“Ishe Vanotaura kunaEria,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Ishe Vanotaura kunaEria,” Nyaya dzeTestamente Yekare
1 Madzimambo 19
Ishe Vanotaura kuna Eria
Kuteerera kuinzwi raIshe
Mambo Ahabi akaudza Mambokadzi Izeberi kuti Ishe vakakunda vapirisita vaBaari. Izeberi akashatirwa uye akati aizouraya muporofita Eria.
1 Madzimambo 19:1–2
Kuti agare akadzivirirwa, Eria akabva munyika yeIsraeri. Akafamba kwemazuva makumi mana nousiku makumi mana, achitsanya apo paienda. Zvino akasvika paGomo reSinai uye akawana bako rekuvanda mariri. Ishe vakataurira Eria kuti aende pamusoro pegomo kuitira kuti Vagozokwanisa kutaura naEria.
1 Madzimambo 19:3 8–11
Mhepo inesimba yakauya uye ikapwanya matombo aiva akakomberedza bako kuita zvidimbu zvidimbu. Mushure maizvozvo, kudengenyeka kwenyika kwakazungunutsa pasi. Zvino moto wakatanga. Eria akanzwa ruzha rukuru rwemhepo, rwekudengenyeka, uye rwemoto. Asi inzwi raIshe raiva risiri muruzha rukuru irworwo.
1 Madzimambo 19:11–12
Zvino Eria akanzwa inzwi rakaderera, rakapfava, diki. Akaziva kuti vaiva Ishe. Ishe vakabvunza Eria zvaakanga achiita ipapo.
1 Madzimambo 19:12–13
Eria akati aiva akavanda kuti azvidzivirire. Vaporofita vose vakanga vauraiwa, uye vanhu vakanga varamba Ishe.
1 Madzimambo 19:14
Ishe vakanyaradza Eria uye vakamuudza kuti kwaiva kuine vaIsraeri vakawanda vakanga vachiri kunamata Ishe. Ishe vakakumbira Eria kuti adzokere kumba uye agadzirire mumwe muporofita. Zita remuporofita mutsva raiva Erisha.
1 Madzimambo 19:15–18