“Zvita 21–27. Kirisimasi: ‘Takanga Takamumirira, Iye Uchatiponesa’: Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Zvita 21–27. ‘Takanga Takamumirira, Iye Uchatiponesa,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
For unto Us a Child Is Born [Nokuti Kwatiri Mwana Azvarwa], naSimon Dewey
Zvita 21–27: “Takanga Takamumirira, Iye Uchatiponesa”
Kirisimasi
Testamente Yekare ine mweya wetarisiro huru. Nokudaro, yakada kufanana nemwaka weKirisimasi. Kutanga naAdama naEva, madziteteguru eTestamente Yekare, vaporofita, vadetembi, uye nevanhu vakatarisira mazuva ari nani, akazadzwa netariro yevandudzo uye rusununguko zvinouya kuburikidza naMesiasi. Uye vaIsraeri kazhinji vaiva vachida tariro iyoyo—kunyangwe vaiva muutapwa muEgipita kana Babironi kana kuti vakabatwa senhapwa nezvivi zvavo pachavo kana upanduki hwavo. Nemuzvose zvavakasanga nazvo, vaporofita vakavayeuchidza kuti Mesiasi, Musununguri, aizouya “kuzoparidzira vakatapwa rusununguko” (Muporofita Isaya 61:1).
Tariro iyoyo yakatanga kuzadzikiswa apo Jesu Kristu paakazvarwa muBetrehema. Musununguri anesimba weIsraeri akaberekerwa mudanga uye akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo (ona Ruka 2:7). Asi Akanga asiri chete Musununguri wevaIsraeri vechinyakare. Akauya kuzokusunungura—kutakura marwadzo ako, kutakura rusuwo rwako, kukuvadzirwa zvitema zvako, kuitira kuti nemavanga Ake ukwanise kuporeswa (ona Muporofita Isaya 53:4–5). Ichi ndicho chikonzero chinoita kuti Kirisimasi ive yakazara zvikuru netarisiro inemufaro kunyangwe nhasi. Mesiasi akauya makore anodarika zviuru zviviri akapfuura, uye Anoramba achiuya muupenyu hwedu nguva ipi zvayo yatinoMutsvaga.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Ndinofara muMununuri wangu.
Kirisimasi inozivikanwa semwaka unofadza nokuda kwemufaro unounzwa naJesu Kristu panyika. Mazana emakore Muponesi asati azvarwa, vaporofita veTestamente Yekare vakanzwawo mufaro apo pavaitaura nezva Mesiasi ari kuuya. Verenga dzimwe dzendima dzinotevera, uye wofunga pamusoro pokuti sei dzaizova dzakakosha kune avo vaitarisira kubasa reMuponesi: Pisarema 35:9; Muporofita Isaya 25:8–9; 44:21–24; 51:11; Muporofita Zefania 3:14–20; Mosesi 5:5–11. Sei ndima idzi dzakakosha kwauri? Ndezvipi zvikonzero izvo ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzi zvadzinopa zvokuti tifare?
Onawo Dallin H. Oaks, “Good Tidings of Great Joy” (First Presidency Christmas devotional, Zvita. 4, 2022), Gospel Library; “Joy to the World,” Hymns, nhamba 201.
Zviratidzo zvinogona kundibatsira kurangarira Jesu Kristu.
Zhinji dzetsika dzinofambirana neKirisimasi dzinokwanisa kuva nemicherechedzo ine zvainoreva zvinotinongedzera kuna Kristu. Apo pawainzvera Testamente Yekare gore rino, ungangova wakacherechedza zviratidzo zvizhinji zveMuponesi. Zvishoma zvakadorongodzwa pazasi. Funga pamusoro pekuverenga izvi uye kunyora izvo zvazvinokudzidzisa pamusoro Pake.
-
Nyeredzi (Numeri 24:17; Mateo 2:2; Zvakazarurwa 22:16).
-
Mufudzi (Pisarema 23; Ruka 15:4–7; Johane 10:11)
-
Gwayana (Genesi 22:8; Eksodo 12:5; 1 Petro 1:18–20).
-
Mvura (Eksodo 17:1–6; Muporofita Jeremia 2:13; Muporofita Ezekieri 47:1–12; Johane 4:7–14).
