Huyai, Munditevere
Gumiguru 5–11. “Wakatakura Matenda Edu, noKusimudza Kurwadziwa Kwedu”: Muporofita Isaya 50–57


“Gumiguru 5–11. ‘Wakatakura Matenda Edu, noKusimudza Kurwadziwa Kwedu’: Muporofita Isaya 50–57,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Gumiguru 5–11. ‘Wakatakura Matenda Edu, noKusimudza Kurwadziwa Kwedu,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jesu akapfeka korona yeminzwa

The Mocking of Christ [Kunyombwa kwaKristu], naCarl Heinrich Bloch

Gumiguru 5–11: “Wakatakura Matenda Edu, noKusimudza Kurwadziwa Kwedu”

Muporofita Isaya 50–57

Nemuhushumiri hwake hwose, Isaya akataura nezve musununguri ane simba. Huporofita uhwu hwaizova hwakanyanya kukosha kuvaIsraeri mazana emakore pashure apo pavaiva vari muutapwa muBabironi. Mumwe munhu aikwanisa kuputsa masvingo eBabironi aizova mukundi ane simba zvechokwadi. Asi urwu harusi irwo rudzi rwaMesiasi akatsanangurwa naIsaya muzvitsauko 52–53: “Wakazvidzwa nokurashwa navanhu; munhu wokurwadziwa, wakaziva urwere: unovanzirwa navanhu zviso zvavo. … Takati wakatambudzwa, wakarohwa naMwari, nokumanikidzwa” (Muporofita Isaya 53:3–4).

Nokutumira musununguri asingatarisirwi akadaro, Mwari vakatidzidzisa pamusoro perusununguro rwechokwadi. Kutiponesa kubva paudzvinyiriri nedambudzo, Mwari vakatuma Iye uyo Pachezvake “akadzvinyirirwa, uye … akatambudzwa.” Apo vamwe pavaitarisira shumba, Vakatumira gwayana (ona Muporofita Isaya 53:7). Zvirokwazvo, nzira dzaMwari hadzisi nzira dzedu (ona Muporofita Isaya 55:8–9). Jesu Kristu anotisunungura kwete chete nokungozarura tirongo asi nokutora nzvimbo yedu imomo. Anotisunungura kubva mungetani dzedu dzemarwadzo nerusuwo kuburikidza nekuzvitakura Iye Pachake (ona Muporofita Isaya 53:4–5,12). Haatiponesi ari kure. Anotambura nesu, muzviito “zvenyasha dzisingaperi” idzo “dzisingabvi kwauri” (Muporofita Isaya 54:8,10).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Muporofita Isaya 50–52

Ramangwana rakajeka kuvanhu vaIshe.

Kunyangwe zvazvo vaIsraeri vakapedza makore mazhinji vari muutapwa—uye kunyangwe zvazvo utapwa ihwohwo hwaiva mhedzisiro yesarudzo dzavo pachavo dzakaipa—Ishe vaida kuti vatarise kune ramangwana netariro. Chii chaunowana mushoko raIsaya chinokupa tariro? Chati yakaita seino iyi ingangokubatsira kunzvera:

Izvo zvandinodzidza pamusoro paMwari (ona somuenzaniso, Muporofita Isaya 50:2, 5–9; 51:3–8, 15–16; 52:3, 9–10)

Mashoko etariro (ona, somuenzaniso, Muporofita Isaya 50:9; 51:3–5, 11–12, 22–23; 52:9–10)

Izvo zvandinokwanisa kuita kuitira kuti tariro ive chokwadi (ona, somuenzaniso, Muporofita Isaya 50:10; 51:1–2, 6–9; 52:1–3, 9–11)

Onawo Mosaya 12:20–24; 15:13–18; 3 Nifai 20:29–46; Dzidziso neZvibvumirano 113:7–10; Russell M. Nelson, “Embrace the Future with Faith,” Liahona, Mbudzi. 2020, 73–76.

Jesu akatakura muchinjikwa

Because of Love [Nokuda kweRudo], naAngela Johnson

Batsira vadzidzi kuuya kuna Jesu Kristu Hapana chaungaita somudzidzisi chinozonyanya kuropafadza vadzidzi kupfuura kuvabatsira kuziva Baba Vokudenga naJesu Kristu uye nokunzwa rudo Rwavo (Teaching in the Savior’s Way8). Apo paunogadzirira kudzidzisa Muporofita Isaya 50–57 kuna vamwe, funga pamusoro pemabatsiriro aungavaita kuona kuenderana kuri pakati pezvinetso zvavaIsraeri, huporofita hwaIsaya hwaKristu, nekugamuchira rubatsiro rwehumwari rwezvinetso zvavo pachavo.

