Huyai, Munditevere
Zvita 14–20. “Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova”: Muporofita Maraki


“Zvita 14–20. ‘Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova’: Muporofita Maraki,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Zvita 14–20. ‘Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

chivezwa chemufananidzo waJesu pamberi pedenga rine nyeredzi

Zvita 14–20: “Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova”

Muporofita Maraki

“Ndakakudai,” Ishe vakaudza vanhu Vavo kuburikidza namuporofita Maraki. Asi vaIsraeri, avo vakanga vatambura zvizvarwa zvizhinji zvematambudziko neutapwa, vakabvunza, “Makatida nenzira ipi?” Muporofita Maraki 1:2 Mushure mazvose Israeri zvayakanga yasangana nazvo, vanogona kuva vakanetsekana kana nhoroondo yeIsraeri yechinyakare yakanga iri zvechokwadi nyaya yerudo rwaMwari rwevanhu Vavo vechibvumirano. Nedzimwe nzira, zviri nyore kuinzwisisa senyaya yeutera neupanduki hwevanhu. Asi zvakadaro nemazvari zvose, Mwari havana kumborega kunanavira kwavari murudo. Apo vanakomana vaJakobo pavakabata zvisina kunaka muninʼina wavo Josefa, Ishe zvisinei vakavaponesa kubva kunzara (ona Genesi 45:4–8). Apo Israeri payakanyunyuta murenje, Vakavapa mana (ona Eksodo 16:1–4). Kunyangwe apo Israeri payakatendeukira kune vamwe vamwari uye vakaparadzirwa, Mwari vakavimbisa kuti kana vakatendeuka, Vaizovaunganidza nokuvanunura “nenyasha huru” (ona Muporofita Isaya 54:7). Zvirokwazvo, Testamente Yekare inyaya yerudo rwaMwari rwune mwoyo murefu, uye rwusingaperi. Uye nyaya iyi inoenderera mberi nhasi. Jesu Kristu, “Zuva roKururama,” sokudaidzwa kwaAkaitwa naMaraki, rakabuda “nokuporesa pasi pamapapiro aro” (Muporofita Maraki 4:2). Ndiye umboo hukurusa hwerudo rwaMwari kuIsraeri yechinyakare uye kwatiri tose.

Kuti uone rumwe ruzivo pamusoro pebhuku raMaraki, ona “Maraki” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Maraki 1–4

“Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.”

Muzuva raMaraki, vaIsraeri vakanga vatovaka zvakare temberi muJerusarema, asi sevanhu, vaiva vachiri kufanira kuvaka zvakare hukama hwavo naIshe. Apo paunonzvera Maraki, tsvaga mibvunzo iyo yakabvunzwa naIshe kuvaIsraeri kana iyo ivo yavakaVabvunza. Funga pamusoro pokuzvibvunza mibvunzo mimwecheteyo (mimwe mienzaniso yakapuwa pazasi) kuti ikubatsire kuwongorora hukama hwako naIshe uye kuti uswedere padyosa navo.

  • Ndakanzwa sei rudo rwaIshe kwandiri? (ona Muporofita Maraki 1:2).

  • Mipiro yangu kuna Ishe inoVakudza zvechokwadi here? (ona Muporofita Maraki 1: 6–11)

  • Ndedzipi nzira dzandinofanira “kudzokera” nadzo kuna Ishe? (ona Muporofita Maraki 3:7).

  • Ndiri kubira Mwari here nenzira ipi neipi zvayo? (ona Muporofita Maraki 3:8–11).

  • Mafungiro angu panguva dzakaoma anoratidza sei manzwiro angu kuna Ishe? (ona Muporofita Maraki 3:13–15; onawo 2:17).

Muporofita Maraki 1:6–14

Ishe vanokumbira “mupiro usina tsvina.”

