“Gumiguru 12–18. ‘Mudzikinuri Achasvika paZioni’: Muporofita Isaya 58–66,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)
“Gumiguru 12–18. ‘Mudzikinuri Achasvika paZioni,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026
Jesus in the Synagogue at Nazareth, [Jesu ari muSinagoge kuNazareta], naGreg Olsen
Gumiguru 12–18: “Mudzikinuri Achasvika paZioni”
Muporofita Isaya 58–66
Pakutanga muhushumiri Hwake, Jesu Kristu akashanyira sinagoge muNazareta, umo maAkarerwa. Akamira imomo kuti averenge kubva mumagwaro matsvene, akavhura bhuku raMuporofita Isaya, uye akaverenga izvo zvatinoziva iyezvino saMuporofita Isaya 61:1–2. Zvino akazivisa kuti, “Nhasi rugwaro rutsvene urwu rwazadzikiswa munzeve dzenyu.” Ichi ndicho chaiva chimwe chezviziviso zveMuponesi zvakanyatsojeka zvokuti Ndiye aiva Uyo Akazodzwa, uyo “aizoporesa vakatyorwa mwoyo” uye “nokuzivisa vakatapwa kusunungurwa kwavo” (ona Ruka 4:16–21). Chinyorwa chitsvene ichi chakazadzikiswa zvechokwadi pazuva iroro. Uye, sehumwe huporofita hwakawanda hwaIsaya, chiri kuzadzikiswawo muzuva redu. Muponesi ari kuenderera mberi nekuporesa vakatyorwa mwoyo avo vanouya kwaAri. Kuchine nhapwa zhinji dzinoda rusununguro. Uye kune ramangwana rakanaka zvikurusa rekugadzirira—nguva apo Ishe “pavanozosika denga idzva nenyika itsva” (Muporofita Isaya 65:17) uye “achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose” (Muporofita Isaya 61:11). Kuverenga Muporofita Isaya kunovhura maziso edu kune izvo Ishe zvavakatoita kare, zvaVari kuita, uye nezvaVanozoitira vanhu Vavo.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Muporofita Isaya 58:3–12
Kutsanya kunovaka simba rezvepamweya uye kunoropafadza vanhu vanoshaiwa.
Sei ani zvake achizozvipira kusadya apo zvokudya zviripo? Apo paunonzvera Muporofita Isaya 58:3–12, unogona kufunga pamusoro pezvikonzero zvako zvekutsanya—pamwepo nezvikonzero zvaIshe zvekupa mutemo uyu. Heino mimwe mibvunzo yekufungisisa:
-
Sei kutsanya dzimwe nguva kuchionekwa sokunge mutoro pachinzvimbo cheropafadzo? (ona Muporofita Isaya 58:3–5). Dzidziso dzaIshe muchitsauko chino dzinoshandura sei maonero ezvinhu iwayo kwauri?
-
Zvingava zvinorevei “kusunungura zvisungo zvezvakaipa” uye “kuvhuna majoko ose”? (Muporofita Isaya 58:6). Kutsanya kunokwanisa kuropafadza sei vamwe? (ona ndima 7).
-
Kutsanya kwakakuunzira sei maropafadzo akatsanangurwa muna Muporofita Isaya 58:8–12
Mushoko ravo “Is Not This the Fast That I Have Chosen?” (Liahona, Chivabvu 2015, 22–25), Mutungamiri Henry B. Eyring vakagovera mienzaniso yakati wandei yemaropafadzirwo akaitwa vanhu kuburikidza nekutsanya uye nemipiro yekutsanya. Wakaona sei maropafadzo akafanana naaya muupenyu hwako?
Onawo “Bless Our Fast, We Pray,” Hymns, nhamba. 138; Topics and Questions, “Fasting and Fast Offerings,” Gospel Library.