-
Dombo (1 Samueri 2:2; 2 Samueri 22:2–3; Pisarema 118:22–23; Muporofita Isaya 28:16; VaEfeso 2:20).
-
Bazi (Muporofita Isaya 11:1–2; Muporofita Jeremia 23:5; 33:15).
-
Chiedza (Pisarema 27:1; Muporofita Isaya 9:2; 60:19; Muporofita Mika 7:8; Johane 8:12).
Ndezvipi zvimwe zviratidzo, ndima, uye tsananguro zvawakawana mumagwaro matsvene zvinopupura nezva Jesu Kristu?
Onawo 2 Nifai 11:4; Mosaya 3:14–15; Mosesi 6:63; “Marudzi kana Zviratidzo zvaKristu” uye “Jesu Kristu,” zvose muNhungamiro kuMagwaro Matsvene (Raibhurari yeVhangeri).
“Zita rake richanzi, Unoshamisa.”
Jesu Kristu anotaurwa nemazita uye nemazita ezvinzvimbo mazhinji akasiyana siyana. Tsvaka mazita ezvinzvimbo mundima dzinotevera: Mapisarema 23:1; 83:18; Muporofita Isaya 7:14; 9:6; 12:2; 63:16; Muporofita Amosi 4:13; Muporofita Zekaria 14:16; Mosesi 7:53. Ndeapi mamwe mazita ezvinzvimbo aungakwanisa kufunga nezvawo? Ungangofadzwa kunyangwe nokudorongodza mamwe mazita ezvinzvimbo aJesu Kristu aunowana munziyo dzeKirisimasi. Zita rechinzvimbo roga roga rinoshandura sei mafungiro aunoita pamusoro Pake?
Funga kusarudza zita rechinzvimbo kana basa reMuponesi rinozokubatsira kumurangarira mugore rose rinouya.
Onawo Quentin L. Cook, “Personal Peace in Challenging Times,” Liahona, Mbudzi 2021, 89–92 “Hark! The Herald Angels Sing,” Hymns, nhamba 209.
Mazano eKudzidzisa Vana
Testamente Yekare inondidzidzisa pamusoro paJesu.
-
Iwe navana vako munokwanisa kunge muine zvishongedzo zveKirisimasi izvo zvamunokwanisa kushandisa kuti mutange hurukuro pamusoro paJesu Kristu. Zvino munokwanisa kutaura pamusoro pokuti nyeredzi, mwenje, kana chipo cheKirisimasi zvinotiyeuchidza sei Muponesi. Zvino unokwanisa kutarira muchimwechete kana kupfuura chezvinyorwa zvinotevera kuti uwane chimwe chinhu chinokwanisa kuva mucherechedzo waJesu Kristu: Genesi 22:8; Numeri 24:17; Mapisarema 23:1; 27:1. Pamwe vana vako vanokwanisa kusimudza mufananidzo kana chishongo chinoenderana nendima yoga yoga apo pavanenge vachiiverenga. Jesu akaita sei segwayana, nyeredzi, mufudzi, kana chiedza? Funga pamusoro pokuimba rumbo rweKirisimasi pamwechete, rwakaita serwokuti Stars Were Gleaming” (Children’s Songbook, 37).
-
Vana vako vanogona kutarira pamufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino apo paunenge uchiverenga Muporofita Isaya 9:6 kwavari. Kumbira vana vako kuti vanongedzere kuna Jesu mucheche pavanonzwa mashoko okuti “tazvarirwa mwana.“ Govera uchapupu hwako hwekuti vaporofita vemuTestamente Yekare vaiziva kuti Jesu aizozvarwa.
-
Apo paunogadzirira kunzvera upenyu hwaJesu Kristu muTestamente Itsva gore rinouya, funga pamusoro pekuwongorora nevana vako izvo zvavakadzidza pamusoro Pake gore rino muTestamente Yekare. Mungangowongorora zvidzidzo zviri mubhuku rino uye api zvawo manotsi ekunzvera kwemunhu pachake kukubatsira kuyeuka zvamakadzidza. Vana vadiki vangangobatsirwa nokutarisa mubhuku reNyaya dzeTestamente Yekare kana mifananidzo iri muHuyai, Munditevere. Ndehwupi huporofita kana nyaya dzakanyanya kukosha? Chii chatakadzidza pamusoro peMuponesi?