Muporofita Isaya 53

mufananidzo weseminari
Jesu Kristu akatora paAri zvivi zvangu nerusuwo rwangu.

Zvitsauko zvishoma chete mumagwaro matsvene zvinotsanangura basa rerudzikinuro raJesu Kristu zvakanakisisa kupfuura Muporofita Isaya 53. Funga pamusoro pezviitwa zvakaita seizvi kuti unzwisise uye ushandise zvirinani dzidziso dzine simba idzi:

  • Fungisisa kana kurukura kuti nyaya nemafirimu kazhinji zvinoratidza sei magamba anonunura vanhu. Enzanisa maratidzirwo iwayo netsananguro dzeMuponesi muna Muporofita Isaya 53.

  • Mushure mokuverenga ndima yoga yoga, mira ufungisise izvo Muponesi zvaakatambura—“marwadzo,” “rusuwo,” uye “zvitadzo” zvaAkatakurira—vanhu vose uye kunyanya iwe. Ungangotsiva mashoko akaita seanoti “isu” uye “edu” neayo anoti “ini” uye “angu” apo paunoverenga. Manzwiro api kana kuti ipfungwa dzipi dzinokurudzirwa mauri nendima idzi?

  • Funga pamusoro pekuona vhidhiyo inonzi “My Kingdom Is Not of This World” (Gospel Library), uye wofungisisa kuti huporofita hwuri muna Muporofita Isaya 53 hwakazadzikiswa sei. Ndeapi mamwe emarwadzo nerusuwo izvo Muponesi zvaanotitakurira?

    5:25

    My Kingdom Is Not of This World

  • Wana mifananidzo yezviitiko zviri maererano neRudzikinuro rwaJesu Kristu (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 56–60). Unokwanisa zvino kuwana ndevo dziri muna Muporofita Isaya 53 dzinotsanangura zviitiko zvacho zviri mumifananidzo. Dzidziso idzi dzinokukurudzira kuita chii?

­

Muporofita Isaya 54; 57:15–19

Jesu Kristu anoda kuti ndidzokere kwaAri.

Tose tine nguva apo patinonzwa tiri kure naIshe nokuda kwezvivi kana utera hwedu. Vamwe vakatorashikirwa netariro yekuti Anozombovaregerera. Muporofita Isaya 54 uye 57 zvitsauko zvakanakisisa zvekuverenga kuitira rusimbiso nekurudziro panguva dzakadai. Kunyanya muna Muporofita Isaya 54:4–10; 57:15–19, mashoko api anokudzidzisa manzwiro anoita Muponesi pamusoro pako? Musiyano upi wazvinoita muupenyu hwako kuziva zvinhu izvi pamusoro Pake?

Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Hazvina mhosva kuti upenyu hwedu hungangoratidzika sehwakaparadzwa zvachose zvakadii. Hazvina mhosva kuti zvivi zvedu zvakatsvuka sei, kuti kutsamwa kwedu kwakadzama sei, kuti mwoyo yedu yakasurukirwa, yakasiiwa yoga kana kuti yakatyorwa zvakadii. Kunyangwe avo vasina tariro, vanogara mukuora mwoyo, vakatyora vimbo, vakasiya kutendeka kwavo, kana vakafuratira Mwari vanokwanisa kuvakwa zvakare. …

Nhau dzinofadza dzevhangeri ndeidzi: nokuda kwechirongwa chemufaro chokusingaperi chakapuwa naBaba vedu Vokudenga vane rudo uye kuburikidza nekuzvipira kusina mugumo kwaJesu Kristu, hatikwanisi chete kununurwa kubva mumamiriro edu ekuputsika uye tichidzorerwa kuururami, asi tinokwanisawo kudarika fungidziro dzevanhu venyama uye tova vagari venhaka yeupenyu hwokusingaperi uye vadyi vokubwinya kwaMwari kusingatsanangurike” (“He Will Place You on His Shoulders and Carry You Home,” Liahona, Chivabvu 2016, 102).

Onawo Patrick Kearon, “God’s Intent Is to Bring You Home,” Liahona, Chivabvu 2024, 87–89.

Muporofita Isaya 55–56

Ishe vanokoka vose kuti “batisisai chibvumirano changu.”

