokwanisa kuuratidza kune mumwe nemumwe wavo uye vofungidzira kuti mufananidzo woga woga unomiririra ndevo ipi. Kana tichipedza nguva pazvinhu zvisiri izvo zvinodiwa naIshe, izvozvo zvakafanana sei nokudya asi usingaguti? Munogona kutaurirana pamusoro pokuti mungawana sei nguva yokuita zvinhu zvakakosha kuna Ishe.

  • Unokwaniwaso kuverenga ndima 8 kuvana vako uye wovakoka kuti vanyepedzere “kukwira mugomo,” “kuuya nematanda,” uye “kuvaka imba [yaIshe].” Vana vako vanokwanisa kunyora mudorongodzwa wezvinhu izvo zvavanoita mukati mezuva, kusanganisira zvinhu izvo Ishe zvavanovakumbira kuti vaite. Kumbira vana vako kuti “vafunge pamusoro penzira [dzavo]” kuburikidza nekunyora vachitenderedza izvo Ishe zvavangati ndizvo zvinhu zvakakoshesesa pamudorongodzwa wavo.

Dzidziso inoitirwa kumba. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti mumba munofanira kuva “nzvimbo yakakosha yokudzidza vhangeri” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 113). Apo mhuri yako painenge ichinzvera rairo yaMuporofita Hagai yokuti “funga pamusoro penzira dzako,” munokwanisa kutaura pamusoro pekuti mungaisa Mwari pakutanga muupenyu hwemhuri yenyu sei.

Muporofita Zekaria 3:1–7

Kuita nokuchengetedza zvibvumirano kunokwanisa kundibatsira kuti ndinyanye kuva saBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Muchiratidzo, Zekaria akaona mupirisita mukuru “akapfeka nguo dzakasviba” (Muporofita Zekaria 3:3). Ngirozi yakamupa nguo dzakachena. Unokwanisa kubatsira vana vako kuwana zvokwadi zvakakosha kuburikidza nokuverenga pamwechete Muporofita Zekaria 3:1–7 uye nokutaura pamusoro pokuti zvipfeko zvinetsvina nezvipfeko zvakachena zvingamiririrei. Tinova vakachena sei pazvivi zvedu, kunyangwe mushure mokunge tabhabhatidzwa? Chibvumirano chedu cherubhabhatidzo chinotibatsira sei “kufamba munzira [dzaIshe]”?

  • Iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo werubhabhatidzo, wakaita seuyo uri muchidzidzo chino. Sei tichipfeka zvichena parubhabhatidzo rwedu? ­

baba vachibhabhatidza mwanasikana wavo murwizi

Muporofita Zekaria 9:9–11; 11:12; 13:6–7

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akavimbiswa.

  • Vana vako vangangofarira kufungidzira chiitiko chakafanotaurwa muna Muporofita Zekaria 9:9, apo Jesu paakapinda muJerusarema mukati mesvondo rokupedzisira roupenyu Hwake hwunofa. Kuti uvabatsire neizvi, varatidze mufananidzo wechiitiko chacho, sezvakaita uri muchidzidzo chino. Unokwanisawo kugoverana navo “Muponesi Anoenda kuJerusarema” (muNyaya dzeTestamente Itsva, 110–12). Vana vako vanokwanisa kunongedzera kuvanhu vari mumifananidzo avo “varikufara zvikuru.” Ndiani Mambo muna Muporofita Zekaria 9:9? Sei tichivonga kuti tiNaye?

    1:35

    Chapter 44: The Savior Goes to Jerusalem

  • Funga pamusoro pekubatsira vana vako kuenzanisa huporofita hwunobva muna Zekaria nendima dzeTestamente Itsva dzinotsanangura kuzadzikiswa kwahwo. Heino mimwe mienzaniso: Muporofita Zekaria 9:9 and Mateo 21:5–9; Muporofita Zekaria 9:11 uye 1 Petro 3:18–19; Muporofita Zekaria 11:12 uye Mateo 26:14–16; Muporofita Zekaria 13:7 uye Mateo 26:31. Chii chatinodzidza pamusoro peMuponesi kubva mundima idzi?

­

Zvinyorwa zviri patemberi dzakawanda zvinoti: “Hutsvene kuna Ishe” uye “Imba yaIshe” mumitauro yakasiyana-siyana

“Hutsvene Kuna Ishe” zvinyorwa zvinowanikwa patemberi yoga yoga.

Peji yechiitwa chePuraimari: Jesu Kristu anokwanisa kuchenesa mweya wangu