“Mosesi neNyoka yeNdarira,” Nyaya dzeTestamente Yekare (2022)
“Mosesi neNyoka yeNdarira,” Nyaya dzeTestamente Yekare
Numeri 21
Mosesi neNyoka yeNdarira
Kudzidza kuva nerutendo muna Ishe
Apo vaIsraeri pavaifamba murenje, kazhinji vaikanganwa Ishe uye vonyunyuta. Ishe vakatumira nyoka kuvabatsira kuti vazvininipise uye kuti vaVarangarire. Nyoka dzakaruma vanhu, uye vakawanda vavanhu vakafa.
Numeri 21:1–6
Nenguva diki vanhu vakatendeuka. Vakakumbira Mosesi kuti anamate kuti Ishe vazoita kuti nyoka dzibve. Ishe havana kubvisa nyoka. Asi Vakaita nzira yokuti vanhu vaponeswe kana vachinge varumwa.
Numeri 21:7
Ishe vakaudza Mosesi kuti agadzire nyoka yendarira uye kuti aiturike padanda. Apo vanhu pavainge varumwa uye vakatarisa panyoka yendarira, Ishe vaivaponesa. Ishe vakabatsira vaIsraeri kuti vazvininipise uye vavimbe maVari.
Numeri 21:8–9; 1 Nifai 17:41; Hiramani 8:14–15