Apo paunenge uchiverenga pamusoro pemipiro inorondedzerwa muna Muporofita Maraki 1, chii chaunocherechedza pamusoro pezvibayiro izvo vapirisita zvavaipa? Zvibayiro izvi zvinotaurei pamusoro pemanzwiro evapirisita kuna Ishe? (ona Muporofita Maraki 1:13). Funga pamusoro pokuita mudorongodzwa wemipiro, kana kuzvipira, kwaunoita kuna Ishe. Pachinhu choga choga chiri pamudorongodzwa, fungisisa kuti chii chingaita kuti chive mupiro “wakasviba” kana “mupiro” wakachena (Muporofita Maraki 1:7, 11).

Muporofita Maraki 3:8–12

mufananidzo weseminari
Ishe vanozarura mawindo okudenga apo pandinoratidza rutendo rwangu kuburikidza nokubvisa chegumi.

Fungidzira kuti une shamwari yako ichangobva mukuziva kuti unobvisa chegumi. “Sei uchiita izvi?” shamwari yako inobvunza. Funga pamusoro peizvi apo paunenge uchiverenga Muporofita Maraki 3:8–12. Chii chaunowana imomo icho chinokwanisa kukubatsira kupindura mubvunzo weshamwari yako? Chii chimwe chaungada kuti shamwari yako inzwisise pamusoro pezvechegumi? Kuti uwane rumwe rubatsiro, unokwanisa kutsvagurudza shoko raGosa Neil L. Andersen “Tithing: Opening the Windows of Heaven” (Liahona, Mbudzi 2023, 32–35), uchitsvaka mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi:

  • Sei Ishe vachida kuti tibvise chegumi?

  • Chii chingatadzisa mumwe munhu kubvisa chegumi, uye tingakunda zvipingaidzo izvi sei?

  • Kubvisa chegumi kunosimbisa sei rutendo rwedu muna Baba Vokudenga naJesu Kristu?

Unokwanisawo kugoverana neshamwari yako kuti Ishe vanokuropafadza sei paunobvisa chegumi. Unokwanisa kuwana mazano muchikamu chakanzi “Lesson Number 1—Significant but Subtle Blessings” mushoko raGosa David A. Bednar “The Windows of Heaven” (Liahona, Mbudzi 2013, 17–18). Tinozova vanhu vakaita sei kuburikidza nokubvisa chegumi?

Unofunga kuti ndevo yokuti “kukuzarurirayi mafafitera okudenga” (ndima 10) inorevei? Zvimwe unogona kutarisa nepafafitera wofunga nezvezvinangwa zvinova izvo zviri zvemafafitera. Sei ”mawindo okudenga” ari nzira yakanaka yekutsanangura kuti Ishe vanotikomborera sei patinobvisa chegumi

Jesu achizviratidza kuna Joseph Smith muTemberi yeKirtland.

Vision in the Kirtland Temple [Chiratidzo muTemberi yeKirtland], naGary Smith

Muporofita Maraki 4:5–6

“Ndinozokutumirai muporofita Erija.”

Apo Moronai paakatapa Muporofita Maraki 4:5–6 kuna Joseph Smith, akazviita “nemusiyaniso muduku kubva kumaverengero azvinoita” muBhaibheri (ona Joseph Smith—Nhoroondo 1:36). Siyaniso yaMoroni inowedzera chii kunzwisiso yedu yehuporofita uhwu? Kunyanya, fungisisa mibvunzo yakaita seiyi:

  • Ndivanaani “madzibaba”? (ona Deuteronomio 29:13). Ivimbiso dzipi dzakaitwa kwavari? (ona Abrahama 2:9–11). Unobatsira sei kuzadzikisa vimbiso idzi?

  • Ndezvipi zviitiko zvakakubatsira kutendeutsira mwoyo wako kumadziteteguru ako? Sei izvi zvakakosha kudaro kuchirongwa chaBaba Vokudenga?

Kuti udzidze zvizhinji pamusoro pekuuya kwaErija uye nokuti huporofita uhwu hwuri kuzadzikiswa sei nhasi, ona Dzidziso neZvibvumirano 110:13–16 naD. Todd Christofferson, “The Sealing Power” (Liahona, Mbudzi 2023, 19–22). Sei uchivonga nokuti Erija akauya?

Onawo Gerrit W. Gong, “We Each Have a Story,” Liahona, Chivabvu 2022, 43–46; “Turn Your Hearts,” Hymns, nhamba 291; “The Sealing Power” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org

3:38

The Sealing Power

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Maraki 1:2

Ishe vanondida.