Tsika dzeKirisimasi dzinokwanisa kunongedzera kuna Jesu Kristu.
-
Mhuri dzevaIsraeri dzakanga dziine tsika, sezvakaita Paseka uye mamwe mabiko, idzo dzaiva nechinangwa chekunongedzera mwoyo yavo nepfungwa dzavo kuna Ishe (ona Eksodo 12). Ndedzipi tsika idzo iwe nevana vako dzamuinadzo panguva yeKirisimasi dzinokubatsirai kunangisa pfungwa pana Jesu Kristu? Ndedzipi tsika dzaunoziva pamusoro padzo kubva munhoroondo yemhuri yenyu? Ungangofunga pamusoro pokukurukura nevana vako dzimwe tsika dzamunoda kutanga. Mamwe mazano angangosanganisira kushandira mumwe munhu anoda rubatsiro, kusarudza chimwe chinhu chaunozopa “sechipo” kuMuponesi, kukoka shamwari kuti izoona pamwechete nemi mharidzo yeKirisimasi yeHutungamiri Hwokutanga (broadcasts.ChurchofJesusChrist.org), kunyora rumbo rweKirisimasi rwenyu pachenyu, kana kuwana nzira ine uchenjeri yekugovera nayo shoko rekuzvarwa kwaKristu.
Mumba, kudzidza nokurarama hazvikwanisi kuparadzaniswa “Vhangeri rinova chinhu chakakosha pakarepo mumba. Imomo vanhu vauri kudzidza navo vhangeri ndivo vanhu avo vaunorirarama navo—mazuva ose. Pachokwadi, nguva zhinji, kurarama vhangeri ndiwo madzidziro atinoita vhangeri. Saka apo paunodzidza nekudzidzisa vhangeri kumba, tsvaka nzira dzekubatanidza zvauri kudzidza nezvauri kuita. Mumba mako, ita kuti vhangeri rive chimwe chinhu chaunoedza nesimba rose kurarama nacho, kwete chimwe chinhu chaunotaura pamusoro pacho (Teaching in the Savior’s Way, 31).
Mufananidzo weChiitiko cheKuzwarwa kwaJesu, naEthan Brown
Baba vedu Vekudenga vakandipa chipo cheMwanakomana Wavo kuti ave Muponesi wangu.
-
Ungabatsira sei vana vako kuti vanzwe ruremekedzo uye mufaro wekuzvarwa kwaKristu? Munogona kuona vhidhiyo “The Christ Child” (Gospel Library) kana kuverenga pamwechete Mateo 1:18–25; 2:1–12; Ruka 1:26–38; 2:1–20. Mwana woga woga anokwanisa kusarudza munhu kubva muvhidhiyo kana tsananguro yemumagwaro matsvene uye vogovera manzwiro aiita munhu iyeyo pamusoro peMuponesi. Zvino munokwanisa kugoverana izvo zvamunonzwa imi pachenyu pamusoro Pake.
17:57The Christ Child
-
Pamwe iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezvipo zvamakapa kana zvamakagamuchira mumakore apfuura izvo zvakakuwunzirai mufaro. Zvino munokwanisa kuverenga Muporofita Isaya 25:9 pamwechete uye motaura pamusoro pokuti sei muchifara kuti Baba Vokudenga vakatitumira Muponesi. Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa zvirinani basa raJesu Kristu seMuponesi wedu, vakoke kuti vaverenge Muporofita Isaya 25:8–9; 53:3–5; uye Hosea 13:14. Zvinyorwa zvitsvene izvi zvinotidzidzisa chii pamusoro pemaponeserwo atinoitwa naIshe?
-
Munokwanisawo kuimba rumbo rweKirisimasi pamwechete, rwakaita serwokuti “Away in a Manger” (Children’s Songbook, 42–43) kana O Little Town of Bethlehem” (Hymns, nhamba 208). Batsira vana vako kuwana ndevo murumbo idzo dzinovabatsira kuziva kuti Baba Vokudenga naJesu Kristu vanovada.