Ziva vanhu vaunodzidzisa. “Kuva mudzidzisi akafanana naKristu kunosanganisira kuziva vanhu vaunodzidzisa uye nekuedza kunzwisisa izvo zviri mumwoyo yavo. Unokwanisa kuwana madzidziro avanoita zvakanyanyisa kunaka. Unokwanisa kubvunza mibvunzo, kunyatsoteerera, uye kucherechedza. Pamusoro pazvose, unokwanisa kunamata kuti uwane nzwisiso iyo inokwanisa kupuwa chete neMweya. Apo paunoziva munhu zvirinani, unokwanisawo kumubatsira zvirinani kuwana revo yake pachake uye simba rake pachake muvhangeri raJesu Kristu. Apo paunonzwisisa nyota yemunhu, Mweya unokwanisa kukudzidzisa mabatsiriro aungaita kuipedza nemvura mhenyu yeMuponesi.” (Teaching in the Savior’s Way., 13).
Muporofita Isaya 58:13–14
Kukudza Ishe paSabata kunounza mufaro.
Musi weSabata “mufaro” kwauri here? Apo paunonzvera Muporofita Isaya 58:13–14, funga pamusoro pemakwanisiro aungaita kuwana mufaro wakawedzerwa muzuva raIshe. Somuenzaniso, zvingarevei kufuratira “kubva pakuita zvinokufadza pazuva [Ravo] dzvene”? Ndeupi musiyano uripo pakati “[pekuzvifadza] muna Ishe” “nekuita nzira dzako”?
Onawo Russell M. Nelson, “The Sabbath Is a Delight,” Liahona, Chivabvu 2015, 129–32.
Muporofita Isaya 59:9–21; 61:1–3; 63:1–9
Jesu Kristu ndiye Muponesi neMununuri wangu.
Muporofita Isaya 58–66 dzine kurehwa kwakawanda kwebasa rorudzikinuro raJesu Kristu. Kutsvake apo paunonzvera. Kunyanya, cherechedza mazita uye mashoko akashandiswa kutsanangura Muponesi. Somuenzaniso:
-
Chii chinokufadza pamusoro petsananguro “yemurevereri” muna Muporofita Isaya 59:16–21? Muponesi anokunda sei mamiriro ezvinhu akatsanangurwa mundima 9–15?
-
Apo Jesu Kristu paakazivisa kuvanhu veNazareta kuti ndiye Mesiasi, Akatapa kubva kuna Muporofita Isaya 61:1–3 (ona Ruka 4:16–21; onawo vhidhiyo inonzi “Jesus Declares He Is the Messiah,” Gospel Library). Jesu Kristu akakuropafadza sei iwe nevamwe nemunzira dzakatsanangurwa mundima idzi? Akakupa sei runako panzvimbo yemadota?
3:24Jesus Declares He Is the Messiah
-
Ndedzipi “tsitsi dzorudo dzaIshe” dzaunokwanisa “kutaura” nezvadzo? (ona Muporofita Isaya 63:7–9).
-
Ndokupi kumwe kurehwa kweMuponesi kwaunowana muna Muporofita Isaya 58–66?
Onawo Mosaya 3:7; Dzidziso neZvibvumirano 133:46–53.
A Gift of Light, [Chipo cheChiedza], naEva Timothy
Muporofita Isaya 60; 62
“Ishe vachava kwauri chiedza chisingaperi.”
Muporofita Isaya 60 uye 62 dzinotaura nezvechiedza nerima, maziso nekuona, kuitira kudzidzisa pamusoro pemaropafadziro anozoita vhangeri raJesu Kristu nyika mumazuva ekupedzisira. Tsvaka pfungwa idzi muna Muporofita Isaya 60:1–5, 19–20; 62:1–2. Apo paunenge uchiverenga zvitsauko izvi, fungisisa kuti Mwari vari kuunganidza sei vana Vavo kubva murima kuenda kuchiedza Chavo. Chikamu chako ndechei pabasa iri?
Onawo 1 Nifai 22:3–12; 3 Nifai 18:24; Dzidziso neZvibvumirano 14:9; Bonnie H. Cordon, “That They May See,” Liahona, Chivabvu 2020, 78–80.
Muporofita Isaya 64:1–5; 65:17–25; 66
Kristu anozotonga panyika munguva yeMereniamu.
