Huyai, Munditevere
Gunyana 7–13. “Acharuramisa Makwara Ako”: Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12


“Gunyana 7–13. ‘Acharuramisa Makwara Ako’: Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Testamente Yekare 2026 (2026)

“Gunyana 7–13. ‘Acharuramisa Makwara Ako,’” Huyai, Munditevere: Testamente Yekare 2026

Jesu aine vana

Jesus with Children [Jesu aine vana], naDilleen Marsh

Gunyana 7–13: “Acharuramisa Makwara Ako”

Zvirevo 1–4; 15–16; 22; 31; Muparidzi 1–3; 11–12

Unogona kufunga nezve bhuku raZvirevo semuunganidzwa werairo ine uchenjeri kubva kuvabereki vane rudo (ona Zvirevo 1:8). Shoko rayo guru nderokuti kana ukatsvaka uchenjeri—kunyanya uchenjeri hwaMwari—upenyu hwunozofamba zvakanaka. Asi Zvirevo rinoteverwa nebhuku raMuparidzi, iro rinoratidzika serinotaura kuti, “Hazvisi zviri nyore kudaro.” Muparidzi akatapwa muna Muparidzi akacherechedza kuti “akarwadziwa mwoyo [wake] kuti azive uchenjeri ” asi akangowana “kudzingana nemhepo” uye “kuchema kuzhinji” (Muparidzi 1:17–18). Munzira dzakasiyana-siyana, bhuku racho rinobvunza kuti, “Panogona kuva nerevo chaiyo here munyika umo zvinhu zvese mazvinotaridzika sezvisina maturo, zvenguva pfupi, uye zvisina chokwadi?”

Uye kunyangwe zvakadaro, apo mabhuku maviri aya paanotarisa paupenyu kubva mumaonero akasiyana, anodzidzisa zvokwadi zvakafanana. Muparidzi rinozivisa kuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa heri: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 12:13). Uyu ndiwo musimboti mumwechetewo unowanikwa nemuna Zvirevo mose wokuti: “Vimba naIshe nomwoyo wako wose” (Zvirevo 3:5; onawo ndima 7). Upenyu hwuri nani nguva dzose—kana hwusiri hwakarurama nguva dzose—apo patinovimba nekutevera Ishe Jesu Kristu.

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aya, ona “Zvirevo” uye “Muparidzi” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Zvirevo 1–4; 15–16; Muparidzi 1–3; 11–12

“Urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri.”

Mabhuku aZvirevo naMuparidzi akazara nenzwisiso pamusoro peuchenjeri. Funga pamusoro pekumaka shoko rinoti “uchenjeri ” uye nemamwe mashoko anoenderana naro, seanoti “ruzivo” uye “kunzwisisa,” apo paunoawana muna Zvirevo 1–4; 15–16; Muparidzi 1–3; 11–12. Ndima idzi dzinoshandura sei mafungiro aunoita pamusoro peuchenjeri? Kubva pane izvo zvaunowana, ungazotsanangura sei uchenjeri uhwo “Ishe hwavanopa”? (Zvirevo 2:6). Maropafadzo api anouya kubva pauchenjeri hwaMwari?

Onawo Mateo 7:24–27; 25:1–13.

Batsira vadzidzi kugovera zvavari kudzidza. “Ipa vadzidzi mikana yekugoverana zvavari kudzidza pamusoro peMuponesi nevhangeri Rake. Kuita izvi kunozovabatsira kuisa mumwoyo zvokwadi zvavanodzidziswa uye kuzvitaura. Zvinozovabatsirawo kuwana chivimbo mukwaniso yavo yekugovera zvokwadi mune mamwe mamiriro ezvinhu” (Teaching in the Savior’s Way26). Somuenzaniso, unokwanisa kukoka vadzidzi kuti vanyore pasi mamwe majerero kubva muna Zvirevo kana Muparidzi avakawana nzwisiso pamusoro peuchenjeri hwaMwari. Zvino wokoka vadzidzi kuti vataure pamusoro pezvavakadzidza.

Zvirevo 1:7; 2:5; 3:7; 15:33; 16:6; 31:30; Muparidzi 12:13

“Usazviti wakachenjera; Itya Ishe.”