Kwezvizvarwa zvakawanda, vaIsraeri vakanga vachizivikanwa sevanhu vechibvumirano vaMwari. Zvisinei, chirongwa chaMwari chakagara chichisanganisira vanhu vanopfuura rudzi rumwechete, nokuti “wose unenyota” anokokwa “kuuya … kumvura” (Muporofita Isaya 55:1). Chengeta izvi mupfungwa apo paunoverenga Muporofita Isaya 55 uye 56, uye wofungisisa zvazvinoreva kuva vanhu vaMwari. Nderipi shoko raMwari kune avo vanonzwa “kuparadzaniswa zvachose” kubva kwaVari?? (Muporofita Isaya 56:3). Funga pamusoro pekumaka ndima dzinotsanangura mafungiro nezviito zveavo “vanobatisisa chibvumirano changu” (ona Muporofita Isaya 56:4–7).

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Muporofita Isaya 51–52

Ishe vanondikoka kuti “ndizvifukidze nesimba [rangu].”

  • Zvingangova zvinonakidza kuti vana vako vawane ndevo dzakaita sedzekuti “muka,” “simuka,” uye “zvifukidze nesimba rako” muna Muporofita Isaya 51:9, 17; 52:1–2, 9 uye zvino voita mitambo yendevo idzodzo. Mushure mokuita izvozvo, munokwanisa kutaura pamusoro pezvazvinoreva kumuka, kusimuka uye kufuka simba pane zvepamweya. Chii chatiri kukumbirwa naIshe kuti tiite mundima idzi?

  • Vana vako vanokwanisawo kuverenga Muporofita Isaya 51:1, 4, 7 uye vodoma uyo Ishe wavari kutaura kwaari uye izvo zvaVanoda kuti vaite. Zvinorevei “kuterera kuna” Ishe? Tinokwanisa kuratidza Ishe sei kuti “tinoterera” kwaVari?

Muporofita Isaya 53:3–9

Jesu Kristu akatora paAri zvivi zvangu nerusuwo rwangu.

  • Iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamifananidzo yakati wandei inoratidza kutambura uye rufu rwaJesu Kristu (ona, semuenzaniso, Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 56, 5758). Zvino munokwanisa kuverenga pamwechete Muporofita Isaya 53:3–6, 9 uye motsvaka mashoko anotsanangura izvo zviri kuitika mumifananidzo yacho. Batsira vana vako kunzwisisa kuti Isaya akagovera zvokwadi izvi mazana emakore zvisati zvaitika. Sei zvingava zvakakosha kuti vanhu vazive zvinhu izvi makore mazhinji kudaro zvisati zvaitika? (ona Aruma 39:15–19).

  • Mushure mokuverenga kubva muna Muporofita Isaya 53:4, panoti “Wakatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu” vana vako vanokwanisa kuedza kusimudza chinhu chinorema (kana kunyepedzera kusimudza chimwe). Taura pamusoro pekuti “marwadzo” uye “rusuwo” kana rusuruvaro zvinokwanisa kunzwika sezvinorema uye zvakaoma kutakura. Sei Jesu akatakura “marwadzo,” “rusuwo,” uye “zvitema” kana zvivi zvedu? (onawo Aruma 7:11–12).

Jesu Kristu aine vana

Muporofita Isaya 55:6

Ndinokwanisa kutsvaka Ishe uye ndodaidza kwaVari.

  • Kuti udzidzise vana vako pamusoro paMuporofita Isaya 55:6, unokwanisa kuviga mufananidzo waJesu pane imwe nzvimbo mumupanda. Unokwanisa kukoka vana vako kuti vawane mufananidzo wacho uye vodoma nzira imwechete yavanokwanisa nayo “kutsvaka … Ishe achiri kuwanikwa.” ­ ­

Muporofita Isaya 55:8–9

Nzira dzaIshe dzakakwirira pane dzangu.

  • Mushure mokuverenga Muporofita Isaya 55:9, zvingava zvinonakidza kuti vana vako vamire pachituru uye vataure pamusoro pekuratidzika kunoita zvinhu zvakasiyana apo paunenge uri “pakakwirira.” Kana kuti vanokwanisa kudhirowa mufananidzo weizvo zvinoreva Muporofita Isaya 55:9 kwavari. Munokwanisa zvino kukurukura dzimwe nzira dzaIshe dzakakwirira kupfuura nzira dzedu. Somuenzaniso, ndeipi nzira Yavo yekubata nayo vatadzi? (ona Marko 2:15–17). Ndeipi nzira Yavo yekutungamirira nayo vamwe? (ona Mateo 20:25–28). Goverana nevana vako madzidziro awakaita kuvimba nenzira uye pfungwa dzakakwirira dzaIshe.

­

mufananidzo waJesu Kristu

His Light [Chiedza Chake], naMichael Malm

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinokwanisa kutsvaka Ishe uye ndigodaidza kwaVari