Isaya akataura nezve zuva apo “matambudziko okutanga paachakanganwikwa” (Muporofita Isaya 65:16). Kunyangwe huporofita uhwu hwuine kuzadzikiswa kwakati wandei, mumanzwisisirwo ahwo akazara, zuva iroro richiri kuuya—apo Jesu Kristu paanozodzoka. Isaya akatsanangura zuva ramagwana iri muna Muporofita Isaya 64:1–5; 65:17–25; 66. Cherechedza kuti akashandisa kakawanda zvakadii mashoko akaita seanoti “fara” uye “kufara.” Sei kudzoka kweMuponesi kuchizova zuva rokufara kwauri. Chii chaungaita kugadzirira kuuya Kwake?
Onawo Misimboti yeChitendero 1:10; Russell M. Nelson, “The Future of the Church: Preparing the World for the Savior’s Second Coming,” Ensign, Kubvumbi 2020, 13–17.
Mazano eKudzidzisa Vana
Muporofita Isaya 58:6–11
Kutsanya kunondiropafadza ini uye navamwe vanoshaiwa.
-
Pamwe nzira yakanakisisa yokukurudzira vana vako kuti vatsanye—apo pavanenge vagadzirira—ndeye kuvabatsira kunzwisisa zvinangwa zvaIshe zvemutemo uyu. Funga pamusoro pekuverenga pamwechete Muporofita Isaya 58:6–11 kuti muwane mhinduro kumibvunzo iyi: Sei tichitsanya? Tinotsanya sei? Unokwanisawo kutsvaka muna “Tsanya, Kutsanya” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.
-
Kana wakambova nechiitiko chakakosha nekutsanya, chigoverane nevana vako. Unokwanisawo kuvabvunza kuti vanozotsanangura sei kushamwari chikonzero chekuti sei Ishe vakatipa mutemo uyu.
Muporofita Isaya 58:13–14
Sabata rinokwanisa kuva mufaro kwandiri.
-
Mushure mokuverenga Muporofita Isaya 58:13–14, unokwanisa kunongedzera kumazuva evhiki pakarenda uye wokoka vana vako kuti vataure mazuva acho newe. Apo paunosvika pazuva reSabata, vakumbire kuti vadaidze zuva iroro kuti “mufaro.” Vataurire kuti sei zuva reSabata riri mufaro kwauri.
-
Goveranai dzimwe nzira dzamunokwanisa “kuzvifadza muna Ishe” paSabata. Pamwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mazano avo uye voaisa “mubhokisi remufaro weSabata.” Zvino, apo pavanenge vachida mazano pamusoro pezvinhu zvekuita paSabata, vanokwanisa kutora zano kubva mubhokisi racho.
Our Light [Chiedza Chedu], naDan Wilson
Muporofita Isaya 60:1–3
Muponesi akaita sechiedza kwandiri.
-
Unokwanisa kukoka vana vako kuti vavhare maziso avo apo paunoverenga Muporofita Isaya 60:1–3. Vakumbire kuti vavhure maziso avo apo pavanonzwa shoko rokuti “chiedza” uye vaavhare zvakare apo pavanonzwa shoko rokuti “rima.” Tsanangura kuti Jesu Kristu nevhangeri Rake vakaita sechiedza chinotibatsira kuona nzira yedu yekudzokera kuna Baba Vokudenga.
Muporofita Isaya 65:17–25
Apo Jesu paanouya zvakare, Anozounza runyararo nemufaro.
-
Muporofita Isaya 65:17–25 anotsanangura izvo nyika zvainozova yakaita apo Muponesi paanouya zvakare. Apo paunoverenga ndima idzi nevana vako, vabatsire kutsvaka masiyanirano achange akaita upenyu “munyika itsva” yakatsanangurwa naIsaya. Sei iyi ichizova nguva “yokufara nokufarisisa nokusingaperi”? (ndima 18).
-
Munokwanisawo kuimba pamwechete rumbo rwuri pamusoro poKuuya kweChipiri, rwakaita serwokuti “When He Comes Again” (Gospel Library). Goveranai izvo zvamurikutarisira kwazviri pamusoro pokudzoka kweMuponesi. Chii chatinokwanisa kuita kugadzirira chiitiko chinemufaro ichi?