Rimwe dindingira rinowanikwa nemuna Zvirevo uye nemuna Muparidzi mose nderekuti “kutya Ishe.” Tsvaka ndevo iyi apo paunoverenga. Unonzwa kuti zvinorevei kutya Ishe? Tsvaka nzwisiso mushoko raGosa David A. Bednar rinoti “Therefore They Hushed Their Fears” (Liahona, Chivabvu 2015, 46–49). Kutya Ishe kwakasiyana sei nemamwe marudzi ekutya?

Onawo Zvirevo 8:13.

Zvirevo 3:5–74

mufananidzo weseminari
“Vimba naIshe nomwoyo wako wose.”

Ungazoedza sei kunyengetedza mumwe munhu kuziva kuti zvirinani “kuvimba naIshe” pane “kusendama … panjere [dzedu] pachedu”? (Zvirevo 2:6). Ndedzipi enzaniso kana zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatwa zvaungashandisa? Apo paunofungisisa Zvirevo 3:5–7, funga nezve nzira dzaungapedzisa nadzo mitsetse yakaita seiyi: Kuvimba naIshe kwakafanana … Kusendama pakunzwisisa kwedu pachedu kwakafanana …

Sei zvisina uchenjeri kusendama pakunzwisisa kwedu pachedu? Wakaziva sei kuti Ishe vakavimbika?

Kunyangwe zvakadaro, tingangozviwana zvakaoma kuvimba naIshe dzimwe nguva. Sei zvakadaro? Gosa Gerrit W. Gong vanopa zvimwe zvikonzero, pamwepo nerairo inobatsira, mushoko rinoti “Trust Again” (Liahona, Mbudzi 2021, 97–99). Ndedzipi nyaya kana dzidziso dzaunowana mushoko rino dzingangobatsira mumwe munhu kudzorera ruvimbo rwake muna Ishe?

Zvose Zvirevo 3:6 uye Zvirevo 4 zvinoenzanisa upenyu “negwara” kana kuti “nzira.” Unofunga kuti zvinorevei kubvumira Ishe kuti “varuramise makwara [ako]”? (Zvirevo 2:6). Chii chaunowana muchitsauko 4 chinokubatsira “kugadzirira gwara retsoka [dzako]”(ndima 26). Somuenzaniso, ndima 11–12 uye 18–19 dzinodzidzisa chii pamusoro pemaropafadzo ekutevera gwara kwaro? Ndima 26–27 dzinorevei kwauri?

Onawo 2 Nifai 31:18–21; “Lord, I Would Follow Thee,” Hymns, nhamba 220.

Zvirevo 15; 16:24–32

“Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.”

Dzimwe dzepfungwa dziri muna Zvirevo 15–16 dzinogona kukukurudzira kuti unatsurudze nzira yematauriro aunoita nevamwe, kunyanya navadikani. Somuenzaniso, funga pamusoro pedzimwe nguva chaidzo apo “mhinduro nyoro” payakabatsira “[kudzora] kutsamwa” (Zvirevo 15:1).

Ungangofungawo nezvenguva apo Muponesi paakaratidza muenzaniso wedzidziso dziri muna Zvirevo 15:1–4, 18 (ona Marko 12:13–17; Johane 8:1–11). Ungakwanisa sei kutevera muenzaniso Wake apo paunotaurirana nevamwe?

Rairo iri muna Zvirevo 15; 16:24–32 ingashanda sei kunhaurirano dzepaindaneti dzanhasi? Ona kana uchikwanisa kuwana ndima muzvitsauko izvi yaunokwanisa kuisa mune mamwe mashoko sezano pamusoro pekutaurirana panhepfenuro dzepaindaneti kana kuburikidza nemashoko ekutumirana panharembozha.

Onawo Neil L. Andersen, “Following Jesus: Being a Peacemaker,” Liahona, Chivabvu 2022, 17–20; Ronald A. Rasband, “Words Matter,” Liahona, Chivabvu 2024, 70-77; For the Strength of Youth: A Guide for Making Choices (2022), 11–12.

mudzimai neshiri dzinogara pedyo negungwa

Who Can Find a Virtuous Woman? [Ndiani Anokwanisa Kuwana Mudzimai Ane Hunhu Hwakanaka?] II, naLouise Parker

Zvirevo 31:10–31

“Mukadzi anotya Ishe, ndiye anofanira kurumbidzwa.”