  • Iwe nemhuri yako mungapindura sei mubvunzo unowanikwa muna Muporofita Maraki 1:2—“[Ishe] vakatida nenzira ipi?” Goveranai zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti muzive kuti Vanokudai. Pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo inovayeuchidza nezve rudo Rwavo.

Ita hurukuro dzevhangeri nevana vako. Kana uri kudzidzisa vana vadiki, ungangofanira kufunga nezve nzira dzine uchenjeri dzekuvabatanidzira muhurukuro dzevhangeri. Somuenzaniso, vana vako vanokwanisa kutambidzana bhora; apo pavanenge vakabata bhora, vanogona kugovera chikonzero chimwechete icho chavanoziva kuti Jesu anovada.

vabereki nemukomana wechidiki vakatarisa kunze nepawindo

Muporofita Maraki 3:8–12

Ishe vanozondiropafadza apo pandinobvisa chegumi.

  • Unokwanisa kubatsira sei vana vako kudzidza pamusoro pechegumi? Unokwanisa kuvakumbira kuverenga zvinhu zviduku gumi, sezvakaita mari iri papeji yechiitwa chevhiki ino. Zvino vanokwanisa kuparadzanisa chimwechete chezvinhu izvi kubva pane zvimwe zvose—chimwechete ichi ndicho chatinopa kuna Ishe sechegumi. Maererano naMuporofita Maraki 3:8–12, sei Ishe vachida kuti tibvise chegumi? (onawo “Maraki MuporofitamuNyaya dzeTestamente Yekare, 171–72; “First Things First!” [vhidhiyo], Gospel Library).

    0:58

    Malachi the Prophet

    1:18

    First Things First!

  • Apo pamunenge muchiverenga Muporofita Maraki 3:10 pamwechete, unogona kukoka vana vako kuti vamire pedyo newindo apo pamunoverenga ndevo inoti “mawindo okudenga.” Kana kuti unokwanisa kudira mvura mumukombe kusvikira yafashukira kuitira kuratidza ndevo yokuti “wamuchashaiwa pokuisa.” Taurira vana pamusoro pemaropafadzo ayo Mwari avanokupa apo paunobvisa chegumi. Vana vako vanokwanisa kudhirowa mifananidzo inomiririra maropafadzo aya uye voiturika pawindo kana pedyo naro mumba yenyu.

Muporofita Maraki 4:5–6

Erija akauya kuzotendeutsira mwoyo yedu kumhuri dzedu.

  • Muna Muporofita Maraki 4:5–6, vana vako vanokwanisa kutsvaka mhinduro kumibvunzo inotevera pamusoro pehuporofita hwaMaraki: Ndiani uyo Ishe wavakavimbisa kuti vaizotuma? Ndiriini waVakati munhu uyu aizouya? Chii icho Ishe chavakataura kuti munhu uyu aizoita? Sei munhu uyu aizofanira kuuya? Ndekupi uko huporofita uhwu kwahwazadzikiswa? (ona muDzidziso neZvibvumirano 110:13–16).

  • Kuti uzive kuti vimbiso iri muna Muporofita Maraki 4:5 yakazadzikiswa sei, unokwanisawo kuwongorora “Joseph and Oliver Receive Priesthood Keys” Doctrine and Covenants Stories, 26–30. ­ Unokwanisawo kushanyira FamilySearch.org/discovery, the FamilySearch Tree app, kana My Family booklet kuti uwane zviitwa zvinokwanisa kukubatsira iwe nevana vako kutendeutsira mwoyo yenyu kumadziteteguru enyu.

­

mudzimai achisimudza hengechepfu chena

Mourning’s Hosanna [Hosana yaMourning], naRose Datoc Dall. Mudzimai anonzi Mourning akamira munyika yemweya, akakomberedzwa nemadziteteguru ake. Anopemberera rusununguko rwavo kubva muutapwa hwezvepamweya.

Peji yechiitwa chePuraimari: Ishe vanondiropafadza apo pandinobvisa chegumi