Zvirevo 31:10–31 inotsanangura “mukadzi unoita zvakanaka,” kana kuti mukadzi anesimba, kwaniso uye neshanduro huru panezvemweya. Unogona kuedza kupfupisa mumashoko ako pachako zvinotaurwa neimwe neimwe yendima idzi pamusoro pemukadzi ane hunhu hwakanaka. Ndehupi hwehunhu uhwu hwaungakwanisa kutevedzera?

Muparidzi 1–312

Upenyu hwepanyika ndehwe chinguva chiduku.

Sei zvakakosha kuti urangarire kuti zvakawanda munyika ino, sekutaura kunoita Muparidzi 1–2 “hazvina maturo” (kana kuti ndezve chinguva chiduku uye kazhinji hazvina kukosha)? Chii chaunowana muna Muparidzi 12 chinopa upenyu kukosha kwokusingaperi?

­

mufananidzo wechikamu chevana

Mazano eKudzidzisa Vana

Zvirevo 1:7; 2:5; 15:33; 16:6; Muparidzi 12:13

“Kutya Mwari” kunoreva kuVada nokuVateerera.

  • Kubatsira vana vako kunzwisisa ndima dziri pamusoro pekutya Mwari, unokwanisa kutsivanisa shoko rekuti “kutya” nemashoko akaita seekuti ruremekedzo, rudo, kana kuteerera (onawo VaHeberu 12:28). Izvi zvinoshandura sei nzira yatinofunga nayo pamusoro pendima idzi? Tinoratidza sei kuti tinotya Ishe?

Zvirevo 3:5–7

Ndinokwanisa kuvimba muna Ishe nemwoyo wangu wose.

  • Iwe nevana vako munokwanisa kuita zviito zvinoenderana naZvirevo 3:5–7, zvakaita sokuita shepu yemwoyo nemaoko enyu, kusendamira kudivi rimwechete, kufamba munzvimbo, uye kunongedzera kumaziso enyu. Tingaratidza sei kuti tinovimba naJesu Kristu nemwoyo yedu yose?

  • Kuti uratidze izvo zvinoreva “kurega kusendama panjere dzako” (Zvirevo 3:5), funga pamusoro pekukoka vana vako kuti vasendamire pane chimwe chinhu chakasimba uye chisingazungunuki, chakaita semadziro. Zvino vanokanisa kuedza kusendamira pane chimwe chinhu chisina kusimba, chakaita semutsvairo. Kana kuti vanokwanisa kuedza kusendamisa chitanda kana penzura pazvinhu zvine simba rakasiyana-siyana, zvakaita sebhuku kana bepa. Sei zvakakosha “kuvimba naMwari” (ndima 5) kwete “panjere dzedu”?

mudzimai ari mukufungisisa aine ruva

Learning to Trust the Lord [Kudzidza Kuvimba naIshe], naKathleen Peterson

Zvirevo 15:1, 18

Ndinokwanisa kushandisa mashoko ane tsitsi.

  • Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kufunga nezve mamwe mamiriro ezvinhu apo iwe kana ivo pamungangonzwa kushatirwa. Verengai Zvirevo 15:1 pamwechete, uye wobatsira vana vako kushandisa ndima iyi kumamiriro ezvinhu avafunga nezvawo. Pamwe vanokwanisa kudzidzira dzimwe “mhinduro nyoro.” Rumbo rwuri pamusoro petsitsi, rwakaita serwokuti “Tsitsi Dzinotanga Neni” (Nziyo neDzevana Vadiki, 123), runokwanisa kusimbisa musimboti uyu.

  • Kuti udzidze zvazvinoreva kuva “nomwoyo murefu” (Zvirevo 15:18), iwe nevana vako munokwanisa kugoverana nguva apo iwe (kana mumwe munhu waunoziva) pamakatsamwa asi mukasarudza kuva netsitsi. Batsira vana vako kufunga nezve zvinhu zvatinokwanisa kukurumidza kuita kana tiri “tinodzora kutsamwa.” Somuenzaniso, tinokwanisa kukurumidza kufunga pamusoro paJesu, kukumbira rubatsiro kuna Baba Vokudenga, kufunga nezve rumbo rwePuraimari, kana kuti, kana zvichikwanisika, kubva panzvimbo pacho.

­

Jesu achitungamirira makwai maviri

“Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:6). He Leadeth Me, [Anonditungamirira], naYongsung Kim. Mufananidzo wakashandiswa nemvumo yehavenlight.com

Peji yechiitwa chePuraimari: Ndinokwanisa kushandisa mashoko ane tsitsi